Uyo Achadzivirira Mhuka Dzedu
KUBVIRA pakutanga kwenhau yomunhu, munhu akafarira fundo yemhuka. Nomutoo unosuruvarisa, kunyanguvezvo, pashure pokunge Mwari apa munhu rubvumidzo rwokuwedzera nyama kuzvokudya zvake, kuonga mhuka kwakadererera mukuuraya kusiri madikanwa uye kuvhimwa kwoutsinye kwezviyeuchidzo.—Genesi 2:19, 20; 9:2; 10:9; 25:27.
Asi vamwe vanhu vakati vakapfuurira kushamisika nemhuka dzapasi. Anenge makore 3 000 akapfuura, mashoko ePisarema 104 akanyorwa nomumwe anoda mhuka. Anodudza zvisikwa zvemhuka zvakasiana-siana nezita, dzakadai sembizi, shumba, tsoma, mbira, uye zimudo. Mufundo yake yeshiri, nziyo dzeshiri, uye zvikara, wezvamapisarema akasundwa kudanidzira rumbidzo: “Imi [Jehovha maka]ita izvo zvose muuchenjeri.”—Pisarema 104:10-12, 17-21, 24, NW.
Zvamazvirokwazvo, Jehovha Mwari anogona nomutoo wakarurama kufadzwa namabasa ake akaisvonaka echisiko. (Genesi 1:31) Nokudaro, tinogona kuva nechokwadi chokuti iye haasati achizobvumira mhuka dzasara dzapasi kuti dziparadzwe chose chose. Mukuwirirana naikoko, Mwari akafuridzira wezvamapisarema kuti anyore mashoko anofanira kuva mashoko akanaka kuvose vanoda mhuka. Tinoziviswa kuti “pasi . . . harisati richizozununguswa kusvikira kunguva isingazivikanwi, kana kuti nokusingaperi.” (Pisarema 104:5, NW) Kuitira hanya kwakadaro garikano isingaperi yapasi rino zvirokwazvo kunobatanidza zvisikwa zvinogara pariri. (Isaya 45:18) Jesu Kristu akapupurira kuitira hanya kwaMwari zvisikwa zvomusango apo akati: “Ko shiri duku shanu hadzitengeswi nepeni here? Hakuna imwe yadzo inokanganikwa pamberi paMwari.” (Ruka 12:6) Kuitira hanya kwaMwari zvisikwa zvake kunosimudzirwawo paPisarema 104, ndima 14, inorava, kuti: “Unomeresa uswa hwezvipfuwo, nemiriwo, inobatsira vanhu; kuti abudise zvokudya pasi.”
Mutsinhirano naaya maidi, Jehovha Mwari haasati achizoshivirira nokusingaperi vanhu vanomuramba uye avo vanotyisidzira nguva yemberi yapasi nemhuka dzaro. Richisimbisa ikoku, Pisarema 104 rinogumisa naaya mashoko anovimbisazve: “Vatadzi ngavaparadzwe pasi, navakaipa ngavarege kuzovapo.”—Pisarema 104:35.
Kunonyaradza sei kuziva kuti Mwari akaratidzira kutsunga kwake “kuparadza avo vanoparadza pasi.” (Zvakazarurwa 11:18, NW) Panguva iyeyo humwe huporofita uhwo zvino huri kuzadzika munzira yokufananidzira huchava nezadziko chaiyoiyo. Somuenzaniso, kupfurikidza nomuporofita wake Hosea, Jehovha Mwari anozivisa, kuti: “Zvamazvirokwazvo ndichaita sungano nezuva irero pamusoro pechikara uye nechisikwa chinobhururuka chamatenga uye chinhu chinokambaira chapasi, uye ndichavhuna uta nomunondo nehondo panyika, uye ndichaita kuti zvivate pasi muchengeteko.”—Hosea 2:18, NW; Isaya 11:6-9.
Zvifananidzire umene uri muParadhiso yapasi iyeyo inouya. Ichava nguva inofadza zvakadini! ‘Asi,’ ungabvunza kuti, ‘chii chinodikanwa kuti ugare nhaka zvikomborero zvakadaro?’ Kutanga, kuri madikanwa kuti ufunde Shoko raMwari. Tevere, kuna avo vanozviisa pasi penhungamiro yeBhaibheri, Jehovha Mwari anoita ichi chipikirwa chakaisvonaka: “Vakarurama vamene vachava varidzi vapasi, uye vachagara nokusingaperi pariri.”—Pisarema 37:29, NW.