Kupenyera Chiedza Pakuvapo kwaKristu
“Zvino kana Mwanakomana womunhu achiuya nokubwinya kwake, . . . uchavaraura somufudzi unoraura makwai nembudzi.”—MATEO 25:31, 32.
1. Vafundisi vechiKristudhomu vakadudzira mashoko ari pana Mateo 24:3 kurevei?
MAZUVA matatu pamberi porufu rwaJesu, vana vavadzidzi vake vakamusvika uye vakabvunza nenzira yapachokwadi, kuti: “Tiudzei, izvi zvinhu zvichava riniko? uye chii chichava chiratidzo chokuuya kwenyu [chiGiriki, pa·rou·siʹa], uye chokuguma kwenyika?” Kwamazana amakore vafundisi vechiKristudhomu navanyori vakadudzira aya mashoko akataurwa kuna Jesu ari pana Mateo 24:3 (King James Version) kureva kuti aizoonekazve munyama kuti aonekwe norudzi rwose rwomunhu. Nokudaro, vakadzidzisa kuti kudzoka kwaKristu kwaizova neratidziro huru nechinoitika chinooneka. Vanonongedzera kwakuri sokuuya kwechipiri kwaKristu. Asi fungidziro dzavo dzakarurama here?
2, 3. (a) Musianoi uyo Vhoriyamu 2 yeStudies in the Scriptures yakaita pakati pamashoko okuti “kuuya” uye “kuvapo”? (b) Vanhu vaJehovha vakasvika pakunzwisisei pamusoro perevo yapa·rou·siʹa yaKristu?
2 Pakasvika 1889, vakazodzwa vaJehovha, savatakuri vechiedza vezana ramakore rechi 19, vakanga vatogamuchira ruramiso panhau yokudzoka kwaKristu. MuVhoriyamu 2 yeStudies in the Scriptures, mapeji 158 kusvikira ku 161, Charles T. Russell, purezidhendi wokutanga weWatch Tower Bible and Tract Society, akanyora, kuti: “Parousia . . . rinoreva kuvapo, uye haritongofaniri kushandurwa kuti kuuya, somuBhaibheri rechiNgezi ravose . . . ‘Emphatic Diaglott,’ shanduro inokosha zvikuru yeTestamente Itsva, inoshandura parousia zvakafanira, kuvapo . . . , kwete uko kwokuuya, sokuva munzira, asi kuvapo, sapashure pokusvika [Jesu] anoti, ‘Sapamazuva aNoa, ndozvichaitawo parousia [kuvapo] kwoMwanakomana womunhu.’ Cherechedza, kuti kuenzanisa kwacho hakusi pakati pokuuya kwaNoa nokuuya kwaShe wedu . . . Musiano wacho, ipapoka, uri pakati penguva yokuvapo kwaNoa pakati pavanhu ‘pamberi pamafashamo,’ uye nguva yokuvapo kwaKristu munyika, pakuuya kwake kwechipiri, ‘pamberi pomwoto’—nhamo hurusa yeZuva raShe [Jehovha] inoguma nayo zera rino.”—Mateo 24:37.
3 Naizvozvo vanhu vaJehovha vomuzana ramakore rechi 19 vakanzwisisa nenzira yakarurama kuti pa·rou·siʹa yaKristu yaizova isingaoneki. Vakanga vasvikawo pakunzwisisa kuti mugumo weNguva dzaVamarudzi waizoitika mumunakamwe wa 1914. Sezvo vhenekero yomudzimu yakafambira mberi, gare gare vakanzwisisa kuti Jesu Kristu akagadzwa pachigaro choumambo mudenga saMambo woUmambo mugore rimwe chete iroro, 1914.—Zvirevo 4:18; Dhanieri 7:13, 14; Ruka 21:24; Zvakazarurwa 11:15.
“Kuvapo kwaShe Wedu”
4. “Kuvapo kwaShe wedu Jesu Kristu” kunonongedzera kuchii?
4 Muzuva redu, ipapoka, chii chinorehwa nokutaura kweBhaibheri kwokuti “kuvapo kwaShe wedu Jesu Kristu”? (1 VaTesaronika 5:23, NW) Chimwe chiremera chinotsinhira kuti shoko rokuti “kuvapo,” pa·rou·siʹa, “rakava shoko rehurumende nokuda kweshanyo yomunhu ane nzvimbo yakakwirira, zvi[kurukuru] yamadzimambo namadzishe aishanyira ruwa.” Naizvozvo uku kutaura kunonongedzera kukuvapo kwoumambo kwaShe Jesu Kristu saMambo, kuvambira uye pashure pa 1914, pashure pokugadzwa kwake pachigaro choumambo mudenga. Aripo zvisingaoneki kuti ‘aende achikurira pakati pavavengi vake,’ achitonga nenzira yokushingaira saMambo kuzadzika uyu murairo wouporofita. (Pisarema 110:2) Kwamakore 79, vanhu vari pasi pano vave vachiwana miuyo yokuvapo kwoumambo kusingaoneki kwaKristu.
5. Ndizvinoitikai mukati mepa·rou·siʹa zvichakurukurwa munyaya nhatu dzokufunda dzamagazini ino?
5 Muiyi nhevedzano yenyaya nhatu, tichahwirudzura ufakazi hunoshamisa hwezvinoitwa zvoUmambo hwaKristu mukati meiyi nhambo. Kutanga, tichapa uporofita hweBhaibheri hunoverengeka hunodeya kutaura zvinoitika zvakatoitika kana kuti kunyange zviri kuitika zvino. Chechipiri, ticharondedzera basa guru riri kuitwa neboka romuranda akatendeka naakachenjera iro Jesu ari kushandisa mukati meiyi nhambo yose yokuvapo kwake kwoumambo. (Mateo 24:45-47) Nyaya yechitatu ichatirondedzerera mhedziso huru, nhambo ye“dambudziko guru.” Iyoyo ndiyo nguva apo Jesu anouya soMupondi waJehovha kuzoparadza vanhu vasina kururama ndokununura vakarurama. (Mateo 24:21, 29-31, NW) Nguva iyoyo yoruparadziko inorondedzerwa nomuapostora Pauro seinounza ku“nemi munotambudzwa, kuti mupiwe kuzorora pamwe chete nesu pakuonekwa kwaShe Jesu, kana achibva kudenga navatumwa vesimba rake, mumwoto unopfuta, achitsiva avo vasingazivi Mwari, navasingateereri evhangeri yaShe wedu, Jesu.”—2 VaTesaronika 1:7, 8.
Chiratidzo
6. Chiratidzoi chakaumbwa nezvizhinji chinorondedzerwa muMt maganhuro 24 ne 25 aMateo?
6 Makore ana mazana gumi namapfumbamwe apfuura, vadzidzi vaJesu vanotakura chiedza vakamukumbira chiratidzo, kana kuti ufakazi, hwokuvapo kwake kwomunguva yemberi musimba roUmambo. Mhinduro yake, yakanyorwa muMat maganhuro 24 ne 25 aMateo, yakagovera chiratidzo chakaumbwa nezvizhinji, mativi acho ose ari kuzadzikwa zvino pamwero wamarudzi ose. Kuzadzika kwechiratidzo ichocho kunoratidzira nguva yenhamo nokuedza kukuru. Jesu akanyevera, kuti: “Chenjerai kuti murege kutsauswa nomunhu. Nokuti vazhinji vachauya nezita rangu, vachiti: ‘Ndini Kristu;’ vachitsausa vazhinji. Muchanzwa zvokurwa neguhu rokurwa; chenjerai, musavhunduka, nokuti izvozvi zvose zvinofanira kumboitwa, asi kuguma kuchigere kusvika.”—Mateo 24:4-6.
7. Mativii echiratidzo atakaona achizadzikwa chifo cha 1914?
7 Jesu akaporofitazve kuti kwaizova nehondo pamwero usina muenzaniso. Mukuzadzika, mbiri dzaidzodzi dzakarongwa sehondo dzenyika, imwe kuvambira muna 1914 kusvikira kuna 1918 uye yechipiri kuvambira muna 1939 kusvikira kuna 1945. Uyezve, akataura kuti kwaizova neperevedzo dzezvokudya nokudengenyeka kwapasi munzvimbo imwe pashure peimwe. MaKristu echokwadi aizotambudzwa zvakakomba. Mukuwirirana nouporofita hwacho, Zvapupu zvaJehovha, vatakuri vechiedza vazvino uno, zvakatambura chitambudzo kwamakumi masere amakore apfuura zvichiparidzira mashoko akanaka oUmambo hwaMwari “mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose.” (Mateo 24:7-14, NW) Yearbook of Jehovah’s Witnesses imwe neimwe inowedzera kuufakazi hwokuti aya mativi echiratidzo ari kuzadzikwa.
8, 9. (a) Kuvapo kwaJesu kwoumambo kunobatanidzei? (b) Uporofita hwaJesu pamusoro pavanaKristu venhema hunoratidzirei pamusoro penzvimbo uye mutoo wokuvapo kwake?
8 Sezvo umambo hwaJesu huchibatanidza pasi rose, kunamata kwechokwadi kuri kufutunuka munyika dzose. Kuvapo kwake kwoumambo (pa·rou·siʹa) inguva yokunzvera nyika yose. (1 Petro 2:12) Asi pane dzimbahwe, kana kuti nzvimbo yapakati, apo Jesu anogona kubvunzwa here? Jesu akapindura ikoku kupfurikidza nokudeya kutaura kuti mukariro yokuvapo kwake, vanaKristu venhema vaizomuka. Akanyevera, kuti: “Kana vakati kwamuri: ‘Tarirai! [Kristu] uri kurenje,’ regai kubuda; ‘tarirai! uri mudzimba dzomukati,’ regai kutenda. Nokuti semheni inobva mabvazuva, ichipenyera kumavirira, ndizvo zvichaita [kuvapo, NW] [pa·rou·siʹa] kwoMwanakomana womunhu.”—Mateo 24:24, 26, 27.
9 Ari nani kupfuura munhu upi noupiwo zvake pasi pano, Jesu, “Mwanakomana womunhu,” aiziva kwaaizova apo kuvapo kwake kwakavamba zvomenemene. Haasati aizozviisa amene zvimwe pano kana kuti uko kana kuti munzvimbo ipi neipi yakati pasi pano. Haasati aizooneka munzvimbo iri yoga yakati, “murenje,” kuti avo vaizotsvaka Mesia vaigona kuzobvunzana naye kure kusina kuonekwa nezviremera zvehurumende zvenyika, nzvimbo uko vateveri vaigona kurovedza muutungamiriri hwake, vachigadzirira kurovanya kwezvamatongerwe enyika ndokumugadza soMutongi wouMesia wenyika. Uyezve, haasati aizozvivanza amene “muimba dzomukati,” nzvimbo yake ichiva inozivikanwa navashomanene bedzi vakasarudzwa, kuti ikoko, asingacherechedzwi uye asingaonekwi, angaita rangano ndokuita zvirongwa zvapachivande navarangani nokuda kwokupidigura hurumende dzenyika ndokuita kuti iye amene azodzwe saMesia akapikirwa. Aiwa!
10. Mheni dzezvokwadi yeBhaibheri dzakapenyera sei munyika yose?
10 Mukusiana, paisazova nechinhu chokuvanza pamusoro pokuva akauya kwaJesu saMambo, pamavambo okuvapo kwake kwoumambo. Sezvakadeya kutaura Jesu, munyika yose mheni dzezvokwadi yeBhaibheri dzinopfuurira kupenya panharaunda huru kuvambira kumativi ari kumabvazuva kusvikira kumativi ari kumadokero. Zvirokwazvo, savatakuri vechiedza vazvino uno, Zvapupu zvaJehovha zvinobvumikisa kuva “chiedza chamarudzi, kuti ruponeso [rwaJehovha] rugosvika kumugumo wapasi.”—Isaya 49:6, NW.
Mubato Wengirozi
11. (a) Munzirai umo mapoka engirozi anoshandiswa kupenya chiedza choUmambo? (b) Mitezo yeboka regorosi yakaunganidzwa rini uye mubokai?
11 Mamwe magwaro ane chokuita nokuvapo kwaJesu anomurondedzera saanoperekedzwa ne, kana kuti ‘anotuma’ mapoka engirozi. (Mateo 16:27; 24:31) Mumuenzanisiro wegorosi namashawi, Jesu akataura kuti “munda inyika” uye kuti “kucheka ndiko kuguma kwenyika; vacheki ndivo vatumwa.” Ikoku hakurevi, zvisinei, kuti mukati mokuvapo kwake musimba roUmambo nembiri, anoshandisa chete nhume dzengirozi pamibato yapasi. Kutangira muna 1919, ngirozi munhungamiro yaJesu dzakaparadzanisa boka regorosi ravakazodzwa vakaberekwa nomudzimu pasi pano, vakanga vaparadzirwa nezvinoitika zveHondo yeNyika I, uye ivava vakagadzirirwa nokuda kwomumwe mubato muzita raMambo. (Mateo 13:38-43) Muma 1920 zvimwe zviuru zvavanhu zvakatsigira Umambo hwakagadzwa hwaMwari uye zvakazodzwa nomudzimu waMwari. Ava vakazodzwa vakawedzerwa nenzira inoshanda kumapoka avakazodzwa vapakuvamba. Seboka, vanoumba boka romuranda akatendeka naakachenjera wezuva redu.
12. Mukuchenesai umo ngirozi dzakakumbanira, uye nomuuyoi kupasi?
12 Mumwe muenzaniso wokutora rutivi kwengirozi mukati mokuvapo kwaJesu pashure pokugadzwa kwake pachigaro choumambo muna 1914 wakanyorwa pana Zvakazarurwa 12:7-9: “Mikaeri [Jesu Kristu] navatumwa vake vakarwa neshato, shato ikarwa ina vatumwa vayo; vakasakunda, nenzvimbo yavo haina kuzowanikwa kudenga. Zvino shato huru yakakandirwa pasi, iyo nyoka yekare, inonzi Dhiabhorosi, naSatani, munyengeri wenyika yose; yakakandirwa panyika, navatumwa vayo vakakandirwa pasi pamwe chete nayo.” Nokudaro, matenga ari kumusoro akacheneswa zvino, kuchisiya bedzi nzvimbo yapasi yoUmambo ichigere kucheneswa chose chose nokuda kwokutsveneswa kwezita raJehovha. Mugore rino ra 1993, nyevero youmwari inopfuurira kushanda, inoti: “Mune nhamo imi nyika . . . nokuti [Dhiabhorosi, NW] waburukira kwamuri, akatsamwa kwazvo, nokuti unoziva kuti uchine nguva duku.”—Zvakazarurwa 12:12.
Rumuko Rwokudenga
13, 14. (a) Magwaro anoratidzira kuti chii chave chichipfuurira kubva muna 1918 zvichienda mberi? (b) Pauro naJohane vanowadzanyurei pamusoro pavakasarira vakazodzwa nhasi?
13 Chimwe chinoitika chinoshamisa mukati mokuvapo kwaKristu mavambo orumuko rwokudenga. Muapostora Pauro akaratidzira kuti maKristu aye akazodzwa akarara nguva refu mumakuva awo aizova okutanga kuitwa vapenyu ndokurarama naKristu Jesu munzvimbo yemidzimu. Ufakazi hwakapiwa mumakore apfuura hunoratidza kuti ikoku kunoratidzika kuva kwakaitika kuvambira muna 1918 zvichienda mberi. Pauro anonyora, kuti: “Vose vachararamiswa muna Kristu. Asi mumwe nomumwe padzoro rake: Kristu—chibereko chokutanga; tevere, avo vari vaKristu pakuuya kwake [pa·rou·siʹa].” (1 VaKorinte 15:22, 23) Rumuko rwavakazodzwa mukati mokuvapo kwaKristu runosimbiswa pana 1 VaTesaronika 4:15-17, kuti: “Nokuti tinokuudzai neshoko raShe, kuti isu vapenyu, vakasara kusvikira pa[kuvapo, NW] [pa·rou·siʹa] kwaShe, hatingatongotangiri vakavata . . . Vakafa muna Kristu vachatanga kumuka; zvino isu vapenyu, vakasara, tichatorwa pamwe chete navo mumakore, kuti tichingamidze Ishe mudenga.” Pane vane 144 000 vari vaKristu savakazodzwa avo pakupedzisira vanogamuchira iyi tuso inoshamisa.—Zvakazarurwa 14:1.
