RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g93 10/8 pp. 5-9
  • Tinogona Sei Kudzivirira Vana Vedu?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tinogona Sei Kudzivirira Vana Vedu?
  • Mukai!—1993
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Dzidzisai Mwana Wenyu!
  • Itai Kwazvo Mukurovedza Kwenyu
  • Vakachenjera seNyoka
  • Modzivirira Sei Vana Venyu?
    Mukai!—2008
  • Dziviriro Mumusha
    Mukai!—1993
  • Vabereki Vangadzidzisa Sei Vana Vavo Nezvebonde?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Rovedzai Mwana Wenyu Kubvira Paucheche
    Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri
Ona Zvimwe
Mukai!—1993
g93 10/8 pp. 5-9

Tinogona Sei Kudzivirira Vana Vedu?

“Usambotaura hako. Kuchava chakavanzika chedu.”

“Hakuna munhu angakudavira.”

“Kana ukataura, vabereki vako vachakuvenga. Vachaziva kuti yakanga iri mhaka yako.”

“Haudi kuvazve shamwari yangu chaiyo here?”

“Haudi kuti ini ndiende kujere, unoda here?”

“Ini ndichauraya vabereki vako kana ukataura.”

PASHURE pokushandisa vana kuti vagutse zvishuvo zvakashata, pashure pokuvabira chengeteko yavo nepfungwa yavo yokusava nemhaka, vabati chibharo vana vanodazve chimwe chinhu kuvanyajambwa vavo—KUNYARARA. Kuchengetedza kunyarara ikoko, vanoshandisa nyadzi, kuvandika, kunyange tyisidziro chaiyoiyo. Nokudaro vana vanobirwa chombo chavo chakanakisisa mukurwisana nokubatwa zvisina kufanira—chido chokutaura, kutaura pamhene ndokukumbira vanhu vakura dziviriro.

Nomutoo unotyisa, chaunga chavanhu vakura kazhinji kazhinji nomutoo wokusaziva chinobatira pamwe navabati zvisina kufanira vavana. Kunodaro seiko? Kupfurikidza nokuramba kuziva nezvengozi iyi, kupfurikidza nokuchengeta chimiro chendangariro chokuvanza pamusoro payo, kupfurikidza nokudavira nhema dzinodzokororwa kazhinji kazhinji. Kusaziva, mashoko asina kunaka, uye kunyarara zvakapa dziviriro kuvabati zvisina kufanira vana, kwete vanyajambwa vavo.

Somuenzaniso, Dare reCanada raMabhishopi eKaturike rakagumisa pamisi ichangobva kupfuura iyi kuti rakanga riri “bangano ravose rokunyarara” rakabvumira kubatwa zvisina kufanira kwakakomba kwavana kuti kupfuurire pakati pavafundisi veKaturike kwamakumi amakore. Magazini yeTime, mukushuma pamusoro pedenda rakapararira zvakafara revatano yehama dzokunyama, yakadudzawo “bangano rokunyarara” sechinhu icho “chinobetsera bedzi kupfuudzira ngwavaira yacho” mumhuri.

Zvisinei, Time yakacherekedza kuti iri bangano riri kuputsanyika pakupedzisira. Neiko? Kuchitaurwa mukupfupikisa, chikonzero idzidzo. Kwakaita sokutaura kwakaita magazini inonzi Asiaweek, kuti: “Nyanzvi dzose dzinobvuma kuti dziviriro yakanakisisa mukurwisana nokubatwa zvisina kufanira kwavana ndiyo svinuriro yavanhu vose.” Kuti vadzivirire vana vavo, vabereki vanofanira kunzwisisa zvinhu chaizvoizvo zvetyisidziro. Regai kuva vasingazivi nemhaka yemifungo isina kururama inodzivirira vabati zvisina kufanira vana uye kwete vana.—Ona bhokisi riri pasi apa.

Dzidzisai Mwana Wenyu!

Mambo akachenjera Soromoni akaudza mwanakomana wake kuti zivo, uchenjeri, uye mano okufunga zvaigona kumudzivirira “panzira yakaipa, pamunhu anotaura zvinhu zvisina kururama.” (Zvirevo 2:10-12, NW) Handizvo bedzi zvinoda vana here? Magazini yeFBI inonzi Child Molesters: A Behavioral Analysis inotaura izvi pasi pomusoro unoti “Nyajambwa Akanakisisa”: “Nokuda kwavana vazhinjisa vatano inhau inorambidzwa iyo vasingagamuchiri mashoko akarurama pamusoro payo, zvikurukuru kuna vabereki vavo.” Musarega vana venyu vachiva “vanyajambwa vakanakisisa.” Vadzidzisei pamusoro pevatano.a Somuenzaniso, hakuna mwana anofanira kusvika kuyaruka asingazivi machinjire achaita muviri mukati meiyi nguva. Kusaziva kuchavaita kuti vavhiringidzike, vanyare—uye vave vasina kudzivirirwa.

