Murangariro weBhaibheri
Kristu Aripo!
“MANDELA ari kuuya! Mandela ari kuuya!” vakaimba kudaro vana vomuSoweto, South Africa. Kusunungurwa kwaNelson Mandela mutorongo pana February 11, 1990, kwaikarirwa zvikuru sokuvamba kwokuchinja muSouth Africa. Zvisinei, kwamakore mazhinji asati abuda, kuvapo kwake kwainzwika. Apo akanga achiri mutorongo, nenzira yokushingaira akanga arwa “hondo asingaregi yokubvisa rusarura ganda.” Seizvo imwe magazini yenhau yenyika yose yakacherechedza, makore 27 okuva mutorongo akanga asina “kuderedza kuvapo kwake—kana kuti kuva kwake akagadzirira kuita chiito.” Kusunungurwa kwake mutorongo kunosanoenzanisira musiano uri pakati pokuuya nokuvapo.
Nomutoo wakafanana, nenongedzero kukutora kwaJesu Kristu simba rake roumambo, vanyori veBhaibheri vomuzana rokutanga ramakore vanoita musiano pakati pokuuya kwake nokuvapo kwake. Kuvapo kwaKristu Jesu musimba roumambo kwaizonzwika nokuzivikanwa makore mazhinji pamberi poku“uya pamusoro pamakore okudenga nesimba nokubwinya kukuru.” (Mateo 24:30) Kuvapo kusingaoneki kwaKristu (chiGiriki, pa·rou·siʹa) kwaizotangira uku kuuya (chiGiriki, erʹkho·mai) kuzoita rutongeso mukurwisana nechizvarwa chinopandukira nechakaipa.
Pa·rou·siʹa—Inorevei?
Shoko rechiGiriki pa·rou·siʹa rinoreva chaizvoizvo “kuva parutivi” uye “rakava shoko rehurumende nokuda kweshanyo yomunhu ane nzvimbo yakakwirira, zvi[kurukuru] yamadzimambo namadzishe aishanyira ruwa.” Theological Dictionary of the New Testament, inoti: “[Parousia] inoreva zvi[kurukuru] kuvapo kwokushingaira.” Uye pamusoro pokuvapo kwaKristu Jesu, bhuku rinonzi The Parousia, rinoti: “Magwaro haatongotauri nezve‘Parousia yechipiri.’ Chipi nechipi chaizova mugariro wayo, chaiva chimwe chinhu chechienzi, ichiva isina kungoitika nakare kose, uye isingazotongoitikizve. Kwaizova kuvapo kunosiana nokunokunda kuzviratidzira kwake amene kwose kuvanhu.”
Achitsinhira pamashoko aJesu ouporofita mumhinduro kumibvunzo yakabvunzwa navaapostora paGomo reMiorivhi, Purofesa A. T. Robertson muWord Pictures in the New Testament anonyora kuti Jesu akanga “achishandisa kuparadzwa kwetembere nokweJerusarema uko kwakaitika muchizvarwa ichocho muna A.D. 70, sechiratidzowo chokuuya kwake kwechipiri nechemugumo wenyika . . . kana kuti mhedziso yezera.” Chii chaiva iyi mibvunzo, uye Jesu akapindura sei?
Chiratidzo Chokuvapo kwaKristu
Sezvakanyorwa pana Mateo 24:3 (NW), vaapostora vakabvunza, kuti: “Tiudzei, Zvinhu izvi zvichava rini, uye chii chichava chiratidzo chokuvapo kwenyu nechemhedziso yetsika yezvinhu?” Mumhinduro yake, Jesu akapa vadzidzi chiratidzo chaizova ufakazi hunooneka hwokuvapo kwake kusingaoneki musimba roUmambo. Chiratidzo chakakwana chakabatanidza hondo dzisina kumboitika, perevedzo dzezvokudya dzakapararira, kudengenyeka kwapasi kunoparadzanya, hosha, uye wedzero muutsotsi norutyo. Kuvapo kwaKristu kwaizova nguva yevhiringidziko huru nefunganyo yenyika yose. Hurumende dzavanhu navatungamiriri venyika vaisazokwanisa kugonana nenzira inobudirira netsika inowa.—Mateo 24:7, 12; Ruka 21:11.
Achisimbisa uchokwadi hwamashoko aJesu ouporofita, purofesa wedzidzo dzezvamatongerwe enyika, John Meisel, akataura, kuti: “Nhambo huru yenguva iri kusvika kumugumo, kuti itsiviwe neiyo gadziriro yayo ichiri inonzwisisika nenzira isina kujeka bedzi.” Pashure pokutsinhira kufa kwechiKomonizimu, kukundikana kwechiSosharizimu, uye kusaringana kwechiKapitarizimu, Purofesa Meisel akapfuurira, kuti: “Migariro yakaipa mizhinji yohunhu iri kunze kwenzvimbo yedzidzo yamagariro avanhu noukama uye inoda kupedzwa nemimwe mitoo.” Uye izvozvo zvinorevei? “Hwaro hwepfungwa hunotsigira hwenhambo imwe chete ino hwenyika huri kuputsika uye hunoda kutsiviwa.”
Kuvapo Kwokushingaira kwaKristu
Pasinei hapo nomugariro wokushaya tariro wechinoitika chinoderera chenyika, kuvapo kwaJesu musimba roumambo kwakavamba makore 75 akapfuura uye kwakanzwika munzira yakajeka neyakanaka.a Pasinei zvapo nokuparadza kwakaparirwa nehondo mbiri dzenyika, Mambo akagadzwa pachigaro choumambo, Kristu Jesu, akagoverana nenzira yokushingaira mukuita rudzi rutsva rwavanhu—vanhu vezita raJehovha “vakabva kundudzi dzose, namarudzi navanhu, nendimi.” Kuvapo kwokushingaira kwaKristu kwakanyandura purogiramu yeparidzirwo yenyika yose nokudzidzisa iyo yakatapura mwoyo yamamirioni avanhu vane ndangariro yakarurama. Vakasundwa kuita kumira kwavo kurutivi rwoUmambo hwaJehovha hunodzorwa naKristu Jesu.—Zvakazarurwa 7:9, 10.
Mukutarisana noufakazi hunowedzera hwezuva nezuva hwokuti chiratidzo chamativi mazhinji chokuvapo kwaKristu chiri kuzadzika, kuri pachena kuti kuzivisa maKristu kuti tiri kutarisa mugumo wenhambo yenguva. Zvino inguva yo“kuteerera zvikuru” kuna Mambo akagadzwa pachigaro choumambo, Kristu Jesu. (VaHebheru 2:1) Anotikurudzira, kuti: “Naizvozvo, rambai makamuka nguva dzose muchiita mukumbiro kuti mugobudirira mukupukunyuka zvinhu zvose izvozvi zvakatemerwa kuitika, napakumira pamberi poMwanakomana womunhu.”—Ruka 21:36, NW.
[Mashoko Omuzasi]
a Kutonga kwaJesu Kristu kwoumambo kwakavamba muna 1914. Nokuda kwetsananguro ine udzame yakawanda yeiyi nhau, ona maganhuro 16 kusvikira ku 18 ebhuku rinonzi Iwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi Pano, rakabudiswa muna 1982 neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.