14 Seizvo Pauro anoratidza, avo vavakasarira vakazodzwa vari vapenyu nhasi havatangiri kupinda muUmambo vafiri kutendeka navadzidzi vaye vapakuvamba vakatendeka vakazodzwa vechiKristu. Muapostora Johane anorondedzerazve avo vavakazodzwa vanofa nhasi sezvinotevera: “Vakafa, vanofira munaShe, vakaropafadzwa kubva zvino. Hungu, ndizvo zvinotaura [mudzimu, NW], kuti vazorore pakubata kwavo kukuru, nokuti mabasa avo anovatevera,” ndiko kuti, mukuvapo kwavo kwokumutswa. (Zvakazarurwa 14:13) Uye Pauro anoti: “Tarirai, Ndinokuudzai chakavanzika: Hatingavati tose, asi tichashandurwa tose; pakarepo, nokubwaira kweziso, nehwamanda yokupedzisira; nokuti hwamanda icharira, ipapo vakafa vachamutswa nokusaora; nesu tichashandurwa.” (1 VaKorinte 15:51, 52) Inenji rinoshamisa zvakadini!
15, 16. (a) Muenzanisiroi uyo Jesu akapa pana Ruka 19:11-15, uye nokuda kwechikonzeroi? (b) Uporofita ihwohwu hwave huchizadzika sei?
15 Pane imwe nguva apo Jesu akanga achiparidzira kuboka ravateveri vake pamusoro poUmambo hwaMwari, akashandisa muenzanisiro kuvabetsera kururamisa mifungo yavo isina kururama. Nhauro yacho inorava, kuti: “Ivo vakati [umambo, NW] hwaMwari hwobva hwoonekwa pakarepo. Naizvozvo akati: ‘Mumwe munhu mukuru wakaenda kunyika yakanga iri kure, kuti andopiwa [simba roumambo, NW], agodzokazve. Akadana varanda vake vane gumi, akavapa pondo dzine gumi, akati kwavari: “Shambadzirai, kusvikira ndichiuyazve.” . . . Zvino wakati adzoka kuya kwaakanga andopiwa [simba roumambo, NW], akaraira kuti vaya varanda vaakanga apa mari, vadanirwe kwaari, anzwe kuti mumwe nomumwe wakawanei nokushambadzira kwake.’”—Ruka 19:11-15.
16 Jesu akanga ari “munhu” iyeyo akaenda kudenga, “nyika iri kure” uko aizogamuchira umambo. Umambo ihwohwo akahuwana muna 1914. Nokukurumidza pashure paikoko, Kristu saMambo akaita kuzvidavirira navanotaura kuva vateveri vake kuona zvavakanga vaita mukutarisira fariro dzoUmambo dzakaronzeswa kwavari. Vashomanene vakatendeka vakasarudzwa kugamuchira rumbidzo yatenzi: “Zvakanaka, muranda wakanaka; zvawakanga wakatendeka pazvidukuduku, ubate maguta ane gumi.” (Ruka 19:17) Iyi nhambo yokuvapo kwaKristu yakabatanidza mubato unopfuuridzirwa mukuru wokuparidzira Umambo, kubatanidza ziviswo yamarutongeso aMwari pavakaipa, uye kutarisira iri basa kwakabatanidzwa muchiremera chakaronzeswa ku“muranda wakanaka.”
Kuparidzira Munyika Yose
17. Mufaroi unoratidzira pa·rou·siʹa?
17 Chiizve chaizoitika mukati meiyi pa·rou·siʹa? Yaizova nguva yomufaro mukuru mubasa rokuparidzira nomukubatsira vatsva kugadzirira nokuda kwokupukunyuka vachipfuura nomudambudziko guru riri kuuya. Ava ve“boka guru,” vanobatsira vakasarira, vanova “tsamba dzerumbidzo.” (Zvakazarurwa 7:9; 2 VaKorinte 3:1-3, NW) Pauro anodudza mufaro weiri basa rokukohwa apo anoti: “Nokuti tariro yedu ndeipiko, kana mufaro, kana korona yokuzvirumbidza nayo? Hamuzimi here, pamberi paShe wedu Jesu pa[kuvapo, NW] kwake [pa·rou·siʹa]?”—1 VaTesaronika 2:19.
Rambai Makachena uye Musina Chamunopomerwa
18. (a) Munyengeteroi waPauro une nongedzero kupa·rou·siʹa? (b) Mudzimui isu tose tinofanira kuratidzira mukati menguva ino, uye munzirai?
18 Pauro akanyengetererawo kutsveneswa kwaavo vapenyu mukati meiyi nguva yokuvapo kwaKristu, achiti: “Mwari worugare amene ngaakuitei vatsvene kwazvo; [mudzimu, NW] wenyu, nomwoyo, nomuviri, zvichengetwe kwazvo, zvisina zvazvingapomerwa pa[kuvapo, NW] [pa·rou·siʹa] kwaShe wedu Jesu Kristu.” (1 VaTesaronika 5:23) Hungu, nhasi, tingave tiri vavakasarira vakazodzwa kana kuti vechiverengero chikuru chamamwe makwai, mudzimu webatira pamwe unotibatanidza pamwe chete nenzira yokuvimbika kuti tigopfuurira kuva vakachena navasina chavanopomerwa paino nguva yechienzi. Nenzira yakafanana, tinofanira kushandisa shiviriro. Jakobho akanyora, kuti: “Shandisai shiviriro, naizvozvo, hama, kusvikira kuvapo [pa·rou·siʹa] kwaShe. . . . Simbisai mwoyo yenyu, nemhaka yokuti kuvapo [pa·rou·siʹa] kwaShe kwaswedera pedyo.”—Jakobho 5:7, 8, NW.
19. Inyeveroi iyo Petro akapa pamusoro pepa·rou·siʹa, uye tinofanira kuita sei?
19 Muapostora Petro akanga anewo chimwe chinhu chokutaura kwatiri isu tiri vapenyu munhambo ino yazvino. Akatinyevera pamusoro pavaseki, avo vari vazhinji mumativi ose apasi. Petro anoti: “Pakutanga muzive henyu chinhu ichi, kuti pamazuva okupedzisira vaseki vachauya vachiseka, vachifamba nokuchiva kwavo, vachiti: ‘Chipikirwa cho[kuvapo, NW] [pa·rou·siʹa] kwake chiripiko zvino? Nokuti kubva pakuparara kwamadzibaba, zvinhu zvose zvinongoramba zvakaita sezvazvakanga zvakaita kubva pakutanga kwokusikwa.’” (2 Petro 3:3, 4) Pasinei hapo nokupararira kwavaseki mukati mokuvapo kwaKristu, vanhu vaJehovha vanopfuurira kupenya sechiedza chenyika, nokuda kworuponeso rwavazhinji.
Mibvunzo Mukuhwirudzura
◻ Vanhu vaJehovha vakavhenekerwa sei nenzira inofambira mberi pamusoro pepa·rou·siʹa?
◻ Mateo 24:4-8 yave ichizadzika sei?
◻ Ngirozi dzave dzichibatira pamwe sei naKristu akagadzwa pachigaro choumambo?
◻ Inenjii rinoshamisa rinoratidzika serinoperekedza pa·rou·siʹa?
◻ Mufaroi unowanwa mukati meiyi nguva, uye ndivanaani vanogoverana mauri?