Mumwe mukadzi watichadana kuti Janet akabatwa zvisina kufanira muvatano somwana, uye makore akati gare gare vana vake amene vaviri vakabatwa zvisina kufanira muvatano. Anoyeuka, kuti: “Nzira yatakarerwa nayo, hatina kutongotaura pamusoro pevatano. Nokudaro ndakakura ndichikwenudzwa pamusoro payo. Yakanga ichinyadzisa. Uye apo ndakava navana, zvakanga zvakafanana. Ndaigona kutaura kuna vana vavamwe vanhu asi kwete kuna vangu ndimene. Ndinofunga kuti hakuna kunaka nemhaka yokuti vana havana kudzivirirwa kana usingatauri kwavari pamusoro peizvi zvinhu.”

Kudziviswa kwokubatwa zvisina kufanira kunogona kudzidziswa pamakore apakuvamba. Apo munodzidzisa vana kududza mativi omuviri akadai sesikarudzi, mazamu, mupedzazviyo, chirema, vaudzei kuti nzvimbo idzi dzakanaka, dzinokosha—asi dzakavandika. “Vamwe vanhu havabvumirwi kudzibata—kwete kunyange Amai kana kuti Baba—uye kwete kunyange chiremba kutoti Amai kana kuti Baba varipo kana kuti vataura kuti kwakanaka.”b Nomutoo wakanaka, kutaura kwakadaro kunofanira kubva kuvabereki vose vari vaviri kana kuti muchengeti akura mumwe nomumwe.

MuThe Safe Child Book, Sherryll Kraizer anocherekedza kuti apo vana vachifanira kunzwa vakasununguka kufuratira, kuridza mhere, kana kuti kutiza mubati zvisina kufanira, vana vakawanda vanobatwa zvisina kufanira vanotsanangura gare gare kuti ivo havana kuda kuratidzika kuva vanovirima. Nokudaro vana vanofanira kuziva kuti vamwe vanhu vakura vanoita zvinhu zvakashata uye kuti hapana kunyange mwana mumwe anofanira kuteerera munhu upi noupi anomuudza kuita chimwe chinhu chisina kururama. Panguva dzakadaro mwana ane maruramiro akakwana okutaura kuti aiwa, kungofanana seizvo Dhanieri neshamwari dzake vakataura kuvanhu vakura veBhabhironi avo vaida kuti ivo vadye zvokudya zvisina kuchena.—Dhanieri 1:4, 8; 3:16-18.

Mumwe mudziyo wokudzidzisa unorumbidzwa zvakafara ndiwo mutambo wokuti “Zvakadiniko kana . . . ?” Ungabvunza, somuenzaniso, kuti: “Zvakadiniko kana mudzidzisi wako akakuudza kurova mumwe mwana? Ungaiteiko?” Kana kuti: “Zvakadiniko kana (Amai, Baba, mufundisi, mupurisa), akakuudza kusvetuka kubva pachivako chirefu?” Mhinduro yomwana ingava isina kukwana kana kuti yakangoipa hayo, asi regai kururamisa nehasha. Mutambo wacho haufaniri kubatanidza katyamadzo kana kuti mitoo younyanzvi inotyisidzira; kutaura idi, nyanzvi dzinorumbidza kuti utambwe nomutoo wounyoro, worudo, kunyange wokutamba.

Tevere, dzidzisai vana kudzivisa kuratidzirwa kworudo uko kusina kukodzera kana kuti kunovaita kuti vanzwe zvisina kunaka. Somuenzaniso, bvunzai kuti, “Zvakadiniko kana shamwari yaAmai naBaba ikada kukutsvoda munzira inokuita kuti unzwe nomutoo wechienzi?”c Kunowanzova kwakanakisisa kukurudzira mwana kuratidzira icho iye aizoita, muchikuita mutambo wokuti “Ngatiedzeserei.”

Nenzira yakafanana, vana vanogona kudzidza kudzivisa mitoo younyanzvi yavabati zvisina kufanira. Somuenzaniso, mungabvunza, kuti: “Zvakadiniko kana mumwe munhu akati, ‘Unoziva, uri nyachide wangu. Haudi here kuva shamwari yangu?’” Apo mwana anodzidza kudzivisa nyengedzo dzakadaro, kurukurai dzimwe. Mungabvunza, kuti: “Kana mumwe munhu akati, ‘Haudi kukuvadza kunzwa kwangu, unoda here?’ Uchatii?” Ratidza mwana mataurire okuti aiwa kupfurikidza namashoko nechimiro chomuviri chinoratidza kuti ivo havadi kuita chimwe chinhu. Yeuka, vabati zvisina kufanira kazhinji kazhinji vanoedza mapindurire anoita vana kusvika kwavo kwamanomano. Naizvozvo mwana anofanira kudzidziswa kudzivisa zvakasimba ndokuti, “Ndichazivisa mumwe munhu ane chiremera pamusoro pako.”

Itai Kwazvo Mukurovedza Kwenyu

Musaganhurire kurovedza kwakadaro kukurukurirano imwe bedzi. Vana vanoda rudzokororo rukurusa. Shandisai chisarudzo chenyu mumene mukusarudza kuti kurovedza kunofanira kuva kwakajeka sei chaizvo. Asi ivai vanoita kwazvo.

Ivai nechokwadi, somuenzaniso, chokudeya kugadza kuedza kupi nokupi kunoitwa nomubati zvisina kufanira kutanga bvumirano yakavandika. Vana vanofanira kuziva kuti hakusati kuchitongova kwakarurama chose kuti munhu akura avakumbire kuvanzira mubereki upi kana upi. Vaitei kuti vave nechokwadi chokuti nguva dzose kwakakodzera kuti ivo vataure—kunyange kana vakanga vavimbisa kusadaro. (Enzanisa naNumeri 30:12, 16.) Vamwe vabati zvisina kufanira vanopfumba mwana kana ivo vakaziva kuti mwana haana kuteerera murairo wemhuri. “Handitauri pamusoro pako kana iwe ukarega kutaura pamusoro pangu” ndiro shoko racho. Naizvozvo vana vanofanira kuziva kuti havazotongopindi muchinetso nokuda kwokutaura—kunyange mune iyi migariro. Kwakakotsekana kutaura.

Kurovedza kwenyu kunofanirawo kuva kunodzivisa tyisidziro. Vamwe vabati zvisina kufanira vakauraya mhuka duku pamberi pomwana ndokutyisidzira kuita zvakafanana kuvabereki vomwana. Vamwe vakanyevera nyajambwa wavo kuti vachabata zvisina kufanira vanin’ina vavo. Naizvozvo dzidzisai vana kuti nguva dzose vanofanira kutaura pamusoro pomubati zvisina kufanira, pasinei hapo nokuti ityisidziro dzakadini dzakakomba dzinoitwa.

Muna ikoku Bhaibheri rinogona kuva mudziyo wokudzidzisa unobetsera. Nemhaka yokuti rinosimbisa nomutoo wakajeka zvikuru simba rowamasimba ose Jehovha, rinogona kuderedza tyisidziro dzomubati zvisina kufanira. Vana vanofanira kuziva kuti pasinei hapo netyisidziro dzinoitwa, Jehovha anokwanisa kubetsera vanhu vake. (Dhanieri 3:8-10) Kunyange apo vanhu vakashata vanokuvadza avo Jehovha anoda, nguva dzose anogona kubvisa kuvadziko pashure pacho ndokuita kuti zvinhu zvive zviri nani zvakare. (Jobho, maganhuro 1, 2; 42:10-17; Isaya 65:17) Vaitei kuti vave nechokwadi chokuti Jehovha anoona chinhu chiri chose, kubatanidza vanhu vanoita zvinhu zvakashata uye vanhu vakanaka vanoita unani hwavo kuzvidzivisa.—Enzanisa naVaHebheru 4:13.

Vakachenjera seNyoka

Handi vabati zvisina kufanira vazhinji vanoshandisa kumanikidzira kwomuviri kuti vadenhe vana muvatano. Vanowanzoda kuti vave shamwari dzavana pakutanga. Pangiro yaJesu yokuva “vakachenjera senyoka” nokudaro yakakodzera. (Mateo 10:16, NW) Kusanotarisira kunoitwa navabereki vane rudo ndeimwe yedziviriro dzakanakisisa mukurwisana nokubata zvisina kufanira. Vamwe vabati chibharo vana vanotsvaka mwana ari oga munzvimbo yavose ndokuvamba kurukurirano kuti anyandure chiringa chomwana. (“Unoda midhudhudhu here? “Uya uone mbwanana dziri murori rangu.”) Chokwadi, haungagoni kuva navana vako panguva dzose. Uye nyanzvi dzokutarisirwa kwavana dzinoziva kuti vana vanoda rusununguko rwakati rwokuti vafambe-fambe. Asi vabereki vakachenjera vanongwarira pamusoro pokupa vana rusununguko rwakanyanyowanda nguva isati yasvika.

Ivai nechokwadi chokuti munoziva zvakanaka vanhu vakura vapi navapi kana kuti pwere dzakura dziri pedyo navana venyu, muchishandisa ngwariro yomuraudzo pakusarudza avo vanofanira kutarisira vana venyu mukusavapo kwenyu. Ngwarirai vareri vavana vanoita kuti vana venyu vanzwe nomutoo wechienzi kana kuti zvisina kunaka. Nenzira yakafanana, ngwarirai vachiri kuyaruka vanoratidzika kuva vane fariro yokunyanyisa muvana vaduku uye vasina shamwari dzezera ravo vamene. Feyafeyai kwazvo nzvimbo dzinotarisirwa vana nezvikoro. Chakairai zvivako zvose uye bvunzurudzai vashandi, muchisanocherekedza maitire avanoita navana. Bvunzai kana vachirambidza kana mukauya kuzonzvera vana venyu panguva dzisingakarirwi; kana ikoku kusati kuchibvumirwa, tsvakai kumwezve.—Ona Mukai! yechiNgezi yaDecember 8, 1987, mapeji 3-11.

Zvisinei, zvokwadi inosuruvarisa ndeyokuti hapana kunyange vabereki vakanakisisa vanogona kudzora chinhu chiri chose chinoitika kuvana vavo.—Muparidzi 9:11.

Kana vabereki vakashandira pamwe chete, pane chinhu chimwe chavanogona kudzora: mhoteredzo yapamusha. Uye sezvo musha uri nzvimbo apo kubatwa zvisina kufanira kwavana kuzhinjisa kunoitikira, ikoko kuchava pfundo rengwariro renyaya inotevera.

[Mashoko Omuzasi]

a Ona Mukai! waMarch 8, 1992, mapeji 3-11, uye chinyorwa chechiNgezi chaJuly 8, 1992, peji 30.

b Chokwadika, vabereki vanofanira kugeza nokuchinja vana vaduku, uye panguva dzakadaro vabereki vanogeza mativi akavandika. Asi dzidzisai vana venyu kuzvigeza vamene pamakore apakuvamba zvichienda mberi; dzimwe nyanzvi dzokutarisira vana dzinorumbidza kuti ivo vadzidze kugeza mativi avo vamene akavandika pakusvika zera ramakore matatu kana kuchibvira.

c Dzimwe nyanzvi dzinonyevera kuti kana ukagombedzera mwana wako kuti atsvode kana kuti kugumbatira munhu ari wose anokumbira ratidzirwo dzakadaro dzorudo, unganetesa iyi rovedzo. Nokudaro, vamwe vabereki vanodzidzisa vana kuita pembedzo dzokuremekedza kana kuti zvinotsiva apo kuraira kusingadiwi kunoitwa kwavari.

[Bhokisi riri papeji 7]

Akadanidzira nokuda Kwebetsero

“MUKUMBIRO kuna Jehovha Unomisa Denho Yomubati Chibharo paPwere,” wakazivisa kudaro mumwe musoro mupepanhau reUnited States rinonzi The Arizona Republic, pana May 5, 1993. Mubati chibharo anopomerwa akatora pwere yamakore 13 okukura pakunongedzera pfuti, achimuendesa kukamuri romubati zvisina kufanira. Apo pwere yakadanidzira zvinonzwika kuti, “Jehovha, ndibetserei!” mubati zvisina kufanira akavhunduka ndokurega mukomana achienda akasununguka. Gare gare mapurisa akabata munhu wacho.

Nepo kudana pazita raJehovha zvamazvirokwazvo kwakakodzera mumigariro yakadaro, hakuzati kuchireva kuti vabatiri vaMwari vachava vakasununguka padenho muaya “mazuva okupedzisira” anotambudza. (2 Timotio 3:1-5, 13) Naizvozvo vabereki vechiKristu vanofanira kurovedza vana vavo kuva vanongwarira vaenzi vose, pasinei hapo nechiremera chinooneka.

[Mufananidzo uri papeji 8]

Dzidzisai vana kushandisa mashoko nechimiro chomuviri chakajeka, kudzivisa zvikarakadzo zvisina kufanira

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe