Dziviriro Mumusha
Monique akanga ane makore mapfumbamwe okukura apo iye akatanga kumubata zvisina kufanira. Akatanga kumutarira muchivande apo aipfekenura; ipapo akatanga kushanyira kamuri rake usiku uye kubata mativi ake akavandika. Apo iye akamudzivisa, akashatirwa. Akambomudenha nesando ndokumuwisira pamatanho. “Hakuna munhu angandidavira,” Monique anoyeuka kudaro—kwete kunyange amai vake. Mubati zvisina kufanira akanga ari baba vokurera vaMonique.
HAASATI ari muenzi anoshamisa, zindoga anovandira mumakwenzi, anoita tyisidziro hurusa kuvana. Mutezo wemhuri. Kuzhinjisa zvikuru kwokubata zvisina kufanira kunoitika mumusha. Naizvozvo musha unogona sei kuitwa kuti uve unodzivirira zvikuru kubata zvisina kufanira?
Mubhuku rake rinonzi Slaughter of the Innocents, wezvenhau Dr. Sander J. Breiner anonzvera ufakazi hwokubatwa zvisina kufanira kwavana munzanga shanu dzekare—Egipita, China, Girisi, Roma, uye Israeri. Anogumisa kuti nepo kubata zvisina kufanira kwaivamo muna Israeri, kwakanga kusingawanzoitiki zvikuru mukuenzanisira nedzimwe pepuko ina. Neiko? Mukusafanana navavakidzani vavo, vanhu muna Israeri vaidzidziswa kuva noruremekedzo nokuda kwavakadzi navana—murangariro wakavhenekerwa waiwanwa muMagwaro Matsvene. Apo vaIsraeri vakashandisa mutemo woumwari kuupenyu hwemhuri, vaidzivisa kubata zvisina kufanira vana. Mhuri dzanhasi dzinoda iyi mipimo yakachena, inoshanda kupfuura nakare kose.
Mitemo Yetsika
Mutemo weBhaibheri une simba pamhuri yenyu here? Somuenzaniso, Revhitiko 18:6 (NW), inorava, kuti: “Imi vanhu hamufaniri kuswedera pedyo, munhu upi noupi wenyu, nehama yokunyama yepedyo ipi neipi yake kuti aifukure. Ndini Jehovha.” Nenzira yakafanana ungano yechiKristu nhasi inotarisira kuchengetwa kwemitemo yakasimba mukurwisana nezvimiro zvose zvokubata zvisina kufanira muvatano. Munhu upi noupi anobata zvisina kufanira muvatano mwana anozvipinza mungozi yokudzingwa, kubudiswa muungano.a—1 VaKorinte 6:9, 10.
Mhuri dzose dzinofanira kuziva uye kuhwirudzura mitemo yakadaro pamwe chete. Dheuteronomio 6:6, 7 (NW), inokurudzira, kuti: “Uye aya mashoko andinokuraira nhasi anofanira kubvumikisa kuva pamwoyo wako; uye unofanira kuapinza mumwanakomana wako uye kutaura nezvawo apo unogara mumba mako uye apo unofamba pamugwagwa uye apo unovata pasi uye apo unomuka.” Kupinza iyi mitemo kunoreva zvinopfuura kudzidzisa kwapanhambo nenhambo vana venyu. Kunobatanidza kurukurirano yenguva dzose. Panhambo nenhambo, vose vari vaviri amai nababa vanofanira kusimbisa kutsigira kwavo mitemo yaMwari pavatano yehama dzokunyama uye zvikonzero zvorudo zveiyi mitemo.
Mungashandisawo nhau dzakadai seiya yaTamari neyaAmnoni, vana vaDhavhidhi, kuratidza vana kuti munhau dzevatano mune miganhu iyo isina munhu—hama dzapedyo dzokunyama dzinobatanidzwa—anofanira kumbodarika.—Genesi 9:20-29; 2 Samueri 13:10-16.
Ruremekedzo nokuda kweidzi nheyo runogona kuratidzwa kunyange mugadziriro dzokurarama dzinoshanda. Mune imwe nyika yokuMabvazuva, kunzvera kwakaratidza kuti vatano yehama dzokunyama inoitika mumhuri umo vana vanorara navabereki kunyange apo kunenge kusina chinodikanwa chezvemari nokuda kwaikoku. Nenzira yakafanana, kazhinji kazhinji kusachenjera kuva navana vanotevedzana vane mitezo yakasiana yokubereka nayo vanovata pahuvato humwe kana kuti kamuri rimwe zvavanokura, kana ikoku kuchitongodzivisika. Kunyange kana migariro yokurarama yakamanikidzana iri mararamire acho, vabereki vanofanira kushandisa chisarudzo chakanaka mukusarudza uko mutezo wemhuri mumwe nomumwe unofanira kurara.
Mutemo weBhaibheri unorambidza udhakwa, uchikarakadza kuti hunogona kutungamirira kuushati. (Zvirevo 23:29-33) Mukuwirirana neimwe fundo, vane 60 kusvikira ku 70 muzana vavanyajambwa vevatano yehama dzokunyama vakashuma kuti mubereki wavo anobata zvisina kufanira akanga achinwa apo kubata zvisina kufanira kwakatanga.
Musoro Wemhuri Une Rudo
Vanzveri vanowana kuti kubata zvisina kufanira kunozivikanwa navose zvikuru pakati pemhuri dzina varume vanoshusha. Murangariro unodavirwa zvakafara wokuti vakadzi varipo bedzi kuti vagutse zvinodikanwa zvomunhurume wakaipa paMagwaro. Vamwe varume vanoshandisa uyu mufungo usiri wechiKristu kururamisa kutendeukira kumwanasikana nokuda kwechinhu chipi nechipi chavasingagoni kuwana kumudzimai. Urwu rudzi rwokudzvinyirira runogona kusakisa vakadzi vari mumigariro iyoyi kurasikirwa nedzikamo yavo yendangariro. Vakawanda vanotorasikirwa nekuchidziro yavo yomuzvarirwo yokudzivirira vana vavo vamene. (Enzanisa naMuparidzi 7:7.) Imwe fundo, kune rumwe rutivi, yakawana kuti apo madzibaba akapindwa muropa nokushanda aisava pamusha zvikuru, padzimwe nguva vatano isina kufanira yomwanakomana naamai yakatanga.
Zvakadiniko nemhuri yako? Iwe somurume unoita basa romusoro nomutoo wakakomba here, kana kuti unousiira kumudzimai wako? (1 VaKorinte 11:3) Unobata mudzimai wako norudo, rukudzo, uye ruremekedzo here? (VaEfeso 5:25; 1 Petro 3:7) Mirangariro yake inokosha here? (Genesi 21:12; Zvirevo 31:26, 28) Uye zvakadiniko navana vako? Unovaona savanokosha here? (Pisarema 127:3) Kana kuti unovarangarira semitwarowo zvayo, iri nyore kudyeredzerwa? (Enzanisa na 2 VaKorinte 12:14.) Bvisai mirangariro yakashata, isiri yapamagwaro yamabasa emhuri mumhuri yenyu, uye muchaiita inodzivisa zvikuru kubata zvisina kufanira.
Nzvimbo Yakakotsekana Mumurangariro
Mumwe mukadzi muduku watichatumidza kuti Sandi anoti: “Migariro yemhuri yedu yose yakanga ichibetsera kukubata zvisina kufanira. Yakanga isingafambidzani, uye mutezo mumwe nomumwe wakanga wakaparadzana nomumwe.” Ushoma, rumano, uye kuva oga kwokunyanyisa—izvi zvimiro zvendangariro zvisina kunaka zvisiri zvapamagwaro zviratidzo zvemhuri inobata zvisina kufanira. (Enzanisa na 2 Samueri 12:12; Zvirevo 18:1; VaFiripi 4:5.) Itai mugariro womusha uri wakakotsekana murangariro nokuda kwavana. Musha unofanira kuva nzvimbo umo ivo vanonzwa vachivakwa, umo vanonzwa vakasununguka kuzarura mwoyo yavo ndokutaura vakasununguka.
Uyewo, vana vane chinodikanwa chikuru chokuratidzirwa kunooneka kworudo—kumbundira, kugumbatira, kubata ruoko, kutamba pamwe chete. Musanyanyoita kungozi dzokubata zvisina kufanira kupfurikidza nokunyima idzi ratidzirwo dzorudo. Dzidzisai vana kupfurikidza norudo rwakazaruka, rwoushamwari uye varumbidzei kuti ivo vanokosheswa. Sandi anoyeuka, kuti: “Murangariro waamai vangu wakanga uri wokuti kupa munhu upi noupi rumbidzo ipi neipi nokuda kwechinhu chipi nechipi kwakanga kwakaipa. Kungakuparira kuti uzvitutumadze.” Sandi akatambura anenge makore gumi okubatwa zvisina kufanira muvatano asingatauri chinhu chipi nechipi kumunhu upi noupi pamusoro pako. Vana vasina kukotsekana mukuziva kuti ivo vanhu vanodiwa, vanokosha vangava vanotapurwa zvikuru nerumbidzo dzavabati zvisina kufanira, “rudo” rwake, kana kuti tyisidziro dzake dzokurunyima.
Mubati zvisina kufanira vana uyo akabata zvisina kufanira muvatano mazana avakomana kwenhambo yamakore 40 akabvuma kuti vakomana vakanga vane chinodikanwa cherangariro cheshamwari yakadai saiye vakava vanyajambwa “vakanakisisa.” Musaita chinodikanwa chakadaro mumwana wenyu.
Dzivisai Nhevedzano Yokubata Zvisina Kufanira
Mumuedzo wakakomba Jobho akati: “Mwoyo wangu waneta noupenyu hwangu; handingazvidzori pakunyunyuta kwangu; ndichataura neshungu dzo[mweya, NW] wangu.” (Jobho 10:1) Nenzira yakafanana, vabereki vakawanda vakawana kuti vanogona kubetsera vana vavo kupfurikidza nokuzvibetsera vamene. The Harvard Mental Health Letter yakati pamisi ichangobva kupfuura iyi: “Zvirango zvakasimba zvenzanga zvinorambidza kutaura pamusoro pamarwadzo anoparirwa navarume sezvinooneka zvinopfuuridzira nhevedzano yokubata zvisina kufanira.” Kunoratidzika kuti varume vasingatongotauri marwadzo avo pamusoro pokuva vakabatwa zvisina kufanira vane bviro huru yokuva vabati zvisina kufanira ivo vamene. The Safe Child Book inoshuma kuti vabati chibharo vazhinjisa vakabatwa zvisina kufanira ivo vamene savana asi havana kutongowana betsero kuti vanaye. Vanotaura marwadzo avo nokutsamwa kupfurikidza nokubata zvisina kufanira vamwe vana.b—Onawo Jobho 7:11; 32:20.
Ngozi kuvana ingavawo yakakwirira zvikuru apo vanamai vanosadzidza kubata nokubatwa zvisina kufanira kwakapfuura. Somuenzaniso, vanzveri vanoshuma kuti vakadzi vakabatwa zvisina kufanira muvatano savasikana vanowanzoroorwa navarume vari vabati zvisina kufanira vavana. Kupfuurirazve, kana mukadzi asati adzidza kubata nokubatwa zvisina kufanira kwakapfuura, nomutoo unonzwisisika angakuwana kwakaoma kukurukura kubatwa zvisina kufanira navana vake. Kana kubatwa zvisina kufanira kukaitika, angava asingakwanisi zvikuru kukucherekedza ndokuita chiito chakanaka. Ipapo vana vanorasikirwa zvikuru nokuda kwokusaita chiito kwaamai.
Nokudaro, kubata zvisina kufanira kungapfuura kuchibva mune chimwe chizvarwa kuchienda kune chinotevera. Chokwadika, vanhu vakawanda vanosarudza havo kusakurukura nguva yavo yakapfuura inorwadza vanoratidzika kuva vanokwanisa kugonana nako zvakanaka zvakakwana muupenyu, uye ikoko kunorumbidzwa. Asi muna vakawanda marwadzo akadzika zvikuru, uye vanofanira kuita nhamburiko yakarongeka—kubatanidza, kana kuri madikanwa, kutsvaka betsero yenyanzvi inokwanisa—kuti iporese kuvadziko dzakadaro dzendangariro dzouhwana dzakakomba. Nharidzano yavo haisati iri yokuumburuka mukuzvinzwira ngoni. Vanoda kudzivisa iyi nhevedzano yokurwara, inokuvadza yokubatwa zvisina kufanira kwavana inotapura mhuri yavo.—Ona Mukai! No. 4, 1991, mapeji 3-11.
Kuguma Kwokubatwa Zvisina Kufanira
Akashandiswa nomutoo wakakodzera, mashoko achangobva kutaurwa anogona kuita zvakawanda kuderedza bviro dzokubatwa zvisina kufanira kwavana mumusha wenyu. Yeukai, kunyanguvezvo, kuti vabati zvisina kufanira vanoshanda vakavanda, vanoshandisa chivimbo, uye vanoshandisa mitoo younyanzvi yavanhu vakura pavana vasingazivi chinhu. Nomutoo usingadzivisiki, ipapoka, vamwe vavo vanoratidzika kuva vanodzivisa chirango nokuda kwemhaka dzavo dzinonyangadza.
Zvisinei, ivai nechokwadi chokuti Mwari anoona zvavanoita. (Jobho 34:22) Kutoti vakapfidza ndokuchinja, haasati achizokanganwa zviito zvavo zvakaipa. Iye achazvibudisa pamhene munguva yake yakafanira. (Enzanisa naMateo 10:26.) Uye achaita ruramisiro. Jehovha Mwari anopikira nguva apo vanhu vose vanonyengera vakadaro vacha‘dzurwa papasi,’ uye vanyoro bedzi navakapfava avo vanoda Mwari nomunhu biyavo vachabvumirwa kusara. (Zvirevo 2:22; Pisarema 37:10, 11, 29; 2 Petro 2:9-12) Tine tariro iyeyo inoshamisa yenyika itsva nemhaka yechibairo chorudzikinuro chaJesu Kristu. (1 Timotio 2:6) Ipapo, uye bedzi panguva iyeyo, kubatwa zvisina kufanira kuchaguma nokusingaperi.
Munguva ino tinofanira kuita zvose zvatinogona kuti tidzivirire vana vedu. Vanokosha zvikuru! Vabereki vazhinjisa nomutoo wokudisa vachaisa kotsekano yavo vamene mungozi kuti vadzivirire vana vavo vaduku. (Enzanisa naJohane 15:13.) Kana tikasadzivirira vana vedu, miuyo inogona kuva yakaipa. Kana tikaita, tinovapa chipo chinoshamisa—uhwana hunonzwa husina mhaka uye hwakasununguka pangwavaira. Vanogona kunzwa sokunzwa kwakaita wezvamapisarema, uyo akanyora, kuti: “Ndichati pamusoro paJehovha: ‘Ndiye utiziro hwangu nenhare yangu; iye Mwari wangu, wandinovimba naye.’”—Pisarema 91:2.
[Mashoko Omuzasi]
a Kubatwa zvisina kufanira kwomwana muvatano kunoitika apo mumwe munhu anoshandisa mwana kugutsa zvishuvo zvake amene zvevatano. Kunowanzobatanidza icho Bhaibheri rinoidza kuti ufeve, kana kuti por·neiʹa, uhwo hunogona kubatanidza kubata-bata mitezo yokubereka nayo, vatano, uye vatano yomukanwa kana kuti yokumashure. Zvimwe zviito zvokubata zvisina kufanira, zvakadai sokubata-bata mazamu, karakadziro dzakajeka dzoutere, kuratidza mabhuku outere kumwana, voyeurism, uye ratidziro isina kufanira, zvingaguma neicho Bhaibheri rinoshurikidza so“mufambiro usingadzorwi.”—VaGaratia 5:19-21, (NW); ona Nharireyomurindi yechiNgezi yaMarch 15, 1983, mashoko omuzasi papeji 30.
b Nepo vabati chibharo vana vazhinjisa vakabatwa zvisina kufanira savana, ikoku hakusati kuchireva kuti kubata zvisina kufanira vana kunoita kuti vana vave vabati zvisina kufanira. Chisingasviki chikamu chimwe chezvitatu chavana vanobatwa zvisina kufanira muvatano chinova vabati chibharo vavana.
[Bhokisi riri papeji 11]
Mumwe mupukunyuki wamakore mazhinji evatano nehama yokunyama akati: “Kubata zvisina kufanira kunouraya vana, kunouraya chivimbo chavo, maruramiro avo okunzwa vasina mhaka. Ndicho chikonzero nei vana vachifanira kudzivirirwa. Nemhaka yokuti zvino ndinotofanira kuvakazve upenyu hwangu hwose. Kuitirei kutivana vakawanda vaite kudaro?”
Neiko zvamazvirokwazvo?
[Bhokisi riri papeji 11]
Teererai Vana!
MUBRITISH COLUMBIA, Canada, fundo yemisi ichangobva kupfuura iyi yakanzvera mabasa avabati chibharo vane 30 vavana. Miuyo yakanga ichiodza mwoyo. Vanhu vane 30, pakati pavo, vakanga vabata zvisina kufanira vana vane 2 099. Hafu yakazara yavo vaiva nenzvimbo dzechivimbo—vadzidzisi, vafundisi, vadzori, uye vashandi vokutarisirwa kwavana. Mumwe mubati chibharo, chiremba wamazino ane makore 50 okukura, akanga abata zvisina kufanira vana vanodokusvika 500 kwenhambo inopfuura makore 26.
Zvisinei, The Globe and Mail yeToronto inoti: “Mu 80 muzana yemhaka, chikamu chimwe kana kuti zvinopfuura zvenzanga (kubatanidza shamwari kana kuti vanoshandwa navo vomupari mhaka, mhuri dzavanyajambwa, vamwe vana, vanyajambwa vakati) vakaramba kana kuti vakadukupisa kubata zvisina kufanira.” Nomutoo usingashamisi, “mushumo unokarakadza kuti kuramba nokusadavira kubvumira kubata zvisina kufanira kuti kupfuurire.”
Vamwe vavanyajambwa vakanga vataura pamusoro pavabati zvisina kufanira. Zvisinei, “vabereki vavanyajambwa vaduku vakanga vasingadisi kugamuchira icho vana vavo vakanga vachivataurira,” The Globe and Mail inonokora mashoko mushumo sounotaura kudaro. Nenzira yakafanana, mukuru mukuru wehurumende muGermany pamisi ichangobva kupfuura iyi akadudza mushumo wokuti vanyajambwa vokubatwa zvisina kufanira muvatano vari vana vanofanira kusvika vanhu vakura nenhau yavo kazhinji sekane kanomwe vasati vadavirwa.
[Bhokisi riri papeji 12]
“Wana Betsero Zvino”
“KANA uri murume uye uri kubatanidzwa muvatano navana, ungave uchitaura kwauri umene kuti, ‘Anokuda,’ kana kuti ‘Akakukumbira,’ kana kuti ‘Ndiri kumudzidzisa pamusoro pevatano.’ Uri kuzvinyengedza umene. Varume chaivoivo havabatanidzwi muvatano navana. Kana kunyange une kunzwa kuduku mukati mako kunoitira hanya zvomenemene mwana iyeyo, rega kubata zvisina kufanira. Wana betsero zvino.”—Chiziviso kuna voruzhinji chakakarakadzwa, chakanokorwa mashoko mubhuku rinonzi By Silence Betrayed.
[Mufananidzo uri papeji 13]
Vana vanoda ngwariro yakawanda youshamwari, yorudo