RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g93 8/8 pp. 3-4
  • Chii Chakaitika Kutsika?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chii Chakaitika Kutsika?
  • Mukai!—1993
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Apo ‘Kuba Kunenge Kusiri Kuba’
  • Tsika Dzevatano Dziri Kukukurwa
  • Chii Chiri Tsika?
  • Kuputsika Kwetsika Kwakapararira
    Mukai!—1992
  • Tsika Dziri Kuparara Here?
    Mukai!—2003
  • Unosanoziva Sei Bhaibheri?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Ungawanepi Tsika Dzakanaka?
    Mukai!—2004
Ona Zvimwe
Mukai!—1993
g93 8/8 pp. 3-4

Chii Chakaitika Kutsika?

VAKURU vakuru vehurumende. Vanoda nzvimbo yezvamatongerwe enyika. Vatungamiriri vorudzidziso. Tinokarira vanhu venzvimbo dzakadaro kuva mienzaniso yomufambiro wakanaka. Munguva dzichangobva kupfuura idzi, kunyanguvezvo, vanhu vomuidzi nzvimbo vakabatira savatori rutivi vakuru munhevedzano yoruzvidzo runokatyamadza. Mufambiro wavo wakashata wakabatanidza nhevedzano yose yezvakashata—kubva muupombwe nokureva nhema kunonyadzisa kusvikira mukubata kwezvemari kwokunyengera nokuba.

Bhuku rinonzi The Death of Ethics in America rinoti: “Apo rudzi rwave rwakabatikana zvikuru nechirwere chinouraya . . . Acquired Immune Deficiency Syndrome, rumwe rudzi rweAIDS [Acquired Integrity Deficiency Syndrome] runoratidzika kuva rwakava denda rinopararira. Bva haruna kukudziridza nenzira yakafanana kudanidzira kwekurumidziro nokuda kwokurapwa.” (Mashoko akatsveyamiswa ndeedu.) Magazini yeTime inotaura kuti United States iri “kuumburuka mukunyongana kwetsika.”

Kunyongana kwetsika, kunyanguvezvo, hakuna kutongoganhurirwa kuUnited States. Munguva dzichangobva kupfuura idzi China, Germany, Greece, France, India, Indonesia, Israel, uye Japan dzakakatyamadzwawo noruzvidzo runobatanidza vanhu vakatanhamara. Uye hakufaniri kuitika sechishamiso kuti mufambiro wetsika wavatungamiriri vevanhu unongoratidzira uyo wavanhuwo zvavo. Mutungamiriri wehurumende weThailand akadana uipi munyika yake kuti “gomarara.” Iye akawedzera kuti vanhu vose vari kutambura nehosha yakasimbiswa mumakaro nemipimo yenzanga yakashatiswa.

Vanhu vanoshamisika nenzira yakarurama, kuti: ‘Chii chiri kuparira iyi nzira yenyika yose yokuchinja kwetsika? Chinokosha zvikuru, kose kuri kunanga kupi?’

Apo ‘Kuba Kunenge Kusiri Kuba’

MuColumbus, Ohio, U.S.A., suo rokushure rerori risingapindi bara rinoshandiswa kutakura zvitsama zvikuru zvemari uye rinoperekedzwa navarindi vakashonga zvombo rakazaruka, uye masaki maviri emari akadonha. Sezvo madhora anofungidzirwa kuva mamirioni maviri akapeperukira mumhepo ndokupararira mumugwagwa mukuru, vatyairi vazhinji vakabuda mumotokari dzavo kuti vatsokedzere homwe dzavo nezvikwama nemari yamapepa. Vamwe vatyairi vakadana vamwe kupfurikidza namaCB radio kuti vakumbanire mukuba.

Zvikumbiro zvavakuru vakuru netuso ye 10 muzana zvakagoverwa nokuda kwokudzorerwa kweipi neipi yemari zvakadokufuratirwa. Vazhinjisa vakasarudza kuita “sevabozi vachengeti.” Chikamu bedzi chemari yacho chakawanwa. Mumwe murume akatoruramisa kuba kwacho kupfurikidza nokutaura kuti mari yacho yakanga iri “chipo chakabva kuna Mwari.” Kunyanguvezvo, zvinoitika zvakafanana naichochi hazvisiiwi. Vapfuuri vakaratidzira makaro akafanana apo mari yakadonha kubva mumotokari dzinotakura mari dzinoperekedzwa navarindi vakashonga zvombo muSan Francisco, California, uye muToronto, Canada.

Kuti vanhu vanowanzova vakavimbika navakarurama vakaderedza mipimo yavo yenguva dzose nyore nyore kudaro kuti vaite umbavha kune revo dzinovhiringidza. Chokwadika, kunoratidzira kuti mifungo inodiwa yetsika yakashatswa sei. Thomas Pogge, mubetseri wapurofesa wouzivi paColumbia University muNew York, anotaura kuti nepo vanhu vazhinjisa vanokuona sokusava netsika kubira mumwe munhu, munzira yakati vanorangarira kubira sangano sokusina mhaka zvikuru.

Tsika Dzevatano Dziri Kukukurwa

Murangariro wakashata wetsika unoonekawo mune zvevatano. Nzvero yemisi ichangobva kupfuura iyi yakaratidza kuti vanhu nenzira inoshamisa vari kushivirira vanoda nzvimbo yezvamatongerwe enyika avo vanopinda muupombwe. Mumwe munyori anokarakadza kuti vavhoteri vakadaro vangazengurira kushurikidza upombwe nemhaka yokuti ‘ivo vamene vakabatikana zvikuru mahuri.’

Zvamazvirokwazvo, zviverengero zvemisi ichangobva kupfuura iyi zvinozivisa kuti 31 muzana yavanhu vose vakaroorana muUnited States yakava kana kuti munguva ino iri kuva nevatano iri kunze kweroorano. Voruzhinji vavaAmerica, 62 muzana, “inofunga kuti hakuna chakashata mutsika” nokuita kudaro. Mirangariro kuvatano yapamberi peroorano inotendera nenzira yakaenzana. Imwe nzvero muna 1969 yakaratidza kuti 68 muzana yavoruzhinji veU.S. ipapo haina kutendera vatano yapamberi peroorano. Nhasi, 36 muzana bedzi haitenderi. Muma 1960, inenge hafu yavakadzi vakanzverwa vakanga vari mhandara pazuva ravo romuchato. Nhasi, 20 muzana bedzi yakadaro.

Chii Chiri Tsika?

Kukukurwa kwetsika kuri kuonekawo munzvimbo yebhizimisi. Makumi maviri amakore akapfuura, 39 muzana bedzi yavauyi vatsva vapakoreji vakanzverwa yakafunga kuti “rubudiriro rwezvemari rwakanga ruchikosha kana kuti ruri madikanwa.” Pakazosvika 1989 nhamba yacho yakadokupeta nakaviri. Nenzira yakajeka, kuita mari kunodzora kufunga kwavanhu vaduku vazhinji—nemiuyo inoshamisa yetsika.

Apo vava nenguva refu vane 1 093 vapachikoro chapamusoro (chesekondari) vakanzverwa, 59 muzana yakataura kuti vaizodisa kuita bhizimisi risiri rapamutemo rinoita mamirioni gumi amadhora—kunyange vari mungozi yomwedzi mitanhatu yokupfigirwa mutorongo! Kupfuurirazve, 67 muzana yakataura kuti vaizokorovhera akaundi yendyiko dzebhizimisi; 66 muzana yakataura kuti vaizoreva nhema kuti vawane nharidzano yebhizimisi. Bva, pwere dziri kugamuchirawo hadzo kombamiro yetsika yakagadzwa navakuru vadzo. Apo vanamanija vebhizimisi 671 vakabvunzwa murangariro wavo wetsika dzebhizimisi, chinodokuva chikamu chimwe chezvina chakarwisa kuti tsika dzinogona kudzivisa kutsvaka kwavo basa rinobudirira. Vanopfuura hafu vakabvuma kuchinja mitemo kuti ikodzerane namadonzo avo vamene kuti vafambire mberi.

Mukuedza kunzvera iyi kombamiro inovhiringidza, mamwe makoreji anopa makosi pamusoro petsika. Asi zhinji dzacho dzinopanikirika pamusoro pokubudirira kwenhamburiko dzakadaro. “Handitongooni kuti makirasi etsika achabetsera sei,” akataura kudaro mumwe wezvebhizimisi akakurumbira weCanada. “Vadzidzi vane mipimo yakanaka havasati vachizodzidza zvakawanda izvo zviri zvitsva kwavari, uye vadzidzi vasina perero pakutanga vangangoshandisa bedzi uchenjeri hwavanowana kutsvaka imwe nzira yokubata nayo namabasa outere avachaita munzira ipi neipi.”

Nenzira yakafanana, mabhizimisi mazhinji akatanga mabumbiro emitemo avakuru vakuru vetsika. Nyanzvi dzinotaura, kunyanguvezvo, kuti mabumbiro emitemo akadaro anongovawo hawo nyengedzo uye haawanzopiwa ngwariro huru—kunze kwemiuyo yoruzvidzo runokuvadza. Nenzira isingakarirwi, nzvero yemisi ichangobva kupfuura iyi yakazivisa kuti mafemu ane mabumbiro emitemo akanyorwa etsika akapomerwa mufambiro usina tsika kazhinji kazhinji zvikuru kupfuura mafemu asinawo!

Hungu, munzvimbo dzose dzomubato tsika sezviri pachena dziri kukukurwa, uye hakuna munhu anoratidzika kuva anoziva kwadziri kunanga. Mumwe mukuru mukuru webhizimisi anoti: “Nhungamiro idzo dzakatiudza zvakarurama kubva muzvisina kururama hadzichisipozve. Zvakaparadzwa zvishoma nezvishoma.” Neiko nhungamiro dzakadaro dzetsika dzakapera? Chii chiri kudzitsiva? Idzi nhau dzichanzverwa munyaya dzinotevera.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe