RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g93 6/8 pp. 4-7
  • Mufaro Usingakuvadzi kana kuti Chepfu Yendangariro Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mufaro Usingakuvadzi kana kuti Chepfu Yendangariro Here?
  • Mukai!—1993
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Heavy Metal neRap
  • Pane Tapuro Here?
  • Zvakadiniko Newe?
  • Dzivisa Nziyo Dzisina Kunaka!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Chii Chakashata Nenziyo Dzangu?
    Mukai!—1993
  • Nziyo Dzinogona Kundikuvadza Zvomenemene Here?
    Mukai!—1993
  • Ndinofanira Kupinda Makonzati Erock Here?
    Mukai!—1996
Ona Zvimwe
Mukai!—1993
g93 6/8 pp. 4-7

Mufaro Usingakuvadzi kana kuti Chepfu Yendangariro Here?

Pakonzati chaiyoiyo yerock, mumwe wavadzani akaisa mumwe mukadzi mubhokisi ndokupfuurira kutema mubhokisi nedemo. Ropa rokunyepedzera rakapfachukira mumuromo womudzani iro raakasvipira muvateereri.

Muna 1984 mukomana ane makore 19 okukura akazvipfura amene. Vabereki vake vanotaura kuti kuzviuraya kwake kwakakurudzirwa namashoko orwiyo rwerock runonzi “Suicide Solution.”

Magazini yeteen yakabudisa nhauro dzevatano yakaipa inotwa nemitezo yeboka ravaimbi mukamuri ravo rokuchinjira zvipfeko pamwe chete nomusitudhiyo mukati mokurekodhwa kwenziyo. Imwe arubhamu yerock yaiva nomufananidzo wakashata wemitezo yokubereka nayo yomunhurume neyomunhukadzi.

MASIMBA masimba, kuzviuraya, uye vatano youtsinye—iyi ndemimwe bedzi yemisoro yakashata inosimbiswa mumarekodhi erock, mumavhidhiyo, uye kumakonzati chaiwoiwo. Apo kukakavadzana pamusoro peidzi purogiramu dzinoshatisa kunomutswa uye kutoenda kudare, nyazvi dzokuimba namakambani anorekodha anoedza kurerutsa aya mativi asingagamuchiriki. Somuenzaniso, mufananidzo wakanyorwa wezvinonyangadza zvino unotaurwa kuva tsigiro nokuda kwokutaura pamusoro po“kushatiswa mundangariro muNzanga yeAmerica uye kuti kuri kutiparadza sei pakupedzisira.” Nenzira yakafanana, mune dzimwe nziyo, mashoko ayo nenzira yakajeka anomirira mutezo wevatano womunhurume (zvakadai sepfuti kana kuti mapanga) zvino anotaurwa kuva chaiwoiwo.

Nyanzvi dzokuimba namakambani anorekodha vangapukunyuka zvirango zvokutonga, asi vanhu vanonyengerwa chaizvoizvo here? Uri kunyengerwa here? Unogona kuramba kuti masimba masimba, vatano, uye mashiripiti mativi anokosha munziyo dzehard rock dzinotengeswa nhasi here?

Heavy Metal neRap

Mumakore ose akapfuura, mapoka akawanda erock akatanga. Marudzi maviri, heavy metal nerap, zvakatsoropodzwa misi ichangobva kupfuura iyi nokuda kwokusadzikama kunokatyamadza.

Heavy metal kazhinji kazhinji inziyo dzine simba, dzinobatanidza magetsi dzinorira zvinonzwika zvikuru dziine mutinhimira. Mukuwirirana nemagazini yeTime, “vanoridza nziyo dzemetal vanotsinhiranisa nefungidziro dzakatsauka zvikurukuru dzevateereri vachena, vaduku navanhurume kupfurikidza nokuzviratidzira vamene sevokunze vakaodzwa mwoyo avo vakasiya pepuko yakashata.” Yakawanda yeheavy metal yakarongedzerwa kukatyamadza. Mamwe amashoko ayo orwiyo haatsikiririki. Magazini yezvokurapa muTexas yakataura kuti akawanda amashoko ari muheavy metal anorumbidza “zvimiro zvisingagamuchirwi zvine chokuita nevatano, masimba masimba, ruvengo, uye mashiripiti.”

Masimba masimba akabatanidzwa neheavy metal ndechimwe chinetso. Somuenzaniso, apo imwe shoo yakafanira kumiswa nemhaka yokuti muimbi akarwara, vateereri vakamukira uye kunyange kupisa nhandare. Pane imwe konzati pwere nhatu dzakatsikirirwa kusvikira dzafa apo zviuru zvavatsigiri zvakanyanduka zvichienda kuchikuva, zvichidonhedza vanhu vari pamberi uye ipapo kuvatsika-tsika.

Munziyo dzerap, dzinozivikanwawo sehip-hop, muimbi (kana kuti vaimbi) anodanidzira nhetembo pamusoro pomutinhimira unonzwika necheseri, kazhinji kazhinji unogoverwa nomuitiro unoshanda nemakomupiyuta unozivikanwa sesampling. Nziyo zhinjisa dzerap dzinogadzirwa nenyanzvi dzokuimba dzavatema asi dzinotengeswa kuvateereri vose vari vaviri vatema navachena. Mashoko mashomanene erap akanaka, achirwisana nezvinhu zvakadai sokubatwa zvisina kufanira kwavana nokushandiswa zvisina kufanira kwemirimo. Kunyanguvezvo, rap zhinjisa inosimbisa kupandukira chiremera, masimba masimba, kuvenga vakadzi, uye udzinza. Marekodhi mazhinji ane kuzvidza nokurondedzerwa kunonyadzisa kwevatano.

Masimba masimba ave ari chinetso pamamwe makonzati erap. Pane imwe konzati, mitezo yeboka ine 300 yakadenha vateereri, avo vakadzorera nezvigaro zvesimbi kutozosvikira mapurisa auya ndokugumisa konzati yacho. Vanhu makumi mana navashanu vakakuvadzwa.

Gore rakapfuura, New York State Sheriffs Association yakaraira kurambidzwa kwamafemu ose eTime Warner, Inc., kutozosvikira kambani yacho yarega kutengesa rwiyo rwerap runonzi “Cop Killer.” Mutungamiriri weboka ravakuru vakuru, Peter Kehoe, akati: “Iyi irekodhi inonyandura ruvengo uye inokurudzira ndokurumbidza kuurawa kwavakuru vakuru vamapurisa. Somuuyo wakananga wourwu rwiyo, vakuru vakuru vamapurisa vachaurawa.” Pakupedzisira, rwakarega kutengeswa.

Pane Tapuro Here?

Apo vaimbi vanoimba pamusoro pechakaipa kana kuti kunyange kuchiita pachikuva, itapuroi iyo ikoku kunova nayo pavateereri navaoni? Rangarira tsinhiro dzinotevera nezvinoitika.

Dr. Carl Taylor, mubatsiri wapurofesa weruramisiro youtsotsi paMichigan State University, anotaura kuti nyanzvi dzerock dziri ku“simudzira mararamire. . . . Mitezo yeboka racho inopesvedzera vana, inodaro zvikuru kwazvo.”

Mumwe mukomana uyo akapukunyuka kuedza kuzviuraya akataura kuti nziyo dzacho dzakaita kuti iye neshamwari yake (ane kuzviuraya kwakabudirira) vafunge kuti “mhinduro kuzvinetso zvoupenyu rufu.”

Muna 1988 vechiduku vatatu vakauraya shamwari kuti vangofadzwa nako chete. Mumwe wavo akataura kuti kufarira rufu kwakavamba nenziyo dzeheavy metal.

Pashure pekonzati imwe yerap, vechiduku vakaita masimba masimba okupwanya mafafitera. Mukuru mukuru wehurumende wekotsekano yevoruzhinji wePittsburgh, Pennyslvania, akati: “Hapana panikiro zvachose chose mundangariro mangu kuti nziyo dzerap dzinokurudzira masimba masimba.”

Kufundwa kwepwere nemiitiro yousatani kwakazivisa kuti vakawanda vaavo vanobatanidzwa mukunamatwa kwaDhiabhorosi vashandisi vemirimo vanonyanyisa uye vanoteerera nziyo dzeheavy metal, idzo dzinorumbidza kushandiswa kwemirimo uye dzinokurudzira utere hwevatano. Somuuyo, vanhu vaduku vasina kudzivirirwa vanokwezviwa kumiitiro yousatani.

Chokwadika, apo pwere dzinosundwa kukushandiswa zvisina kufanira kwemirimo, utsotsi, kana kuti kuzviuraya, sezvingabvira kune zvakawanda zviri seri kwomufambiro wakadaro kupfuura nziyo. Kuputsika kwoupenyu hwemhuri nokwenzanga yavanhu yose zvayo pasina panikiro kunoita rutivi rukuru. Asi nziyo dzinogona kubatira sesundo, mutoo wokukurudzira vanhu vaduku vasina kudzivirirwa kuti vaite zvinhu zvavangasatofunga neimwe nzira. Vanhu vakatoodzwa mwoyo nenhamo dzoupenyu vanoda nziyo dzinovakurudzira kutera kukombamiro dzinoparadza here?

Pfundo racho nderokuti nziyo dzakashata dzinogona kubatira sechepfu yendangariro kuvateereri vadzo. Yeuka, mashoko ari munziyo dzakadaro ane simba zvikuru kwazvo nemhaka yokuti anobva kunyanzvi, magamba, avo vanodokuva vanonamatwa navatsigiri vavo.

Zvakadiniko Newe?

Inziyo dzipi dzaunoteerera kwadziri? Zvichida wakatongwarira pamusoro penziyo dzaunosarudza, uye ikoko kunorumbidzwa. Pane rumwe rutivi, kana uri pakati paavo vanoteerera nziyo dzomugariro unozvidza kana kuti kunyange unopanikirika, wakatapurwa zvakaipa here? Kunyange kana mufambiro wako usina kuchinja, unogona kutaura nenzira yokutendeseka kuti chimiro chako chendangariro hachina kutapurwa nokuda kwezvakaipisisa here? Pashure pokurangarira zvose, kuratidzirwa waratidzirwazve kunhau dzakashata kunogona kukugomadza, kuchikuparira kuti urangarire kuti nhau dzacho hadzina kushata kwazvo.

Rangarira muenzaniso wejaya iro rakaedza kuvhenganisa upenyu hwaro somuKristu nokuteerera nguva dzose heavy metal nerap. Harina kusundirwa kuzviito zvakadai sokuuraya, kuzviuraya, kana kuti kunamatwa kwaDhiabhorosi. Asi cherekedza kuti chimiro charo chendangariro chakatapurwa sei. Iro rakazivisa, kuti: “Idzi nziyo ndedzoumhuka zvikuru. Dzakandibvumira kushanda munzira yakaterama neyakadzikama apo ndakanga ndichidziurira kombamiro dzakashatisisa nedzamasimba masimba. . . . Ndaigara munyika yefungidziro yoruvengo. Hapana zuva raipfuura pasina kurangarira kwangu zvakakomba kuzviuraya.” Iro rakasarudza kuita chinjo yakakwana mumiitiro yaro yokuteerera. Apo rakadaro, chimiro charo chendangariro chakaratidza vandudziko huru.

Vadziviriri venziyo dzinoshatisa vachaita nharo kuti varuramise mativi asina kunaka enziyo dzerock. Asi ndedzipi dziri mhedziso dzako? Unogona kuvhara maziso ako nenzeve kuushati hukuru hwenhau yadzo here? Ungagona kupinda makonzati akadai seayo arondedzerwa pakuvamba zvikuru usingatyiri kotsekano yako here? Uye zvakadiniko nebatano pakati penziyo dzakadaro nomubato unonyadzisa wavaimbi vadzo navateereri?

Kana uchiitira hanya utano hwako, sezvingabvira unodzivisa zvokudya zvingakukuvadza kunyange kana zvichinaka. Nziyo dzakashata, kana dziri dzerock kana kuti rumwe rudzi rupi norupi, ityisidziro kuutano hwako hwendangariro. Waizoda kuzviratidzira umene kuvaraidzo inokuvadza ndangariro here? Chokwadika kwete. Naizvozvo, chii chaunogona kuita kuti uve nomurangariro wakanaka, wakadzikama weiyi nhau? Tapota rangarira mapfundo anopiwa munyaya inotevera.

[Bhokisi riri papeji 6]

Chii Chiri Kunamatwa kwaDhiabhorosi?

Kunamatwa kwaDhiabhorosi, kunokurudzirwa namamwe mashoko orwiyo rweheavy metal, hakusi mufaro usingakuvadzi. Texas Medicine/The Journal rakatsanangura kuti kunamata kwakadaro kunobatanidza miitiro inobvira pa“mibato isingakuvadzi yetsika kusvikira kukunwa ropa rinobva mukuzvicheka-cheka nezvibairo zvemhuka.” Miitiro yousatani inozivisa “ruvimbiko kuna dhiabhorosi. Miitiro yakananga inoshandiswa kuendesa simba kubva kuna Satani kuenda kuvateveri. . . . Dzidziso yorusununguko rwechisarudzo nechido inoreva kuita chipi kana chipi chaunoda usingafungi nezvaMwari, pasina mhaka, uye pasina hana.” Somuuyo, vamwe vanopinda mumibato youtsotsi vasinganyari.

[Mufananidzo uri papeji 5]

Waisazoisa marara mudumbu mako. Kuisirei mundangariro mako?

[Mufananidzo uri papeji 7]

Unofanirakunzwa zvakanakakupinda chinoitikachakadai here?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe