Kuvadziko Dzakavanzika Dzendangariro Dzokubatwa Zvisina Kufanira Kwavana
“Ndinongozvivenga ndimene bedzi. Ndinoramba ndichifunga kuti kune chimwe chinhu chandaifanira kudai ndakaita, chandaifanira kudai ndakataura kukudzivisa. Ndinongozvinzwa bedzi ndine tsvina zvikuru.”—Ann.
“Ndinonzwa ndakatsaukana navanhu. Ndinowanzobata nokunzwa kwokusava netariro uye kupererwa nezano rose zvaro. Padzimwe nguva ndinoda kufa zvangu.”—Jill.
“KUBATWA zvisina kufanira muvatano muuhwana . . . idenho inokurira, inokuvadza, uye inonyadzisa pandangariro yomwana, mweya, uye muviri . . . Kubatwa zvisina kufanira kunodenha rutivi rwuri rwose rwokuvapo kwomunhu.” Rinotaura kudaro The Right to Innocence, rakanyorwa naBeverly Engel.
Havasi vana vose vanoita chiito kukubatwa zvisina kufanira nenzira imwe cheteyo.a Vana vane hunhu hwakasiana, mano okubata nawo zvinetso, uye kunzwa kunogona kutsamirwa pakuri. Zvakawanda zvinotsamirawo paukama hwomwana nomubati zvisina kufanira, ukombi hwokubatwa zvisina kufanira, nguva refu yakapedzwa nokubatwa zvisina kufanira, zera romwana, nezvimwe zvitemeso. Kupfuurirazve, kana kubatwa zvisina kufanira kukaiswa pamhene uye mwana achiwana tsigiro yorudo yomukuru, kuvadziko inogona kazhinji kazhinji kudukupiswa. Zvisinei, vanyajambwa vazhinji vanotambura kuvadziko huru dzendangariro.
Chikonzero Nei Kuchikuvadza
Bhaibheri rinogovera nzwisiso muchikonzero nei kuvadziko yakadaro ichiitika. Muparidzi 7:7 (NW), inoti: “Manikidzirowo zvayo inoita kuti wakachenjera aite sebenzi.” Kana ikoku kuchiitika kumukuru, fungidzira tapuro yemanikidziro youtsinye pamwana muduku—zvikurukuru kana mubati zvisina kufanira ari mubereki anovimbwa naye. Zvisinei, makore mashomanene okutanga oupenyu anotambudza kundangariro yomwana uye kudziridziko yomudzimu. (2 Timotio 3:15) Ndimo mukati mamakore iwawo ohuduku umo pwere inovamba kukudziridza miganhu yetsika nepfungwa yefaniro yomunhu. Kupfurikidza nokuzvibatanidza navabereki vake, mwana anodzidzawo revo yorudo nechivimbo.—Pisarema 22:9.
“Pamusoro pavana vanobatwa zvisina kufanira,” anotsanangura kudaro Dr. J. Patrick Gannon, “uyu muitiro wokuumba chivimbo unotsauka.” Mubati zvisina kufanira anoshatsa chivimbo chomwana; anomutorera murangariro upi noupi wokuva akakotsekana, wokuva oga, kana kuti kuzviremekedza ndokumushandisa sechinhuwo zvacho nokuda kwokuzvigutsa kwake amene.b Vana vaduku havanzwisisi revo yezviito zvoutere zvinomanikidzirwa pavari, asi vanenge vose vanowana chinoitika chacho kuva chinoshatirisa, chinotyisidzira, chinonyadzisa.
Kubatwa zvisina kufanira muuhwana nenzira iyeyo kwakaidzwa kunzi “nyengedzo yakaipisisa.” Tinoyeuchidzwa nezvomubvunzo waJesu, unoti: “Munhu ndoupiko kwamuri, kana mwanakomana wake akakumbira chingwa, ungamupa ibwe?” (Mateo 7:9) Asi mubati zvisina kufanira anopa mwana, kwete rudo nechidakadaka, asi “ibwe” routsinye zvikurusa kupinda ose—denho yevatano.
Chikonzero Nei Kuvadziko Dzichipfuurira Kuvapo
Zvirevo 22:6, inoti: “Rovedza mwana nzira yaanofanira kufamba nayo, ipapo kunyange akwegura haangatsauki pairi.” Nomutoo wakajeka, pesvedzero yavabereki inogona kugara kwenduramo. Zvakadiniko, kunyange zvakadaro, kana mwana akarovedzwa kudavira kuti iye haana simba rokudzivirira denho yevatano? Akarovedzwa kuita zvakashata mutsinhano no“rudo” rusiri chairwo? Akarovedzwa kuzvirangarira amene saasina maturo naane tsvina? Ikoko hakungagoni here kuparira nduramo yomuitiro unoparadza? Hakusi kuti kubatwa zvisina kufanira muuhwana kunopembedza mufambiro wapashure usina kukodzera womukuru, asi kunogona kubetsera kutsanangura chikonzero nei vanyajambwa vanobatwa zvisina kufanira vachikombamira kukuita kana kuti kunzwa neimwe nzira.
Vanyajambwa vanobatwa zvisina kufanira vazhinji vanotambura nhevedzano yezviratidzo, kubatanidza kuora mwoyo. Vamwe vanopfuurirawo nokunyanduka uye padzimwe nguva kunzwa kunoremedza kwokuva nemhaka, nyadzi, uye hasha. Vamwe vanyajambwa vangatambura kuvharwa kwendangariro, kusakwanisa kuratidzira kana kuti kunyange kurangarira. Kuzvikudza kuduku uye kunzwa kwokusava nesimba zvinotapurawo vazhinji. Sally, uyo akabatwa zvisina kufanira nababamunini vake, anoyeuka, kuti: “Nguva imwe neimwe yavaindibata zvisina kururama ndainzwa ndisina simba uye ndisinganzwi, ndakagomara, ndakaomarara, ndakavhiringidzika. Neiko ikoku kwakanga kuchiitika?” Nyanzvi yoruzivo rwendangariro Cynthia Tower anoshuma, kuti: “Nzvero dzinoratidza kuti kazhinji kazhinji vanhu vakabatwa zvisina kufanira savana muupenyu hwavo hwose vachazvirangarira vamene sanyajambwa.” Vangaroorwa nomunhu anobata zvisina kufanira, kukurukura mugariro wokutapurika, kana kuti kunzwa kusava nesimba rokuzvidzivirira vamene apo vanotyisidzirwa.
Nguva dzose, vana vane makore 12 kana kuti anopfuura okugadzirira kunzwa kunomuka mukati mokuyaruka. Asi apo zviito zvoutere zvinomanikidzirwa pamwana muduku, angaremedzwa nokunzwa kunonyandurwa. Sokuratidza kwaita imwe nzvero, ikoku gare gare kungakuvadza mano ake okufarikanya vatano dzeroorano. Anobvuma kudaro nyajambwa anonzi Linda: “Ndinowana rutivi rwevatano yeroorano kuva chinhu chakaoma kupinda zvose muupenyu hwangu. Ndinonzwa kunzwa kunotyisa kwokuti ndibaba vangu varipo, nokudaro ndinotya.” Vamwe vanyajambwa vangaita nenzira yakasiana chose ndokukudziridza zvishuvo zvoutere zvinogombedzera. “Ndairarama upenyu hwamadiro uye ndaiguma nokuva nevatano navaenzi chaivo,” anobvuma kudaro Jill.
Vanyajambwa vokubatwa zvisina kufanira vangavawo nechinetso mukuchengeta ukama hwakanaka. Vamwe vanokuwana kusingabviri kutaura kuvarume kana kuti kuzviremera. Vamwe vanogura ushamwari neroorano kupfurikidza nokuva vanobata zvisina kufanira kana kuti vanodzora. Bva vamwe vanokombamira kudzivisa ushamwari hwapedyo chose chose.
Kunotova navananyajambwa vanonangidzira kunzwa kwavo kunoparadzanya pavari vamene. “Ndakavenga muviri wangu nokuti wakanga wanyandurwa nekuchidziro yokubatwa zvisina kufanira,” anobvuma kudaro Reba. Nomutoo unosuruvarisa, dzongonyedzo dzokudya,c chishuvo chinogombedzera chokushanda, kushandiswa zvisina kufanira kwezvinwiwa zvinodhakisa uye mirimo, zvakarovedzeka pakati pavanyajambwa vokubatwa zvisina kufanira—kuedza kwokupererwa nezano rose kuvanza kunzwa kwavo. Vamwe vangataurawo kuzvivenga kwavo nenzira dzakananga zvikuru. “Ndakazvicheka ndimene, ndakanyudza nzara dzangu mumaoko angu, ndakazvipisa ndimene,” anobvuma kudaro Reba. “Ndakanzwa kuti ndaifanirwa nokubatwa zvisina kufanira.”
Zvisinei, usakurumidza kugumisa kuti munhu upi noupi anonzwa kana kuti anoita nenzira dzakadaro akabatwa zvisina kufanira muvatano. Zvimwe zvitemeso zvokunyama kana kuti zvendangariro zvingabatanidzwa. Somuenzaniso, nyanzvi dzinotaura kuti zviratidzo zvakafanana zvakarovedzeka pakati pavakuru vakarerwa mumhuri dzinokundikana kushanda senguva dzose—umo vabereki vavo vaivakwapura, vaivadukupisa uye vaivanyadzisa, vaifuratira zvinodikanwa zvavo zvokunyama, kana kuti uko vabereki vaiva vapindwi muropa nemirimo kana kuti zvinwiwa zvinodhakisa.
Kuvadziko Yomudzimu
Muuyo unoisvonyengera zvikurusa uyo kubatwa zvisina kufanira muuhwana kose ikoko kunogona kuita ndiyo kuvadziko inobvira yomudzimu. Kubatwa zvisina kururama ndiko “kushatswa kwenyama uye mudzimu.” (2 VaKorinte 7:1, NW) Kupfurikidza nokuita zviito zvakashata pamwana, kupfurikidza nokuputsa miganhu yake yokunyama neyetsika, kupfurikidza nokushatsa chivimbo chake, mubati zvisina kufanira anoshatisa mudzimu womwana, kana kuti murangariro mukuru wendangariro. Ikoku gare gare kunogona kupinganidza ukuru hwetsika nohwomudzimu hwanyajambwa.
Bhuku rinonzi Facing Codependence, rakanyorwa naPia Mellody, rinopfuurira, kuti: “Kubatwa zvisina kufanira kwakakomba kupi nokupi . . . kubatwawo zvisina kufanira kwomudzimu, nokuti kunoshatisawo chivimbo chomwana cheSimba Guru Zvikuru.” Somuenzaniso, mukadzi wechiKristu anonzi Ellen anobvunza, kuti: “Ndinogona sei kufunga nezvaJehovha saBaba kana ini ndine uyu mufungo womunhu ane utsinye, anoshatirwa nokuda kwababa vapasi?” Mumwe nyajambwa anonzi Terry, anoti: “Handina kutongotaura kuna Jehovha saBaba. SaMwari, Ishe, Changamire, Musiki, hungu! Asi saBaba, aiwa!”
Vanhu vakadaro havasati havo vari vakaneta mumudzimu kana kuti vanoshaiwa kutenda. Mukupesana, nhamburiko dzavo dzinopfuurira dzokutevera nheyo dzeBhaibheri dzinopa ufakazi hwesimba romudzimu! Asi fungidzira manzwire angaita vamwe pavanorava rugwaro rweBhaibheri rwakadai saPisarema 103:13 (NW), urwo runoti: “Sababa vanonzwira ngoni vanakomana vavo, Jehovha akanzwira ngoni avo vanomutya.” Vamwe vanganzwisisa ikoku muungwaru. Bva, kana vasina mufungo wakanaka wechiri baba, kungava kwakavaomera kudavidza kune urwu rugwaro mundangariro!
Vamwe vangakuwanawo kwakaoma kuva “vakafanana nomwana muduku” pamberi paMwari—anotapurika, anozvininipisa, anovimba. Vangavanzira Mwari kunzwa kwavo kwechokwadi pakunyengetera. (Marko 10:15) Vangazengurira kushandisa kwavari vamene mashoko aDhavhidhi ari paPisarema 62:7, 8, anoti: “Kuna Mwari ndiko kune kuponeswa kwangu nokukudzwa kwangu; dombo resimba rangu noutiziro hwangu zviri kuna Mwari. Vimbai naye nguva dzose, imi vanhu; dururai mwoyo yenyu pamberi pake; Mwari ndiye utiziro hwedu.” Kunzwa kwokuva nemhaka uye kusava namaturo kunganetesa kutenda kwavo. Mumwe nyajambwa akati: “Ndinodavira muUmambo hwaJehovha zvikuru kwazvo. Zvisinei, handinzwi zvomenemene kuti ndakanaka zvikuru kuti ndivemo.”
Chokwadika, handi vanyajambwa vose vanotapurwa nenzira yakafanana. Vamwe vakakweverwa kuna Jehovha saBaba ane rudo uye havatongonzwi mhinganidzo mukutaura kwaari. Chipi kana chipi chiri chinoitika, kana uri nyajambwa wokubatwa zvisina kufanira muvatano muuhwana, ungakuwana kuva kunokosha zvikuru kucherekedza matapurire akwakaita upenyu hwako. Vamwe vangagutsikana nokugamuchira mugariro iwoyo sezvauri. Zvisinei, kana kukaratidzika kwauri kuti kuvadziko ihombe, shinga. Kuvadziko dzako dzinogona kuporeswa.
[Mashoko Omuzasi]
a Kurukurirano yedu inonangidzira ngwariro paicho Bhaibheri rinoidza kuti por·neiʹa, kana kuti ufeve. (1 VaKorinte 6:9; enzanisa naRevhitiko 18:6-22.) Ikoku kunobatanidza zvimiro zvose zvevatano. Zvimwe zviito zvokubata zvisina kufanira, zvakadai somugariro wakaipa wokuringa zviito zvevatano, kuzvigutsa nokuringa mitezo yevatano, uye kuratidzirwa kumabhuku anoratidzira zviito zvoutere, nepo por·neiʹa isati, ingakuvadzawo mwana mundangariro.
b Sezvo vana vanokombamira kuvimba navakuru, kubatwa zvisina kufanira kunoitwa nomutezo wemhuri unovimbwa, hama yakura, shamwari yemhuri, kana kunyange kunoitwa nomuenzi kunoumbawo kushatswa kwechivimbo kunoparadzanya.
c Ona Awake! yaDecember 22, 1990.