Zvinhu Izvo Hurricane Andrew Aisagona Kuparadza
MAMWE madutu anoparadza zvikuru kupfuura mamwe.a Mamwe anongorangarirwa bedzi semhepo yakasimba, inounza dzvotsvoma nokudzura miti. Ipapo kwaiva neHurricane Andrew mumaodzanyemba eFlorida (August 24, 1992) uye Louisiana (August 26, 1992), Hurricane Iniki muKauai, Hawaii (September 12, 1992), uye Typhoon Omar muGuam (August 28, 1992).
Iwaya anoita kuparadzanya kunosvika kumabhirioni amadhora. Vanhu vakawanda vakaparara muFlorida. Zviuru zvemhuri zvakasiiwa zvisina misha. Masangano amainishuwarenzi akanga achifamba-famba nokukurumidza mumisha yakaparadzwa vachitsvaka varidzi nokunyora macheki okubhadhara zvakakuvadzwa.
Mushumo wakabva kuDare Rokuyamura reFort Lauderdale reZvapupu zvaJehovha wakati 518 yemisha ine 1 033 yeZvapupu zvaJehovha munzvimbo yacho yaigona kugadzirwa. Pakureva nezvavose, ikoko kwaizoreva kuti inenge 50 muzana yemisha yose yaiva nomakapfuura namo Andrew yakaparadzwa. Pashure pezvo, avo vakaita mhanza yokuva nomusha wakanga uchiri wakakodzera kugara vaiedza kuomesa fanicha yavo nezvipfeko uye kuchenesa ukombwa huchena hwakaparirwa nesiringi yakadonha muboporodzi remvura yakapinda nomumatenga akakuvadzwa. Vakawanda vakakuwana kwakaoma kutarira masvingo emisha yavo. Avo zvimwe vakawana zvakanyanyoshata ndeavo vanogara mumatumba kana kuti dzimba dzemotokari kana kuti maturera.
Hurricane Andrew Haana Waakasiya
Vamwe vakaroorana vakadaro vakanga vari Leonard naTerry Kieffer. Apo vakaenda kunoshanyirazve musha wavo wemotokari muFlorida City, vaifanira kuzvizivisa vamene panzvimbo yokuongorora yamauto kuitira kuti vagopinda munharaunda yacho. Chavakaona wakanga uri musha wemotokari wakaratidzika sokunge kuti wakanga warohwa namazana amabhomba anoputika zvikuru—pasina kusiya maburi api naapi. Miti yakadzurwa. Marata ealuminium, aichimbova madziro namatenga emisha, akanga amoneredzwa pamiti uye akarembera pamapazu sorudzi rwakati rwezvinhu zvakachekererwa zvomutambo unoshamisa. Waya dzamagetsi dzakanga dzadonhera pose pose, mapango emiti akatsemurwa seturutanda twemachisa. Motokari dzakapidigurwa ndokuputsanywa.
Bob van Dyk, ane musha wake wakaziviswa sousina kukodzera kugarwa, akarondedzera chiono chomumba make, achiti: “Siringi yakaputsanyikira pasi, ichiputsa zvinoputsika, ichibhendesa zvinobhendeka uye ichitityisidzira, vanotyisidzirika.”
Zvinhu zvomunhu oga, zvokutambisa, zvokupfeka, mifananidzo, mabhuku, zvakati rakata rakata pasi sezviyeuchidzo zvinosuruvarisa zvaaichimbova mararamiro. Katsi nhema iri yoga inodzungaira pasina chinangwa mukati mamarara. Yakadzvutura shure kuna vanaKieffer nenzira yokushamisika. Madzvinyu maduku anomhanya-mhanya pamusoro peyaichimbova pfuma inokosha yomumwe munhu. Kunhuwa kwezvokudya zvakaora, kunobuda mumafiriji akapwanya, kunozadza mhepo. Murutivi rwuri rwose maiva nechiono chokuparadza kwamasimba masimba—kwose kwakaparirwa nemhepo, mhepo ine simba, inovhuvhuta kusvikira kuanopfuura makiromita 260 paawa.
Kwakanga kuchirwadza mwoyo kuvaridzi navagari veiyi misha. Pashure pamakore akawanda okurera mhuri nokugoverana upenyu hwavo mumisha yavo chaiyo vamene, vanodzoka pashure pedutu kuzongowana chinhu chiri chose chaputsanywa nokuparadzirwa. VanaKieffer vakanga vawanazve zvimwe zvinhu zvavo pashanyo yokutanga, asi kwakanga kuchikuvadza zvikuru kuti vanyatsoongorora marara ezvinhu zvavo zvomumba zvakanga zvasara. Zvisinei, vakaonga kuti vakanga vachiri vapenyu uye vachikwanisa kubatira Mwari.
Hurricane Andrew haana chaakasiya. Zvitoro zvinotengesa zvinhu, mafakitari, dzimba dzokuchengetera zvinhu—zvose zvakava chipfuro chokuputsanya kwomusikirwo. Mitemo yokuvaka yomunhu mudukusa haina kugona kudzivisa kuparadza.
Zvakanakisisa Nezvakashatisisa Zvomusikirwo Zvavanhu
Betsero yakavamba kudirana muFlorida kubva munyika yose sezvo masangano akasiana-siana eyamuro akarongwa. Mutumbi Unodzora weZvapupu zvaJehovha muBrooklyn, New York, wakaita chiito nokukurumidza uye wakagadza dare reyamuro kuti rishande kunze kweHoro yeGungano muFort Lauderdale. Ivo vakagoverawo chitsama chakati chemari nokuda kwokutenga zvinhu, zvokudya, uye zvinhu zvomugariro wakaipa. Somuuyo, Zvapupu zvakanga zviri pakati pevokutanga kuita chiito kumugariro wacho uye zvakavamba kudana vazvipiri. Kutaura idi, vakawanda vakauya vasina kudanwa.
Vashandi vari Zvapupu vakasvika vachibva kuCalifornia, North Carolina, Oregon, Washington State, Pennsylvania, Missouri, uye dzimwe nzvimbo dzakawanda. Dare Rokuvaka Romunharaunda reVirginia iro rinowanzovaka Horo dzoUmambo rakatumira boka reZvapupu 18 kundogadzirisa matenga. Kwakavatorera maawa 18 kufamba nemotokari. Vashandi vokuyamura vakatora nguva yezororo kana kuti marivhi okusava pabasa ndokuchaira kuenda kune imwe nyika, mazana uye kunyange zviuru zvamakiromita, kuti vasvike Zvapupu biyazvo zviri mukutambura.
Reyamuro inokosha rakanga riri boka rakabva kunharaunda yeCharleston muSouth Carolina. Iro rakanga rava noruzivo rwokuzviwanira neHurricane Hugo shure muna 1989. Iro raiziva chokukarira uye nokukurumidza rakaronga migove yokuyamura, kubatanidza magwenya amagetsi uye zvinhu zvokuvakisa. Mukati mamavhiki maviri mapoka avazvipiri akanga aomesa misha ine 800 uye akanga agadziridza matenga akawanda.
Vakwanyina vakawanda vasiri Zvapupu navavakidzani vakabetserekana nebetsero yakapiwa namapoka avanhu vanogadzira vari Zvapupu. Ron Clarke wokuWest Homestead akashuma, kuti: “Vakwanyina vasingatendi vakaororwa chaizvoizvo naikoku kose. Vave vachichema, vaororwa neizvo Zvapupu zvakatovaitira.” Pamusoro pomurume asingatendi wechimwe Chapupu, iye akawedzera, kuti: “Iye ari kufara zvikurusa—Zvapupu zviriko zvino zvichimuisira denga rake.”
Chimwe Chapupu chakataura nezvevavakidzani vacho vasiri Zvapupu avo chaitarira madekwana mamwe namamwe. Ivo vakati vaisava nechinetso. Pazuva rechishanu, mudzimai akakundikana kuzvidzora ndokuchema. “Hatina manapukeni api naapi emwana. Hatitongorina zvokudya zvomwana. Hatina zvokudya zvakakwana nemvura.” Murume wacho aida marita 20 epeturo asi aisagona kuiwana kupi nokupi. Zuva rimwe chete iroro, Chapupu chakaunza zvose zvavakanga vachida kubva kunzvimbo yoruyamuro kuHoro yoUmambo. Mudzimai wacho akachema nokufara. Murume wacho akapa mupiro kubasa rokuyamura.
Basa rinokosha rakaitwa navakuru veungano navabatiri vanoshumira avo vakashanda pamwe chete mukuronga kuyamura paHoro dzoUmambo dzakasiana-siana dzakagadzirwa munharaunda yengwavaira. Vakashanda vasinganeti kuti vawane Zvapupu zvose uye kusarudza zvinodikanwa zvavo. Mukupesana, Mukuru mukuru Wamauto akanokorwa mashoko saanotaura pamusoro penhamburiko yokuyamura mune imwe nharaunda, kuti: “Avo vane chiremera chokuronga basa vanoda bedzi kupa mirairidzo, asi hapana munhu anoda kuita basa racho nokudisa uye zvomenemene vanoita basa risingafadzi rokuchenesa nokuvakazve.”
Ngwavaira dzinogona kubudisa mavara akanakisisa uye akaipisisa muvanhu. Muenzaniso wapashure wakanga uri kubibitira. Imwe mhuri yeZvapupu yakasarudza kuti vaigona zvimwe kupa firiji yavo nomuchina wokuwachisa nokuda kwokushandisa panzvimbo yoruyamuro kuHoro yoUmambo yomunzvimbomo. Ivo vakaenda kuhoro kuti vandotora marori. Vasati vadzoka, vabibitiri vakanga vaba zvinhu zvose zviri zviviri!
Chapupu chakaona chakashuma, kuti: “Sezvatakafamba nomumigwagwa yava matongo, takaona misha ine zviratidzo zvokunyevera mbavha kuti dzisasvike. Zvimwe zvezviratidzo zvaiti, ‘Vabibitiri Vanofanira Kufa’ uye, ‘Vabibitiri Vachapfurwa.’ Chimwe chaiti, ‘Vabibitiri vaviri vakapfurwa. Mumwe akafa.’ Zvitoro nenzvimbo dzokutengesera zvakanga zvapambwa.” Mukuwirirana nasajeni weAirborne Division rechi 82, anenge mubibitiri mumwe akanga abatwa ndokurangwa navanhu.
Kusunga kwakawanda kwakaitwa. Kunoratidzika kuti mungwavaira ipi neipi boka ramatsotsi rakagadzirira kuvangura samagora. Uye kunyange vanonzi vanhuwo zvavo vanoitwa kuita vatore rutivi mukubibitira. Rudzidziso, kuzvibata, uye tsika zvinoratidzika kuva zviri kunyangarika mukuedza kwokuwana chimwe chinhu pasina kuchibhadharira.
Mukai! akaudzwa kuti mukuvamba varwi vashomanene vakatobirwa pfuti dzavo dzisina mabara navabibitiri vane zvombo. Vamwe varwi vakanzwiwa vachitaura kuti vairangarira nzvimbo yokuyamura yeHoro yoUmambo senzvimbo yakaorera mugwenga “nemhaka yokuti,” sezvavakataura, “imi vanhu hamutakuri pfuti.”
“Musava Nousimbe”
Chii icho Zvapupu zvaJehovha zvakadzidza muzvinoitika zvazvo zvengwavaira dzomusikirwo? Kumutsiridza mibato yomudzimu nokukurumidza sezvinobvira. Ed Rumsey, mutarisiri muHomestead, akaudza Mukai! kuti imwe Horo yoUmambo yakabatanidzwa neimwe yakanga yagadzirirwa nokuda kwemisangano paChitatu pashure pedutu roMuvhuro. Rimwe denga rakanga raparara, masiringi akanga aputsika, uye mvura yakanga yapinda. Vazvipiri vakashanda nokukurumidza kuti vawane Horo dzoUmambo sezvadzakanga dzakaita nokuda kwemisangano uye kuti dzishandiswe senzvimbo dzokuitira basa rokuyamura munharaunda yavo yakaparadzanywa. Dzimba dzokubikira dzakagadzirwa kuitira kuti zvokudya zvigone kupiwa kuvanyajambwa nokuvashandi vokuyamura.
Fermín Pastrana, mukuru wokuUngano yechiSpanish yokuPrinceton, akashuma kuti mhuri nomwe muungano yake yeZvapupu 80 dzakanga dzarasikirwa nemisha yadzo chose chose. Iyamuroi yaakakarakadza kuZvapupu biyake? “Chemai kana muchida kuchema. Asi musava nousimbe. Shingairai kubetsera vamwe, uye, kusvikira kumwero unobvira, budai muushumiri. Musapotsa misangano yedu yechiKristu. Pedzai chinogona kupedzwa, asi musafungisisa pamusoro pechisina gadzikiso.” Somuuyo, Zvapupu nokukurumidza zvakanga zvava kuparidzira uye zvichitakura mabhokisi okuyamura paimba neimba. Andrew akanga asina kutakura shingairo yavo.
‘Nguva Inotevera Tichatama!’
Sharon Castro, mukadzi wezera ramakore 37 okukura wokuCulter Ridge akaudza Mukai! nhau yake: “Baba vangu vakasarudza kusatama. Vakarangarira kuti sezvo dutu rokupedzisira rakanga risina kusvika kumhenderekedzo yeFlorida, Andrew aisazoita zvimwe chetezvo. Akanga asingatovhari mafafitera namapuranga. Sezvineiwo, hanzvadzi yangu yakauya ndokusimbisa kufukidza mafafitera namapuranga eplywood. Pasina panikiro chiito chake chakaponesa upenyu hwedu. Mafafitera edu angadai akaputsanywa, uye taizodai takagurwa.
“Panenge pa 4:30 a.m., magetsi akadzima. Ruzha rwaiva panze rwaityisa. Kwakanga kwakaita sokutinhira kwechitima chikuru. Kwakanga kune kubanzuka sezvo miti nezvivako zvaikwashuka ndokutsemuka. Takawana gare gare kuti kutsviriridza kunotyisa kwakanga kuri ruzha rwezvipikiri zvirefu zviri mudenga redu zvaizvigurunura zvimene. Dzimba dzapamusoro dzakapeperutswa nemhepo, uye chikamu chimwe muzvitatu chedenga chakabva. Pakupedzisira, 12 vedu, kubatanidza namai vangu vanorwara nambuya vangu vane makore 90 okukura, taitofanira kugara muimba yapakati isina mafafitera. Takava nechokwadi kuti taizofira imomo.”
Chidzidzoi chaakafunda mune chinoitika chacho? “Nguva inotevera pavanotiudza kutama, tichatama—nokuteerera pasina kubvunza chikonzero nei. Tichapa ngwariro kunyevero. Ndakadzidzawo kugoverana uye kurarama nezvishomanene. Uye ndinoziva kuti kwakanaka kuchema, kutambura, uye ipapo kugamuchira zvomene.”
Kuita Kwepepanhau
Kunyange manyuko enhau akacherekedza kusanorongeka kwakanga kwakaita Zvapupu. Savannah Evening Press raiva nomusoro mukuru waiti “Zvapupu zvaJehovha Zvinowana Kuti Zvinogamuchirwa muSouth Florida,” uye The Miami Herald rakazivisa, kuti: “Zvapupu Zvinotarisira Zvapupu Biyazvo—Uye Vamwe.” Iro rakati: “Hapana munhu muHomestead ari kurovera masuo kuZvapupu zvaJehovha vhiki rino—kunyange zvazvo vachine masuo okurovera. Vazvipiri veZvapupu vanenge 3 000 vakabva munyika yose vakauya kunharaunda yengwavaira, kutanga kuzobetsera vokwavo vamene, ipapo kubetsera vamwe. . . . Sangano ramauto ripi neripi ringachochora kururama, chirango uye kubudirira kweZvapupu.”
Zvapupu zvakarovedzana nokuronga mabasa okudyisa mapoka pamagungano napakokorodzano dzazvo. Uyezve, zvakaronga mazana aMatare Okuvaka Omunharaunda munyika yose kuti zvivake Horo dzoUmambo neHoro dzaMagungano dzakakura. Nokudaro, zvakarovedza vashandi vakagadzirira kupindura paziviso yamaawa mashomanene.
Zvisinei, pane chimwe chikonzero—chimiro chazvo chendangariro. Mushumo mumwe chetewo unopfuurira, kuti: “Hamuna mapato. Hamuna rwisano pakati pavanhu vanozvitutumadza. Panzvimbo pezvo, vashandi vanoratidzika kuva vanofara zvikuru uye vanobatira pamwe pasinei zvapo nokuti kunopisa zvakadini, kusvibisa kana kuti kunetesa.” Ikoko kwakatsanangurwa sei? Chimwe Chapupu chakapindura, kuti: “Ikoko kunobva muukama naMwari uhwo hunotisunda kuratidzira rudo rwedu nokuda kwavamwe.” Ichocho chakanga chiri chimwezve chinhu icho Andrew akanga asingagoni kubvisa, rudo rwechiKristu rweZvapupu.—Johane 13:34, 35.
Kuenzanisa kunofadza ndekwokuti Zvapupu zvakaratidzika kuva zvakadzidza kubva kumiti. Chimwe chapuppu chakaona chakakutaura neiyi nzira: “Sezvandakafamba-famba, ndaisagona kuita chimwe chinhu kunze kwokucherekedza kuti mazana emiti mikuru yakanga yadzurwa ndokuwisirwa pasi. Neiko kwakanga kwakadaro? Yaigovera dziviriro yemhepo yakasimba nemhaka yokukura kwayo, uye yakanga ine gadziriro yemidzi yakapararira asi isina kudzika. Pane rumwe rutivi, yakawanda yemiti yemipalm mitete yakaramba imire. Inokopfamiswa nemhepo, mimwe yakarasikirwa namapazu ayo, asi mizhinjisa yakaramba yakatsiga muvhu.”
Zvapupu zvakanga zvine midzi yakadzika yokutenda muShoko raMwari uye zvaichinjika mukuita kwazvo. Pfuma nemisha zvakanga zvisiri zvinhu zvinokosha zvikurusa kwazviri. Izvo zvakanga zviri zvipenyu uye zvaigona kupfuurira kubatira Jehovha pasinei zvapo nenhamo. Upenyu hwakanga huri chimwe chinhu icho Andrew asina kubvisa kwazviri.
Kunoitwa Sei?
Kambani yeAnheuser Busch yakapira rori rakazara nemvura yokunwa. Pakusvika, mutyairi akabvunza vakuru vakuru uko aifanira kuendesa mvura yacho. Iye akaudzwa kuti vanhu bedzi vakanga vane chimwe chinhu chakarongwa vaiva Zvapupu. Kutaura idi, mukati mevhiki pashure pokurovanya kwaAndrew, marori ane maturera ane 70 emitoro yemigove akanga asvika kuHoro yeGungano yeZvapupu zvaJehovha kuFort Lauderdale.
Muzvipiri ikoko anoshuma, kuti: “Naizvozvo isu takagamuchira rori rakazara nemvura yokunwa. Nokukurumidza takabatanidza iyoyi pakati pezvimwe zvokudya zvatakanga tichitumira kunzvimbo dzokuparadzira paHoro dzoUmambo. Yakagoveranwa nehama navavakidzani munharaunda iyoyo vaishaiwa.” Kambani yokugadzira mapepa muWashington State yakapa ndiro dzamapepa 250 000.
Pakuvamba, zviremera zvomuguta zvakanga zvichitumira vazvipiri vasiri Zvapupu kuHoro dzoUmambo, vachiti, ‘Izvo ndivo vanhu bedzi vakarongwa zvakanaka.’ Pakupedzisira varwi vakauya uye vakavamba kugadzira nzvimbo dzokuyamura dzezvokudya nemvura namaguta amatende.
Nzvimbo dzokugovera dzeZvapupu dzapakuvamba dzakagadzwa nedare rokuyamura paHoro yeGungano yeFort Lauderdale, iyo iri makiromita 60 kuchamhembe kwenzvimbo yengwavaira huru kuHomestead. Kuderedza imwe yedzvinyiriro, nharaunda yokugovera yokutanga yakagadzwa paHoro yeGungano yePlant City pedyo neOrlando, anenge makiromita 400 kuchamhembe kwakadziva kumabvazuva kwenzvimbo yengwavaira. Zvinhu zvizhinjisa zvokuyamura zvakanga zvakaendeswa ikoko nokuda kwokusarudzwa namarudzi azvo ndokurongedza. Dare rakakumbira zvinodikanwa zvaro zvezuva nezuva kubva kuPlant City, uye marori makuru ane maturera akashandiswa kufamba rwendo rwamaawa mashanu kuenda kuFort Lauderdale.
Pashure iyi nzvimbo yakagovera zvokudya, zvinhu zvokunyama, mvura, magwenya, uye zvimwe zvinodikanwa kuHoro dzoUmambo nhatu dzakanga dzakagadziridzwa munzvimbo yenharaunda yengwavaira. Ikoko, Zvapupu zvinokwanisa zvakaronga mapoka okuvaka nokuchenesa kuti ashanyire mazana emisha yaida ngwariro. Dzimba dzokubikira nemitsetse yezvokudya zvakazarurwawo panzvimbo yeHoro dzoUmambo, uye munhu upi noupi akanga achigamuchirwa kuuya nokuda kwebetsero. Kunyange vamwe vavarwi vakafarikanya zvokudya uye gare gare vakaonwa vachiisa mipiro mumabhokisi emipiro.
Apo varume vakanga vakabatikana kugadzira dzimba, vamwe vavakadzi vakanga vachigadzirira zvokudya. Vamwe vakanga vaenda kundoshanyira vanhu vapi navapi vavaigona kuwana kuti vagoverane navo tsananguro yeBhaibheri yengwavaira dzomusikirwo uyewo kuti vape mabhokisi emigove yeyamuro kuavo vanoshaiwa. Mumwe waivava akanga ari Teresa Pereda. Musha wake wakakuvadzwa, uye mahwindo emotokari yake akapwanyika—bva motokari yacho yakazadzwa namabhokisi eyamuro akatogadzirirwa nokuda kwavavakidzani vake. Murume wake, Lazaro, akanga akabatikana kushanda paimwe yeHoro dzoUmambo.—Muparidzi 9:11; Ruka 21:11, 25.
Nokuda kwavakawanda vasina dzimba dzokugara, dzimwe nzvimbo dzokugara dzakawanwa mumisha yeZvapupu zvisina kutapurwa naAndrew. Vamwe vakagara mumaturera akabwerekwa kana kuti kupiwa nokuda kwedonzo iroro. Vamwe vakatamira mumaguta amatende akagadzwa namauto. Vamwe vakangorangarira misha yavo serasikirwo ndokutamira kushamwari nehama dzokunyama muna mamwe mativi enyika. Vakanga vasina misha kana kuti zvimwe mabasa. Kwakanga kusina magetsi, kusina mvura, kusina nzvimbo dzokurasira tsvina dzakakwana—naizvozvo vakaita chigadzikiso chakanakisisa nokuda kwavo.
Chimwe chidzidzo icho vose vakadzidza chakasanotaurwa neChapupu chinotaura chiSpanish, kuti: “Tinoonga zvikuru nokuda kwechidzidzo chatakadzidza pamusoro penharidzano dzedu muupenyu. Munoziva, unogona kushanda makore 15 kusvikira ku 20 uchivaka musha wako, uchiunganidza zvinhu zvokunyama, uye ipapo muawa imwe bedzi, zvose zvinogona kuparara. Ikoku kunotibetsera kuziva nharidzano dzedu dzomudzimu, kuita kuti upenyu huve hwakapfava zvikuru uye kufunga zvomenemene pamusoro pokubatira Jehovha.”
Kwakaita zvikuru sezvakataura muapostora Pauro, kuti: “Zvaiva pfuma kwandiri, ndakati ndiko kurashikirwa hako nokuda kwaKristu. Hungu, zvirokwazvo, ndinototi zvinhu zvose kurashikirwa hako nokuda kwokunaka kwokuziva Kristu Jesu, Ishe wangu, wandakarashikirwa nezvinhu zvose nokuda kwake, ndikazviidza marara, kuti ndiwane Kristu.”—VaFiripi 3:7, 8.
Ngwavaira dzomusikirwo rutivi rwoupenyu munyika yedu yazvino. Kana tikateerera nyevero dzinobva kuzviremera, zvimwe tingaponesa upenyu hwedu. Zvichida misha nepfuma zvingarasika, asi ukama hwomuKristu na“Mwari wokunyaradza kwose” hunofanira kusimbiswa. Kunyange kana vamwe vangaparara mungwavaira, Jesu akapikira rumuko nokuda kwavo munyika itsva yaMwari papasi rakadzorerwa—pasi risati richizotongoona nhamo norufu zvinoparirwa nengwavaira dzomusikirwo.—2 VaKorinte 1:3, 4; Isaya 11:9; Johane 5:28, 29; Zvakazarurwa 21:3, 4.
[Mashoko Omuzasi]
a Dutu “mututu wamasimba masimba womunzvimbo dzinopisa unoitwa muNorth Atlantic Ocean umo mhepo inowana sipidhi inopfuura zvikuru 75 mph (121 km/hr).” (The Concise Columbia Encyclopedia) Chamupupuri chomugungwa “idutu rinoitika mumadokero ePacific kana kuti muGungwa reChina.”—The American Heritage Dictionary of the English Language.
[Bhokisi riri papeji 19]
Vakashamiswa Zvikuru
Boka reZvapupu zvechichena 11 rakafamba kubva Tampa, Florida, kuti vabatsire mubasa rokuyamura. Vakawana migove ndokuvamba kugadziridza denga reChapupu chechitema. Apo hama yokunyama isiri Chapupu yakasvika, aisagona kudavira zvaaiona—akashamiswa zvikuru kuwana kuti boka reZvapupu zvechichena rakanga rasvika iye asati uye vakanga vachidzorera denga romusha wehama yake yokunyama. Akaororwa kwazvo zvokuti akatobatsira mubasa rokuvaka.
Iye akataura kuti nguva inotevera Zvapupu zvichapfuura napamba pake, aizozvikumbira fundo yeBhaibheri. Sezvo akanga achitaura neboka reTampa, kwakava pachena kuti akanga achibva kunharaunda yokwavo. Pasina kunonoka mumwe wavakuru muboka akaita gadziriro nokuda kwefundo yeBhaibheri vhiki racho rakatevera! Seizvo chimwe Chapupu chakataura, ikoku kunobvumikisa kuti haufaniri bedzi kugogodza pamasuo kuti upe uchapupu—unogona kugogodza pamatenga!
[Mifananidzo iri papeji 15]
Hurricane Andrew haana chaakasiya, uye zvivako zvishomanene zvakagona kusaputsika
Musha wavanaKieffer wemotokari—nezvakasiiwa pauri
[Mifananidzo iri papeji 16]
Rebecca Pérez, vanasikana vake, uye vamwe 11 vakapukunyuka mune iyi nzvimbo duku
Mautoakapindakuti adzivise kubibitira (pamusoro kurudyi); zvitoro zvakabibitirwa (kurudyi)
Dutu rakabvisa matenga, uye motokari dzakagundurutswa gundurutswa
[Mifananidzo iri papeji 17]
Yamuro yakarongwa paHoro dzoUmambo
Dzimba dzemotokari dzakamoneredzwa pamiti; zvitambiso zvavana zviri pamatiresi; mabhuku eBhaibheri ari pakati pemirwi; Zvapupu, zvakadai saTeresa Pereda, zvakaendesa migove kuvavakidzani vazvo
Zvinhu zvokuvakisa zvakapiwa. Kuronga zvipfeko namarudzi azvo
[Mifananidzo iri papeji 18]
Vazvipiri vanobva muUnited States mose vakabetsera mubasa rokuyamura