RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g93 10/8 pp. 16-18
  • Ndiri Kukura Nenzira Yomuzvarirwo Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndiri Kukura Nenzira Yomuzvarirwo Here?
  • Mukai!—1993
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Marwadzo Okukura
  • Vanonoki Kukura
  • Nzira Yokugonana Nayo
  • Neiko Ndiri Kukura Nokukurumidza Zvikuru?
    Mukai!—1993
  • Chii Chiri Kuitika Kumuviri Wangu?
    Mukai!—1990
  • ‘Chii Chiri Kuitika Kwandiri?’
    Mukai!—2004
  • Ndingaita Sei Kana Ndikaona Kuti Ndava Kutanga Kuyaruka
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
Ona Zvimwe
Mukai!—1993
g93 10/8 pp. 16-18

Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .

Ndiri Kukura Nenzira Yomuzvarirwo Here?

“Ndaiva mumwe wavana vadukusa mukirasi yangu—uye ndairema zvishoma. Ndaisada maoko angu. Ndakafunga kuti akanga akanyanya kuonda. Ndakatotumira odha yeshongedzero yokurovedza muviri yakaziviswa pabutiro reseri rebhuku rekomiki. Haina kushanda kunyange zvakadaro.”—Eric.

“Handina kureba zvakakwana. Ndine makore 13 okukura, uye ndinongova masendimita 150 bedzi okureba. Munhu ari wose mukirasi yangu akareba zvikuru! Eya, kune vamwe vakomana vapfupi zvikuru, asi zvimwe vachakura mukati mechirimo. Handingodi zvangu kuva akapfupika! Handigoni kuona chinhu chipi nechipi! Ndinoshuva kuti kudai ndaigona kureba zvikuru iye zvino.”—Kerri.

AKAREBESA! Akapfupikisa! Akafutisa! Akaondesa! Aya haasati achingova bedzi mashoko okushora avaenzani vane utsinye. Pwere dzakawanda dzinozviidza dzimene neiyi nzira nguva iri yose yavanotarira muchionioni. “Apo ndakanga ndine makore 13,” anoyeuka kudaro mudzimai ane muviri muduku wechiHispan anonzi Mari, “Ndakavenga bedzi mhino yangu; yakanga yakanyanya kufara zvikuru zvokuti ndakafunga kuti ndaida kuvhiiwa! Uye ndaiva nomuviri wakaungana zvikuru! Mukoma wangu aiva nechipfeko chairatidzika zvakanaka pamuviri wake wakaumbwa zvakanaka. Apo ndakaedza kuchipfeka, munhu ari wose akaseka.”

Apo unenge uri mu“kukura kwepwere,” zvikurukuru nhambo iyoyo inovhiringidza yechinjo dzokukurumidza dzomuviri nedzemirangariro inozivikanwa sokuyaruka, kuri nyore kusanzwa zvakanaka pamusoro pako umene. (1 VaKorinte 7:36, NW) Kubva pane zvaunogona kuona, vaenzani vako vari kukura kuva vakuru varefu, vanokwezva. Asi kungaratidzika sokunge kuti hausiri kutongokura—kana kuti uri kukura zvakanyanyisa. Imwe nzvero yakazivisa kuti chiverengero chinoshamisa che 56 muzana chavachiri kuyaruka hachisiri kugutswa nemiviri yacho. Vanzveri Jane Norman naMyron W. Harris vanotaura kuti zhinji dzepwere idzodzo dzisingagutswi dzakarangarira kuti dzakanga “dzakanyanya kupfupika” kana kuti dzakanga “dzisingakuri.”

Pwere zhinji dzinoitirawo hanya kukura kwemitezo yadzo yakavanzika yomuviri; dzinoshamisika kana dziri dzomuzvarirwo. Bhuku rinonzi Growing Into Love, rakanyorwa naKathryn Watterson Burkhart rinotsanangura kuti, “kunzwa [kwepwere] kwokuzviremekedza, kukwanisa uye chiremera chomunhu oga zvinoiswa mumiviri yavo, naizvozvo kunova kunokosha zvikuru kwazvo kuti miviri yavo imene inokura sezvainofanira kuita.” Nenzira isingashamisi, ipapoka, pwere dzinofunganya kazhinji kazhinji zvikuru mumigariro (yakadai somutambo wegym wekirasi) umo miviri yadzo inoratidzirwa kukuongororwa—kana kuti kuenzaniswa. “Ndinonzwa ndisina kukotsekana zvikuru pamusoro pokugeza navakomana kuchikoro,” akabvuma kudaro mumwe mukomana muduku.

Haufadzwi here nenzira iyo muviri wako uri kukura nayo? Eya, rega kunetseka! Sezvinobvira zvikuru wakakwana nenzira yomuzvarirwo.

Marwadzo Okukura

Kuyaruka muitiro womuzvarirwo nowakanaka. Kunyange Jesu Kristu akakuita, “achienda mberi pakuchenjera, napakukura.” (Ruka 2:52) Kuyaruka kunobatanidzawo kukura kwemitezo yako yokubereka nayo.a Zvisinei, kunobatanidzawo mwero wakamwe kamwe wokukura kwokukurumidza, kazhinji kazhinji kunopeta nakaviri mwero womunhu wegore negore wokukura. “Ndakatanga kukura masendimita 10 pagore,” anoyeuka kudaro murume muduku anonzi Danny. “Pakuzosvika zera ramakore 13 ndakanga ndareba 180 cm.”

Kazhinji kazhinji, kunyanguvezvo, vasikana vanovamba mwero wavo wokukura anenge makore maviri pamberi pavakomana. Naizvozvo pazera ramakore 12, musikana angava murefu zvikuru kupfuura vanhurume vomukirasi biyake vake. Sezvinobvira achangofarikanya bedzi uhu hurefu kwenguva pfupi. Mukati mamakore anoverengeka, vazhinjisa vavakomana vachamubata muurefu uye vachapfuurira kumudarika.

Kunyange zvakadaro, kukura nokukurumidza hakusati kuri kusina zvinetso zvakwo. Kazhinji kazhinji, mativi okutanga anokura itsoka dzako. Kwenguva yakati, ipapoka, tsoka dzako dzingava dzisina kukodzerana zvikuru noukuru hwomuviri wako. Munyori Lynda Madaras anonokora mashoko mumwe musikana muduku achiti: “Ndakanga ndichingoti pfuurei zvishoma 150 cm muurefu apo ndakanga ndine makore gumi nerimwe chete, asi ndaipfeka saizi yechisere yeshangu. Ndakafunga kuti, zvisinei, kana tsoka dzangu dzikaramba dzichikura, dzichava dzakakurisa! Asi ndine makore gumi namatanhatu zvino, uye ndareba 170 cm, asi tsoka dzangu dzichiri saizi yechisere.” Kukura kwokukurumidza kwamakumbo ako, zvidya, uye mutumbi nokukurumidza kunotevera.

Chinotoodza mwoyo zvikuru chingava chimiro chinochinja chaunoona muchionioni. Munyori anonzi Lynda Madaras anotsanangura muThe What’s Happening to My Body? Book for Girls, kuti: “Sezvaunopfuura nomukuyaruka, chiso chako chinochinja. Rutivi rwapasi rwechiso chako runoreba uye chiso chako chinopamhama.” Ikoku kunodaro muvose vari vaviri vasikana navakomana. Kungatora nguva yakati chiso chako chisati charatidzika kuva chakakodzeraniswa zvakafanira.

Nemhaka yokuti mativi akasiana-siana omuviri wako anokura pamwero yakasiana, maoko ako namakumbo zvingaratidzikawo nenzira inokwenudza kuva zvakareba. “Maoko angu airatidzika kuva akanyanyoreba,” anoyeuka kudaro Christine, uyo gare gare akakura kuva mukuru anokwezva. Nhambo inowanzova inonyadzisa yechimiro chakashata ingaitikawo muviri wako usati waratidzika pakupedzisira ‘sowakabatanidzwa pamwe mutsinhirano uye unoitwa kuti ubatire pamwe namativi ari ose.’—VaEfeso 4:16.

Vanonoki Kukura

Kuyaruka kunogona kuva chinhu chechienzi, zvisinei. Pane dzimwe nguva munhu ane makore 12 okukura angarangarirwa kuva ane makore 20 okukura. Asi nokuda kwedzimwe pwere, mahormone haangoratidziki zvawo saanoshanda panguva. Mumwe muduku anonzi Willie akachema, kuti: “Ndini mumwe wavana vapfupi zvikurusa mukirasi yangu, uye ndinoziva manzwire akunoita kusekwa.” Kana ukazviwana umene uchifanira kudadamira kuti utarire vaenzani vako mumeso, usanetseke. Kazhinji kazhinji, kunongoreva bedzi kuti muviri wako uri kukura pamwero unononoka kupfuura iyo yevomukirasi biyako.b

Sezvinobvumwa, kuva akapfupika zvikuru kana kuti kuratidzika kuva muduku zvikuru kupfuura vaenzani vako kungava kusingafadzi. “Ndinoziva kuti ndinoratidzika somwana muduku, uye ndinokuvenga!” anonyunyuta kudaro Allison wamakore 16 okukura. Unogona here kukurumidzisa muitiro wokukura? Aiwa, asi unogona kuutsigira. Pana Jobho 8:11 Bhaibheri rinoti: “Ko nhokwe ingamera pasine nhope here? Ko rutsanga rungamera pasina mvura here?” Sezvo chirimwa chichikura nemhoteredzo yakakodzera nezvokudya, naizvozvo unoda zororo rakaringana nezvokudya zvakanaka. Zvokudya zvisina kutsarukana nguva dzose zvichatorera muviri wako zvokudya zvinovaka muviri zvaunoda nokuda kwokukura kwakafanira.

Kunze kwetarisiro youtano hwakanaka yomurangariro unoshanda, kune zvishoma zvaunogona kuita pamusoro pokukura kwako kwomuviri. Asi mukufambira mberi kwenguva mwero wokukura kwako uchavamba. Kutaura idi, ungatoramba uchikura kunyange pashure pokunge vaenzani vako vasvika urefu hwavo huzere. “Apo ndakanga ndava naanenge makore 14 okukura,” anoyeuka kudaro murume muduku anonzi John, “ndakanga ndiri wechipiri kubva kumwana mupfupisa mukirasi, asi muchirimo, ndakakura kamwe kamwe. Panguva yandakazotanga giredhi rechipfumbamwe, ndakanga ndodokuva mukomana murefu zvikurusa mukirasi.” Tinoyeuchidzwa nezvechirevo chekare, chinoti: “Tariro kana ichinonoka, inoodza mwoyo, asi kana chapangwa chosvika, ndiwo muti woupenyu.”—Zvirevo 13:12.

Chokwadika, hapana simbisiro yokuti ucharamba uri murefu zvikurusa somutambi webasketball weAmerica. Kana une vabereki vapfupi, sezvingabvira zvikuru uchava wechimiro chipfupi iwe umene. Zvisinei, kuva mupfupi zvikuru kupfuura shamwari dzako kungakuparira zvinetso.

Nzira Yokugonana Nayo

Nepo Mwari asati achitonga munhu kupfurikidza nechimiro chake, vanhu vane ndangariro duku vanodaro kazhinji kazhinji. Nzvero dzinoratidza kuti pwere dzinokombamira kukurangarira avo vanononoka kukura savanokwezva zvishoma uye vasina mano kupfuura pwere dzinoratidzika zvikuru kuva dzakura. Vangatoramba kusonganirana nedzaichimbova shamwari dzakare idzo dzisati dzicharatidzika kuva dzinokodzera nemhaka yokuti dzinoratidzika kuva duku zvikuru. Ikoku kungatapura zvikuru kuzviremekedza kwako. Imwe nzvero yakaratidza kuti pwere dzinononoka zvikuru kukura mumuviri dzinobatwa nevokuchikoro biyadzo, kunzwa kwokusakwana kungagara kwenguva refu.

Unogona sei kukurira? Dzimwe pwere dzinononoka kukura dzinova dzakanyarara nedzinozviparadzanisa. Bva dzimwe—zvikurukuru vakomana—dzinova dzinozviratidzira nokuzvitutumadza kana kuti vanhu vanonetsa mukuedza kusina kunaka kudanira ngwariro kwadziri dzimene. Asi hapana nenzira imwe yechiito ichakuwanira shamwari dzechokwadi. Mukufambira mberi kwenguva, vanhu vachakuda nokuda kwezvauri, kwete nokuda kwezvaunotarisika kuva. Kana ukaratidza fariro yapachokwadi muna vamwe ndokusakurira mutsa norupo, vanhu vazhinjisa vachakuda. (Zvirevo 11:25; VaFiripi 2:4) Kana vamwe vakapfuurira kukuseka kana kuti kukufuratira, edza kukurukura chinetso chacho navabereki vako. Vangava nezvimwe zvikarakadzo zvinoshanda zvokugovera.

Yeukawo kuti Mwari “unotarira zviri pamwoyo.” (1 Samueri 16:7) Bhaibheri rinotaura kuti Mambo Sauro akanga ari mumwe wavarume varefu zvikurusa navakanaka zvikurusa muna Israeri. Asi akakundikana zvose zviri zviviri samambo uye somurume. (1 Samueri 9:2) Pane rumwe rutivi, murume ainzi Zakeo akanga “akapfupika.” Bva akakomborerwa neropafadzo yokuratidza mutsa kuMwanakomana waMwari. (Ruka 19:2-5) Naizvozvo ndizvo zviri mukati momunhu zvinokosha zvomenemene. Uye kana muviri wako usiri kukura nokukurumidza sezvaungada, unogona kunyaradzwa nokuziva kuti ikoku kungava kwomuzvarirwo nenzira yakakwana. “Nokuti chinhu chimwe nechimwe chine nguva yacho,” uye pakupedzisira muviri wako uchadavidza kukutanga kwokuyaruka. (Muparidzi 3:1) Nenzira yechienzi zvikuru, pwere zhinji dzinonyunyuta kuti miviri yadzo iri kukura nokukurumidza zvikuru. Chinetso chadzo chichava nhau yenyaya inotevera iri munhevedzano ino.

[Mashoko Omuzasi]

a Ona “Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .” nyaya dzinooneka muzvinyorwa zvaMukai! wechiNgezi waJanuary 22 naFebruary 8, 1990.

b Dzimwe nyanzvi dzinorumbidza kuti kana achiri kuyaruka asati awana chinjo dzipi nedzipi dzokuyaruka pakuzosvika zera ramakore 15, iye anofanira kunzverwa nachiremba kuitira kuti aone zvinetso zvipi nezvipi zvoutano zvakakomba.

[Mufananidzo uri papeji 118]

Vasikana kazhinji kazhinji vanovamba mwero wavo wokukura makore maviri pamberi pavakomana. Zvisinei, vakomana vazhinjisa vanokurumidza kuvabata uye pakupedzisira vanopfuura vasikana muurefu

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe