RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g93 5/8 pp. 5-12
  • Kukurira Mukunangana noRufu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kukurira Mukunangana noRufu
  • Mukai!—1993
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Nhau yaAnanii Grogul wokuUkraine
  • Kutambudzwa Kwoutsinye kweHanzvadzi Yangu
  • Kudzokera kuUkraine uye Chitambudzo Chikuru
  • Perero Yakaedzwa muAfrica
  • Pamberi Peboka Rokupfura
  • “Mava Kutonhuwa Sezvitunha”
  • Kusangana Nomurwi Anorwira Mari Anonzwira Urombo
  • “Endai, Batirai Mwari Wenyu”
  • Kuramba Kubetsera nokuda Kwehondo
  • Mhomho Yakatungamirirwa Navaprista
  • Kufira Kutendeka Kusingakarirwi
  • Tsigiro Yomudzimai Akatendeka
  • Neiko Kune Vafiri Kutendeka Vazhinji Kwazvo?
  • Firipo—Muevhangeri Aishingaira
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Ndakatsunga Kuramba Ndiri Musoja waKristu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2017
  • Kuzivisa “Mashoko Akanaka Pamusoro paJesu”
    Kupa “Uchapupu Hwakasimba nezveUmambo hwaMwari”
  • Ndakadzidza Kuvimba naJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
Ona Zvimwe
Mukai!—1993
g93 5/8 pp. 5-12

Kukurira Mukunangana noRufu

“Bva nomutoo unoshamisa, kumaNazi, [Zvapupu] zvaisagonawo kuparadzwa chose. Apo izvo zvaidzvinyirirwa zvikuru izvo zvaiva zvakasimba zvikuru, zvichiva zvakaomarara sebwe redhaimana mukudzivisa kwazvo. Hitler akazvipfura muhondo yokuuraya kukurusa, uye izvo zvakachengeta perero yazvo. . . . Chinoitika chazvo inhau inokosha nokuda kwavose vanofunda kupukunyuka mudzvinyiriro hurusa. Nokuti izvo zvakapukunyuka.”—Anonzi akanyorwa naDr. Christine King, wezvenhau, mumagazini inonzi Together.

ZVAPUPU ZVAJEHOVHA zvinofanira kurangarirwa munhau yomuzana ramakore rechi 20 seboka rorudzidziso rakacherwa zvikurusa munzvimbo yose uye rakatambudzwa pasi pano. Zvave zvisinganzwisiswi uye kazhinji kazhinji zvichibatwa zvisina kufanira nemhaka bedzi yechimiro chazvo kukusatora rutivi kwechiKristu uye kuramba kudzidza kana kurwa hondo. Kuparadzana kwazvo nebatano dzose dzezvamatongerwe enyika kwakazviunzira hasha yavatongi vehurumende dzoushushi munyika zhinji. Bva, mumwe womupiro wazvo kunhau yazvino uno wave uri chinyorwa chazvo chokusatora rutivi kworumano neperero yakatsiga.a

Wezvenhau weBritain Arnold Toynbee akanyora muna 1966, kuti: “Munguva yedu muGermany mave mune vafiri kutendeka vechiKristu avo vakapa chaizvo upenyu hwavo panzvimbo pokunamata Urudzi hwakapararira hunomirirwa namwari wohunhu Adolf Hitler.” Maidi anoratidzira kuti Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvakatanhamara pakati pavafiri kutendeka ivavo. Zvinoitika zvakati zvinofanira kubetsera kuenzanisira kunangana kwazvakaita nechitambudzo uye kunyange rufu nemhaka yeperero yazvo—uye ikoku musati muchingova bedzi munhambo yechiNazi. Mumativi mazhinji enyika, chinyorwa chazvo chorukundo mukunangana norufu chinowirirana uye hachienzaniswi.

Nhau yaAnanii Grogul wokuUkraine

“Vabereki vangu vakava Zvapupu zvaJehovha mukati meHondo yeNyika II, muna 1942, apo ndakanga ndava namakore 13 okukura. Nokukurumidza pashure pako, baba vangu vakasungwa, vakaiswa mujere, uye gare gare vakachinjirwa kumisasa yeSoviet muUral Mountains. Apo ndakanga ndava namakore 15, muna 1944, zviremera zvehondo zvakandidanira kubasa regadziriro mumauto ehondo. Sezvo ndakanga ndatova nokutenda kwakasimba muna Jehovha, ndakaramba kudzidza hondo. Nokuda kweichi chikonzero, pazera duku irero, ndakatongerwa makore mashanu mutorongo.

“Ipapo gore ra 1950 rinotambudza zvikuru rakasvika. Ndakasungwazve uye ndakatongerwa kupfigirwa mutorongo kwamakore 25 nokuda kwemibato yangu seChapupu. Ndakanga ndava namakore 21 okukura. Ndakararama makore manomwe nemwedzi mina mumisasa yechibharo. Ndakaona vanhu vazhinji vachifa, vachifufuma nenzara uye vachiperezeka nomubato wakaoma.

“Pashure porufu rwaStalin muna 1953, migariro yakavamba kuchinja, uye muna 1957 zviremera zvakandisunungura mutorongo. Zvakare ndakawana ‘rusununguko.’ Asi nguva ino zvakandiendesa kundogara kunyika yokumwe yeSiberia kwamakore gumi.”

Kutambudzwa Kwoutsinye kweHanzvadzi Yangu

“MuSiberia, ndakabatanidzwazve nehanzvadzi yangu yokunyama, iyo yakanga yatova murwere. Akanga asungwa mavhiki maviri chaiwo pashure pokunge ndasungwa muna 1950. Kufeyafeya munhau yake kwakaitwa chaizvoizvo nomutoo usati uri wapamutemo. Vakamupfigira mutorongo riri roga dzokonokei vozarurira makonzo muchitokisi chake kuti ave nawo. Iwaya ain’en’ena tsoka dzake uye achifamba-famba pamuviri wake. Pakupedzisira, vatambudzi vake vakamumisa mumvura inotonhora kusvikira muchipfuva chake vachiona kurwadziwa kwake. Akatongerwa kuiswa mutorongo kwamakore 25 nokuda kwomubato wake wokuparidzira. Makumbo ake ose ari maviri akava akaoma, asi aigona kushandisa zvanza zvake namaoko. Vakamuchengeta muchipatara chemisasa yechibharo kwamakore mashanu uye pakupedzisira vakasarudza kuti akanga asingachafanirwizve nengwariro sokunge kuti akanga afa. Ipapo vakamuchinjira kuvabereki vedu, avo vakanga vaendeswa muusungwa hwenduramo youpenyu muSiberia muna 1951.”

Kudzokera kuUkraine uye Chitambudzo Chikuru

“MuSiberia ini ndakasangana naNadia, uyo akazova mudzimai wangu uye takabereka vana vedu. Kunyange muSiberia takapfuuridzira basa redu rokuparidzira. Ndakaronzeswa kubudiswa nokuitwazve kwamamwe makopi amabhuku eBhaibheri. Usiku huri hwose munun’una wangu Jacob neni taibatikana munzvimbo yakacherwa pasi pemba, tichiitazve mamwe makopi eNharireyomurindi. Taiva netapureta mbiri nomuchina wokuitazve mamwe makopi wakagadzirwa pamba. Imba yedu yainzverwa nguva dzose namapurisa. Nguva iri yose aienda asina chinhu.

“Usungwa hwangu hwakapera. Nemhuri yangu yose, ndakatamira kuUkraine, asi chitambudzo chakatitevera. Ndakagoverwa kubatira somutariri anofambira. Ndaitofanira kushanda kuti nditsigire mhuri yangu. Kanoverengeka mwedzi uri wose, mitezo yeState Security yaiuya kunzvimbo yangu yebasa ichiedza kundinyengetedza kuti ndibvumiranise pane zvisina kufanira kutenda kwangu. Pane imwe nhambo ndakanzwa betsero yaJehovha munzira iri chaiyo zvikuru. Vakandisunga ndokundiendesa kumahofisi eState Security muKiev, uko vakandichengeta kwamazuva matanhatu. Nguva yose iyeyo vakaedza kundikangaidza neparadziro yokusadavira kuvapo kwaMwari. Munzira yavo isati iri youmwari, vakatsinhira pamusoro peNharireyomurindi nezvimwe zvinyorwa zveWatch Tower Society. Dzvinyiriro yakava inenge isingatsungiririki. Mukamuri rokugezera, ndaipfugama ndokuchema, ndichichemera kuna Jehovha. Aiwa, handina kukumbira nokuda kwesununguko asi nokuda kwesimba rokutsungirira uye kusachera hama dzangu.

“Ipapo mukuru wamapurisa akauya kuzondiona, uye achigara pamberi pangu, akandibvunza kana ndakanga ndichipwiswa zvomenemene nezvechandakanga ndichidzivirira. Ndakamuitira uchapupu hupfupi ndokuzivisa kugadzirira kwangu kufira zvokwadi. Mhinduro yake yakanga iri yokuti: ‘Iwe uri munhu anofara. Kudai bedzi ndaipwiswa kuti iyi ndiyo zvokwadi, ndaizova akagadzirira kusati kuri kungogara bedzi mujere kwamakore matatu kana kuti mashanu asi kumira negumbo rimwe mutorongo kwamakore 60.’ Akagara chinyararire nomutoo wokufunga kwechinguvana ipapo ndokupfuurira, kuti: ‘Inhau youpenyu husingaperi. Unogona here kufungidzira icho upenyu husingaperi hunoreva chaizvoizvo?’ Pashure pokumira zvishomanene, akati: ‘Enda kumba!’ Mashoko iwayo akandipa simba risingakarirwi. Ndakanga ndisichirizve kunzwa nzara. Ndakanga ndichida bedzi kuenda. Ndakanzwa chokwadi chokuti ndiJehovha akanga andisimbaradza.

“Mumakore achangobva kupfuura aya zvinhu zvakachinja mune yaichimbova Soviet Union. Zvino kune mabhuku eBhaibheri akawanda. Tinokwanisa kupinda magungano edunhu nekokorodzano dzoruwa, uye tinogoverana mumarudzi ose emibato yokuparidzira, kubatanidza ushumiri hwapaimba neimba. Zvirokwazvo, Jehovha akatipa rukundo mukunangana nemiedzo mizhinji!”

Perero Yakaedzwa muAfrica

Mukupera kwama 1960, Nigeria yakabatanidzwa muhondo yamapoka avagari vemo inoparadzanya. Vanangana nokurasikirwa kunowedzera, varwi vomudunhu rakapanduka, panguva iyoyo rakatumidzwazve zita rokuti Biafra, vakanyoresa nomutoo wokugombedzera majaya muuto ravo. Sezvo Zvapupu zvaJehovha zvisingatori rutivi mune zvamatongerwe enyika uye zvichiramba batanidzwo muhondo, Zvapupu zvizhinji muBiafra zvakatambudzwa, zvakabatwa noutsinye, uye zvakaurawa. Mumwe weZvapupu zvaJehovha akataura, kuti: “Takanga takafanana namakonzo. Taitofanira kuvanda pari pose apo tainzwa varwi vachiuya.” Kazhinji kazhinji pakanga pasina nguva yokuvanda.

Chimwe Chishanu mangwanani muna 1968, Philip, mushumiri wenguva yakazara wezera ramakore 32, akanga ari mumusha weUmuimo achiparidzira kumukweguru apo varwi veBiafra vakapinda mukomboni panhimbe yokunyoresa varwi.

“Uri kuiteiko?” akabvunza kudaro mutungamiriri weboka. Philip akataura kuti iye akanga ari kutaura pamusoro poUmambo hunouya hwaJehovha.

“Haisiri nguva yokuparidzira!” akadanidzira kudaro mumwe murwi. “Ino inguva yehondo, uye hatidi kuona varume vakasimba vachifamba-famba vasina chavanoita.” Varwi ipapo vakapfekenura Philip kuva mushutu, vakasungirira maoko ake pamwe chete, ndokuenda naye. Israel, mukuru wechiKristu wamakore 43 okukura, akanga asinawo nguva yokuvanda. Akatapwa sezvo iye akanga achigadzirira vana vake zvokudya. Pakuzosvika pa 2:00 p.m. varwi vakanga vaunganidza vanopfuura varume vane zana rimwe. Vakagombedzera nhapwa dzavo kumhanya makiromita 25 vachienda kumusasa wehondo muUmuacha Mgbedeala. Vapi navapi vaimhanya zvishomanene zvikuru vairohwa.

Israel akaudzwa kuti aizotakura chigwagwagwa chinorema; Philip aizorovedzwa kushandisa chigwagwagwa chakareruka. Apo ivo vakatsanangura kuti havasati vaigona kukumbanira muhondo nemhaka yokuti Jehovha anokurambidza, mutungamiriri akaraira kuti vapfigirwe. Pa 4:00 p.m., vanyoreswi vose, kubatanidza naavo vari mumakamuri okurindwa, vakarairwa kuita mutsetse. Varwi ipapo vakakumbira mumwe nomumwe kusaina pepa rairatidza kuti iye abvuma kukumbanira uto. Apo rakanga rava jana rake kuti asaine, Philip akanongedzera kumashoko a 2 Timotio 2:3, 4 ndokuti kumutungamiriri: “Ini ndinotova ‘murwi akaisvonaka waKristu.’ Handigoni kurwira Kristu uyewo kurwira mumwe munhu. Kana ndikadaro, Kristu achandirangarira kuva munyengeri.” Mutungamiriri akamurova mumusoro, achiti: “Kugadzwa kwako somurwi waKristu kunogumiswa! Zvino wava murwi weBiafra.”

Philip akapindura, kuti: “Jesu achigere kundizivisa kuti kugadzwa kwangu somurwi wake kwagumiswa, uye kugadzwa kwangu kunoramba kuripo kusvikira ndagamuchira ziviso.” Pana ikoko, varwi vakasimudzira Philip naIsrael mumhepo ndokuvakandira pasi. Vabatwa nedzungu uye vachibuda ropa mumaziso, mumhuno, uye mukanwa, vaviri ivavo vakazvuzvurudzirwa kure.

Pamberi Peboka Rokupfura

Gare gare zuva irero, Israel naPhilip vakazviwana vamene vanangana neboka rokupfura. Asi varwi havana kuvapfura. Panzvimbo pako, vakavarova netsiva dzavo namagaro epfuti. Ipapo mutungamiriri womusasa akasarudza kuvakwapura kusvikira vafa. Akagovera varwi 24 kuita ikoku. Vatanhatu vaizokwapura Philip, uye vamwe vatanhatu vaizokwapura Israel. Vamwe varwi 12 vaizogovera shamhu dzinotsiva uye kumirira kutsiva apo vamwe vaiva vaneta.

Philip naIsrael vakasungwa maoko netsoka. Israel anorondedzera, kuti: “Handigoni kutaura kuti kurohwa kungani kwatakaitwa usiku ihwohwo. Apo mumwe murwi aineta, mumwe aizotanga. Vakatirova kunyange pashure pokunge tisisina chatinoziva.” Anodaro Philip: “Mateo 24:13, iyo inotaura nezvokutsungirira kusvikira kumugumo, yakauya mundangariro mangu mukati mokutambudzwa, uye ikoko kwakandisimbisa. Ndakanzwa kurwadziwa kwokurova kwamasekondi mashomanene. Kunoratidzika sokunge kuti Jehovha akatumira imwe yengirozi dzake kuzotibetsera, sezvaakaita munguva yaDhanieri. Nezvisizvo taisagona kuve takapukunyuka usiku ihwohwo hunorwadza.”

Apo varwi vakanga vapedza, Israel naPhilip vakafungwa kuve vafa. Kwakanga kuchinaya. Kwakanga kusati kuri kutozosvikira pamangwanani anotevera apo maKristu maviri akazivazve. Apo varwi vakaona kuti vakanga vachiri vapenyu, vakavazvuzvurudzirazve kukamuri rokurindwa.

“Mava Kutonhuwa Sezvitunha”

Kukwapura kwakanga kwasiya nyama yavo yatsvuka uye yasvuurwa, namaronda ari mumiviri yavo vose. Israel anoyeuka, kuti: “Takanga tisingabvumirwi kugeza maronda edu. Pashure pamazuva akati nhunzi dzakapfuurira kutidya. Nemhaka yokutambudzwa, takanga tisingakwanisi kudya. Kwakanga bedzi kuri pashure pevhiki rimwe apo chinhu chipi nechipi kunze kwemvura yakakwanisa kupinda nomukanwa medu.”

Mangwanani ari ose varwi vaivakwapura neshamhu—kurohwa 24 mumwe nomumwe. Varwi nomutoo woutsinye vaiidza ikoko kuti “chisvusvuro” kana kuti “tii yamangwanani inopisa.” Nguva yamasikati iri yose, varwi vaivaunza munhandare kuti vatarise zuva romunyika dzinopisa kusvikira 1:00 p.m. Pashure pamazuva mashomanene okubatwa kwakadaro, mutungamiriri akavadana ndokuvabvunza kana vakanga varamba chimiro chavo. Vakataura kuti kwete.

“Muchafira muchitokisi chenyu,” akataura kudaro mutungamiriri. “Kutaura idi, mava kutonhuwa sezvitunha.”

Philip akapindura, kuti: “Kunyange kana tikafa, tinoziva kuti Kristu, watiri kurwira, achatimutsa.”

Vakapukunyuka sei iyi nguva inotambudza? Israel, anoti: “Philip neni takakurudzirana mumuedzo wedu. Pakuvamba, ndakati kwaari, ‘Usatyisidzirwa. Kunyange kana zvodini, Jehovha achatibetsera. Kana ndirini, hapana chinhu chichandiita kuti ndikumbanire uto. Kunyange kana ndichifanira kufa, handisati ndichizobata pfuti naaya maoko angu.’” Philip akataura kuti akanga aita kutsunga kumwe cheteko. Pamwe chete vaiyeuka uye vaikurukura magwaro akasiana-siana.

Mutungamiriri mutsva akasarudza kuchinjira rinenge zana rimwe ravanyoreswa kuIbema, musasa werovedzo munharaunda yeMbano yeiyo zvino yava Nyika yeImo. Israel anorondedzera chakaitika ipapo: “Rori guru rakanga rakamirira, uye vanyoreswi vose vakanga vava mukati. Mudzimai wangu, June, akamhanyira kuvarwi uye noushingi ndokutikumbira kuti tisaendeswe. Apo vakaramba kumuteerera, akapfugama pedyo nerori, akanyengetera, uye akagumisa naameni anonzwika. Ipapo rori rakaenda.”

Kusangana Nomurwi Anorwira Mari Anonzwira Urombo

Rori ramauto rakasvika musasa paIbema masikati akatevera. Murume akaratidzika kuva anotarisira ikoko akanga ari murwi anorwira mari weIsrael. Paakaona maroverwe namanetere akanga akaita Philip naIsrael, akasvika ndokuvabvunza chikonzero nei vakanga vari mumugariro wakaipa wakadaro. Vakatsanangura kuti ivo Zvapupu zvaJehovha uye vakanga varamba rovedzo yehondo. Mukushatirwa, akatendeukira kuna vamwe vakuru vakuru vehondo ipapo. “Biafra ine chokwadi chokukundwa muhondo ino,” akataura kudaro. “Nyika ipi neipi inopinda muhondo inotambudza Zvapupu zvaJehovha ine chokwadi chokukundwa. Hamufaniri kunyoresa Zvapupu zvaJehovha. Kana Chapupu chikabvuma kuenda kuhondo, zvakanaka. Asi kana icho chikaramba, chisiyei chakadaro.”

Chiremba womusasawo akabvunza kana Zvapupu zviviri zvakanga zvabaiwa majekiseni uye magwaro anovimbisa kodzero yavo nokuda kwehondo. Sezvo vakanga vasina, murwi anorwira mari akaramba vose vakanyoreswa ndokuraira kuti vadzorerwe kuUmuacha.

“Endai, Batirai Mwari Wenyu”

Gare gare, mudzimai waIsrael naamai vaPhilip vakasarudza kushanyira musasa weUmuacha mukukarira kunzwa mashoko. Zvavakasvika, vakanzwa mhere mhere mumusasa. Pasuo, murindi akati: “Chapupu chaJehovha! Munyengetero wako wapindurwa. Boka rakaendeswa mazuva matatu apfuura radzorerwa.”

Zuva rimwe chetero, Philip naIsrael vakasunungurwa mumusasa. Mutungamiriri akataura kuna June, kuti: “Unoziva here kuti wakanga uri munyengetero wawakataura wakaita kuti kuita kwedu kuve kusina zvibereko?” Ipapo akati kuna Israel naPhilip: “Endai, batirai Mwari wenyu, uye pfuurirai kuchengeta perero yenyu kuna Jehovha wenyu.”

Mukutaura pamusoro paIsrael naPhilip, vakanaya ndokupfuurira mumubato wechiKristu. Pashure pehondo, Israel akapinda kuparidzira kwenguva yakazara kwamakore maviri uye akapfuurira kubatira somukuru wechiKristu. Philip akabatira somutariri anofambira kwamakore gumi uye zvino ari kubatikana mukuparidzira kwenguva yakazara. Iyewo mukuru muungano.

Kuramba Kubetsera nokuda Kwehondo

Zebulan Nxumalo naPolite Mogane vashumiri vechiduku vaviri venguva yakazara muSouth Africa. Zebulan anotsanangura, kuti: “Rimwe Svondo mangwanani, boka ravarume rakasvika pamba pedu ndokukumbira R20 (inenge Z$36) yokutenga zvombo. Mukuremekedza takavakumbira kudzoka manheru iwayo, sezvo rudungwe rwedu rweSvondo rwakanga rwakabatikana zvokusagona kukurukura nhau yacho panguva iyeyo chaiyo. Nomutoo unoshamisa, vakabvuma. Manheru iwayo, varume 15 vakasvika. Chitarisiko chezviso zvavo chakakuita kuve kunooneka kuti vaiva vachikombesa nhau yacho. Pashure pokuzvisuma timene nomutoo wakaterama, takavabvunza chavaida. Vakatsanangura kuti vaida mari yokutenga zvombo zvikuru uye zviri nani zvokurwisa nazvo bato rezvamatongerwe enyika rinoshora.

“Ndakavabvunza, kuti: ‘Kunobvira here kudzima mwoto nepeturo?’

“‘Aiwa, ikoko kungava kusingabviri,’ vakapindura kudaro.

“Takatsanangura kuti munzira yakafanana, masimba masimba angangokurudzira bedzi masimba masimba uye zviito zvamatsive.

“Uku kutaura kwakaratidzika kuva kwakashatirisa chiverengero chavarume varipo. Kuraira kwavo zvino kwakava tyisidziro inodenha. ‘Iyi kurukurirano yemirangariro ipambadzwo yenguva,’ vakataura kudaro mukushatirwa. ‘Mupiro wokugombedzera haukurukuriranwi. Unobhadhara kana kuti ukasadaro unogamuchira miuyo isingafadzi!’

“Panguva iyeyo,” anoyeuka kudaro Zebulan, “sezvo zvinhu zvakanga zviri kutanga kuva zvakaoma zvikuru, mutungamiriri wavo akapinda. Akada kuziva chakanga chiri chinetso. Takatsanangura chimiro chedu, uye iye akasanoteerera. Takashandisa kuzvipira kwavo kuzvitendero zvavo vamene zvezvamatongerwe enyika somuenzanisiro. Takavabvunza kuti vaizokarira sei murwi akarovedzwa womusangano ravo kuita neimwe nzira kudai iye akanga atapwa ndokugombedzerwa kubvumiranisa nzvimbo yake nezvisina kufanira. Vakataura kuti munhu akadaro anofanira kugadzirira kufira zvitendero zvake. Vakanyemwerera zvatakavarumbidza nokuda kwemhinduro yavo; havana kuziva kuti vakanga vatipa banza rakaisvonaka rokuenzanisira chinoitika chedu. Takatsanangura kuti isu takasiana namachechi echiKristudhomu. Savatsigiri voUmambo hwaMwari, ‘bumbiro remitemo’ redu rakavakirwa paBhaibheri, rinoshora zvimiro zvose zvokuuraya. Nokuda kweichi chikonzero, takanga tisina kugadzirira kupa kunyange sendi rimwe zvaro kukutenga zvombo.

“Pakuzosvika panguva ino, sezvo kurukurirano yakasvika mugumo, vanhu vakawanda vakanga vadirana mumba medu, zvokuti pakupedzisira takanga tichitaura navateereri vakawanda. Havana kuziva kuti takanga tichinyengeterera sei nomutoo wokushingaira muuyo wakanaka wekurukurirano yacho.

“Pashure pokunge tajekesa chimiro chedu, kunyarara kwenguva refu kwakatevera. Pakupedzisira, mutungamiriri wavo akataura kuboka rake, kuti: ‘Varume, ndinonzwisisa chimiro chavarume ava. Kudai taida mari yokuvaka musha wavanhu vakura, kana kuti kudai mumwe wavavakidzani vedu aida mari yokuenda kuchipatara, ava varume vangava vanodisa kupa mupiro. Asi havana kugadzirira kutipa mari yokuuraya. Ini pachangu, handisi kurwisana nezvitendero zvavo.’

“Naikoko, vose vakamira. Takabatana maoko ndokuvaonga nokuda kweshiviriro yavo. Icho chakanga chatanga somugariro unokutyisidzira chingadai chakatitorera upenyu hwedu chakanga chapera murukundo rwakaisvonaka.”

Mhomho Yakatungamirirwa Navaprista

Sezvakataurwa neChapupu chePoland Jerzy Kulesza:

“Pakureva nezverushingairo uye kuisa fariro dzoUmambo pakutanga, baba vangu, Aleksander Kulesza, vakanga vari muenzaniso wokutevera. Kwavari, basa romumunda, misangano yechiKristu, uye fundo yomunhu oga neyemhuri zvakanga zviri zvinhu zvitsvene chaizvoizvo. Hapana dutu rechando kana kuti mazaya echando kana kuti mhepo ine simba kana kuti kupisa chakanga chiri mhinganidzo kwavari. Mumwaka wokutonhora vaipfeka skis yavo, vaitora zvinhu zvavo namabhuku eBhaibheri, ndokuenda kune dzimwe ndima dziri dzoga dzePoland kwamazuva anoverengeka. Vaiwanzosangana nengozi dzakasiana-siana, kubatanidza mapoka echimurenga ana masimba masimba.

“Pane dzimwe nguva vaprista vainyandura chishoro mukurwisana neZvapupu, vachikuchidzira kudenha kwemhomho. Vaiwanzovaseka, kuvakandira matombo, kana kuti kuvarova. Asi vaidzokera kumusha, vachifara kuva vakatsungirira denho nokuda kwaKristu.

“Mukati mamakore okutanga iwayo pashure peHondo yeNyika II, zviremera zvakanga zvisingakwanisi kuchengeta mutemo norunyararo munyika yacho. Makanga mune nyongano noruparadziko. Mapurisa namapurisa omuchivande aitonga masikati, nepo varwi vechimurenga namamwe mapoka vaishanda usiku. Umbavha nokuba zvakava zvakapararira, uye kwakava nokuuraya kuzhinji. Zvapupu zvisina dziviriro zvaJehovha zvaiva vanyajambwa vari nyore, zvikurukuru sezvo mamwe amapoka aitungamirirwa navaprista ainangidzira ngwariro paZvapupu. Vairuramisa kudenhwa kwemisha yedu munyengedzo yokuti ivo vanodzivirira kutenda kweKaturike kwamadzibaba avo. Panhambo dzakadaro vakaputsanya mafafitera, vakaba zvipfuyo, uye vakaparadza zvipfeko, zvokudya, uye mabhuku. MaBhaibheri vakakandira mutsime.”

Kufira Kutendeka Kusingakarirwi

“Rimwe zuva muna June 1946, tisati taungana kuti tiende namabhasikoro kundima iri yoga, imwe hama duku, Kazimierz Kądziela, akatishanyira ndokutaura nababa vangu nenzwi rakaderera. Baba vangu vakatiendesa kundima, asi ivo havana kuenda nesu, uko kwakatishamisa. Taizonzwa hedu chikonzero chacho gare gare. Pakudzoka kumusha, takanzwa kuti usiku hwapfuura mhuri yokwaKądziela yakanga yarohwa zvakakomba, naizvozvo Baba vangu vakanga vaenda kundotarisira hama nehanzvadzi dzakakuvadzwa.

“Apo gare gare ndakapinda mukamuri umo vakanga vavete, chitarisiko chakandichemedza. Madziro nedenga romukati zvakanga zvakapfachaidzwa neropa. Vanhu vakapomberwa namabhandichi vakanga vavete pahuvato, vakarohwa zvakakomba, vakazvimba, vane mbabvu namaoko zvakavhunika. Vakanga vasiri nyore kuvaziva. Hanzvadzi Kądziela, amai vemhuri, vakanga varohwa zvakakomba. Baba vangu vakanga vachivabetsera, uye vasati vabva vakataura mashoko anokosha, okuti: ‘Haiwa, Mwari wangu, ndiri murume ane utano naanokwanisa [ivo ipapo vakanga vane makore 45 okukura uye vasati vasina kutongorwara], uye ini handisati ndava neropafadzo yokutambura nokuda kwenyu. Neiko kuchifanira kuitika kune iyi hanzvadzi yakwegura?’ Havana kutongoziva kuti chii chakanga chakavamirira.

“Zuva zvarakadoka, takadzokera kumba kwedu kure na[makiromita matatu]. Boka ravarume 50 vane zvombo rakanga rakomba imba yedu. Mhuri yokwaWincenciuk yakanga yapinzwawo, naizvozvo takanga tiri vapfumbamwe imomo. Mumwe nomumwe wedu akabvunzwa mubvunzo: ‘Uri Chapupu chaJehovha here?’ Apo takapindura kuti hungu, takarohwa. Ipapo, vachiita majana, vaviri vavarovi noutsinye ivavo vakarova baba vangu vachingunovabvunza kana vaizorega kurava Bhaibheri uye kuriparidzira. Vaida kuziva kana ivo vaizoenda kuchechi ndokureurura zvivi zvavo. Vakavashora, vachiti: ‘Nhasi, tichakugadza kuva bhishopi.’ Baba vangu havana kutaura shoko rimwe zvaro, havana kuchema kamwe zvako. Vakatsungirira zvitambudzo zvavo, vanyerere segwai. Kwoedza, anenge maminiti 15 pashure pokunge vashushi vorudzidziso vaenda, vakafa, vadzanganyika. Asi vasati vaenda, vakasarudza ini sanyajambwa wavo anotevera. Ndakanga ndava namakore 17 okukura panguva iyeyo. Ndichingunorohwa, ndakazheuka kanoverengeka. Muviri wangu wakasviba kubvira muchiuno zvichidzika pasi somuuyo wokurohwa. Takabatwa zvisina kufanira kwamaawa matanhatu. Nemhaka yokuva Zvapupu zvaJehovha!”

Tsigiro Yomudzimai Akatendeka

“Ndakanga ndiri muboka reZvapupu 22 izvo kwemwedzi miviri zvakanga zvakapfigirwa muchitokisi chine rima chisingasviki [mamita gumi] akaenzana mumativi mana. Pakupera kwenhambo iyeyo, migove yedu yezvokudya yakaderedzwa. Zuva nezuva, taipiwa mugove muduku wechingwa nekomichi duku yekofi inovava. Kwakanga kuchibvira bedzi kurara pasi kuti uvate pahuriri hwekongiri inotonhora apo mumwe munhu aibudiswa muchitokisi nokuda kwokubvunzwa mukati mousiku.

“Ini ndakapfigirwa mutorongo nokuda kwomubato wechiKristu kashanu, makore masere pamwe chete. Ndaibatwa somusungwa chaiye. Pakanga pane chinyorwa muchinyorwa changu ndimene chaikoku: ‘Netsai Kulesza zvikuru zvokuti acharasikirwa nechishuvo chake chokutangazve mubato wake.’ Zvisinei, nguva iri yose yandaisunungurwa, ndaizvipira ndimene nokuda kwebasa rechiKristu. Zviremera zvakaomeserawo upenyu hwomudzimai wangu, Urszula, navanasikana vedu vaduku vaviri. Somuenzaniso, kwamakore gumi mukuru mukuru womutemo akabvuta imwe yemibhadharo yaiwanwa zvakaoma yomudzimai wangu. Iyoyi yakataurwa kuva mutero pandiri nokuda kwokupepeta mabhuku eBhaibheri muchivande. Chinhu chiri chose chakabvutwa kunze kwezvinhu zvakarangarirwa sezvinodikanwa zvoupenyu. Ndinoonga Jehovha nokuda kwomudzimai wangu akashinga, uyo akatsunga nomutoo wokushivirira pamwe chete neni zvitambudzo zvose izvozvo uye akanga ari tsigiro chaiyo kwandiri nguva yose.

“Takaona rukundo rwomudzimu muno muPoland; zvino tine hofisi yebazu yakanyoreswa pamutemo yeWatch Tower Society paNadarzyn, pedyo neWarsaw. Pashure pamakumi amakore echitambudzo, zvino kune zvinopfuura Zvapupu 108 000, zvinosonganirana neungano 1 348.”

Neiko Kune Vafiri Kutendeka Vazhinji Kwazvo?

Chinyorwa cheperero yeZvapupu zvaJehovha muzana rino ramakore rechi 20 chingazadza chaizvoizvo mavhoriyamu—zviuru zvakafa savafiri kutendeka kana kuti zvakatambura kupfigirwa mutorongo uye zvitambudzo zvisingarondedzereki, kubatwa chibharo, uye kupambwa munzvimbo dzakadai seMalawi neMozambique, muSpain mukutungamirira kweFascism, muEurope mukutungamirira kweNazism, muEastern Europe mukutungamirira kwechiKomonizimu, uye muUnited States mukati meHondo yeNyika II. Mubvunzo unomuka, Neiko? Nemhaka yokuti vatungamiriri vasingachinjiki vezvamatongerwe enyika nevorudzidziso vave vasingadisi kuremekedza hana yakarovedzwa neBhaibheri yamaKristu apachokwadi anoramba kudzidza kuuraya uye asina rutivi mumubato upi noupi wezvamatongerwe enyika. Kwakangofanana nezvakataurwa naKristu kuti zvaizoitika, sezvakanyorwa pana Johane 15:17-19 (NW), kuti: “Ndinokurairai zvinhu izvi, kuti mudanane. Kana nyika ichikuvengai, imi zivai kuti iyo yakandivenga isati yakuvengai. Kudai imi maiva rutivi rwenyika, nyika yaizoda avo vari vayo imene. Zvino nemhaka yokuti imi hamusati muri rutivi rwenyika, asi ini ndakakusarudzai munyika, nokuda kwaikoku nyika inokuvengai.”

Pasinei hapo neichi chitambudzo chenyika yose, Zvapupu zvaJehovha zvakawedzera—kubvira pa 126 000 munyika 54 muna 1943 kusvikira kuzvinenge 4 500 000 munyika 229 muna 1993. Zvakawana rukundo kunyange mukunangana norufu. Zvakatsunga kupfuuridzira basa razvo rechienzi redzidzo rokuzivisa mashoko akanaka oUmambo kutozosvikira Jehovha araira mugumo waro.—Isaya 6:11, 12; Mateo 24:14; Marko 13:10.

[Mashoko Omuzasi]

a Perero ndiko “kunamatira zvakatsiga kutsika yorumano kana kuti bumbiro remitemo retsika.”—The American Heritage Dictionary, Third Edition.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 6]

Kufira Kutendeka muGermany

AUGUST DICKMANN akanga ava namakore 23 okukura apo mutungamiriri wamaSS Heinrich Himmler akaraira kuti apfurwe pamberi pezvimwe Zvapupu zvose mumusasa wechibharo weSachsenhausen. Gustav Auschner, chapupu chakaona, chakashuma, kuti: “Vakapfura Hama Dickmann ndokutiudza kuti isu tose taizopfurwa kana tikasasaina ziviso yokuramba kutenda kwedu. Taizoendeswa kugomba kanokwana ka 30 kana kuti 40 panguva, uye vaizotipfura tose. Zuva rakatevera, maSS akaunzira mumwe nomumwe wedu pepa rokuti tisaine kana kuti tikasadaro topfurwa. Waifanira kudai wakaona zvitarisiko zvokusuruvara apo vakaenda vasina nokusaina kumwe zvako. Vakanga vane kariro yokutityisidzira nokuuraya kwapamhene. Asi takanga tine kutya kukuru kwokusafadza Jehovha kupfuura kwembumburu dzavo. Havana kuzopfurazve mumwe wedu pamhene.”

[Bhokisi riri papeji 9]

Mubairo Wokupedzisira

PADZIMWE nguva, rukundo mukunangana norufu rungabatanidza kupa upenyu hwako. Tsamba yakagamuchirwa kubva kuUngano yeNseleni, murutivi rwokuchamhembe rweRuwa rweNatal rweSouth Africa, inozivisa nhau inosuruvarisa: “Tinokunyorerai iyi tsamba kukuzivisai pamusoro pokurasikirwa nehama yedu inodiwa Moses Nyamussua. Basa rayo rakanga riri rokuweridha nokugadziridza motokari. Pane imwe nhambo akakumbirwa nerimwe boka rezvamatongerwe enyika kuweridha pfuti dzavo dzinogadzirirwa mumisha, uko iye akaramba kuita. Ipapo, pana February 16, 1992, vakava nomusangano wavo wezvamatongerwe enyika, uko ivo vakarwisana naavo veboka rinoshora. Pamadekwana ezuva rimwe chetero pakudzoka kuhondo yavo, vakawana hama ichienda kumagirosa. Ikoko vakamuuraya namapfumo avo. Chii chakanga chiri chikonzero chavo? ‘Iwe wakaramba kuweridha pfuti dzedu, uye zvino varwi biyedu vafira muhondo.’

“Ikoko kwave kuri katyamadzo huru zvikuru kuhama,” anodaro Hama Dumakude, munyori weungano. “Asi,” iye anowedzera kuti, “tichapfuurira noushumiri hwedu.”

[Bhokisi riri papeji 11]

Kufira Kutendeka muPoland

MUNA 1944, apo mapurisa eGermany akakurumidza kubuda uye rwisano yakanga yosvika taundi murutivi rwokumabvazuva rwePoland, zviremera zvebasa zvakagombedzera vagari vemo kuchera migero inodzivisa kupinda kwamatangi. Zvapupu zvaJehovha zvakaramba kutora rutivi. Stefan Kieryło, Chapupu chiduku—chakabhapatidzwa mwedzi miviri bedzi pamberi pezvi—chakagombedzerwa kupinda muboka ravanhu vakarongwa nokuda kwomubato chaiwo asi akatora noushingi chimiro chimwe chetecho chokusatora rutivi. Zvirango zvakasiana-siana zvakaitwa kuti aputse perero yake.

Vakamusungirira pamuti ari mushutu mumachakwi kuti ave nyajambwa wounyunyu nezvimwe zvipembenene. Akatsungirira ikoko uye zvimwe zvitambudzo, naizvozvo vakamurega. Zvisinei, apo mukuru mukuru wapamusoro akanzvera boka ravanhu vakarongwa nokuda kwomubato chaiwo, mumwe munhu akamuudza kuti pakanga pane mumwe murume asati aizotongoteerera murairo wake. Stefan akarairwa katatu kuchera mugero. Akaramba kunyange kutora foshoro namaoko ake. Akapfurwa ndokufa. Mazana aiona chinoitika chacho aimuziva iye pachake. Kufira kutendeka kwake kwakava uchapupu kusimba gurusa iro Jehovha anogona kugovera.

[Mufananidzo uri papeji 7]

Ananii Grogul

[Mufananidzo uri papeji 10]

Jerzy Kulesza

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe