Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .
Neiko Vabereki Vangu Vachikurumidza Zvikuru Kutsamwa?
“AMAI vakaoma kubata navo zvikuru,” anodaro Jeanette muduku.a “Kana vakaneta, vanopedzera shungu pandiri. Hapana chinhu chandinotaura chakarurama.” Jim ane chinetso chakafanana. “Apo chimwe chinhu chinoshata,” anotaura kudaro, “vanokupomera pasina chikonzero chakanaka. Somuenzaniso, kana motokari ikasamuka. Baba vangu vanondituka—sokunge kuti imhaka yangu!”
Chinyunyuto chakapararira pakati pavachiri kuyaruka: Vabereki vavo vanokurumidza kutsamwa, vanonyunyuta, havanzwisisiki. Rimwe zuva, vanofara, vakasununguka, uye vanovimbika. Zuva rinotevera, havafari uye vanotsoropodza chinhu chiri chose chaunotaura nokuita. “Vanondituka pasina chikonzero,” inochema kudaro imwe pwere.
Sokuvhiringidza kwakungaratidzika pane dzimwe nguva, zvisinei, anenge munhu ari wose—vabereki vanobatanidzwa—anopfuura nomumigariro yendangariro yakasiana-siana panguva nenguva. Rutivi rwokuva munhu. Bhaibheri nokudaro rinotaura nezvevanhu vamwe navamwe vakasiana savari mumugariro woku“fara,” “kukufadza,” kana kuti kunyange woku“tsamwira.” (Estere 1:10; Jobho 11:19; Mabasa 12:20) Dzimwe chinjo dzemigariro yendangariro dzinoratidzika kuva dzinobatanidzwa nechinjo dzoupenyu dzakasiana. Vakadzi, somuenzaniso, kazhinji kazhinji vanova nechinjo dzomugariro wendangariro mukati menhambo dzokuva kumwedzi. Uye hakusati kuri kwechienzi kuti vose vari vaviri vemitezo yakasiana yokubereka nayo vanova nokusanzwa zvakanaka munyama nomundangariro mumasikati nomumadekwana.
Funganyo Nedzvinyiriro
Nyaya iri muAmerican Health inotaura, kuti: “Zvimiro zvizhinji zvakashata zvine manyuko omumuviri. Nepo chirwere nezvokudya zvisina kunaka zvichigona kuva zvikonzero zvikuru, runeto kazhinji kazhinji ndicho chisakiso chikuru.” Idzi i“nguva dzinotambudza dzakaoma kubata nadzo,” uye mumhuri kana dzisati dziri zhinjisa, vose vari vaviri amai nababa vanofanira kushanda basa kunze kwapamusha. (2 Timotio 3:1) Runeto nokupera simba ndiyo miuyo yakarovedzeka. Vaneta mumurangariro kupfurikidza nedzvinyiriro inopfuurira, vamwe vabereki vanganzwa vakafanana naJobho akarurama, uyo akazvirondedzera amene seane “kutambudzika.”—Jobho 10:15; 14:1.
Apo vabereki vanenge vakabatikana zvikuru nezvinetso zvavo vamene, kurukurirano inogona kutambura. Jason muduku anonyunyuta, kuti: “Vanokuudza kuita chimwe chinhu, uye unochiita. Asi vanotaura kuti vakuudza chimwe chinhuwo hacho, uye vanoshatirwa. Unotsamwa, uye ipapo vanokuranga nokuda kwokushatirwa!”
Pane dzimwe nguva dzvinyiriro dzoupenyu dzingatorerawo vabereki simba rendangariro rinodikanwa kugamuchira zvinodikanwa zvako. Zvirevo 24:10, inoti: “Kana ukapera simba nezuva rokutambudzika, simba rako ishoma.” Mumwe mubereki akabvuma, kuti: “Ndinowanzotora Diana kuchikoro apo ndinenge ndichienda kumba ndichibva kubasa. Anopinda mumotokari ndokuvamba kutaura kwandiri pamusoro pezvinhu zvose zvaitika kuchikoro zuva iroro—uye mamwe mazuva handitongorina simba rokuteerera. Ndakapera simba zvikuru nokubatikana nezvinoitika zvangu ndimene zvezuva racho zvokusagona kuva neshiviriro nokuda kwezvake.” Kunganzwika sokuramba kwomunhu oga apo vabereki vanoita neiyi nzira, asi kazhinji kunoguma noruneto.
“Kunobvirawo,” akanyora kudaro munyori Clayton Barbeau, “vabereki vako vane zvinetso zvausingazivi nezvazvo. Vaduku vazhinji vanorerutsa zvinetso zvemari yemhuri. Vachirangarira ndyiko dzemba nezvokudya nokusakotsekana kwebasa kwenzvimbo yebasa yazvino, vabereki vako vanganetseka pamusoro pezvinhu zvavasati vakuudza asi vari kuzvikurukura pakati pavo vamene.” Kana kuti vangave vachibata nemitoro iri yapachivande nenzira yomuzvarirwo. Mumwe baba wechiKristu anobatira somutariri muungano yeZvapupu zvaJehovha. Mwanasikana wavo anoti: “Dzimwe nguva apo vanenge vane zvinetso zvakawanda zveungano mumurangariro wavo, vanonyunyuta zvomenemene. Vanoedza kusakuisa patiri, asi vane funganyo zvikuru zvokuti havagoni kubata nezvimwe zvinhu.” Zvirevo 12:25 inokutaura zvakanaka, kuti: “Kutambudzika pamwoyo womunhu kunouremedza; asi shoko nyoro rinoufadza.”
Vabereki vako vangaedza zvakasimba kukuvanzira kutambudzika kwakadaro. Asi kuri sokutaura kunoita chirevo, kuti: “Mweya unoputswa nomwoyo une shungu.” (Zvirevo 15:13) Pane dzimwe nguva kurwadziwa kwavo kwomukati kungavakurira, uye kunetseka kudukusa kunogona kuparira kubudiswa kwekangaidziko yakavanzwa. “Dzimwe nguva apo baba vangu vanosvika kumba vachibva kubasa,” anodaro mumwe musikana achiri kuyaruka, “vanenge vakati shatirwei nemhaka yezvaitika kubasa. Uye kana ndikakanganwa kuita chimwe chinhu, ipapo baba vangu vanondiyeuchidza pamusoro paikoko. Ipapo vanotarisa tarisa nokuda kwechimwe chinhu chavanganditukira nokuda kwacho.”
Zvino, hapana panikiro kuti kutuka kunofanira kudziviswa. (VaKorose 3:8) Vabereki vanorairwa naMwari kusatsamwisa vana vavo. (VaEfeso 6:4) Asi kunyange murume akarurama Jobho, ari mudzvinyiriro yemigariro inotambudza, akazviwana amene achitaura “kuvhurumuka.” (Jobho 6:3) Naizvozvo usati wavamba kutongera vabereki vako nehasha, zvibvunze umene, kuti: ‘Ini ndinoita sei kana ndava nezuva rakashata kana kuti apo ndinonzwa ndiri mudzvinyiriro yakawanda? Dzimwe nguva ndinoshatirwa kana kuti kutsamwiswa here?’ Kana zvakadaro, zvichida unogona kuva anokanganwira zvikuru vabereki vako.—Enzanisa naMateo 6:12-15.
Imwe pwere ichiri kuyaruka inonzi Chad yakawana pakutanga kuti upenyu hwababa vake hunotambudza zvakadini. “Ndinoshanda nababa vangu mubhizimisi ravo rokupenda nokugadzira motokari,” iye anodaro, “uye zvino ndinogona kuona dzvinyiriro yakawanda yavari kuwana. Vari kubatikana zvikuru kutarisira mitoro yakawanda zuva riri rose!”
Nhamo Muupenyu Hwapakati
Pana 2 VaKorinte 7:5, muapostora Pauro akabvuma kuti iye “mukati maiva nokutya.” Mimwe yemigariro yokushatirwa yavabereki vako ingaparirwa nefunganyo yomukati. Bhuku rinonzi The Healthy Adolescent rinoti: “Sezvo achiri kuyaruka anoparapatika nezvinetso zvepwere, naizvozvo vabereki vanoparapatika nezvinetso zvokukura. Vapashure vari kuswedera zera rapakati, iro, kufanana namakore okuyaruka, inhambo yakaoma yakazara nenhamo dzayo imene.”
Nokuda kwavamwe vabereki kuziva kuti vari kukura zvikuru kunovhiringidza. “Ndakavamba kunzwa kuti upenyu hwangu hwakanga huchipera,” vakadaro vamwe baba. “Basa rangu harichafadzi, vana vangu vakanga vachigadzirira kubva pamusha, ndakanzwa ndachembera, uye ndaisagona kufunga nezvechimwe chinhu chokutarisira mberi kwachiri asi kurega basa.” Apo unofarikanya kuva mu“ujaya,” vangave vari kutsungirira zvinetso zvomuviri zvakauya nezera rinowedzera. (Muparidzi 11:10) Amai vako, somuenzaniso, vangave vari kuwana chinjo dzamahormone apanguva yokumira kuenda kumwedzi nezviratidzo zvako zvinokangaidza—runeto, kurwadziwa nomusana, kupiswa kwakamwe kamwe, uye chinjo dzemigariro, kungodudza bedzi zvishomanene.b
Zvaunokura zvikuru, vabereki vako vanonangana zvikuru nohuchokwadi hwamashoko eBhaibheri ari pana Genesi 2:24, anoti: “Munhu anofanira kusiya baba vake naamai vake.” Chokwadika, ungave uri kutoita gadziriro huru dzokuzvimirira! Bhuku rinonzi Talking With Your Teenager rinotaura, kuti: “Ikoku kunogona kukuvadza zvomenemene. . . . Isu [vabereki] tinganzwa kuti hatidikanwi nenzira imwe cheteyo yataichimboitwa . . . Vayaruki vedu vanowanzova vari kure, vasingaitiri hanya zvikuru, vanozvidzivirira zvikuru. Chishuvo chavo chokusada kuva nesu, kuva noruzivo rwokuzviwanira kunze kwemhuri, kuita zvisarudzo kana kuti kuumba rongedzero dzakasununguka papesvedzero yedu kunoratidzira kuti hatinyanyi kukosha muupenyu hwavo kupfuura zvataiva.”
Naizvozvo kuri nyore kuona chikonzero nei pane dzimwe nguva vabereki vako zvikurukuru vangava vanoshatirwa kana kuti vanotsamwa nokukurumidza pakureva nezvenhau dzinobatanidza kukura kwako kwokuzvimirira. Steve muduku anoti: “Vabereki vangu vanokanganwa. Unovaudza kuti uri kumbofamba-famba, uye gare gare vanobvunza kuti, ‘Uri kuenda kupi?’ Unotaura kuti, ‘Ndakuudzai kuti ndichaenda kunotamba volleyball.’ Ivo vanoti, ‘Hauna kutongotiudza,’ uye vanovamba kukutuka. Kunoitika nguva dzose.” Asi chaungarangarira sechisingakoshi kana kuti kunyunyuta chingangoratidza bedzi rudo rwavo rukuru neitiro hanya nokuda kwako. Vanoziva mashatire akaita nyika, uye kunyange zvazvo vachiziva chinodikanwa chako chokuzvimirira, pane dzimwe nguva vangatyira garikano yako. (Enzanisa na 2 VaKorinte 11:3.) Vanganyanyisa kune zvimwe zvinhu kana kuti kuva vasingawirirani. Unofanira kuvada zvishoma here?
Kukoshesa Vabereki
Apo waiva muduku, ungave wakaona vabereki vako savanoziva zvose navane simba rose. Sezvaunokura zvikuru nokuchenjera zvikuru, zvichida zvikanganiso zvavo zvinova zvinooneka zvikuru. Uye apo vabereki panhambo nenhambo vanoshatirwa kana kuti kunyunyuta, kunogona kuva nyore kutanga kuvazvidza. Asi Bhaibheri rinonyevera pamusoro po‘kuseka mubereki.’ (Zvirevo 30:17) Kunze kwezvo, kungasanova kuti havasati vari ivo bedzi vanoshatirwa mumhuri yenyu. “Dzimwe nguva ndinoshatirwawo,” akabvuma kudaro mumwe musikana. Zvichida unokurumidza kutsamwa, kugumburwa, kana kuti kuva asingakurukurirani kupfuura zvaunoziva.
Chipi kana chipi chiri mugariro wacho, panzvimbo pokutsoropodza vabereki vako, edza kukudziridza “kunzwira ngoni” netsitsi kwavari. (1 Petro 3:8) Sokuratidza kuchaita nyaya inotevera munhevedzano ino, ikoku kunogona kukubetsera kubata nemigariro yavo yokushatirwa.
[Mashoko Omuzasi]
a Mamwe amazita akachinjwa.
b Nokuda kwamamwe mashoko ari pamusoro pezera rapakati uye denho dzako, ona zvinyorwa zvaMukai! wechiNgezi zvaFebruary 22, 1983, uye April 8, 1983.
[Mifananidzo iri papeji 22]
Vabereki vazhinji vanongoodzwa mwoyo nezvinodikanwa zvoupenyu