RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g94 1/8 pp. 12-28
  • Chinzwano Chinoshamisa Nyika

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chinzwano Chinoshamisa Nyika
  • Mukai!—1994
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • MuMoscow neKiev
  • Mawanirwe Echinzwano
  • Vaoni Vakashamiswa
  • Mapfundo Makuru eKokorodzano
  • Kunoita Musianoi?
  • Kokorodzano Chibvumikiso Chouhama Hwedu
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Kokorodzano Yokutanga Yamarudzi Ose yeZvapupu zvaJehovha yeRussia
    Mukai!—1993
  • “Tinosiyaniswa Nomutauro asi Tinobatanidzwa Norudo”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Vanhu vokuRussia Vanokoshesa Rusununguko Rwokunamata
    Mukai!—2000
Ona Zvimwe
Mukai!—1994
g94 1/8 pp. 12-28

Chinzwano Chinoshamisa Nyika

NYIKA yakakatyamadzwa nokuwa kwakamwe kamwe kwechiKomonizimu uye pamisi ichangobva kupfuura iyi zvikuru namasimba masimba edzinza anongoramba achiwedzera. Bva, panguva imwe cheteyo, mamirioni muEastern Europe akashamiswa nomubato wakabatana, unofadza weboka iro rakakurira ruvengo rwedzinza norudzi—Zvapupu zvaJehovha.

Zvapupu zvaJehovha zvakabudirira mukuchengeta kunamata kwakabatana kunyange apo hondo yairwiwa makavapoteredza. Muna 1991, apo boka ramarudzi ose reZvapupu 14 684 rakasangana muZagreb, Croatia, mupurisa akati: “Kwaizova kwakanaka kuratidza chinobudisa nhau zviri kuitika munhandare ino, pano chaipo, apo tinoona vaSerbia, vaCroatia, vaSlovenia, vaMontenegro, uye vamwe vakagara pedyo nomumwe nomumwe murugare.”

Gore rimwe chetero mumwe mutorinhau pakokorodzano muSiberia akaona vaRussia vachimbundira munhu mutsva achangobva kubhapatidzwa wemhuri yeBuryat. Achiziva kuti hushamwari chaihwo pakati pavanhu vakasiana kudaro hahuwanzowanika, akabvunza, kuti: “Makagona sei kukurira izvi zvidziviso zvorudzi?”

Mumadziya ano apfuura kokorodzano 45 dzakaitwa neZvapupu zvaJehovha muEastern Europe neAsia, imwe chete muMoscow uye imwe chete muKiev dzichiva dzamarudzi ose. Pamwe chete vanopfuura 368 000 vakapinda kokorodzano 45—vanopfuura 112 000 muyaichimbova Soviet Union uye vanodokusvika 11 000 mumaguta mana eyaichimbova Yugoslavia.

Pasinei zvapo nokurwa munharaunda dzazvo, zvinenge Zvapupu 215 zvakakwanisa kusvika kukokorodzano muBelgrade, Serbia, August 19 kusvikira ku 22. Yakapindwa ne 3 241. Mutorinhau akati: “Mapoka muSarajevo imene akakwanisa kupinda. Vakahaya bhazi, uye 56 vakauya. Ava vaibva kuLukavica, Pale, Ilidža, naVogošća. Vanhu vashanuwo vakabva kuBenkovac. Rimwe pfundo rakafanirwa nerangariro nderokuti vane 23 vevane 174 avo vakabhapatidzwa pakokorodzano vaibva muidzi nharaunda dzine ngozi.”

MuMoscow neKiev

Pana July 28, 1993, peji rokutanga reThe New York Times rakanga rine mufananidzo muhombe weZvapupu zvaJehovha muMoscow, namashoko anorondedzera anoti: “Kusunungurwa kworudzidziso muRussia kwakaunza chinjo muLocomotive Stadium yeMoscow nokuda kworubhapatidzo rwavazhinji seZvapupu zvaJehovha.”

Times yakashuma, kuti: “Mitezo ine zviso zvakaomerera misodzi yakambundira mitezo mitsva yakabhapatidzwa. Mukupesana nomuitiro wakarovedzeka paLocomotive, hapana munhu anosvuta, hapana munhu anotuka, hapana munhu akadhakwa.” Kwamazuva mana Zvapupu zvinobva Russia uye zvinobva kudzimwe nyika dzinopfuura 30 zvakazadza nhandare nomutoo unozorodza, chiverengero chapamusoro chichiva 23 743.

Kokorodzano yakatokura zvikuru yamarudzi ose yeZvapupu zvaJehovha yakaitwa muKiev, dzimbahwe reUkraine. Pakanga pane chiverengero chapamusoro chavane 64 714 vakaungana muRepublican Stadium, imwe yehurusa muEastern Europe. Peji rapamberi reEvening Kiev rakashuma: “Zvapupu zvaJehovha . . . zvakabatana kwete bedzi kupfurikidza namabheji ebhuruu no‘Kudzidzisa Kwoumwari’ kwakanyorwa paari asi nokutenda kwechokwadi.”

Mawanirwe Echinzwano

Mabvirire anoita chinzwano chakadaro akasanoratidzirwa neChapupu chakura cheUkraine pakokorodzano yeKiev. Chakanongedzera kudenga ndokuti, “Jehovha.” Ipapo, chichitambanudzira maoko acho kuita denderedzwa, chakasimudza munwe mumwe. Shoko racho rakanga rakajeka: ‘Tose tiri vamwe, takabatanidzwa nokudzidzisa kwoumwari kwaJehovha Mwari.’

Nenzira inofadza, Encyclopædia Britannica yakashuma nezveZvapupu zvaJehovha muyaichimbova Soviet Union, ichiratidza chikonzero nei Zvapupu zvakabatana. Yakatsanangura, kuti: “Zvinoziva dzidziso dzazvo [dzakavakirwa paBhaibheri], vaiti vavapuroserite vanodisa uye vanoronga upenyu hwavo hwose mukuwirirana nezvitendero zvavo zvorudzidziso.” Kwakanga kwakakodzera sei, naizvozvo, kuti musoro wekokorodzano dzomuchirimo chino chapfuura dzeZvapupu zvaJehovha wakanga uri “Kudzidzisa Kwoumwari”!

Jesu Kristu, uyo akatsigira kudzidzisa kwoumwari, akanongedzera kunheyo inokosha inobatanidza apo akanyengetera nezvavateveri vake, kuti: “Havazi venyika, seni ndisi wenyika.” Hungu, nzvimbo yokusatora rutivi yeZvapupu zvaJehovha inozvibatanidza, kunyange seizvo Jesu akakumbira apo akanyengetera, kuti: “Kuti vose vave vamwe; semi Baba muri mandiri, neni mamuri; kuti naivo vave matiri.”—Johane 17:16-21.

Chinoitika chenhume inobva kuSpain chinoenzanisira mabatanidzire anoita kusava rutivi rwenyika vanhu vaMwari. Achienda kukokorodzano kuMoscow, akagara pedyo nomumwe murume anobva Afghanistan uyo akatsanangura kuti kunyange vanhu vorudzidziso rumwe chete vakanga vachiurayana muhondo yavagari vemo munyika iyoyo. “Rudzidziso rwako runotsigira bato ripi rezvamatongerwo enyika?” akabvunza ipapo. “Hapana,” yakapindura kudaro. Sezvo Zvapupu zvaJehovha zvisingatori rutivi mune zvamatongerwo enyika, hazvibatanidzwi mukurwa kwedzinza, kunorwisanisa vanhu vamwe navamwe.

Nhume dzakafamba dzichibva muyaichimbova Soviet republic dzakazvionera dzimene matyisire anogona kuita hondo. Chitima chavo chakabatwa pakati pokupfura kwepfuti pakati pavarwi vanoshorana. Dzakafara sei kusvika zvakakotsekana muKiev ndokufarikanya rudo nokubatana pakati pamapoka mazhinji amadzinza amarudzi mazhinji munhandare!

Chiverengero chenhume dzeGermany neRussia zvikurukuru senhume imwe neimwe dzakaonga icho kudzidzisa kwoumwari kwakanga kwaita nokuda kwadzo. Savarume vaduku chizvarwa chakapfuura, vakanga vachiedza kuurayana muHondo yeNyika II. Asi mukokorodzano yeKiev, vakanga vakabatana mukunamata kwechokwadi, sezvinooneka papeji 23.

Vaoni Vakashamiswa

Moscow, guta ravane mamirioni mapfumbamwe, shure rakanga rine banza duku rokuva vakarovedzana neZvapupu zvaJehovha. Chokwadi, vazhinji vakanga vanzwa pamusoro pokutambudzwa nokupinzwa mutorongo kwavo pasi pechiKomonizimu. Uyewo, kusvika muchirimo chegore rapfuura, ungano 18 dzakaumbwa muMoscow uye 13 muKiev kutarisira zviverengero zvinokura zvinopinda misangano yeZvapupu. Asi zvino vanhu vomunzvimbomo vakaona makumi ezviuru zvenhume dzakapfeka mabheji panzvimbo dzekokorodzano uye kupote maguta avo! Vaoni vazhinji vakakatyamadzwa.

Munzveri womwoto weMoscow akati: “Iyi kokorodzano inoorora zvikuru. Kunoshamisa kuti vanhu vakawanda zvakadai vamarudzi akasiana-siana vanogona kuwana mutauro wakarovedzeka. Ndinoshamiswa norucheno nenhevedzano zvavanhu venyu. Ndave ndichishanda panhandare ino kwamakore 20 uye handina kutongoona chimwe chinhu chakafanana nacho.”

Mumwe mutungamiriri wavashanyi akati: “Kazhinji kazhinji apo ndinotungamirira boka, kusabatana kwaro kunova kunoratidzirwa nokukurumidza pavanobva panhandare yendege. Ikoku hakuna kuva kwakadaro nezveZvapupu zvaJehovha.” Mushanyi kukokorodzano muKiev akakuwa, kuti: “Makabatana chaizvoizvo. Musiano wakadini nenzira zvinhu zviri kunze kworusvingo rwenhandare!”

Apo kokorodzano yeMoscow yakavamba paChina, July 22, vashandi vanoverengeka vakamira pamusoro penzvimbo huru yokuvaka iri pedyopo vakaonwa panhambo nenhambo vachimisa basa ravo. Vakanga vaororwa sezviri pachena nokunzwika kwamanzwi anopfuura 23 000 akasimudzwa murwiyo. Vaizodai vakashamiswa kunyange zvakanyanya kudai vakaziva kuti nziyo dzakanga dzichiimbwa mumitauro yakasiana-siana inopfuura gumi nemiviri. Kunyange Zvapupu zviri zvimumumu zvisingagoni kuimba namanzwi azvo “zvakaimba” namaoko azvo kupfurikidza nomutauro wezviratidzo.

Nzvimbo yokuunganira yakanaka mumadekwana yakanga iri Red Square hombe yeMoscow, kunze chaiko kworusvingo rweKremlin. Madekwana kokorodzano isati yavamba (hakuna kusviba kutozosvikira panguva yegumi), mazana akawanda eZvapupu zvinobva mumadzinza namarudzi akasiana-siana zvakanga zviri ipapo zvichimbundirana. Mutorinhau weMoscow Times akamirawo ndokuva nechiringa. “Ndiani wamunomirira?” akabvunza kudaro. Apo akaudzwa, akati: “Handina kutongoona kuvhengana kunofara kwavanhu vakasiana-siana vakawanda kwazvo muRed Square. Kazhinji kazhinji boka rakakura kudaro riri pano kuratidzira kana kuti kuramba chimwe chinhu.”

Vagari vedzose dziri mbiri Moscow neKiev vakaororwa zvamazvirokwazvo nezviuru zvenhume dzakapfeka mabheji dzinokwazisana nokufara, kumbundirana, uye kuedza kukurukurirana nomumwe nomumwe. Muzvinabhizimisi anobva kuIran uyo akanga achishanyira Kiev akasvika Chapupu chinobva kuUnited States ndokuti: “Mune chimwe chinhu chinoshamisa. Ndave ndichikucherechedzai imi vanhu mazuva maviri apfuura. Ndinoda zvimwe zvezvinyorwa zvenyu muchiNgezi zvokurava.” Akatsanangura kuti kana aisazoenda mangwanani aitevera kuIran, aizouya kukokorodzano.

MuMoscow neKiev mose—zvikurukuru pamigwagwa, mumisika, uye pamotokari dzinofamba nomumigwagwa yapasi pevhu—nhume dzekokorodzano dzaisvika vanhu kuvagovera maturakiti eBhaibheri namabhurocha. Madekwana ari ose Zvapupu zvaigona kuonekwa zvakamira pedyo neLenin’s Tomb muRed Square zvichikurukura zvakadzikama nokugovera maturakiti. Goverwo yacho kazhinji kazhinji yakanga yakagadzirirwa kugamuchirwa, kazhinji kazhinji nokunyemwerera kwoushamwari. Kana goverwo yacho yakanga yaitwa pamotokari inofamba nomumigwagwa yapasi pevhu, munhu wacho aiwanzovamba pakarepo kurava. Kwakanga kusiri kwechienzi kuona vanhu vashanu kana kuti vatanhatu mumotokari inofamba nomumigwagwa yapasi pevhu vachirava maturakiti eBhaibheri.

Pashure pokurava shoko racho, mukwiri wezvinofamba nomumigwagwa yapasi pevhu kazhinji aizotaura kuonga. “Hatina kuva nebanza rokudzidza nezvezvinhu zvakadai,” akatsanangura kudaro murume wezera ramakore apakati muchiNgezi chisina kururama. “Ndinokuongai zvikuru.” Muchimwe chinoitika, murume muduku naamai vake vakaororwa kwazvo neshoko zvokuti vakaburuka mumotokari inofamba nomumigwagwa yapasi pevhu pakumira kwenhume yekokorodzano kuti vapfuuridzire kurukurirano yacho.

Kiev yakazadzwa nenhume dzeZvapupu dzinopfuura 50 000 idzo dzakanga dzabva munyika dzinopfuura 30, dzose idzo dzaida pokugara. Zhinjisa dzakagara mumahotera, misha yavanhu, uye zvikoro, asi dzinenge 1 800 dzakagara pamagwa matanhatu. Mutarisiri wemba parimwe ramagwa akasiira tsamba Zvapupu. Iye akati: “Kunoratidzika kwandiri kuti makasiana zvikurusa navamwe vanhu. Mune runako rukuru kwazvo netsinhirano kuti munounza chikomborero. Kungava kuti imi muri vana vaMwari. Ndinofunga pamusoro paikoku nguva dzose.”

Kwakakodzera sei kuti Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvichikwanisa kuita kokorodzano dzavo huru uye kuti vakuru vakuru nomutoo wakafanana navanhu vaigona kuona mavara akaisvonaka kudaro echiKristu nomufambiro zvinorumbidza Mwari! Vakuru vakuru vomunzvimbomo vakashanda neZvapupu vakanga vasina chimwe chinhu kunze kwerumbidzo nokuda kwekurumidzo yazvo, ruremekedzo, uye batira pamwe yakaisvonaka nokutarisirwa kwenhandare namamwe madhipatimendi eguta.

“Nhandare haina kumbocheneswa zvakanaka kudai kwamakore 13,” akadaro mumwe mukuru mukuru muKiev. Mupurisa aivapo akakuwa, kuti: “Vanhu vakadini! Kwakafanana nokuva munyika itsva. Handimbonzwisisi kuti chikonzero nei imi vanhu maitambudzwa.”

Mapfundo Makuru eKokorodzano

Nokuda kweZvapupu muMoscow neKiev, pfundo guru rakanga riri zvichida kuvapo kwezviuru zvenhume dzinobva mune dzimwe nyika zhinji, kubatanidza mitezo yoMutumbi Unodzora weZvapupu zvaJehovha. Mufaro wokungova pamwe chete, vakabatanidzwa mukunamata kune rugare namarudzi akasiana-siana mazhinji kwazvo, wakanga usingarondedzereki. Apo mukurukuri wokugumisa paMoscow napaKiev akataura kuti kuonga kwedu kukuru kunoenda kuna Jehovha Mwari, uyo akabvirisa kokorodzano yacho, vateereri vakasimuka ndokurova maoko kwakapfuurira kwamaminiti anoverengeka kutosvikira mukurukuri apfuudzira hurukuro yake.

Mamwe mapfundo makuru ekokorodzano akanga ari hurukuro dzakapiwa zuva rimwe nerimwe muchiNgezi nemitezo yoMutumbi Unodzora nemishumo mipfupi yakagoverwa nenhume dzakabva munyika dzakasiana-siana. Idzi hurukuro dzechiNgezi panguva imwe chete dzakashandurirwa mumitauro mizhinji. MuKiev, somuenzaniso, mumitauro 16! Nokudaro kupfurikidza nokugara munzvimbo idzodzo dzakagadzirirwa boka romutauro wakati, nhume dzaigona kunzwa rutivi irworwo rwepurogiramu mumutauro wavo vamene.

Zvakare rimwe pfundo guru rekokorodzano raiva kubudiswa muchiRussia nechiUkraine kwebhurocha idzva Chii Chiri Donzo Roupenyu? Zvikurukuru kwakaongwa kwaiva kubudiswa muchiRussia kweBhuku Rinotungamirira reChikoro choUshumiri, riri kushandiswa kushongedza Zvapupu zvaJehovha kupa zvokwadi dzeBhaibheri nomutoo unobudirira zvikuru. Rakabudiswawo muchiRussia raiva Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri, nhau pfupi, dzokuverengwa kwenguva kuri munhevedzano kwenhau dzeBhaibheri dzakanyorerwa zvikurukuru vanhu vaduku. Makopi anopfuura mamirioni 36 eiri bhuku akatotsikirirwa mumitauro inopfuura 80.

Kubhapatidzwa kukuru kwavadzidzi vatsva kwaiva zvechokwadi pfundo guru rekokorodzano. Idi rokuti vazhinji vaavo vakabhapatidzwa vaiva pwere hakuna kusacherechedzwa. Pamusangano navatorinhau muKiev, munyori wenhau akabva kupepanhau reOsvita akabvunza, kuti: “Chinocherechedzwa pakokorodzano yenyu ndicho chiverengero chakati chavanhu vaduku. Vane mutsa, vane chitarisiko chakanaka, uye vanosanozvibata. Munokuita sei? Mune muitiro chaiwo nokuda kwavanhu vaduku here? Ndinoshanda nepwere, uye ndaizofarira zvikuru kuziva.”

Kunyange zvazvo tsauriro kuna Mwari ichifanira kuvakirwa pazivo, kwete pamurangariro, rubhapatidzo chairwo ruchiri chinoitika chomurangariro, chinosvika mwoyo. MuMoscow boka rakamira ndokurova maoko panguva nenguva apo vanoda kubhapatidzwa vane 1 489 vakatanga kufamba vakananga kumadziva matatu okubhapatidzira kusvikira vose vabhapatidzwa, inopfuura awa imwe gare gare.

MuKiev, umo vanopfuura 64 000 vakanga varipo, madziva matanhatu akarongwa nokuda kworubhapatidzo kumugumo mumwe wenhandare yacho. Navabhapatidzwi vatanhatu kana kuti kupfuura mudziva rimwe nerimwe, vanoenzana neungano ine ukuru hwakanaka vakaombekwa pamaminiti maviri ari ose. Zvakare, rubhapatidzo rwakapfuurira kwaanopfuura maawa maviri! Pa 1958 “Kuda Kwoumwari” Gungano raMarudzi Ose muNew York, 7 136 vakabhapatidzwa. Asi muKiev, Zvapupu zvitsva zvichangobva kugadzwa zvaJehovha zvine 7 402 zvinobva kuUkraine nedzimwe dzaichimbova republics of the Soviet Union zvakaita urwu rubhapatidzo rukurusa rwechiKristu panhau. Izvozvi zvaiva vanhu vanotaura chiRussia vanobva mumaruwa umo kusvikira misi ichangobva kupfuura Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvakarambidzwa, uye zvakanga zviri kwamakumi amakore!

Pfundo guru rekokorodzano muBelgrade raiva kuvapo kwenhume dzaibva munzvimbo dzakasakadzwa nehondo, dzakakomberedzwa. “Idzi nhume kakawanda dzakataura noushamwari kuonga nokuda kweropafadzo yakatambanudzirwa kwavari kuuya kukokorodzano yacho,” akashuma kudaro mumwe mushandi wekokorodzano. “Zvisinei, tinonzwa kuti kurudziro chaiyo yakanga iri yedu tose takanga tichikwanisa kusangana navo uye kupupurira rudo rwavo norushingairo nokuda kwezvokwadi yeBhaibheri.”

Pazhinji dzo“Kudzidzisa Kwoumwari” Kokorodzano, tsamba inofamba yakanyorwa muchando kubva kuSarajevo yakaraviwa. “Tembiricha inenge -15° C,” munyori wacho akadaro. “Ndine mudzimai wangu nevanakomana vaviri uye hatina magetsi uye huni dzakaringanira . . . Kurira kwepfuti nokuputika kunogona kunzwika. Asi mumwoyo yedu takadzikama uye tinodziirwa nemhaka yezvokwadi uye nemhaka youkama hwedu hwakanaka naJehovha. . . . Tinokukumbirai kuramba muchinyengetera kuna Jehovha kutibetsera kupfuurira uye kutsungirira tyisidziro dzose idzi, takasimba mukutenda. Tiri kunyengetera nokuda kwenyu!”

Kunoita Musianoi?

Kana kuchienzaniswa nomugariro wokusanzwana kunoratidzirwa pakati pamarudzidziso enyika, Zvapupu sezvinooneka zvakasiana zvikuru. Asi chaizvoizvo, musianoi wazvinogona kuita? Nezvekokorodzano yeZvapupu makore akapfuura, chikamu chomunyori wenhau chakati: “Kwakaringana kutaura kuti kudai nyika yose yairarama mukuwirirana nechitendero [cheBhaibheri] cheZvapupu zvaJehovha kwaizova nomugumo wokuteurwa kweropa noruvengo, uye rudo rwaizotonga samambo.”

Bva, uzhinjisa hworudzi rwomunhu haruna kutongotevera dzidziso youmwari. Muzana rokutanga ramakore, vakaramba kunyange kuteerera Mwanakomana waMwari, Jesu Kristu. Nokudaro kunyanyisa here kukarira kuti pane rimwe zuva tichaona nyika yakabatana? Chinhu chakadaro chinobvira sei?

[Bhokisi riri papeji 12]

KOKORODZANO MUEASTERN EUROPE NEASIA

Nyika Chivere. Chapam. Vakabha.

Albania (kokorodzano 1) 598 39

Bulgaria (kokorodzano 1) 704 45

Czech Republic (kokorodzano 2) 20 025 620

Yaichimbova Soviet Union

Estonia (kokorodzano 2) 4 732 383

Russia (kokorodzano 3) 32 582 2 454

Ukraine (kokorodzano 2) 69 333 7 797

Kyrgyzstan (kokorodzano 1) 5 678 604

Yaichimbova Yugoslavia

Croatia (kokorodzano 1) 5 003 157

Macedonia (kokorodzano 1) 642 27

Serbia (kokorodzano 1) 3 241 174

Slovenia (kokorodzano 1) 1 961 69

Hungary (kokorodzano 5) 22 191 798

Poland (kokorodzano 13) 152 371 4 352

Romania (kokorodzano 9) 36 615 2 375

Slovakia (kokorodzano 2) 13 215 473

HWERENGEDZO: 368 891 20 367

[Mufananidzo uri papeji 23]

Vanopfuura 64 000 vakaungana muRepublican Stadium, Kiev

[Mufananidzo uri papeji 23]

Vavengi veHondo yeNyika II vanobva Germany neUkraine vakabatanidzwa nezvokwadi dzeBhaibheri

[Mifananidzo iri papeji 24, 25]

Vanamati vakabatana vanopfuura 23 000 muLocomotive Stadium, Moscow

Vane 7 402 vakabhapatidzwa muKiev, uye 1 489 muMoscow

Nhume dzokune dzimwe nyika dzinounza matani ezvokudya kuavo vanoshaiwa

Pamusoro napakati: Mapoka mazhinji amadzinza akasangana muchinzwano chine rugarePasi: Kupupurira muRed Square

[Mufananidzo uri papeji 26]

Nhume dzekokorodzano dzakafara nokugamuchira bhuku ra“Nhau dzeBhaibheri,” “Bhuku Rinotungamirira reChikoro,” nebhurocha idzva mumutauro wavo

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe