Kuuya kwaJesu Kana Kuti Kuvapo kwaJesu—Ndechipi?
“Chii chichava chiratidzo chokuvapo kwenyu nechemhedziso yetsika yezvinhu?”—MATEO 24:3, NW.
1. Mibvunzo yakanga ine basai muushumiri hwaJesu?
KUSHANDISA mibvunzo nounyanzvi kwaJesu kwakaita kuti vateereri vake vafunge, kunyange kurangarira zvinhu nemirangariro mitsva. (Marko 12:35-37; Ruka 6:9; 9:20; 20:3, 4) Tinogona kuva vanoonga kuti iye akapindurawo mibvunzo. Mhinduro dzake dzinojekesa zvokwadi dzatingadai zvimwe tisina kuziva kana kuti kunzwisisa.—Marko 7:17-23; 9:11-13; 10:10-12; 12:18-27.
2. Tinofanira kupa ngwariro yedu kumubvunzoi zvino?
2 Pana Mateo 24:3, tinowana mumwe wemibvunzo inokosha zvikurusa uyo Jesu akambopindura. Nokuguma kwoupenyu hwake hwapasi kwakanga kwava pedyo, Jesu akanga achangobva kunyevera kuti tembere yeJerusarema yaizoparadzwa, kuchiratidzira mugumo wetsika yechiJudha. Nhoroondo yaMateo inowedzera, kuti: “Apo akanga akagara paGomo reMiorivhi, vadzidzi vakamusvika vari voga, vachiti: ‘Tiudzei, Zvinhu izvozvi zvichavapo rini, uye chii chichava chiratidzo chokuvapo kwenyu [“kuuya,” King James Version] nechemhedziso yetsika yezvinhu?’”—Mateo 24:3, NW.
3, 4. Musiyanoi unokosha uripo munzira iyo Bhaibheri rinoshandura nayo shoko guru riri pana Mateo 24:3?
3 Mamiriyoni avaravi veBhaibheri akashamisika kuti, ‘Nei vadzidzi vakabvunza mubvunzo iwoyo, uye mhinduro yaJesu inofanira kunditapura sei?’ Mumhinduro yake Jesu akataura nezvokuoneka kwamashizha kunoratidza kuti zhizha “rava pedyo.” (Mateo 24:32, 33) Nokudaro, chechi dzakawanda dzinodzidzisa kuti vaapostora vakanga vachikumbira chiratidzo “chokuuya” kwaJesu, chiratidzo chaibvumikisa kuti kudzoka kwake kwakanga kwava pedyo. Ivo vanodavira kuti “kuuya” kuchava nguva apo iye anoendesa vaKristu kudenga uye ipapo anounza mugumo wenyika. Unodavira kuti ikoku kwakarurama here?
4 Panzvimbo pokushandura kwokuti “kuuya,” dzimwe shanduro dzeBhaibheri, kubatanidza New World Translation of the Holy Scriptures, dzinoshandisa shoko rokuti “kuvapo.” Kungagona kudaro here kuti icho vaapostora vakakumbira pamusoro pacho uye icho Jesu akataura mukupindura chakasiyana nezvinodzidziswa muchechi? Chii chaizvoizvo chakabvunzwa? Uye imhinduroi iyo Jesu akapa?
Vakanga Vari Kubvunzei?
5, 6. Tinogona kugumisei pamusoro pokufunga kwavaapostora apo vakabvunza mubvunzo watinorava pana Mateo 24:3?
5 Nemhaka yeizvo Jesu akataura pamusoro petembere, vadzidzi sezvingabvira vakanga vachifunga nezvegadziriro yechiJudha apo vakakumbira ‘chiratidzo chokuvapo kwake [kana kuti, “kuuya”] uye mhedziso yetsika yezvinhu [chaizvoizvo, “zera”].’—Enzanisa “nyika” pana 1 VaKorinte 10:11 naVaGaratia 1:4, KJ.
6 Panguva ino vaapostora vakanga vachingova nenzwisiso yakaganhurirwa bedzi yedzidziso dzaJesu. Ivo pakuvamba vakanga vafungidzira kuti “ushe hwaMwari hwobva hwoonekwa pakarepo.” (Ruka 19:11; Mateo 16:21-23; Marko 10:35-40) Uye kunyange pashure pekurukurirano paGomo reMiorivhi, asi vasati vazodzwa nomudzimu mutsvene, vakabvunza kana Jesu akanga ari kudzorera Umambo kuna Israeri ipapo.—Mabasa 1:6.
7. Nei vaapostora vaizobvunza Jesu pamusoro pebasa rake romunguva yemberi?
7 Bva, ivo vaiziva kuti aizoenda, nokuti nguva pfupi yakanga yapfuura iye akanga ati: “Chiedza chichipo pakati penyu chinguva chiduku. Fambai muchine chiedza.” (Johane 12:35; Ruka 19:12-27) Naizvozvo ivo zvirokwazvo vangava vakasanoshamisika kuti, ‘Kana Jesu achizoenda, tichaziva sei kudzoka kwake?’ Apo iye akaoneka saMesiya, vakawanda zvikurusa havana kumuziva. Uye rinopfuura gore gare gare, mibvunzo yakapfuurira pamusoro pokuti iye aizoita zvose izvo Mesiya aifanira kuita here. (Mateo 11:2, 3) Naizvozvo vaapostora vakanga vane chikonzero chokubvunza pamusoro penguva yemberi. Asi, zvakare, vakanga vachikumbira chiratidzo chokuti aizouya nokukurumidza kana kuti chimwe chinhu chakasiyana here?
8. Vaapostora sezvingabvira vaitaura mutauro upi naJesu?
8 Fungidzira kuti wakanga uri shiri yaiteerera kurukurirano yacho paGomo reMiorivhi. (Enzanisa naMuparidzi 10:20.) Zvimwe ungadai wakanzwa Jesu navaapostora vachitaura chiHebheru. (Marko 14:70; Johane 5:2; 19:17, 20; Mabasa 21:40) Bva, sezvingabvira ivo vaizivawo mutauro wechiGiriki.
Zvakanyora Mateo—muchiGiriki
9. Shanduro dzakawanda zvikurusa dzazvino uno dzaMateo dzakavakirwa pachii?
9 Manyuko anosvika shure kuzana remakore rechipiri C.E. anoratidzira kuti Mateo akatanga kunyora Evhangeri yake muchiHebheru. Sezviri pachena iye gare gare akainyora muchiGiriki. Manyoro akawanda ari muchiGiriki akasvika kunguva yedu uye akabatira sohwaro hwokushandura Evhangeri yake mumitauro yanhasi. Mateo akanyorei muchiGiriki pamusoro pekurukurirano iyoyo paGomo reMiorivhi? Iye akanyorei pamusoro po“kuuya” kana kuti “kuvapo” uko vadzidzi vakabvunza pamusoro pako uye uko Jesu akatsinhira pamusoro pako?
10. (a) Ishokoi rechiGiriki nokuda kwa“uya” iro Mateo aiwanzoshandisa, uye rinogona kuva nerevoi? (b) Nderipi rimwe shoko rechiGiriki riri refariro?
10 Mumaganhuro 23 okutanga aMateo, kanopfuura ka80 tinowana chiito chinozivikanwa navose chechiGiriki nokuda kwa“uya,” icho chiri erʹkho·mai. Kazhinji kazhinji icho chinopa mufungo wokusvika kana kuti wokuswedera pedyo, sepana Johane 1:47: “Jesu akaona Natanieri achiuya kwaari.” Zvichitsamira pakushandisa, chiito chokuti erʹkho·mai chinogona kureva “svika,” “enda,” kana kuti “va munzira.” (Mateo 2:8, 11; 8:28; Johane 4:25, 27, 45; 20:4, 8; Mabasa 8:40; 13:51) Asi pana Mateo 24:3, 27, 37, 39, Mateo akashandisa shoko rakasiyana, zita risingawanikwi kune imwe nzvimbo muEvhangeri: pa·rou·siʹa. Sezvo Mwari akafuridzira kunyorwa kweBhaibheri, nei akasunda Mateo kusarudza iri shoko rechiGiriki muidzi ndima pakunyora Evhangeri yake muchiGiriki? Kunorevei, uye nei tichifanira kuda kuziva?
11. (a) Ndeipi iri pfungwa yapa·rou·siʹa? (b) Mienzaniso inobva mukunyora kwaJosephus inotsigira sei kunzwisisa kwedu pa·rou·siʹa? (Ona mashoko omuzasi.)
11 Nenzira yakananga, pa·rou·siʹa rinoreva “kuvapo.” Expository Dictionary of New Testament Words yaVine inoti: “PAROUSIA, . . . chaizvo[izvo], kuvapo, para, na, uye ousia, kuva (kubva muna eimi, kuva), anoratidzira zvose zviri zviviri kusvika uye kuvapo somugumisiro. Somuenzaniso, mutsamba yomupumburu wamanyoro wenhokwe mumwe mukadzi anotaura nezvokudikanwa kweparousia yake munzvimbo yakati kuti aite zvinhu zvine chokuita nezvinhu zvake.” Mamwe maduramashoko anotsanangura kuti pa·rou·siʹa rinoratidzira ‘shanyo yomutongi.’ Nokudaro, haisati ichingova nhambo chete yokusvika, asi kuvapo kunotambanuka kubva pakusvika zvichienda mberi. Nenzira inofadza, ndiyo nzira iyo wezvenhau wechiJudha Josephus, murarami wapanguva imwe cheteyo navaapostora, akashandisa nayo pa·rou·siʹa.a
12. Bhaibheri rimene rinotibetsera sei kubvumikisa revo yapa·rou·siʹa?
12 Revo yokuti “kuvapo” inotsigirwa zvakajeka nemabhuku akare, bva vaKristu vanofarira zvikuru nzira iyo Shoko raMwari rinoshandisa nayo pa·rou·siʹa. Mhinduro yacho ndiimwe cheteyo—kuvapo. Tinoona ikoko mumienzaniso iri mutsamba dzaPauro. Somuenzaniso, iye akanyorera vaFiripi, kuti: “Sezvamakateerera nguva dzose, ndisati ndiripo bedzi, asi zvikuru zvino kana ndisipo, pedzisai kuponeswa kwenyu.” Iye akataurawo nezvokugara navo kuti vagofara “nokuda kwoku[vapo, NW] [kwake] [pa·rou·siʹa] kwa[va]ri.” (VaFiripi 1:25, 26; 2:12) Dzimwe shanduro dzinorava kuti “kuva kwangu nemi zvakare” (Weymouth; New International Version); “apo ndinenge ndinemi zvakare” (Jerusalem Bible; New English Bible); uye “apo muchavazve neni pakati penyu.” (Twentieth Century New Testament) Pana 2 VaKorinte 10:10, 11 (NW), Pauro akasiyanisa “kuvapo kwake pachake” noku“savapo.” Mune iyi mienzaniso iye nenzira yakajeka akanga asiri kutaura nezvokusvika kwake; iye akashandisa pa·rou·siʹa mupfungwa yokuvapo.b (Enzanisa na1 VaKorinte 16:17.) Zvakadiniko, kunyange zvakadaro, nenongedzero kupa·rou·siʹa yaJesu? Dzine pfungwa yo“kuuya” kwake, kana kuti idzo dzinoratidzira kuvapo kwakatambanudzwa here?
13, 14. (a) Nei tichifanira kugumisa kuti pa·rou·siʹa inotambanuka munguva? (b) Chii chinofanira kutaurwa pamusoro pourefu kwepa·rou·siʹa yaJesu?
13 VaKristu vakazodzwa nomudzimu muzuva raPauro vakanga vachifarira pa·rou·siʹa yaJesu. Asi Pauro akavanyevera kuti vasava ‘vanozununguswa pakurangarira kwavo.’ Kutanga kunofanira kuoneka “munhu wokusateerera mutemo,” uyo akabvumikisa kuva vafundisi vechiKristudhomu. Pauro akanyora kuti “kuvapo kwomunhu asingateereri mutemo kuri maererano nokushanda kwaSatani nebasa riri rose rine simba uye zviratidzo zvokureva nhema.” (2 VaTesaronika 2:2, 3, 9, NW) Sezviri pachena, pa·rou·siʹa, kana kuti kuvapo, kwo“munhu wokusateerera mutemo” kwakanga kusiri kusvika kwechinguvana chete; kwaizotambanuka kwenguva yakati, umo zviratidzo zvokureva nhema zvaizobudiswa. Nei ikoku kuchikosha?
14 Rangarira ndima inotangira iyoyo nokukurumidza: “Munhu wokusateerera mutemo achaziviswa, uyo Ishe Jesu achauraya nomudzimu womuromo wake ndokuparadza kupfurikidza nokuratidzirwa kwokuvapo kwake.” Seizvo kuvapo kwo“munhu wokusateerera mutemo” kwaizova munhambo yakati yenguva, kuvapo kwaJesu kwaizotambanuka kwenguva yakati uye kwaizoguma nokuparadzwa kwo“mwanakomana wokuparadzwa” iyeyo wokusateerera mutemo.—2 VaTesaronika 2:8, NW.
Mativi Omutauro wechiHebheru
15, 16. (a) Ishoko ripi chairo rinoshandiswa mukushandurwa kwakawanda kwaMateo muchiHebheru? (b) Bohʼ rinoshandiswa sei muMagwaro?
15 Sezvacherekedzwa, Mateo sezviri pachena akanyora Evhangeri yake kutanga mumutauro wechiHebheru. Naizvozvo, ishokoi rechiHebheru raakashandisa pana Mateo 24:3, 27, 37, 39? Shanduro dzaMateo dzakashandurwa muchiHebheru chazvino uno dzine chimiro chechiito chokuti bohʼ, mose muri muviri mumubvunzo wavaapostora uye mumhinduro yaJesu. Ikoku kungagona kutungamirira kukurava kwakadai sokwokuti: “Chii chichava chiratidzo che[bohʼ] yenyu uye chemhedziso yetsika yezvinhu?” uye, “Sezvakanga zvakaita mazuva aNoa, ndizvo zvichaitawo [bohʼ] yoMwanakomana womunhu.” Bohʼ rinorevei?
16 Kunyange zvazvo chine pfungwa dzakasiyana-siyana, chiito chechiHebheru boh’ zvikurukuru chinoreva “uya.” Theological Dictionary of the Old Testament inoti: ‘Richioneka ka2 532, bohʼ ndichimwe chezviito zvinowanzoshandiswa zvikurusa muMagwaro echiHebheru uye chiito chikuru chinoratidzira kufamba.’ (Genesi 7:1, 13; Eksodho 12:25; 28:35; 2 Samueri 19:30; 2 Madzimambo 10:21; Pisarema 65:2; Isaya 1:23; Ezekieri 11:16; Dhanieri 9:13; Amosi 8:11) Kudai Jesu navaapostora vake vakashandisa shoko rine revo dzakawanda zvakadaro, pfungwa yacho ingapanikirwa. Asi ivo vakadaro here?
17. (a) Nei shanduro dzechiHebheru dzazvino uno dzaMateo dzingasaratidzira hadzo izvo Jesu navaapostora vakataura? (b) Ndokupizve kwatingawana mhinduro pamusoro pokuti ishokoi iro Jesu navaapostora vangave vakashandisa, uye aya manyuko ndeefariro kwatiri nokuda kwechimwe chikonzeroi? (Ona mashoko omuzasi.)
17 Yeuka kuti shanduro dzazvino uno dzechiHebheru ishanduro dzingasapa chaizvoizvo izvo Mateo akanyora muchiHebheru. Idi nderokuti Jesu aigona kuva akasanoshandisa rimwe shoko risiri bohʼ, iro raikodzera pfungwa yapa·rou·siʹa. Tinoona ikoku mubhuku ra1995 rinonzi Hebrew Gospel of Matthew, rakanyorwa naPurofesa George Howard. Bhuku racho rakanangidzira ngwariro padenho yomuzana ramakore rechi14 mukurwisana nechiKristu yakaitwa nachiremba wechiJudha Shem-Tob ben Isaac Ibn Shaprut. Chinyorwa ichocho chakaratidza rugwaro rwechiHebheru rweEvhangeri yaMateo. Pane ufakazi hwokuti panzvimbo pokushandurwa kubva muchiLatin kana muchiGiriki chomunguva yaShem-Tob, urwu rugwaro rwaMateo rwakanga rwuri rwekare zvikuru uye pakuvamba rwakaitwa muchiHebheru.c Nokudaro rwungatiunza pedyo zvikuru nezvakataurwa paGomo reMiorivhi.
18. Ishokoi rinofadza rechiHebheru iro Shem-Tob anoshandisa, uye rinorevei?
18 Pana Mateo 24:3, 27, 39, Mateo waShem-Tob haashandisi chiito bohʼ. Panzvimbo pezvo, anoshandisa zita rinowirirana rokuti bi·ʼahʹ. Zita iroro rinooneka muMagwaro echiHebheru bedzi pana Ezekieri 8:5, apo rinoreva “panopindwa napo.” Panzvimbo pokuratidzira chiito chokuuya, bi·ʼahʹ ikoko rinonongedzera kukutanga kwechivako; apo unenge uri panopindwa napo kana kuti pachikumbaridzo, uri muchivako. Uyewo, zvinyorwa zvorudzidziso zvisiri zveBhaibheri pakati peDead Sea Scrolls kazhinji kazhinji zvinoshandisa bi·ʼahʹ pamusoro pokusvika kana kuti kutanga kwamabasa ouprista. (Ona 1 Makoronike 24:3-19; Ruka 1:5, 8, 23.) Uye shanduro ya1986 muchiHebheru yePeshitta yechiSyriac chakare (kana kuti, chiAramaic) inoshandisa bi·ʼahʹ pana Mateo 24:3, 27, 37, 39. Naizvozvo pane ufakazi hwokuti munguva dzakare zita rokuti bi·ʼahʹ ringava rakava nepfungwa yakati siyanei nechiito chokuti bohʼ chinoshandiswa muBhaibheri. Nei ikoku kuri kwefariro?
19. Kana Jesu navaapostora vakashandisa bi·ʼah,ʹ tingagumisei?
19 Vaapostora mumubvunzo wavo uye Jesu mumhinduro yake vangave vakashandisa iri zita rokuti bi·ʼah.ʹ Kunyange kana vaapostora vakanga vachirangarira pfungwawo zvayo yokusvika kwaJesu kwomunguva yemberi, Kristu angava akashandisa bi·ʼahʹ kubvumira zvinopfuura zvavakanga vachifunga. Jesu aigona kuva akanga achinongedzera kukusvika kwake kuti atange basa idzva; kusvika kwake kwaizova kutanga kwebasa rake idzva. Ikoku kwaizowirirana nepfungwa yapa·rou·siʹa, iyo Mateo akashandisa pakupedzisira. Kushandiswa kwakadaro kwabi·ʼahʹ, nenzira inonzwisisika, kungafanira kutsigira izvo Zvapupu zvaJehovha zvanguve zvichidzidzisa, kuti “chiratidzo” chakaumbwa nezvizhinji icho Jesu akapa chaifanira kuratidzira kuti iye akanga aripo.
Kumirira Mugumo Wokuvapo Kwake
20, 21. Tinogona kudzidzei mutsinhiro yaJesu pamusoro pamazuva aNoa?
20 Fundo yedu yokuvapo kwaJesu inofanira kuva nepesvedzero yakananga paupenyu hwedu uye kariro dzedu. Jesu akakurudzira vateveri vake kuramba vakamuka. Iye akagovera chiratidzo kuitira kuti kuvapo kwake kugogona kuzivikanwa, kunyange zvazvo vakawanda zvikurusa vaisazocherekedza: “Sapamazuva aNoa, ndizvo zvichaita kuuya kwoMwanakomana womunhu. Nokuti sapamazuva iwayo, mvura zhinji isati yasvika, vaidya nokunwa, nokuwana, nokuwaniswa, kusvikira zuva Noa raakapinda naro muareka, vasingazivi kusvikira mvura zhinji yauya, ikavabvisa vose; ndizvo zvichaita kuuya kwoMwanakomana womunhu.”—Mateo 24:37-39.
21 Mukati memazuva aNoa, vanhu vakawanda zvikurusa vechizvarwa ichocho vakangopfuurira zvavo nezvinhu zvavo zvenguva dzose. Jesu akafanotaura kuti kwaizova kumwe cheteko no“kuvapo kwoMwanakomana womunhu.” Vanhu vakanga vakapoteredza Noa vangava vakarangarira kuti hapana chinhu chaizoitika. Unoziva zvakasiyana. Mazuva iwayo, ayo akapfuurira kwenguva yakati, akatungamirira kumugumo, “mafashamo akauya akavaparadza vose.” Ruka anopa nhoroondo yakafanana umo Jesu akaenzanisa “mazuva aNoa” ne“mazuva oMwanakomana womunhu.” Jesu akarayira, kuti: “Ndizvo zvazvichaita nezuva iro, Mwanakomana womunhu raachaonekwa naro.”—Ruka 17:26-30.
22. Nei tichifanira kufarira zvikuru uporofita hwaJesu huri muna Mateo ganhuro 24?
22 Kwose ikoku kune revo chaiyo nokuda kwedu nemhaka yokuti tiri kurarama panguva apo tinoona zviitiko izvo Jesu akafanotaura—hondo, kudengenyeka kwapasi, nhenda, kuperevedza kwezvokudya, uye kutambudzwa kwavadzidzi vake. (Mateo 24:7-9; Ruka 21:10-12) Zvakadaro zvave zvichioneka chibviro cherwisano yakachinja nhau inodanwa nenzira ine revo kuti Hondo Yenyika I, kunyange zvazvo vanhu vakawanda zvikurusa vachizvirangarira samativi enguva dzose enhau. VaKristu vechokwadi, zvisinei, vanoziva revo yeizvi zviitiko zvinokosha, kungofanana navanhu vakamuka vanonzwisisa kubva mukuita mashizha kwomuonde kuti zhizha rava pedyo. Jesu akapa zano, kuti: “Nemiwo, kana moona izvozvo zvoitwa, zivai kuti ushe hwaMwari hwava pedyo.”—Ruka 21:31.
23. Mashoko aJesu ari muna Mateo ganhuro 24 ane revo chaiyo kuna vanaani, uye nei?
23 Jesu akanangidzira mhinduro yake huru paGomo reMiorivhi kuvateveri vake. Ndivo vaifanira kugoverana mubasa rinoponesa upenyu rokuparidza mashoko akanaka mupasi rose mugumo usati wasvika. Ndivo vaizova avo vaigona kunzwisisa “nyangadzi yokuparadza . . . imire panzvimbo tsvene.” Ivo vaizova avo vaifanira kupindura kupfurikidza noku“tiz[a]” dambudziko guru risati rasvika. Uye ndivo vaizova ivo vanotapurwa zvikuru namashoko akawedzerwa: “Dai mazuva iwayo aisatapudzwa, hakuna nyama yairarama; asi nokuda kwavakasanangurwa mazuva iwayo achatapudzwa.” (Mateo 24:9, 14-22) Asi mashoko iwayo anofunganyisa anomborevei, uye nei kuchigona kutaurwa kuti iwo anogovera hwaro hwokuti tive nomufaro wakawedzerwa, chivimbo, uye shingairo zvino? Kufundwa kunotevera kwaMateo 24:22 kuchagovera mhinduro.
[Mashoko Omuzasi]
a Mienzaniso inobva kuna Josephus: PaGomo reSinai mheni nokutinhira “zvakazivisa kuti Mwari aripo [pa·rou·siʹa].” Kuratidzirwa kunoshamisa mutabhernakeri “kwakaratidza kuvapo [pa·rou·siʹa] kwaMwari.” Kupfurikidza nokuratidza mubatiri waErisha ngoro dzakakomba, Mwari aka“ratidzira kumubatiri wake simba rake nokuvapo [pa·rou·siʹa].” Apo mukuru mukuru weRoma Petronius akaedza kunyaradza vaJudha, Josephus akataura kuti ‘Mwari akaratidza kuvapo kwake [pa·rou·siʹa] kuna Petronius, kupfurikidza nokutumira mvura. Josephus haana kushandisa pa·rou·siʹa kukusvikawo zvako kana kuti kusvika kwechinguvana. Kwaireva kuvapo kunopfuurira, kunyange kusingaoneki. (Eksodho 20:18-21; 25:22; Revhitiko 16:2; 2 Madzimambo 6:15-17)—Enzanisa neAntiquities of the Jews, Bhuku 3, ganhuro 5, ndima 2 [80]; ganhuro 8, ndima 5 [202]; Bhuku 9, ganhuro 4, ndima 3 [55]; Bhuku 18, ganhuro 8, ndima 6 [284].
b MuA Critical Lexicon and Concordance to the English and Greek New Testament, E. W. Bullinger anoonesa kuti pa·rou·siʹa rinoreva ‘kuvapo kwacho kana kuti kuva aripo, nokudaro, kuvapo, kusvika; kuuya kunobatanidza pfungwa yokugara kwechigarire kubva pakuuya ikoko zvichienda mberi.’
c Humwe ufakazi ndehwokuti rine kutaura kwechiHebheru kwokuti “Zita,” kwakanyorwa kana kuti kudimurirwa, ka19. Purofesa Howard anonyora, kuti: “Kuraviwa kweZita raMwari muchinyorwa chechiKristu chakanokorwa mashoko nenyanzvi yokudenha yechiJudha kunokatyamadza. Kudai iyi yakanga iri shanduro yechiHebheru yechinyorwa chechiKristu chechiGiriki kana kuti chechiLatin, munhu aizokarira kuwana adonai [Ishe] murugwaro rwacho, kwete chiratidzo chisingarondedzereki chezita raMwari YHWH. . . . Kuti iye ave akawedzera zita risingarondedzereki hakutsananguriki. Ufakazi hunokarakadza zvakasimba kuti Shem-Tob akagamuchira Mateo wake Zita raMwari richitova mukati morugwaro rwacho uye kuti iye zvimwe akarichengeta panzvimbo pokuti apinde mungozi yokuva nemhaka yokuribvisa.” New World Translation of the Holy Scriptures—With References inoshandisa Mateo waShem-Tob (J2) setsigiro yokushandisa zita raMwari muMagwaro echiKristu echiGiriki.
Ungapindura Sei?
◻ Nei kuchikosha kuona musiyano pakati penzira iyo maBhaibheri anoshandura nayo Mateo 24:3?
◻ Ndeipi iri revo yapa·rou·siʹa, uye nei ikoku kuri kweitiro hanya?
◻ Iwiriranoi inobvira ingavapo pakati paMateo 24:3 muchiGiriki nomuchiHebheru?
◻ Chinhui chinokosha pamusoro penguva chatinofanira kuziva mukunzwisisa Mateo ganhuro 24?
[Mufananidzo uri papeji 10]
Gomo reMiorivhi, iro rakatarira Jerusarema