Mashoko Anobetsera nokuda Kwavabereki Vokurera
UNITED States Bureau of the Census inotaura kuti mhuri dzokurera dzichapfuura muchiverengero mhuri dzina baba, amai, uye vana vavo chaivo pakuzosvika muna 1995. Kusvikira ipapo, vana 59 mu 100 vari vose vachararama mu“mhuri dzakavhenganiswa” (mhuri dzine mubereki wokurera) vasati vasvika makore 18 okukura. Zvinotevera zvikarakadzo zvishoma bedzi zvokubetsera chiverengero chinokura chavabereki vokurera.
Ipai Nguva Yokuti Ukama Hwemhuri Yokurera Hukure: Vabereki vokurera vanofanira kuyeuka kuti kunotora nguva kuti vana vokurera vagamuchire mubereki mutsva. Nyanzvi youtano hwendangariro Mavis Hetherington anotsanangura chikonzero nei mwedzi mishomanene yokutanga—kana kuti makore—ichigona kuva yakaoma zvikuru: “Munhambo dzokutanga dzokuroorazve, vose vari vaviri vanakomana navanasikana vane utsinye, vanotsamwa, vanopopota uye vanoshatirirwa kwete bedzi kuna baba vavo vokurera asi kuna amai vavo. Vanoshatirirwa . . . amai vavo nokuda kwokuroorwazve.” Vabereki vokurera vanofanira kuedza kunzwisisa kunzwa kwavana, kunyange zvazvo ikoko kungava kwakaoma.—Ona Zvirevo 19:11.
Tangai Kuvaka Ukama Hwakarurama: Joy Conolly, mubhuku rake rinonzi Stepfamilies, anonyevera nokuchenjera kuti vabereki vokurera vachava munzvimbo iri nani yokururamisa mufambiro wavana vavo vokurera pashure pokunge vavaka ukama hwakanaka navo. Munguvayi, kungava kwakanakisisa kuti mubereki chaiye aite chirango chinodikanwa. (Enzanisa naZvirevo 27:6.) Pane rumwe rutivi, vabereki vokurera vanogona kupa vana pfungwa yokuti zvinhu zvakagadzikana kupfurikidza nokutsigira rudungwe rwavakafarikanya kwenguva refu—zvakadai sokufamba kwamadaro marefu kana kuti kutamba mitambo pamwe chete. Vanababa vokurera, kunyange zvakadaro, havafaniri kushandisa nhambo dzezvokudya kutsiura mhuri.
Dzivisai Rusarura: Baba vokurera kana kuti amai vokurera vanofanira kudzivisa, kana kuchibvira, ufakazi hwokusarura kuvana vavo chaivo, zvisinei nokuti ikoku kungava kwakaoma zvakadini pane dzimwe nguva.—Enzanisa VaRoma 2:11.
Chengetai Nyevero: Nzvero yemisi ichangobva kupfuura iyi yemhuri dzokurera yakawana kuti kazhinji kazhinji zvikuru kwakaoma kuti vanababa vokurera navanasikana vokurera vawirirane. Sokukutaura kunoita mumwe munyori: “Vanababa vokurera vanoedza kutaura, uye vasikana vacho havadi kutaura. Vanababa vokurera vanoedza kuita chirango chakati, vasikana vacho vanodzorerawo.” Munyori anopeta achiti: “Kunoratidzika sokuti hapana chinhu icho baba vokurera vanogona kuita, zvisinei, navasikana chinobudirira.” Shiviriro huru netsitsi nokudaro zvinodikanwa. Nepo vasikana vachionga rumbidzo inoitwa nababa vokurera, vanowanzonzwa vasina kusununguka nokuita kwakadai sokubata. Baba vokurera vanofanira kuziva kuti musikana anganzwa neiyi nzira. Kana akadaro, iye anofanira kusimbisa rumbidzo yokutaura kupfuura ratidzirwo chaidzo dzechidakadaka.—Enzanisa naZvirevo 25:11.
Ngwarirai Godo: Ruzivo rwokuzviwanira runoratidza kuti kazhinji mwanasikana wokurera anokombamira kuona amai vokurera somukwikwidzani. Amai vokurera vanokarira uye vanonzwisisa kunzwa kwomusikana nokudaro vangadzivirira rwisano dzisiri madikanwa. Baba vanogona kuita zvakawanda kuderedza zvinetso kupfurikidza nokuvimbisa mwanasikana wavo rudo rwavo runopfuurira noruremekedzo. (Zvirevo 15:1) Vanzveri vanonyevera kuti vanamai vokurera kazhinji kazhinji vanoedza zvakaoma zvikuru uye nokukurumidza zvikuru kugamuchirwa saamai nokuda kwavanasikana vavo vatsva vokurera. Zvakare, kushivirira ndicho chinhu chikuru.
Kuva mubereki wokurera hakusati kuri nyore. Asi kunogona kuitwa, sezvo zviuru zvemienzaniso yakabudirira zvinoratidza. Uye yeuka, Bhaibheri rinopa zano rakanakisisa nokuda kwokubudirira mumugariro upi noupi wemhuri apo rinoti: “Zvipfekedzei mumene norudo, nokuti ndicho chisungo chakakwana chomubatanidzwa.”—VaKorose 3:14, NW.