Mifungo Isina Kururama Inozivikanwa Navose
Mufungo Usina Kururama: Vabati zvisina kufanira vana vanowanzova vaenzi, vasina kukodzera vane pfungwa dzisina kunaka avo vanotora vana uye vanoshandisa simba romumuviri kuvabata zvisina kufanira.
Mumhaka zhinjisa zvikuru—kubvira pa 85 kusvikira ku 90 muzana kupfurikidza nefungidziro—mubati zvisina kufanira munhu uyo mwana anoziva nokuvimba. Panzvimbo pokushandisa simba, vabati zvisina kufanira vanowanzopinza mwana muzviito zvevatano zvishoma nezvishoma, vachishandisa ruzivo rwokuzviwanira rwakaganhurirwa rwomwana namano okufunga akaganhurirwa. (Enzanisa 1 VaKorinte 13:11 naZvirevo 22:15.) Ava vabati zvisina kufanira havasiri vanazindoga vakakurumbira. Vakawanda ndevorudzidziso zvikuru, vanoremekedzwa, uye vanodiwa zvikuru munzanga. Mukuwirirana neU.S. Federal Bureau of Investigation, “kufungidzira kuti mumwe munhu haasati ari mubati zvisina kufanira vana nemhaka bedzi yokuti iye akanaka, anoenda kuchechi, anoshanda zvakaoma, ane mutsa kumhuka, uye zvichingodaro, hufuza.” Kunzvera kwemisi ichangobva kupfuura iyi kunokarakadza kuti hakunawo kururama kufungidzira kuti vabati zvisina kufanira vose vanhurume kana kuti vanyajambwa vose vanhukadzi.
Mufungo Usina Kururama: Vana vanofungidzira kana kuti vanoreva nhema pamusoro pokubatwa zvisina kufanira muvatano.
Mumigariro yenguva dzose vana vanoshaiwa ruzivo rwokuzviwanira kana kuti uchenjeri munhau dzevatano kuti vatange kutaura kwakajeka kwokubatwa zvisina kufanira, kunyange zvazvo vamwe vana vaduku vangava vanovhiringidzika pamusoro poudzame. Kunyange vanzveri vanopanikira zvikurusa vanobvuma kuti kutaura kuzhinjisa kwokubatwa zvisina kufanira kunoshanda. Rangarira bhuku rinonzi Sex Abuse Hysteria—Salem Witch Trials Revisited, rinorereudzira ngwariro pakutaura kwenhema kwokubatwa zvisina kufanira.a Iri bhuku rinobvuma, kuti: “Kubatwa zvisina kufanira chaikoiko muvatano kwavana kwakapararira uye dzoruzhinjisa zvikuru dzepomero dzokubatwa zvisina kufanira kwavana . . . dzine bviro yokururamiswa (zvimwe 95% kana kuti kupfuura).” Vana vanokuwana kwakaoma zvikuru kushuma kubatwa zvisina kufanira. Apo vanoreva nhema pamusoro pokubatwa zvisina kufanira, kazhinji kazhinji zvikurusa kuramba kubvuma kuti kwakaitika kunyange zvazvo kwakaitika chaizvoizvo.
Mufungo Usina Kururama: Vana vanonyengedza uye kazhinji kazhinji vanounza kubatwa zvisina kufanira pavari vamene kupfurikidza nomufambiro wavo.
Uyu mufungo zvikurukuru unomonyaniswa, sezvo, kutaura chokwadi, uchipomera nyajambwa nokuda kwokubatwa zvisina kufanira. Vana havana mufungo chaiwoiwo wevatano. Havana pfungwa yeicho mubato wakadaro unoreva kana kuti wokuti uchavachinja sei. Naizvozvo havakwanisi kuibvuma munzira ipi neipi ine revo. Ndiye mubati zvisina kufanira, uye mubati zvisina kufanira oga, ane mhaka yokubata zvisina kufanira.—Enzanisa naRuka 11:11, 12.
Mufungo Usina Kururama: Apo vana vanozivisa kubatwa zvisina kufanira, vabereki vanofanira kuvadzidzisa kurega kutaura pamusoro pako uye ‘kukanganwa pamusoro pako.’
Ndianiko anobetserwa zvikurusa kana mwana akaramba anyerere pamusoro pokubatwa zvisina kufanira? Haasati ari mubati zvisina kufanira here? Kutaura idi, fundo dzakaratidza kuti kuramba kune dzvinyiriro yendangariro kungava nzira isingabudiriri yokubata nayo nekuvadziko yokubatwa zvisina kufanira. Nezvemitoo mipfumbamwe yokugonana nayo yakashandiswa nerimwe boka ravapukunyuki vari vanhu vakura yakafundwa muEngland, avo vakaramba, vakadzivisa, kana kuti vakadzvinyirira nhau yacho vakatambura vhiringidziko yendangariro nenhamo muupenyu hwomunhu akura. Kana wakadenhwa nomutoo unotyisa, ungada here kuudzwa kuti usataure pamusoro pako? Kutaurirei mwana chinhu chakadaro? Kubvumira mwana kuita kwenguva dzose kuchinoitika chakadaro chinotyisa, chakadai senhamo, kutsamwa, kuchema, pakupedzisira kuchamupa banza rokukanganwa kubatwa zvisina kufanira.
[Mashoko Omuzasi]
a Mumhaka dzechatanuro, vanhu vakura vanopokanidza vakazivikanwa kuva vanoshandisa pomero yokubatwa zvisina kufanira kwavana sechombo.