Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .
Ndinogona Sei Kubata Navabereki Vanokurumidza Kutsamwa?
“CHINETSO changu,” anodaro Claudia, “ndechokuti amai vangu vanoshatirwa nokutsamwa.a Rimwe zuva vakabvunza kuti chidzidzo changu chepiano chakanga chafamba sei. Ndakangotaura zvangu kuti chakanga chafamba zvakanaka uye ndakaenda kunodzidzira piano. Amai vakapinda, ndokutaura vakashatirwa kuti ndaiva ndichivirima, ndokubuda vakatsamwa. Ndakashatirwa ndokurovera piano ndokumhanyira kukamuri rangu. Amai ipapo vakauya ndokundituka nokuda kwokurovera piano.”
Vabereki vangave vanokurumidza kushatirwa zvomenemene apo vanenge vari mumugariro wokutsamwa. Pane dzimwe nguva unganzwa kuti unofanira kuita nokungwarira paunenge uri pavari, uchimirira nokutya nguva inotevera yauchatsoropodzwa, kutukwa, kana kuti kunyange kupomerwa. Nyaya inoti “Neiko Vabereki Vangu Vachikurumidza Zvikuru Kutsamwa?” iri muchinyorwa chakapfuura chaMukai! yakaratidza, zvisinei, kuti ndekwomuzvarirwo zvikuru kuti vabereki vakurumidze kutsamwa nguva nenguva. Kuora mwoyo, runeto, utano husina kunaka, uye dzvinyiriro dzoupenyu zvinowanzova zvinopomerwa mhaka.b Kuziva ikoku kungakubetsera kunzwira tsitsi vabereki vako. (Enzanisa naZvirevo 19:11.) Asi hakuchinji idi rokuti pane dzimwe nguva vangava vakaoma kubata navo. Chii chaunogona kuita kuvandudza zvinhu?
Zviratidzo Zvokunyevera
Zvirevo 24:3 inoti: “Imba inovakwa nouchenjeri; inosimbiswa nenjere.” Mutsinhirano neiyi nheyo, chimwe chinhu chaunogona kuita kuedza kunzwisisa apo vabereki vako vanenge vari mumugariro wokutsamwa. Wezvamapisarema akataura nezvomugariro wake amene wokuora mwoyo, kuti: “Ndinofamba ndichichema zuva rose.” (Pisarema 38:6) Munhu anocherekedza zvirokwazvo angave akaona kuti chimwe chinhu chakanga chisina kururama kwaari! Nenzira yakafanana, mubereki achapa kazhinji kazhinji zviratidzo zvakajeka zvokuti iye haasiri mumugariro wendangariro wakanakisisa.
Vanyori vezvoupwere vebhuku rinonzi The Kids’ Book About Parents nokudaro vakaronga ndaza yezviratidzo zvokunyevera zvakarovedzeka zvokuti vanhu vaduku vangwarire. Pakati pezvinhu zvakanyorwa paiva no‘kudya zvakawandisa, kusataura, kukurumidza kurara, kusakwazisa pavanouya kumba vachibva kubasa, kusafarira munhu ari wose, kufuratira mibvunzo yako,’ kwavabereki uye ‘kugara vakangotarisa TV.’ Mune dzimwe mhuri, vabereki vanodeya kushatirwa pane dzimwe nguva—zvakadai saapo zvikwereti zvinofanira kubhadharwa. Chipi kana chipi chiri mugariro wacho, kupfurikidza nokuva anocherekedza ungakwanisa kuziva zviratidzo zvokunyevera zvavabereki vako umene.
‘Chimwe Chinhu Hachina Kururama Here?’
Ipapoka, chii chaunoita apo unoziva kuti mubereki akashatirwa? Unovanda here? Kwete hazvo. Zvirevo 15:20 inoti: “Mwanakomana akachenjera unofadza baba.” Ikoku hakusati kuchireva kuti unofanira kuzviremedza umene nezvinetso zvavabereki vako zvakura. Pashure pokurangarira zvose, mubereki mumwe nomumwe anofanira “kutakura mutwaro wake amene.” (VaGaratia 6:5, NW) Asi unogona zvimwe kuratidza kuvafarira. Somuenzaniso, ungabvunza nenzira yokungwarira pakutaura, kuti: ‘Chimwe chinhu hachina kururama here?’ (Enzanisa naNehemia 2:1, 2.) Panogona kuva nezviduku kana kusavapo zvaungagona kuita kuchinja mugariro wacho, asi vangaonga fariro yako yorudo mugarikano yavo.
Heino nzira iyo muduku anonzi Kama anorumbidza kubata nayo nhau apo mubereki akashatirwa anosvika kumba: “Pashure pokukwazisa, pinda mukamuri rako kwechinguvana, kutozosvikira vagadzikana. Ipapo buda ndokubvunza kuti chii chisina kururama uye zuva ravo rave rakadini . . . Ona kana vachida kuti uite chinhu chipi nechipi.” Pane dzimwe nguva, kungoratidza bedzi mubereki iyeyo ngwariro inodikanwa kana kuti rudo kungabvisa chimiro chokutsamwa.
Mubhuku rake rinonzi My Parents Are Driving Me Crazy, Dr. Joyce Vedral anotaura kuti musikana achiri kuyaruka anonzi Deena akaita sei kuchimiro chaamai vake chokushatirwa. Deena anoti: “Apo ndakabuda [mukamuri rangu] ndokuona kutarisika kwokushatirwa pachiso chavo, ndakavabata ndokuvambundira zvikuru vasati vagona kuita chinhu chipi nechipi kundimisa. Ipapo ndakavatsvoda zvikuru ndokuti, ‘ndinokudai, Amai.’ Maifanira kuona machinjire akaita chimiro chavo—kamwe kamwe.” Dr. Vedral anogumisa, kuti: “Mushonga wakakwana nokuda kwomubereki akashatirwa rudo. . . . Rudo runochinja zvikuru mugariro wokushatirwa.” Bhaibheri rinokutaura neiyi nzira: “Rudo runosimbisa.”—1 VaKorinte 8:1.
Pane dzimwe nguva, kunyanguvezvo, vabereki vako vanoratidzika kuva vanokangaidzika newe pachako. Kana usina chokwadi chechikonzero nei, edza kunyengetedza vabereki vako kuitira kuti vagotaura zvinetso zvipi nezvipi. (Enzanisa naZvirevo 20:5.) Mumwe musikana muduku anonzi Ruth, somuenzaniso, akacherekedza kuti iye nababa vake vakanga “vachinyanya kusawirirana” uye kuti vakanga vava vanotsoropodza nenzira isina mufungo mamakisi ake ebasa rechikoro. Pashure pekurukurirano yemhuri yenyaya ya“Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .,” Ruth akabvunza chakanga chichinetsa baba vake. “Takacherekedza kuti Baba vakanga vachiedza kubudirira kupfurikidza navana vavo, sezvo vakanga vamanikidzirwa kusiya chikoro. Vaida kuti tive nemishumo yakaisvonaka.” Apo Ruth aiwana mamakisi akaderera kupfuura aikarirwa, vaishatirwa. Chii chakava muuyo wekurukurirano yavo? “Kwakandibetsera kuona zvinhu mukuwirirana nomurangariro wavo,” iye anodaro. Nenzira yomuzvarirwo, baba vake vaitofanirawo kuita gadziridzo dzakati mukufunga kwavo. Ruth anoshuma, kuti: “Zvinhu zviri kutanga kuvandudzika.”
Kupfurikidza nokuva nekurukurirano yakafanana, ungawana kuti vabereki vako vane zvikonzero zvakanaka zvokushatiriswa newe. Chingava chinhu chiri nyore chakadai sokukanganwa kuita rimwe basa rapamba rakagoverwa. Zvirevo 10:5 inoyeuchidza, kuti: “Unounganidza muzhezha, ndiye mwanakomana wakachenjera, asi unovata hope mukukohwa, mwanakomana unonyadzisa.” Zvichida kushingaira kwakawanda kwako kungaita zvakawanda kuvandudza chimiro chokutsamwa chavabereki vako.
Ita Nokuchenjera!
Pane dzimwe nguva, kunyanguvezvo, mubereki haasati zvake achiva anokurukurirana nenzira yokusununguka, uye nhamburiko dzose dzokumukurudzira kuita kudaro dzinosangana nehasha kana kuti kurambwa. Uchaitei ipapo? Bhaibheri rinotiudza nezvenzira iyo Dhavhidhi, sepwere, akagonana nayo nomugariro unokwenudza wakafanana. Sepwere Dhavhidhi akashanda mudare raMambo Sauro somuimbi. Sauro, zvisinei, akanga achichinjira kuzvimiro zvisingadeyi kuonwa uye kufufutirwa nehasha. Chokwadika, pane imwe nhambo Sauro akaedza kubairira Dhavhidhi pamadziro nepfumo! Cherekedza, kunyanguvezvo, icho Bhaibheri rinotaura pana 1 Samueri 18:14 nezvomufambiro waDhavhidhi: “Dhavhidhi akafamba nokungwara pazvose zvaakaita, Jehovha akava naye.”
Vabereki vashomanene vanoshatirirwa saMambo Sauro. Zvisinei, ungada kuva akachenjera pakubata navo. Somuenzaniso, Sam muduku anotaura, kuti: “Baba vangu havasiri muKristu, uye vanokurumidza kushatirwa! Apo vanokutsamwira, vanotanga zvomenemene kutuka. Unofanira zvomenemene kungwarira chaunotaura nokuita. Unofanira kuedza kusavatsamwisa.” Bhaibheri rinokutaura neiyi nzira: “Munhu wakangwara unoona zvakaipa, ndokuvanda.”—Zvirevo 22:3.
Ikoku hakusati hako kuchireva kudzivisa kuonana navabereki vako. Edza kuva ane ushamwari naanofara sezvaunogona. Kana ukanetsa mubereki akashatirwa nemibvunzo isiri madikanwa kana kuti nezvinetso zvidukuduku izvo zvinogona kukurukurwa pane imwe nguva, ungave uri kutsamwisa mubereki wako. (Enzanisa naZvirevo 15:23; 25:11.) Zvamazvirokwazvo, apo vanenge vachinetseka uye vakaneta, vangatonzwa somurume akarurama Jobho uyo akabvunza, kuti: “Muchatambudza mweya wangu kusvikira riniko?” (Jobho 19:2) Naizvozvo wakachenjera kudzivisa miitiro ipi neipi inotsamwisa yaunoziva kuti inoshatirisa vabereki vako—yakadai sokutsenga chingamu kana kuti kuridza zvigunwe zvako. Nenzira yakafanana, kungava kusarangarira kuvhurisa sitiriyo yako kana kuti kuvhurisa terevhizheni.
Imwe nzira yokuita nayo nokuchenjera ndeyokutanga. Amai nguva dzose vari mumugariro wakashata wokutsamwa here apo vanouya kumba vachibva kubasa? Kana uchitanga kuuya kumba, kuregererei kugadzirira tafura, kurasa marara, kana kuti kusuka ndiro? Kwazisa amai vako norudo. Kuita kwakadaro kungavaita kuti vatarisire mberi kukuuya kumba. Mumwe musikana achiri kuyaruka anonzi Julie anoita kutanga kwakadaro. Iye anoti: “Amai vangu vanochaira bhazi rechikoro, uye kazhinji kazhinji vanouya kumba vakashatirwa. Naizvozvo ndinofanira kuramba ndakavanda. Ndinongorega kuvadzongonyedza kutozosvikira vadzikama. Ipapo ndinotarisira vana nokuda kwavo kana kuti kuchenesa kana kuti kuita chimwe chinhu nokuda kwavo.”
Edza sezvaungagona kukudzivisa, imwe bonderano ine chokwadi chokuva yakasimba apo vabereki vanenge vari vanokurumidza kushatirwa kana kuti vanotsamwa. Apo ikoku kunoitika, kushandiswa kwenheyo dzeBhaibheri kunogona kukubetsera kudzivisa kuita kuti mugariro wakashata ushatisise. Zvirevo 15:1, somuenzaniso, inoti: “Mhinduro nyoro inodzora kutsamwa; asi shoko rinorwadza mwoyo rinomutsa hasha.” Nhungamiro imwezve inopiwa pana Zvirevo 17:27, iyo inorava kuti: “Unozvidzora pamashoko ake, une zivo; uye uno mweya wakagadzikana, munhu wenjere.” Yeukawo kuti nepo vabereki vane zvimiro zvavo zvokushatirwa, sezvingabvira panewo nguva apo vanofara, vanofadzwa, vanofarira kuva newe. Koshesa nguva idzodzo, uye dzishandise sebanza rokusakurira ukama hwakanaka navabereki vako. Kuchaita kuti nguva dzakaoma dzive dzisina kunyanya kuoma.
[Mashoko Omuzasi]
a Mamwe amazita akachinjwa.
b Iyi nyaya inobatana nechinjo dzomugariro dzomuzvarirwo idzo vanhu vazhinjisa vanowana. Vabereki vanotambura nhamo yomurangariro nemhaka yokuora mwoyo kwakakomba, kupindwa muropa nezvinwiwa zvinodhakisa kana kuti mirimo, kana kuti zvimwe zvirwere zvomumuviri nezvendangariro zvakakomba zvingada betsero yachiremba.
[Mufananidzo uri papeji 25]
Vabereki vanoshanda vanokuonga apo vana vavo vanovabatsira namabasa apamba