Matambudziko Akasiyana Nemamwe Emhuri Dzine Vabereki Vokurera
MHURI DZINE VABEREKI VOKURERA DZINOFARA DZINOBVIRA! SEI?
Mhuri ine vabereki vokurera yava mhuri yakajairika mumativi akawanda enyika. Asi, mhuri dzine vabereki vokurera dzine matambudziko akasiyana nemamwe. Pasina mubvunzo rakaoma zvikuru nderokurera vana. Zvisinei, sezvichaedza kuratidzwa nenyaya mbiri dzichatevera, zvinoita kurera vana zvinobudirira mumhuri dzine vabereki vokurera.
KUGARA NEKUGARA, VANABABA NAVANAMAI VOKURERA VANOTAURWA ZVAKAIPA NEZVAVO. Pataiva vana, vakawanda vedu takanzwa imwe ngano yaCinderella, akatambura zvikuru nemhaka yaamai vake vokurera vaiva noutsinye. Vana vomuEurope vanodzidzawo ngano inonzi Snow White and the Seven Dwarfs. Amai vokurera vaSnow White vanova muroyi akaipa!
Ngano dzakadaro dzinotaura zvakarurama nezvemhuri dzine vabereki vokurera here? Vabereki vokurera vose vane utsinye zvakadaro here? Aiwa. Vazhinji vavo vanoda bedzi kuti zvinhu zvifambire zvakanaka vana vavanogara nhaka pavanoroorana. Asi vanofanira kutarisana nematambudziko ari muupenyu hwemhuri dzine vabereki vokurera.
Matambudziko Okurera Vana
Panoparara mhuri yokutanga, kakawanda chinokonzera kudaro kusakura pfungwa kwavanenge vakaroorana vacho. Mumhuri yechipiri, kubata navana kungaputsa ukama hwacho. Zvimwe zvakanyorwa zvinoratidza kuti mhuri dzinopfuura ina pagumi dzine vabereki vokurera dzinoguma nokurambana mumakore mashanu okutanga.
Vanenge vachangobva kuchata vangasaziva kuvhiringidzika kwepfungwa, kurwisana kwokuvimbika, uye kunzwa godo nepfundepfunde zvinoparirwa nokusvika kwomubereki wokurera muvana. Ivo vangafungidzira kuti mubereki wavo chaiye ava kuda mubereki wokurera kuvapfuura ivo. Uyezve, mubereki chaiye anenge asiyiwa nomumwe wake angazviona zvakaoma kuti anzwisise kuti sei vana vachiramba vachida aimbova mumwe wake. Mumwe mukomana akaedza kutsanangura kuwirirana kwake nababa vake vokumubereka, achiti, “Amai, ndinoziva kuti Baba havana kukubatai zvakanaka, asi ini vakandibata zvakanaka!” Kutaura kwakadaro, nepo kuri kwokutendeseka, kungaita kuti amai vanzwire baba vomwana wacho shungu zvikuru.
Vamwe baba vokurera vakareurura vachiti: “Ndakanga ndisina kunyatsogadzirira kubata nematambudziko ose ane chokuita nokurera vana vomudzimai wangu. Ndakaroora ndichifunga kuti zvandakanga ndaroora amai vavo, ndakanga ndava baba vavo. Kwandiri ndizvo chete zvaidiwa! Handina kunzwisisa kuti vana vacho vaida baba vavo vokubereka, uye ndakakanganisa kakawanda.”
Kusanzwisisana kungavapo kunyanya munhau yokuranga. Vana vanofanira kurangwa norudo, asi vanowanzokuramba nyange vachirangwa nomubereki wavo chaiye. Zvakaoma zvakadini kubvuma kurangwa nomubereki wokurera! Zvinowanzoitika ndezvokuti, paanenge oda kurangwa kudaro, mwana wacho achataura chimwe chinhu chakadai sokuti, “Hamusi baba vangu chaivo!” Mashoko iwayo angarwadza zvakadini mubereki wokurera anenge ane vavariro dzakanaka!
Vana vangarerwa zvinobudirira mumhuri dzine vabereki vokurera here? Vabereki vokurera vangaita basa rakanaka mukuumba mhuri ine vabereki vokurera inobudirira here? Mhinduro yemibvunzo yose iri miviri ndihungu kana vose vanobatanidzwa vakatevera zano riri muShoko rakafuridzirwa raMwari, Bhaibheri.
[Mufananidzo uri papeji 3]
“Hamusi baba vangu chaivo!”