RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w99 3/1 pp. 4-7
  • Mhuri Dzine Vabereki Vokurera Dzinogona Kubudirira

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mhuri Dzine Vabereki Vokurera Dzinogona Kubudirira
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Chinhu Chinokosha
  • Mubereki Wokubereka
  • Kuranga—Nhau Inoda Kungwarira
  • Vabereki Vanofanira Kutaurirana
  • Kusimbisa Kubatana Kwemhuri
  • Matambudziko Akasiyana Nemamwe Emhuri Dzine Vabereki Vokurera
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Ndinogona Sei Kubata Nokuroorazve Kwomubereki Wangu?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
  • Ndingaitei Mubereki Wangu Akaroora Kana Kuroorwazve?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 1
  • Matambudziko Anowanikwa Mumhuri Dzokurera
    Mukai!—2012
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
w99 3/1 pp. 4-7

Mhuri Dzine Vabereki Vokurera Dzinogona Kubudirira

MHURI DZINOBUDIRIRA DZINE VABEREKI VOKURERA DZINOGONA KUVAPO HERE? Hungu, Kunyanya kana vose vanobatanidzwa vakayeuka kuti “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari, runobatsira pakudzidzisa, nokurayira, nokururamisa, nokuranga kuri mukururama.” (2 Timotio 3:16) Kana munhu wose akashandisa nheyo dzeBhaibheri, kubudirira kuchavapo zvechokwadi.

Chinhu Chinokosha

Bhaibheri rinotaura mitemo yakananga mishomanene chete inodzora ukama hwavanhu. Rinonyanya kukurudzira kutanga kuva netsika dzakanaka nemafungiro zvinotiita kuti tiite nokuchenjera. Mafungiro netsika dzakanaka kudaro zvinoparira upenyu hwemhuri hunofadza.

Zvingaita sezviri pachena, asi kunyange zvakadaro zvakafanira kutaura kuti chinhu chinokosha chinodiwa kuti mhuri ipi neipi ibudirire rudo. Muapostora Pauro akati: “Rudo ngarurege kuva nokunyengera. . . . Kana ruri rudo pakati pavatendi, danai norudo rukuru.” (VaRoma 12:9, 10) Shoko rokuti “rudo” rinoshandiswa zvisirizvo kakawanda, asi chinhu chaitaurwa naPauro pano chakasiyana nezvimwe. Rudo rwaMwari, uye “harutongoperi.” (1 VaKorinte 13:8) Bhaibheri rinorurondedzera serusina udyire uye rwakagadzirira kushandira vamwe. Runoshanda zvikuru kuti zvinakire vamwe. Runoshivirira uye rune mutsa, harumboiti godo, harudadi, kana kuti kuzvikudza. Haruzvitsvakiri zvarwo. Runogara rwakagadzirira kukanganwira, kuvimba, kuva netariro, kutsungirira chero chinouya.—1 VaKorinte 13:4-7.

Rudo rwechokwadi runobetsera kugadzirisa kusanzwisisana ndokubatanidza vanhu vakarerwa zvakasiyana zvikuru uye vane tsika dzakasiyana. Uye runobetsera kuderedza marwadzo anoparirwa nokurambana kana kuti kufa kwomubereki chaiye. Mumwe murume akava baba vokurera anotsanangura matambudziko ake chaiwo achiti: “Kakawanda ndainyanyonetseka nezvemanzwire andaiita zvokuti ndakaregeredza kunzwa kwevana vangu vokurera kana kuti kunyange kwomudzimai wangu. Ndaifanira kudzidza kusanyanyokurumidza kushatirwa. Zvinokosha zvikuru, ndaifanira kudzidza kuzvininipisa.” Rudo rwakamubetsera kuchinja zvaidiwa.

Mubereki Wokubereka

Rudo rungabetsera mukubata noukama hwavana nemubereki wavo wokubereka asisipo. Vamwe baba vokurera vakati: “Ndaida kuva wokutanga kudiwa nevana vangu vokurera. Pavaishanyira baba vavo vokubereka, ndaiona zvakaoma kudzivisa muedzo wokuvatsoropodza. Pavaidzoka vafara naye zuva rose, ndaishatirwa. Pavaiva vasinganakidzwi, ndaifara. Chaizvoizvo, ndaitya kuti ndaizorasikirwa navo. Chimwe chinhu chaiva chakaoma zvikuru kwaiva kuziva ndokugamuchira kukosha kwababa vokubereka muupenyu hwevana vangu vokurera.”

Rudo rwechokwadi rwakabetsera baba ava vokurera kuti vatarisane nechokwadi chokuti zvakanga zvisingaiti kutarisira rudo “runongoerekana rwaitika.” Vaisafanira kuva vakanzwa sokuti vari kurambwa pavasina kukurumidza kugamuchirwa nevana. Vakazoziva kuti havangambofi vakatsiva baba vokubereka mumwoyo yevana vavo. Vana vakanga vaziva murume uyu kubva pamazuva okutangisisa, nepo baba vokurera vakanga vari munhu mutsva aizofanira kushandira kuti adiwe nevana vacho. Muongorori Elizabeth Einstein anoratidza zvakaitika kune vakawanda paanoti: “Mubereki wokubereka haangambofi akatsiviwa—nyange zvodini. Nyange mubereki akafa kana kuti akaramba vana anoramba ane nzvimbo inokosha muupenyu hwevana.

Kuranga—Nhau Inoda Kungwarira

Bhaibheri rinoratidza kuti vanhu vaduku vanofanira kurangwa norudo, uye izvozvo zvinobatanidza vana vokurera. (Zvirevo 8:33) Nyanzvi dzakawanda dziri kutanga kubvuma zvinotaura Bhaibheri panhau iyi. Purofesa Ceres Alves de Araújo akati: “Nomusikirwo, hapana munhu anoda miganhu, asi inokosha. Shoko rokuti ‘Aiwa’ ishoko rinodzivirira.”

Zvisinei, mumhuri ine vabereki vokurera, maonerwe okuranga angaparira kusanzwisisana kwakakura. Vana vokurera vanenge vakaitwa kuti vave zvavari zvishoma nomubereki asisipo zvino. Pamwe, zvingaita kuti vane miitiro kana kuti tsika dzingashatirisa mubereki wokurera. Uye pamwe havanzwisisi chikonzero nei mubereki wokurera achiomerera pazvinhu nezvenhau dzakati. Mamiriro ezvinhu akadaro angabatwa sei nokubudirira? Pauro anorayira vaKristu kuti: “Utevere . . . rudo, nokutsungirira, nounyoro.” (1 Timotio 6:11) Rudo rwechiKristu runobetsera mubereki wokurera navana vokurera kuti vave vanyoro navanoshivirira sezvavanodzidza kunzwisisana. Kana mubereki wokurera akasashivirira, ‘kutsamwa, hasha, nokutaura zvakaipa’ zvingakurumidza kuparadza ukama hupi nohupi huripo.—VaEfeso 4:31.

Nzwisiso yokuti chii chichabetsera munhau iyi yakapiwa nomuporofita Mika. Akati: “Chinotsvakwa naJehovha kwauri chinyiko, asi kuti uite zvakarurama, ude unyoro, uye ufambe uchizvininipisa pamberi paMwari wako?” (Mika 6:8) Ruramisiro inokosha pakuranga. Asi zvakadini nemutsa? Mumwe mukuru wechiKristu anorondedzera kuti zvaiwanzokunge zvakaoma kuti amutse vana vake vokurera neSvondo mangwanani kuti vaende kunonamata seungano. Panzvimbo pokuvatuka, akaedza mutsa. Aimuka mangwanani, ogadzira chisvusvuro, ozoendesera mumwe nomumwe wavo chokunwa chinodziya. Somugumisiro, vakanga vava kuda zvikuru kuteerera kukumbira kwake kuti vamuke.

Purofesa Ana Luisa Vieira de Mattos akatsinhira zvinonakidza zvinotevera: “Chinokosha harusi rudzi rwemhuri asi kuti kunaka kweukama hwacho. Mukuongorora kwandakaita ndakaona kuti vaduku vane matambudziko okuzvibata kakawanda vanobva mumhuri dzine vabereki vasinganyatsotarisira, musina mitemo nekukurukurirana.” Akatiwo: “Zvinofanira kusimbiswa zvikuru kuti kurera vana kunoreva kudikanwa kwokuti aiwa.” Mukuwedzera, Vanachiremba Emily naJohn Visher vakati: “Chirango chinonyanya kushanda chete apo munhu ari kurangwa anova nehanya nezvichaitika uye noukama zvomunhu wacho ari kumuranga.”

Kutaura uku kunotaura zvishoma nezvokuti ndiani anofanira kuranga mumhuri dzine vabereki vokurera. Ndiani anofanira kuti aiwa? Vapedza kutaurirana, vamwe vabereki vakafunga kuti, pakutanga, mubereki wokubereka anofanira kuva iye anonyanya kuranga kuitira kuti ape mubereki wokurera nguva yokuti avake ukama hwakanaka navana. Vana ngavadzidze kunzwa vane chivimbo chokuti mubereki wokurera anovada vasati varangwa naye.

Ko kana mubereki wokurera wacho ari iye baba? Bhaibheri hariti here baba ndivo musoro wemhuri? Hungu. (VaEfeso 5:22, 23; 6:1, 2) Zvisinei, baba vokurera vangashuva kumbopa mumwe wavo nhau yokuranga kwechinguva, kunyanya kana ichibatanidza kuranga. Vangabvumira vana kuti vateerere ‘mutemo wamai vavo’ pavanenge vachivapa chikonzero chokuti ‘vateerere kuranga kwababa vavo [vatsva].’ (Zvirevo 1:8; 6:20; 31:1) Uchapupu hunoratidza kuti, nokufamba kwenguva, izvi hazvipesani nenheyo youmusoro. Uyezve, vamwe baba vokurera vanoti: “Ndakayeuka kuti kuranga kunobatanidza kupa zano, kururamisa, uye kutsiura. Izvi pazvinoitwa nenzira yakarurama, yorudo, uye yengoni uye zvichitsigirwa nomuenzaniso womubereki, zvinowanzoshanda.”

Vabereki Vanofanira Kutaurirana

Zvirevo 15:22 inoti: “Pasingaranganwi mano anokona.” Mumhuri dzine vabereki vokurera, kutaurirana kwokuvimbana kwevabereki vakaterama uye vasingavanzirani kunokosha pakati pavabereki. Mumwe munyori wechikamu chepepanhau reO Estado de S. Paulo akataura kuti: “Vana vanogara vachida kuedza miganhu yavanoisirwa navabereki.” Izvozvo zvingava zvechokwadi zvikuru mumhuri dzine vabereki vokurera. Saka, vabereki vanofanira kubvumirana panhau dzakasiyana-siyana kuitira kuti vana vaone kuti vakabatana. Zvisinei, zvakadini kana mubereki wokurera akaita nenzira iyo mubereki wokubereka anofunga kuti haina kururama? Ipapo vaviri vacho vanofanira kugadzirisa nhau vari voga, kwete vari pane vana.

Vamwe amai vakaroorwazve vanorondedzera kuti: “Chinhu chakaomera amai zvikuru ndechokuona baba vokurera vachiranga vana vavo, kunyanya kana vachifunga kuti vari kuita zvokungokurumidza kana kuti havasi kururamisira. Zvinovarwadza mwoyo, uye vanoda kudzivirira vana vavo. Panguva dzakadaro, zvakaoma kuramba wakazviisa pasi pomurume wako uye kumutsigira.

“Pane imwe nguva, vanakomana vangu vaviri, vane makore 12 ne14, vakakumbira baba vavo vokurera kuti vaite chimwe chinhu. Vakabva vangoramba ndokubuda mumba vasina kupa vakomana vacho mukana wokuti vatsanangure kuti nei zvavakanga vakumbira zvaikosha kwavari. Vakomana vacho vakanga vava kuda kuchema, uye ndakashaya romuromo. Mukomana mukuru wacho akanditarisa ndokuti: ‘Amai, maona zvavaita here?’ Ndakapindura kuti: ‘Hungu, ndazviona. Asi vachiri musoro wemba, uye Bhaibheri rinoti tinofanira kuremekedza umusoro.’ Vakanga vari vakomana vakanaka uye vakabvumirana neizvi, uye vakanyarara kwechinguva. Manheru iwayo, ndakatsanangurira murume wangu, uye akaziva kuti akanga anyanyoratidza simba. Pakarepo akaenda mukamuri ravakomana ndokukumbira ruregerero.

“Takadzidza zvakawanda muchakaitika ichocho. Murume wangu akadzidza kuteerera asati aita zvisarudzo. Ini ndakadzidza kutsigira nheyo youmusoro, nyange pazvinorwadza. Vakomana vakadzidza kukosha kwokuzviisa pasi. (VaKorose 3:18, 19) Uye kukumbira ruregerero nomwoyo wose kwomurume wangu kwakatidzidzisa tose chidzidzo chinokosha chokuzvininipisa. (Zvirevo 29:23) Nhasi, vanakomana vose vakuru vechiKristu.”

Kukanganisa kuchaitwa. Vana vachataura kana kuti kuita zvinhu zvinorwadza. Zvinenge zvichinetsa panguva yacho zvichaita kuti vabereki vokurera vaite zvisina pfungwa. Zvisinei, mashoko aya chete okuti, “Ndine urombo, ndapota ndiregererei,” angaita zvakawanda kuti aporese maronda.

Kusimbisa Kubatana Kwemhuri

Zvinotora nguva kuti muvake ukama hunofadza mumhuri ine vabereki vokurera. Kana uri mubereki wokurera, unofanira kunzwira urombo. Iva anonzwisisa, akagadzirira kupedza nguva navana vacho. Tamba navaduku vacho. Gadzirira kutaura navakuru vacho. Tsvaka mikana yokuti mupedze nguva muri mose—somuenzaniso, kumbira vana vacho kuti vabetsere mabasa epamba, akadai sokugadzira zvokudya kana kuti kusuka motokari. Vakumbire kuti vaende newe ndokukubetsera paunoenda kuchitoro. Uyezve, zviratidzo zviduku, zvorudo zvingaratidza rudo rwaunarwo. (Chokwadi, vanababa vokurera vanofanira kungwarira miganhu yakafanira navanasikana vavo vokurera ndokusavaita kuti vanzwe zvisina kunaka. Uye vanamai vokurera vanofanira kuyeuka kuti vakomanawo vane miganhu.)

Mhuri dzine vabereki vokurera dzinogona kubudirira. Dzakawanda dziri kubudirira. Dzinobudirira zvikuru ndedziya dzine vose vanobatanidzwa, kunyanya vabereki, vanotanga mafungiro akanaka nokutarisira zvinhu zvine musoro. Muapostora Johane akanyora kuti: “Vadikanwa, ngatidane; nokuti rudo runobva kuna Mwari.” (1 Johane 4:7) Hungu, rudo runobva pamwoyo chinhu chaicho chinoita kuti mhuri ine vabereki vokurera ifare.

[Mifananidzo iri papeji 7]

MHURI DZINE VABEREKI VOKURERA DZINOFARA

dzinopedza nguva dziri pamwe chete . . .

dzinodzidza Shoko raMwari pamwe chete . . .

dzinotaurirana . . .

dzinoshanda pamwe chete . . .

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe