Mwana Wenyu Ari Mungozi!
Kubatwa chibharo kwavana ndichinhu chaichoicho chakashata mune ino nyika inorwara. Magazini yeLear yakati: “Kunotapura vakawanda vedu kupfuura gomarara, vakawanda vedu kupfuura hosha yomwoyo, vakawanda vedu kupfuura AIDS.” Nokudaro Mukai! anonzwa musengwa wokuedza kusvinudzira varavi vake kungozi iyi uye chinogona kuitwa pamusoro pako.—Enzanisa naEzekieri 3:17-21; VaRoma 13:11-13.
MUMAKORE achangobva kupfuura aya kudanidzira kwenyika yose kwakamuka pamusoro pokubatwa chibharo kwavana. Asi ngwariro yezvinobudisa mashoko, yakazara zvikuru navanhu vakatanhamara avo vakawadzanyura pamhene zvinoitika zvavo vamene zvokubatwa zvisina kufanira muvatano kwomuhuhwana, yakatungamirira kumifungo isina kururama yakakurumbira. Vamwe vanodavira kuti uku kutaura kwose pamusoro pedenho pavana kunongova bedzi chinoitika chinopfuura chazvino uno. Muzvokwadi, kunyange zvazvo zvakadaro, hapana chitsva pamusoro pokubatwa chibharo kwakadaro. Kunodokuvapo nguva refu senhau yomunhu imene.
Chinetso Chekare
Makore 4 000 apfuura, maguta eSodhoma neGomora akanga akakurumbira nokuda kwoushati. Kubatwa zvisina kufanira muvatano kwavana sezvinooneka kwakanga kuri pakati pezvakashata zvakawanda zvenharaunda. Genesi 19:4 (NW), inorondedzera nyongori inopengeswa nevatano yavagari vomuSodhoma ichivambira pa“mukomana kusvikira kumurume mukuru” vachitsvaka kubata chibharo vaeni vaviri vaRoti vechinhurume. Rangarira: Neiko vakomanawo zvavo vaizopiswa nepfungwa yokubata chibharo vanhurume? Nenzira yakajeka vakanga vatopinzwa muushati hwevatano yavanhu vane mitezo yakafanana yokubereka nayo.
Mazana amakore gare gare, rudzi rwaIsraeri rwakatamira munharaunda yeKanani. Iyi nyika yakanga yakanyura zvikuru muvatano yehama dzokunyama, kuvatana kwavanhu vane mitezo yakafanana yokubereka nayo, kuvatana nemhuka, uhure, uye kunyange chibairo chakaitwa kuti chive chomuitiro chavana vaduku kuvamwari vamadhemoni zvokuti aya mabasa ose akashata aifanira kurambidzwa chose chose muMutemo waMosesi. (Revhitiko 18:6, 21-23; 19:29; Jeremia 32:35) Pasinei hapo nenyevero dzoumwari, vaIsraeri vanopanduka, kubatanidza vamwe vavabati ushe vavo, vakagamuchira iyi miitiro inozvidzisa.—Pisarema 106:35-38.
Zvisinei, Girisi yekare neRoma dzakanga dzakaipa zvikuru kupfuura Israeri muna ikoku. Kuurawa kwavana kwakanga kuchizivikanwa nedzose dziri mbiri, uye muGirisi wakanga uri muitiro unogamuchirwa zvakafara kuti varume vakura vavatane navakomana vaduku. Nzvimbo uko vakomana vaduku vaiwanika nokuda kwouhure dzaitekeshera muguta riri rose reGirisi yekare. MuUmambo hweRoma, kuhura navana kwakanga kwakapararira zvikuru zvokuti mitero chaiyo namazororo zvakagadzwa zvikurukuru nokuda kwebasa irero. Munhandare, vasikana vaibatwa chibharo ndokumanikidzirwa kupinda muzviito zvoumhuka. Utsinye hwakafanana hwakanga hwakapararira mune mamwe marudzi mazhinji ekare.
Zvakadiniko nenguva dzazvino uno? Rudzi rwomunhu rwakapepuka zvikuru nokuda kwezviito zvevatano zvinotyisa kuti zvitekeshere nhasi here? Vadzidzi veBhaibheri havagoni kugamuchira uyu mufungo. Vanosanoziva kuti muapostora Pauro akaratidzira nguva yedu se“nguva dzinotambudza dzakaoma kubata nadzo.” Akarondedzera muudzame kuzvida kwakapararira, kuda mufarwa, uye kuputsanyika kworudo rwemhuri rwomuzvarirwo zvakapararira muchaunga chazvino uno ndokuwedzera, kuti: “Vanhu vakaipa navanyengeri vachaenderera mberi vachibva pakushata kuenda kukushatisisa.” (2 Timotio 3:1-5, 13, NW; Zvakazarurwa 12:7-12) Kubatwa chibharo kwavana, kunowanzoitwa zvikuru na“vanhu vakaipa navanyengeri,” kwati kwashatisisa here?
Chinetso Chekurumidziro
Kubata chibharo vana kunowanzofukidzirwa pakavanda, zvikuru zvokuti kwakaidzwa zvimwe dzisingashumwi zvikurusa kumapurisa dzemhaka. Kunyange zvakadaro, mhaka dzakadaro sezvinooneka dzakawedzera mumakumi amakore achangobva kupfuura aya. MuUnited States, kumwe kunzvera pamusoro penyaya yacho kwakaitwa neLos Angeles Times. Yakawana kuti 27 muzana yavakadzi ne 16 muzana yavarume vakanga vabatwa zvisina kufanira muvatano savana. Sezvo izvi zviverengero zvichikatyamadza, kumwe kuverenga kwokungwarira kweUnited States kwakati kwirirei.
MuMalaysia, mishumo yokubatwa chibharo kwavana yakapeta nekana mumakore gumi akapfuura. MuThailand, 75 muzana yavarume muno kumwe kunzvera yakabvuma kuva nevatano namahure avana. MuGermany, vakuru vakuru vanofungidzira kuti vana vakawanda savane 300 000 vanobatwa zvisina kufanira muvatano gore rimwe nerimwe. Mukuwirirana neCape Times yeSouth Africa, chiverengero chemishumo yedenho dzakadaro chakawedzera ne 175 muzana munhambo yamakore matatu ichangobva kupfuura iyi. MuNetherlands neCanada, vanzveri vakawana kuti chinenge chikamu chimwe chezvitatu chavakadzi vose chakanga chabatwa zvisina kufanira muvatano savana. MuFinland, 18 muzana yavasikana vegiredhi rechipfumbamwe (vane makore 15 kana kuti 16 okukura) uye 7 muzana yavakomana vakashumwa kuve vakavatana nomumwe munhu mukuru kwavari neanenge makore mashanu.
Munyika dzakasiana-siana mishumo inokangaidza yakazivikanwa pamusoro pemiitiro yorudzidziso inobata vana zvisina kufanira nemiitiro yevatano youtsinye nokutambudza. Kazhinji kazhinji, avo vanoshuma kuti vaiva vanyajambwa vemhaka dzakadaro vanobatwa nepanikiro, kwete nokunzwirwa tsitsi.
Naizvozvo kubatwa chibharo kwavana hakusati kuri kutsva kana kuti kusingazivikanwi navose; chinetso changuve chiripo kwenguva refu icho chiri denda nhasi. Simba racho rinogona kuva rinoparadzanya. Vapukunyuki vakawanda vanotambura kunzwa kukuru kwokuva vasina maturo nokuzviremekedza kwakaderera. Nyanzvi dzinonzvera dzakaronga tapuro dzapashure dzinozivikanwa navose dzevatano yehama dzokunyama pavasikana, dzakadai sokutiza pamusha nemhaka yokusava nomufaro, kushandisa zvisina kufanira mirimo nezvinwiwa zvinodhakisa, kuora mwoyo, kuedza kuzviuraya, usindimari, vatano yamadiro, kurara kusiri kwenguva dzose, uye zvinetso zvokudzidza. Tapuro dzinobatanidza zvakawanda dzingabatanidza unyanzvi hwakashata hwokurera vana, kusaitira hanya muvatano, kusavimba navarume, roorano naanobata vana zvisina kufanira muvatano, vatano yavakadzi, uhure, uye kubatwa chibharo kwavana kumene.
Idzi tapuro dzapashure hadzidzivisiki nokuda kwanyajambwa; uyewo munhu upi noupi haangagoni kupembedza nomutoo wakarurama mufambiro wakashata bedzi bedzi pazvikonzero zvokuva akabatwa chibharo munguva yakapfuura. Kubatwa zvisina kufanira hakutemeri mugumo wavanyajambwa vako kukuva voutere kana kuti sindimari; uyewo hakubvisi mutoro wavo wose womunhu oga nokuda kwezvisarudzo zvavanoita gare gare muupenyu. Asi iyi miuyo inozivikanwa navose nokuda kwavanyajambwa ingozi chaidzoidzo. Inowedzera kurumidziro kumubvunzo unoti, Tinogona sei kudzivirira vana pakubatwa chibharo?