RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w99 7/15 pp. 24-25
  • Firipo—Muevhangeri Aishingaira

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Firipo—Muevhangeri Aishingaira
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kutanga Ndima Itsva
  • Dzimwezve Ropafadzo dzaFiripo
  • Kuzivisa “Mashoko Akanaka Pamusoro paJesu”
    Kupa “Uchapupu Hwakasimba nezveUmambo hwaMwari”
  • Ratidza Chido Chokupayona
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
  • Firipo Anobhapatidza Mumwe Mukuru Mukuru weEtiopia
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Tanga Nyaya Sematauriro Aunongoita Nguva Dzese
    Iva Nerudo Nevanhu—Vabatsire Kuti Vave Vadzidzi
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
w99 7/15 pp. 24-25

Firipo—Muevhangeri Aishingaira

MAGWARO ane nhau dzakawanda dzevarume nevakadzi vaiva nekutenda kwakafanira kutevedzerwa. Funga nezvaFiripo, mufundisi wechiKristu wemuzana rokutanga remakore. Akanga asiri muapostora, asi akashandiswa zvakasimba mukuparadzira mashoko eUmambo. Chaizvoizvo, Firipo akasvika pakuzivikanwa se“Muevhangeri.” (Mabasa 21:8) Nemhaka yei Firipo aiva nezita iroro? Uye tingadzidzei kwaari?

Firipo anooneka munhau yeBhaibheri Pentekosti ya33 C.E. ichangopera. Panguva iyoyo vaJudha vaitaura chiGiriki vakatanga kunyunyutira vaJudha vaitaura chiHebheru, vachitaura kuti chirikadzi dzavo dzainyimwa paigoverwa zvokudya zvezuva nezuva. Kuti vagadzirise nhau yacho, vaapostora vakagadza “varume vanomwe, va[i]pupurirwa zvakanaka.” Firipo akanga ari pakati pevakasarudzwa ivavo.—Mabasa 6:1-6.

Varume vanomwe ivavo “va[i]pupurirwa zvakanaka.” Shanduro yaJames Moffatt inoti vaiva “nemukurumbira wakanaka.” Hungu, panguva yavakagadzwa, vakanga votozivikanwa kuva varume vemudzimu vaishandisa mano okufunga zvine musoro. Zvakafanana naavo vanoshanda sevatariri vechiKristu nhasi. Varume vakadaro havagadzwi nokukurumidza. (1 Timotio 5:22) Vanofanira “kupupurirwa zvakanaka navari kunze,” uye vaKristu vavanonamata navo vanofanira kuziva kuti vanonzwisisa uye kuti vane pfungwa dzakanaka.—1 Timotio 3:2, 3, 7; VaFiripi 4:5.

Sezviri pachena, Firipo aitarisira zvakanaka mugove wake muJerusarema. Zvisinei, nokukurumidza kutambudzwa kukuru kwakakasharara kwakatanga ndokuparadzira vateveri vaKristu. Savamwe, Firipo akabva muguta, asi ushumiri hwake hwakanga husina kupera. Pasina kunonoka, akanga atobatikana nokuparidzira mundima itsva—Samaria.—Mabasa 8:1-5.

Kutanga Ndima Itsva

Jesu akanga afanotaura kuti vadzidzi vake vaizoparidza “paJerusarema, napaJudhea rose, napaSamaria, nokusvikira kumugumo wenyika.” (Mabasa 1:8) Nokuparidza muSamaria, Firipo akanga achigoverana mukuzadzika mashoko iwayo. VaJudha vaigarozvidza vaSamaria. Asi Firipo akanga asingatongi vanhu ava, uye kusasarura kwake kwakakomborerwa. Zvechokwadi, vaSamaria vakawanda vakabhabhatidzwa, kubatanidza Simoni aichimbova n’anga.—Mabasa 8:6-13.

Kwapera chinguva, ngirozi yaJehovha yakatungamirira Firipo kuti aende kumugwagwa wemurenje waibva Jerusarema uchienda Gaza. Ikoko Firipo akaona ngoro yakanga yakatakura mukuru-mukuru weEtiopia uyo akanga achirava zvinonzwika uprofita hwaIsaya. Firipo akamhanya ari parutivi pengoro ndokutanga kukurukurirana naye. Kunyange zvazvo muEtiopia wacho aiva muproserite aiziva zvakati nezvaMwari uye Magwaro, achizvininipisa akabvuma kuti aida kubetserwa kunzwisisa zvaairava. Nokudaro, akakumbira Firipo kuti apinde mungoro ndokugara naye. Amupupurira, vakasvika paive nemvura yakawanda. “Chinyiko chingadzivisa ndirege kubhabhatidzwa?” muEtiopia akabvunza. Firipo akabva angomubhabhatidza, uye muEtiopia akaenda rwendo rwake achifara. Zvimwe, mudzidzi mutsva uyu akaparadzira mashoko akanaka asvika kunyika yokumusha kwake.—Mabasa 8:26-39.

Tingadzidzei kubva muushumiri hwaFiripo hwaibatanidza vaSamaria nemukuru-mukuru weEtiopia? Hatimbofaniri kufungidzira kuti vanhu veimwe nyika, rumwe rudzi, kana kuti mamiriro ezvinhu akati havasati vachifarira mashoko akanaka. Asi, tinofanira kuparidza mashoko eUmambo “kuvanhu vose.” (1 VaKorinte 9:19-23) Kana tikazviita vanowanika nokuparidzira kuna vose, Jehovha angatishandisa mubasa ro‘kuita vanhu vemarudzi ose vadzidzi’ mugumo wegadziriro ino yakaipa yezvinhu usati wasvika.—Mateo 28:19, 20.

Dzimwezve Ropafadzo dzaFiripo

Aparidzira mukuru-mukuru weEtiopia, Firipo akapupurira paAzoto, “akapota nyika achiparidza Evhangeri pamaguta ose, kusvikira paKesaria.” (Mabasa 8:40) Muzana rekutanga remakore, maguta maviri aya akanga ane vanhu veMamwe Marudzi vakawanda. Parwendo rwake rwekuchamhembe kuKesaria, sezvingabvira Firipo akaparidza munzvimbo dzine mukurumbira dzechiJudha, dzakaita seRidha neJopa. Zvichida ndokusaka vadzidzi vaigona kuwanwa munzvimbo idzodzi gare gare.—Mabasa 9:32-43.

Kutaura kwekupedzisira nezvaFiripo kunooneka makore 20 gare gare. Pakupera kwerwendo rwake rwechitatu rweufundisi, Pauro akaburukira paToremai. “Fume mangwana,” anodaro Ruka muperekedzi waPauro parwendo, “tikabvapo, tikasvika Kesaria; ipapo tikapinda mumba maFiripo, Muevhangeri.” Nguva ino, Firipo akanga ava “nevakunda vana, mhandara, vaiprofita.”—Mabasa 21:8, 9.

Sezviri pachena, Firipo akanga ogara muKesaria. Asi akanga asina kurasikirwa nekuva kwake mufundisi, nokuti Ruka anomuti “Muevhangeri.” Iri shoko rinowanzoreva munhu anosiya musha wake kundoparidza mashoko akanaka mumatunhu asina kumboshandwa. Chokwadi chokuti Firipo aiva nevakunda vana vaiprofita chinoratidza kuti vakanga vachitevedzera makwara okushingaira ababa vavo.

Vabereki vechiKristu vanhasi vanofanira kuyeuka kuti vana vavo ndivo vadzidzi vavo vanokosha zvikuru. Kunyange kana vabereki vakadaro vachifanira kurega ropafadzo dzakati dzoubati ushe hwaMwari nemhaka yemitoro yemhuri, saFiripo vanogona kuramba vari vabatiri vaMwari vemwoyo wose uye vari vabereki vane muenzaniso wakanaka.—VaEfeso 6:4.

Kushanya kwaPauro nevaperekedzi vake kwakapa mhuri yaFiripo mukana wakaisvonaka wekuratidza mutsa. Chimbofungidzira kukurudzirana! Zvichida paiva panguva iyi apo Ruka akawana mashoko pamusoro pezvakaitwa naFiripo, zvakazoiswa muna Mabasa zvitsauko 6 ne8 gare gare.

Jehovha Mwari akashandisa Firipo zvikuru kufambisira mberi basa roUmambo. Kushingaira kwaFiripo kwakamugonesa kuparadzira mashoko akanaka mundima itsva uye akatsigira mamiriro emudzimu akasimba mumusha make. Ungada kuva neropafadzo nezvikomborero zvakafanana here? Ipapo ungaita zvakanaka kana ukatevedzera unhu hwakaratidzwa naFiripo muevhangeri.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe