Vabereki Vanobata Zvisina Kufanira—Vadzvinyiriri Vanonyanyisa Zvikurusa
“Nemhaka yokuti [vana] vane gadziriro duku kunze kwemhuri, zvinhu zvavanodzidza pamusha pamusoro pavo vamene navamwe zvinova zvokwadi dzenzvimbo yose dzinorovererwa zvikuru mundangariro dzavo.”—Dr. Susan Forward.
MUUMBI wehari anogona kutora munyakwe usina kuumbika, kuwedzera mvura mumwero yakakodzera, ndokuuumba kuva mudziyo wakaisvonaka. Nenzira yakafanana, vabereki vanoumba murangariro womwana wezvose zviri zviviri wake amene nowenyika. Norudo, nhungamiro, uye chirango, mwana anokura kuva akura zvakatsiga.
Kazhinji kazhinji zvikuru, zvisinei, minembo pandangariro nomwoyo zvomwana inoitwa navabereki vane utsinye. Kubatwa zvisina kufanira mundangariro, mumuviri, uye muvatano kunoparira mitoo yokufunga kwakamonyaniswa iyo inova inorovererwa zvakatsiga uye yakaoma kuumbazve.
Kubatwa Zvisina Kufanira Mundangariro
Mashoko anogona kurova zvakasimba zvikuru kupfuura zvibhakera. “Handiyeuki rimwe zuva apo [amai vangu] vasina kundiudza kuti vaishuva kuti kudai ndakanga hangu ndisina kutongoberekwa,” anodaro Jason. Karen anorangarira, kuti: “Ndaigaroitwa kuti ndinzwisise kuti ndakanga ndakashata kana kuti ndisina kunaka zvikuru.”
Vana vachawanzodavira icho chinotaurwa mukurwisana navo. Kana mukomana achitukwa nguva dzose kuti iye ibenzi, ipapo pakupedzisira anganzwa kuti ibenzi. Tuka musikana kuti iye haana maturo, uye iye angadavira izvozvo chaizvo. Vana vane murangariro wakaganhurirwa uye kazhinji kazhinji havagoni kunzwisisa icho chiri chakarurama pane icho chiri chinotutsirwa nenzira isina kunaka kana kuti chenhema.
Kubatwa Zvisina Kufanira Mumuviri
Joe anoyeuka baba vake vanobata zvisina kufanira mumuviri, achiti: “Vaizotanga kundirova netsiva kutozosvikira vandiita kuti ndimire ndakatsamira chidziro. Vaizopfuurira kundirova zvakasimba zvikuru zvokuti ndaizobatwa nedzungu . . . Rutivi runotyisa zvikurusa rwako rwakanga rwuri rwokusatomboziva icho chaizonyandura kufufutirwa kwavo nehasha!”
Jake aigarorohwa nababa vake. Mune kumwe kurova kwakadaro, apo Jake akanga achingova bedzi namakore matanhatu ezera, ruoko rwake rwakavhunika. “Handisati ndaizovaita kana kuti hanzvadzi dzangu duku kana kuti Amai vandione ndichichema,” anoyeuka kudaro Jake. “Rwakanga rwuri rudado bedzi rwandakanga ndasiya.”
Bhuku rinonzi Strong at the Broken Places rinoti kurohwa kwouhwana kwakafanana no“kuva mutsaona yemotokari zuva riri rose, vhiki riri rose kana kuti mwedzi uri wose.” Kubatwa zvisina kufanira mumuviri kwakadaro kunodzidzisa mwana kuti nyika haina kukotsekana uye kuti hakuna munhu anogona kuvimbwa naye. Mukuwedzera, masimba masimba anobereka masimba masimba. “Kana vana vasingadzivirirwi pavabati zvisina kufanira vavo,” inonyevera kudaro magazini yeTime, “ipapo vanhu rimwe zuva vachatofanira kudzivirirwa pavana.”
Kubatwa Zvisina Kufanira Muvatano
Mukuwirirana nokumwe kunzvera, musikana mumwe muvatatu uye mukomana mumwe muvanomwe akamanikidzirwa muvatano pavanosvika nguva yavanenge vava namakore 18 okukura. Vazhinjisa vaava vana vanotambura mukunyarara. “Kufanana navarwi vasingazivikanwi kwavari,” rinodaro bhuku rinonzi The Child in Crisis, “ivo vanoramba vakarasika kwamakore musango riri roga rorutyo nokuva nemhaka.”
“Ndaivenga zvikuru sei baba vangu nokuda kwokundibata zvisina kufanira uye ndainzwa ndine mhaka zvikuru sei nokuda kwokuvavenga,” anodaro Louise. “Ndainzwa nyadzi dzakadaro nokuti mwana anofanira kuda vabereki vake uye nguva dzose ndakanga ndisingadaro.” Kunzwa kwakadaro kunotambudza kunonzwisisika apo mudziviriri wokutanga womwana anova mupari mhaka. Beverly Engel anobvunza muThe Right to Innocence: “Tinogona sei kubvuma kuti mubereki wedu timene, mumwe munhu aifanira kutida nokutitarisira, angagona kutiitira hanya zvidukusa kwazvo?”
Kubatwa zvisina kufanira muvatano kunogona kushatisa murangariro wose woupenyu hwomwana. “Munhu akura ari wose akabatwa zvisina kufanira somwana anounza kunzwa kwake kwouhwana kunoshatisa kwokuva asina kukwana nenzira isina tariro, asina maturo, uye akaipa chaizvoizvo,” anonyora kudaro Dr. Susan Forward.
Haibvi
“Hausati uchingova muviri womwana bedzi unobatwa zvisina kufanira kana kuti unoregeredzwa,” anonyora kudaro munzveri Linda T. Sanford. “Mhuri dzinotambudzika dzinobata zvisina kufanira ndangariro yomwana.” Apo mwana anobatwa zvisina kufanira, mungava mundangariro, mumuviri, kana kuti muvatano, iye angakura achinzwa asingadiwi uye asina maturo.
Jason, adudzwa pakuvamba, akanga ane kuzvirangarira kwakaderera kwakadaro somunhu akura zvokuti akaziviswa kuva ngozi yokuzviuraya. Achizvipinza amene nomutoo usiri madikanwa mumigariro inotyisidzira upenyu, akarangarira upenyu hwake seizvo amai vake vakanga vamudzidzisa: ‘Waisatongofanira kuve wakaberekwa.’
Achirangarira pamusoro pemiuyo yokubatwa zvisina kufanira mumuviri somwana, Joe anoti: “Miuyo yokubatwa zvisina kufanira haibvi nemhaka yokuti unobva pamusha kana kuti unoroorwa. Nguva dzose ndinotya chimwe chinhu, uye ndinozvivenga ndimene nokuda kwako.” Kusagadzikana kwemhuri inobata zvisina kufanira mumuviri kunoparira vana vakawanda kukura vaine kariro dzakashata uye dziviriro dzorumano dzinopfigira mutorongo panzvimbo pokudzivirira.
Nokuda kwaConnie, vatano yehama yokunyama yakaparira kuzvirangarira kwakamonyaniswa kwakatanga muuhwana hwake: “Ndichiri kufunga zvakawanda nezvenguva apo vanhu vanogona kutarira mukati chaimo mangu ndokuona manyangadzire andiri.”
Zvimiro zvose zvokubatwa zvisina kufanira zvinodzidzisa zvifundo zvine muchetura izvo zvingava zvakarovererwa zvikuru panguva youkuru. Chokwadi, chinodzidzwa chinogona kuva chisingadzidzwi. Vapukunyuki vakawanda vakanaya mukubatwa zvisina kufanira muuhwana vanopupurira idi irero. Asika zviri nani zvikuru sei kudai vabereki vakaziva ikoko kubvira panguva yokuberekwa kwomwana wavo, vari kuumba ukuru hwomufungo wake amene nowenyika. Garikano yokunyama neyendangariro zvomwana zvikurukuru iri muudzori hwavabereki vake.
[Mufananidzo uri papeji 24]
Mashoko anogona kurova zvakasimba zvikuru kupfuura zvibhakera