RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w93 12/1 pp. 10-13
  • Mabasa Anoponesa aJehovha Zvino

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mabasa Anoponesa aJehovha Zvino
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kushanda Kworudo
  • Uhama Hwenyika Yose
  • Manyuko Edziviriro Yechokwadi
  • Kukura Pamwe Chete Murudo
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Zvinhu Izvo Hurricane Andrew Aisagona Kuparadza
    Mukai!—1993
  • Chimwe Chinhu Chakatadza Kukukurwa Nedutu
    Mukai!—2003
  • Vakawirwa Nedutu kuMyanmar Vanobatsirwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
w93 12/1 pp. 10-13

Mabasa Anoponesa aJehovha Zvino

BHAIBHERI rinotiudza izvi pamusoro paJehovha: “Wakarurama una matambudziko mazhinji; asi Jehovha unomurwira abude paari ose” uye, “Jehovha anoziva nzira yokununura nayo vanhu vokuzvipira kwoumwari mumuedzo.”—Pisarema 34:19; 2 Petro 2:9, NW.

Jehovha anoyamura sei vanhu vake apo vanenge vari munhamo? Kwete kupfurikidza nokuchinja nenenji masimba omusikirwo kana kuti kupfurikidza nechimwe chiito chechienzi, seizvo vanhu vazhinji vanofunga kuti anofanira, asi kupfurikidza nerimwe simba iro vanhu vazhinjisa vasinganzwisisi zvirokwazvo—rudo. Hungu, Jehovha anoda vanhu vake, uye akakudza pakati pavo rudo rwomumwe nomumwe rwakasimba kwazvo zvokuti anokwanisa kuvaitira chinoratidzika kuva chinodokuva chenenji.—1 Johane 4:10-12, 21.

Vamwe vangaita nharo kuti panguva yengozi, chinodikanwa ndizvokudya, mishonga, uye zvokushandisa—kwete rudo. Chokwadika, zvokudya, mishonga, uye zvokushandisa zvinokosha. Zvisinei, muapostora Pauro anorangarira neiyi nzira: “Kunyange ndinokutenda kwose, kuti ndibvise makomo, ndisino rudo, handizi chinhu. Kunyange ndagovera varombo zvose zvandinazvo, kunyange ndikaisa muviri wangu kuti ndipiswe, ndisino rudo, handibatsirwi chinhu.”—1 VaKorinte 13:2, 3.

Kazhinji kazhinji tinorava nezvezvinhu zvokubatsira zvakagara pamatanda zvichiora kana kuti zvichidyiwa namagundani apo vanhu vanoshaiwa vanoparara nehosha nokuziya nenzara. Kana kuti zvakaipa zvikuru, zvinhu zvakadaro zvingadzorwa navanhu vane makaro navasina kutendeseka avo vanoita mhindu yomunhu oga mazviri. Nokudaro, ndichinhu chimwe kuva nemigove inowanika, asi ndichimwe zvikuru kuva nechokwadi chokuti avo vari munhamo vanobetserwa nazvo. Rudo rwapachokwadi neitiro hanya zvinogona kuita musiano.

Kushanda Kworudo

Muna September 1992, Hurricane Iniki yakarova chitsuwa cheHawaii cheKauai, chiverengero chavagari vemo 55 000. Ine mhepo yamakiromita 210 paawa uye mitutu yamakiromita 260 paawa, iyo yakauraya vanhu vaviri ndokukuvadza 98, yakaparadza 75 muzana yemisha, yakasiya vanhu 8 000 vasina musha, uye yakaparira ruparadziko rwakafungidzirwa kuva rwaikosha mabhirioni 6,6 amadhora. Pakati paavo vaigara paichi chitsuwa chiduku vakanga vari vanenge 800 veZvapupu zvaJehovha muungano nhanhatu. Vakaita sei?

Iniki isati yarova zvomenemene, vakuru veungano, munhungamiro yomutariri anofambira, vakanga vatoonana nemitezo yose yeungano kuti vave nechokwadi chokuti vakanga vakakotsekana uye vakachengeteka, vakagadzirira denho yacho. Tarisiro yorudo yakadaro yakabetsera kudzivisa kuvadziko yakakomba kana kuti rufu pakati peZvapupu.—Enzanisa naIsaya 32:1, 2.

Kunyange zvazvo kurukurirano nezvokufambisa zvakavhiringidzwa zvikuru, vamiriri vatatu vehofisi yebazu yeWatch Tower Bible and Tract Society muHonolulu vakanga vari pakati povokutanga kusvika panzvimbo yacho pashure pedutu, vachiva vakanga vapiwa mvumo chaiyo navanodzivirira vanhu kuti vabhururuke vachienda kuKauai. Nokukurumidza, vakaonana neZvapupu zvomunzvimbomo uye, mangwanani akatevera acho, vakaronga musangano kuti varonge gadziriro yokubatsira. Dare rokubatsira rakaumbwa kuti riongorore zvinodikanwa nokuwana zvinhu zvinodikanwa kupfurikidza nehofisi yebazu muHonolulu. Vachishanda nguva dzose, vakatungamirira basa rokusvitsa migove kuavo vaishaiwa nokuchenesa nokugadzira misha yakanga yaparadzwa.

Zvapupu zvapazvimwe zvitsuwa zvakaita chiito nokukurumidza kuhama dzazvo dzaishaiwa. Nokukurumidza apo panomhara ndege peKauai pakazarurwa, Zvapupu 70 zvakabhururuka zvichipinda kuzobetsera. Migove yokubatsira yakaita $660 000, kubatanidza majenareta, zvitofu zvinotakurika, marambi, uye zvokudya, zvakaendeswa nechikepe. Imwe yeHoro dzoUmambo pachitsuwa chacho yakashandiswa sedhepo; zvisinei, kwaiva norutyo rwokuti ingapazwa. Ipapo marori aMauto akapinda munzvimbo yokumisa motokari yeHoro yoUmambo, uye vachairi vakakumbira kana vangagona kumisa marori avo imomo. Varwi vakaiswa kuti vadzivirire marori vakabvisawo chinetso chokubipitira migove yokubatsira.

Hama dzakaendesa majenareta paimba neimba, dzichiashandisa pamusha mumwe nomumwe kwamaawa maviri kana kuti matatu kubetsera vanhu kuchengeta mafiriji avo achishandisika. Mapoka ehama akaendeswa kumisha yakasiana-siana kundobetsera kuchenesa nokugadzira zvakaparadzwa. Apo dzakashanda paimba yeimwe hanzvadzi ine murume akanga aishora zvinotyisa munguva yakapfuura, murume wacho akaororwa kwazvo zvokuti zvose zvaaigona kuita kwaiva kumira ndokuchema. Mumwe mushanyi akabva kunyika uyo akaona rimwe boka reZvapupu richishanda akaororwa kwazvo nomufambiro wazvo nokurongeka zvokuti iye akazvisvika ndokubvunza chakazviita kuti zvive zvakasiana kwazvo. Apo imwe hama yakatsanangura kuti kwakanga kuri kuda kwazvo Mwari uye namaKristu biyazvo, murume wacho akapindura, kuti: “Ndinogona sei kusvika pakuziva Mwari?” (Mateo 22:37-40) Ipapo akawedzera, kuti: “Imi vanhu makarongeka kwazvo zvokuti zvimwe muchaita kuti mumwe munhu andimirire apo ndinodzokera kuFlorida!”

Pamwe chete, Zvapupu zvaJehovha zvakabatsira mukuchenesa nokugadzira misha 295 paKauai. Yaiyoyi, 207 yaida kugadzira kuduku, asi 54 yakanga yaparadzwa zvakakomba, uye 19 yakaparadzwa chose chose. Basa razvo rakabatanidzawo kushanyira Chapupu chiri chose chinozivikanwa pachitsuwa kundova nechokwadi chokuti mumwe nomumwe akatarisirwa. Apo migove yakaendeswa kune imwe hanzvadzi, muvakidzani wechiBuddha akataura kuti akanga asina kugamuchira kunyange homwe yetii yakabva kuboka rake. Mumwe mukadzi, akacheneserwa imba yake neboka reZvapupu, akati: “Mave muchiuya kusuo rangu kwenguva refu, uye ndaifunga nezvenyu savavakidzani vakanaka, asi iyi ratidzirwo yorudo rwomuvakidzani inondiratidza zvakaita sangano renyu. Ndinokuongai nokuda kwebasa renyu rose rakaoma.”

Kunze kwokutarisira zvinodikanwa zvokunyama zvamaKristu biyazvo ose, avo vaitarisira zvokubatsira vaiitira hanya zvakaenzana pamusoro pegarikano yavo yomudzimu. Asingasviki mazuva maviri pashure pedutu, ungano dzinoverengeka dzakanga dzichitova nemisangano yadzo. Nokukurumidza, mapoka maduku efundo dzebhuku akanga ava kushandazve. Vakuru gumi vakabva kuzvimwe zvitsuwa vakauya kuKauai kuzobatsira vakuru vomunzvimbomo kuitira kuti shanyo dzokufudza dzigogona kuitwa paChapupu chiri chose chiri pachitsuwa. Svondo rakatevera racho, ungano dzose nhanhatu dzakava neFundo yeNharireyomurindi, hurukuro yamaminiti 30 pamusoro pemiitiro yokubatsira yakapiwa nomutezo weDare Rokubatsira, uye hurukuro yokugumisa yemaminiti 30 yakakurukurwa nomutezo weDare reBazu wakanga wabva kuHonolulu nokuda kweiri donzo. Mushumo wevakaona unoti: “Vose vakanyaradzwa nenhungamiro yakaisvonaka yakapiwa uye vakanzwa vakagadzirira mumudzimu kubata nezvinetso zvavo zvakanga zvasara. Pakanga pane maziso mashomanene akaoma muvateereri sezvo purogiramu yakaguma, uye kuombera kwaiva kwokudisa.”

Uhama Hwenyika Yose

Rudo rwakadaro neitiro hanya chiratidzo chavanhu vaJehovha munyika yose. Apo Cyclone Val yakapfuura nomuWestern Samoa rinenge gore rimwe pamberi pezvi, yakaparira ruparadziko rukuru, asi Zvapupu zvaJehovha mumamwe mativi enyika zvakakurumidza kuyamura hama dzazvo imomo. Gare gare, apo hurumende yakagovera mari yokuti marudzidziso ose—kubatanidza Zvapupu zvaJehovha—agadzire nzvimbo dzawo, Zvapupu zvakadzorera mari yacho netsamba inotaura kuti zvakaparadzwa zvazvo zvose zvakanga zvatogadzirwa, uye mari yacho yaigona kushandiswa kugadzira zvivako zvehurumende. Chiito chazvo chakashumwa mupepanhau romunzvimbomo. Achicherechedza ikoku, mumwe mukuru mukuru wehurumende akaudza chimwe Chapupu kuti aiti nyadziswei nechechi yake amene nemhaka yokuti vakanga vagamuchira mari yakabva kuhurumende kunyange zvazvo zvivako zvavo zvose zvakanga zvaparadzwa mukati medutu zvakabhadharwa neinishuwarenzi.

Nenzira yakafanana, muna September 1992, apo Ouvèze River muFrance yokumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva rwakafashamira ndokuparadza Vaison-la-Romaine nenzanga 15 dzakapoteredza, Zvapupu zvakaita chiito nokukurumidza. Muusiku humwe, mafashamo akanga auraya vanhu 40, akaparadza misha 400, akaparadza mazana ezvimwe, uye akasiya zviuru zvemhuri zvisina mvura kana kuti magetsi. Nokukurumidza mangwanani akatevera acho, Zvapupu zvakabva muungano dzomunzvimbomo zvakanga zviri zvokutanga kuyamura vanyajambwa vamafashamo. Avo vaida pokugara vakatorwa nenzira yorudo nemhuri Zvapupu dzomunharaunda yacho. Mazana eZvapupu akabva kure nepedyo kuzopa rubatsiro. Dare rokubatsira rakaumbwa muguta rapedyo reOrange kuti ritsinhiranise nhamburiko dzamapoka mana avazvipiri, avo vakabvisa madhaka ndokuchenesa dzimba, vakasuka makomo ezvipfeko zvaiva namadhaka, uye vakagadzira ndokuendesa zvokudya nemvura yokunwa munhauraunda dzose dzakatapurwa. Vakatozvipira kuchenesa chikoro chomunzvimbomo nezvivako zveminisiparati zvinoverengeka. Nhamburiko dzavo dzokusaneta dzakaongwa nehama dzavo navanhu vomunzanga zvakafanana.

Mudzimwe nzvimbo dzakawanda, Zvapupu zvaJehovha zvakatambura ngwavaira, zvakadai samafashamo, madutu, uye kudengenyeka kwapasi, seizvo chaizvo munhu ari wose akaita. Zvichinzwisisa kuti iyoyi miuyo yemigariro isingadeyi kuonwa kana kuti isingadzivisiki, izvo hazvipi mhosva Mwari kana kuti munhu upi noupi zvake. (Muparidzi 9:11) Panzvimbo pezvo, zvine chivimbo chokuti rudo rwokuzvibaira rwavatendi biyazvo ruchazvibetsera pasinei zvapo nemigariro yakakomba ingazviwira. Mabasa orudo akadaro muuyo wokutenda kwazvinogoverana zvose. Mudzidzi Jakobho anotsanangura, kuti: “Kana kune hama, murume kana mukadzi, asina zvokufuka, unoshaiwa zvokudya zuva rimwe nerimwe, mumwe wenyu akati kwavari: ‘Endai henyu nomufaro, mudziirwe, mugute,’ musingavapi izvo zvinodikanwa nomuviri, zvinobatsirei? Saizvozvowo, nokutenda kana kusina mabasa, kwakafa hako.”—Jakobho 2:15-17.

Manyuko Edziviriro Yechokwadi

Panzvimbo pokukarira manenji muchimiro chepindiro youmwari yorudzi rwakati, Zvapupu zvaJehovha zvinoziva kuti dziviriro inowanwa muuhama hwazvo hwechiKristu hwenyika yose. Zvomenemene, izvo uhama ihwohwo hunokwanisa kuita munguva yenhamo kunodokuva kwenenji. Zvinoyeuka mashoko aJesu anowanwa pana Mateo 17:20, anoti: “Kana muno kutenda kwakaita setsanga yemastardha, mungati kugomo iri: ‘Ibva pano, enda koko!’ ringaenda; hakune chinhu chingakukundai.” Hungu, mhinganidzo dzakaita samamakomo dzinonyangarika apo kutenda kwechokwadi kwechiKristu, pamwe chete norudo, zvinoshanda.

Vanhu vaJehovha munyika yose vanonzwa ruoko runodzivirira rwaMwari wavo muidzi nguva dzisina kuterama nedzine ngozi. Ivo vanonzwa sezvakaita wezvamapisarema, akati: “Ndichavata pasi norugare, ndibatwe nehope; nokuti ndimi moga Jehovha munondigarisa pakasimba.” (Pisarema 4:8) Nechivimbo, ivo vanonangidzira ngwariro yavo pabasa riripo: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzirwa mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose; uye ipapo mugumo uchasvika.” (Mateo 24:14, NW) Uye zvamazvirokwazvo vanotarira mberi kukuzadzikwa kwechipikirwa chaJehovha chenyika itsva ine rugare, yakarurama, umo vasati vachizowanazve ngwavaira dzorudzi rupi norupi, dzinoitwa nomunhu kana kuti dzomusikirwo.—Mika 4:4.

[Mifananidzo iri papeji 12]

Zvapupu zvakabva kure nepedyo kuzobetsera vanyajambwa vamafashamo

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe