RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g93 10/8 pp. 19-21
  • Neiko Ndiri Kukura Nokukurumidza Zvikuru?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Neiko Ndiri Kukura Nokukurumidza Zvikuru?
  • Mukai!—1993
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mifarwa Namarwadzo Zvokuva Akareba
  • ‘Vanofunga Kuti Ndakura Zvikuru’
  • Chinetso Chevatano
  • Ndiri Kukura Nenzira Yomuzvarirwo Here?
    Mukai!—1993
  • Kubatsira Mwana Wako Paanenge Achiyaruka
    Mukai!—2016
  • Chii Chiri Kuitika Kumuviri Wangu?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda Bhuku 2
  • Ndingaita Sei Kana Ndikaona Kuti Ndava Kutanga Kuyaruka
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
Ona Zvimwe
Mukai!—1993
g93 10/8 pp. 19-21

Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .

Neiko Ndiri Kukura Nokukurumidza Zvikuru?

“Apo ndakanga ndiri mugiredhi rechitanhatu, ndakanga ndakareba zvikuru kupfuura munhu ari wose. Kwakanga kuchindikwenudza. Ndakanga ndine shamwari duku zvikuru uye ndaiwanzomuchochora.”—Annie.

“Sezvo ndinoratidzika sendine makore gumi namatanhatu kana kuti gumi namanomwe, vanhu vazhinji, kubatanidza vabereki vangu, vanondikarira kuita somunhu akura zvikuru.”—Tanya, wezera ramakore 12.

KUYARUKA—vazhinjisa vedu vakapfuura nomakuri zvimwe vangada zvikuru kukanganwa chinoitika chose. Kuri zvose zviri zviviri kunoshamisa uye kunotyisidzira. Mukati mokuyaruka, muviri wako unoita chinjo dzokukurumidza, dzechienzi, uye, pane dzimwe nguva, dzinokwenudza. Kunzwa kutsva, sundo, uye zvishuvo zvinokutyisidzira. Pwere zhinjisa dzinowana nyaradzo muidi rokuti vaenzani vadzo vari kupfuura nomuchinhu chimwe chetecho. Nokuda kwedzimwe pwere, zvisinei, kuyaruka kunoratidzika kuva kunoitika nokukurumidza zvikuru. Vanozviwana vamene vachiva vakuru zvikuru, vakareba zvikuru, vakanyanyokukura, vanotarisika savakura zvikuru kupfuura shamwari dzavo nevomukirasi biyavo.

Kana ikoku kwakaitika kwauri, kungakunyaradza kuziva kuti hapana chinhu chisiri chomuzvarirwo pamusoro pokukura nokukurumidza. Nguva yomunhu ari wose yokukura inokwana pamwero wayo imene, uye yako sezvinooneka inoitika nokukurumidza zvikuru kupfuura iyo yavaenzani vako. Chokwadika, chinjo dzokuyaruka mumukomana dzinogona kuvamba nokukurumidza sapamakore gumi ezera, uye mumusikana, nokukurumidza sapamakore masere. Inongova bedzi nhau yokukurumidza shamwari dzako dzisati dzatanga kuita chinjo dzimwe chetedzo. Munguvayi ungava nezvinetso zvakati zvokugonana nazvo.

Mifarwa Namarwadzo Zvokuva Akareba

Mumwe musikana achiri kuyaruka akaudza Mukai!, kuti: “Ndinosarudza kuva mwana akareba zvikurusa mukirasi. Vanhu vanokuremekedza.” Nzvero dzinoratidza kuti vanokurumidza kukura zvikurukuru vakomana vanofarikanya chiverengero chakati chebetsero dzakasiana kupfuura vaenzani vanokura zvishoma. Bhuku rinonzi Adolescent Development, rakanyorwa naBarbara naPhilip Newman rinoti: “Vakomana vanokurumidza kukura vakareba zvikuru uye vakasimba zvikuru kupfuura vezera rimwe chetero vavo. . . . Vakomana vakareba, vakasimba vanowanzopiwa mitoro, kurangarirwa savatungamiriri vavaenzani, uye kubatwa sokunge kuti vakakura zvikuru muungwaru pamwe chete nomumuviri.”

Zvisinei, kuva akanyanyoreba nokukurumidza zvikuru kune zvakashatawo zvako. Kutanga, ungava nyajambwa wamajee asingaperi outsinye anoitwa nevomukirasi biyako vako. Mumwe musikana muduku akaudza Mukai!, kuti: “Ndakanga ndiri musikana akarebesa mukirasi. Vaindidana kuti ‘Makumbo Marefu.’” Murume muduku anonzi Dwayne anoyeuka, kuti: “Vana vaindidana mazita, akafanana nokuti ‘Shuramurove.’ Dzimwe nguva vaibvunza, kuti ‘Akadiniko mamiriro okunze kumusoro ikoko?’”a

Dzakaoma zvikuru inguva apo makumbo ako marefu anokundikana kushanda pamwe chete mutsinhirano. (Enzanisa naVaEfeso 4:16.) “Ndakanga ndakareba, ndiri mutete, uye ndisina chimiro chakanaka,” anoyeka kudaro Christine nezvemakore ake okuyaruka. “Ndakanga ndisingagoni mitambo,” anowedzera kudaro Dwayne. “Kwairatidzika sokunge kuti uropi hwangu hwaisava nebatira pamwe namakumbo angu! Ndakanga ndisingafari zvikuru.” Iva nechokwadi chokuti iyi nhambo isina kunaka ndeyomuzvarirwo. Ichapfuura nokufamba kwenguva. Ungawanawo kuti mwero une mufungo wo“kurovedza muviri kunobatsira zvishoma.” (1 Timotio 4:8) Kana ukashandisa zvakanyanya mumuviri wako, uchava unobatira pamwe zviri nani.

Zvakadiniko nokunemerwa mazita nokudenhwa? Kungava kunoedza kutsiva namashoko mashomanene anorwadza ako umene, asi Bhaibheri rinoti: “Usapindura bedzi noupenzi hwaro, kuti urege kufanana naro.” (Zvirevo 26:4) Kunze kwezvo, pakupedzisira, ‘kutsiva chakashata nechakashata’ kunongoita bedzi kuti mugariro unyanyoipa. (VaRoma 12:17) Bhaibheri rinotaura kuti pane “nguva yokuseka.” (Muparidzi 3:4) Kufara kunogona kukubetsera kubata nenhambo inokwenudza zvikuru.b

‘Vanofunga Kuti Ndakura Zvikuru’

Pane dzimwe nguva chinetso, hachisi vaenzani, asi vanhu vakura vanofunga kuti wakura zvikuru kupfuura zvauri zvomenemene. Dwayne anoyeuka, kuti: “Ndaisarudzwa muboka sechiremera, mutungamiriri. Pane imwe nguva ndaingova pedyo zvangu neboka ravana, uye vakatanga kukandira zvinhu vari pazambuko. Mapurisa akauya uye akatanga kundipopotera nemhaka yokuti ndini ndakanga ndakareba zvikurusa. Asi handina kunyange kuziva chakanga chichiitika.”

Pane dzimwe nguva, unganyengedzwa kubatwa somunhu akura. Chinetso ndechokuti, kukura kwomuviri kunogona kupfuura kukura kwendangariro nemirangariro. Pasinei hapo nokuti unotarisika sei, ungave uchiri kufunga nokurangarira, kwete somunhu akura, asi somumwe munhu wezera rako. (Enzanisa na 1 VaKorinte 13:11.) Naizvozvo apo vanhu vanokukumbira kuita somukuru, ungava nenguva yakaoma yokuita zvavanokarira.

Ungada kupa zviyeuchidzo zvounyoro kushamwari nemitezo yemhuri panguva nenguva kuti hausati uri mukuru sezvaunoratidzika kuva. “Pasingaranganwi mano anokona,” inodaro Zvirevo 15:22. Naizvozvo kana uchinzwa kuti vabereki vako vari kuva vanonyanyoraira, taura nounyoro. Imwe magazini yevachiri kuyaruka yakakarakadza kuti ungataura, kuti: “Ndinoziva kuti nemhaka yokuti ndinotarisika sendakura zvikuru, kuri nyore kundikarira kuita saakura zvikuru. Asi mukati, ndiri wezera rangu chaiyeiye, uye pane dzimwe nguva kwakandiomera kuita mukuwirirana nezvose zvamunondikarira kuita uye kuva.”

Usaita chikanganiso, chokusimudzira nyengedzo yokuva akura zvikuru kupfurikidza nokuva mumugariro wakaoma kunzwisisa, kana kuti kuzvibata, kana kuti kupfurikidza nokupfeka uye kuzvishambidza umene munzira isina kukodzera kuzera rako. Chokwadika, dzimwe pwere dzinokurumidza kukura dzinotosiya shamwari dzadzo dzinotarisika kuva duku zvikuru uye dzinoedza kukodzerana neboka ravakura! Asi munhu anoedza kuvanza zvaari chaizvoizvo muna ikoku angasanoguma aninipiswa. (Enzanisa nePisarema 26:4.) Mukufamba kwenguva vamwe vachaona kupfurikidza nezvaunoedzesera kuva. Naizvozvo, Bhaibheri rinotaura nenzira yokuchenjera kuti, “uchenjeri huri kuna vanozvininipisa.” (Zvirevo 11:2; Mika 6:8) Munhu anozvininipisa anoziva ganhuriro dzake.

Chinetso Chevatano

Kuzvibata nenzira yokuzvininipisa kunogonawo kukudzivirira pachinetso chinowanzonangana navanokurumidza kukura zvikurukuru vasikana: chinetso chevatano. Munhambo yenguva inokurumidza inokatyamadza, muviri womusikana muduku unogona kuva nechitarisiko chomukadzi anokwezva. (Enzanisa noRwiyo rwaSoromoni 8:8, 10.) Nokuda kwavamwe vasikana vaduku, kunyange zvakadaro, kuva namazamu nehudyu zvomudzimai kunogona—zvamazvirokwazvo—kukwenudza.

Munyori anonzi Ruth Bell anoti: “Vasikana vanokura vanova zvikurukuru vasina kudziviririka kukuita kwavanhurume.” Musikana wamakore 12 okukura anonzi Denise anotsanangura, kuti: “Sezvo ndava akura zvikuru mumuviri vanhu vanotarisa muviri wangu apo ndinofamba.” (Changing Bodies, Changing Lives) Vomukirasi biyako vanoda kuziva vose vari vaviri vemitezo yakasiana yokubereka vangatoedza kukubata-bata zvisina kukodzera. Nenzira isingashamisi, bhuku rinonzi Adolescent Development rinoti: “Vanhukadzi vanokurumidza kukura vangava simbe, vanopfeka zvipfeko zvikuru, kana kuti kuva vanonyara uye vanozviparadzanisa nokuda kwokuti vadzivise kuzivikanwa kwavaenzani kwechimiro chavo chomuviri chinochinja.”

Nepo usingasungirwi kuzvivanza umene mumiturikidzwa yezvipfeko zvakawanda, kunongoita mufungo bedzi kudzivisa zvipfeko nemiitiro yokushambidzika zvinokarakadzira kana kuti zvinodanira ngwariro isiri madikanwa kwauri. Ikoku kunotsinhirana nezano reBhaibheri rokupfeka “nokunyara nokuzvidzora.”—1 Timotio 2:9.

Kungava nedzimwe nhano dzinoshanda dzaunogona kuita. Shure munguva dzeBhaibheri, Rute akanangana nebviro yechinetso chevatano apo akaenda kunoshanda mumunda waBhoazi. Nenzira yomutsa Bhoazi ‘akaraira majaya kusamubata.’ Kunyange zvakadaro, akamunyevera, kuti: “Usandounganidza kune mumwe munda, . . . asi urambire pano kuvasikana vangu.” (Rute 2:8, 9) Nenzira yakafanana, vamwe vasikana vaduku vakakwanisa kugara pedyo navamwe vasikana vechiKristu vanopinda chikoro chimwe chetecho. Vanodzivisa kufamba vasina muperekedzi munharaunda dzinozivikanwa kuva nzvimbo dzezvinetso.

Upi kana upi ungava mugariro wacho, hapana munhu ane maruramiro okukunetsa—mungava mumuviri kana kuti mukutaura. Kana ukatambura zvinetso zvakati muna ikoku, taura navabereki vako kana kuti munhu akura anovimbwa. Vangava nezvimwe zvikarakadzo kana kuti vangazvipira kupindira nenzira yakati.

Kunyange mumigariro yakanakisisa, kuyaruka inguva yakaoma youpenyu. Kuva akakura zvikuru—kana kuti muduku zvikuru—kupfuura vaenzani vako kunogona kukuita kwakatooma zvikuru. Kunyange kana ukaita nhamburiko dzokuchinja zvinhu, hapana zvakawanda zvaunogona kuita pamusoro pokukura kwako kwomuviri. Asi unogona kushanda zvakaoma pakukura kwako kwomudzimu. Uye kana ukaita kudaro, kufanana nomuduku Samueri womunguva dzeBhaibheri, uchakura “zvikuru uye uchadiwa zvikuru navose vari vaviri mumurangariro waJehovha nouyo wavanhu.”—1 Samueri 2:26, NW.

[Mashoko Omuzasi]

a Mamwe amazita akachinjwa.

b Nokuda kwezvimwe zvikarakadzo pamusoro pokubata nokusekwa, ona Ganhuro 19 rebhuku raMibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.

[Mufananidzo uri papeji 21]

Pwere dzakareba dzinowanzova vanyajambwa vamajee outsinye

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe