RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g93 12/8 pp. 8-10
  • Nyika Isina Hosha

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nyika Isina Hosha
  • Mukai!—1993
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvisakiso Zvehosha
  • Mushonga Chaiwoiwo
  • Maperero Achaita Kuremara
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • Upenyu Husina Kurwadziwa Hwava Pedyo!
    Mukai!—1994
  • Neiko Pane Kudzoka kweHosha “Dzinorapika”?
    Mukai!—1993
  • Nhenda—Chiratidzo Chomugumo Here?
    Mukai!—1997
Ona Zvimwe
Mukai!—1993
g93 12/8 pp. 8-10

Nyika Isina Hosha

“Mararia yakachenjera zvikuru kupfuura zvakambofungidzirwa nomunhu upi noupi,” inodaro nyanzvi yokudzivirirwa kwehosha Dr. Dan Gordon. “Tichiri kuedza kuwana mhinduro yayo.”

“TICHIRI vasingazivi zvakakwana pamusoro pechinoumba [utachiona hworurindi],” anodaro Barry Bloom wapaHoward Hughes Medical Institute. “Hatizivi zvizere mashandire anoita murimo upi noupi. Hatizivi chaizvoizvo.”

“Zivo haisati hayo ichichinja kuva chinjo yomufambiro,” anochema kudaro mutauriri weCenters for Disease Control, achicherekedza kundikano yenhimbe dze“vatano yakakotsekana” dzokuderedza njovhera. Sokuratidza kunoita kutaura kuri pamusoro apa, hondo dzokurwisana nemararia, rurindi, uye njovhera dzave dziri dzinokangaidza. Nguva yemberi ichaunza mishonga yakavandudzwa yeidzi hosha here?

Zvichida. Asi nepo munhu angakurira zvimwe zvirwere uye kuita kuti zvimwe zvive nyore zvikuru kurarama nazvo, pane chikonzero chikuru nei iye asingagoni kukunda chose chose hondo yokurwisana nehosha.

Zvisakiso Zvehosha

Hondo yokurwisana nehosha ihuru zvikuru kupfuura kungorwisanawo zvako nezvitandiri noutachiona. Bhaibheri rinotsanangura kuti hosha muuyo wechivi chakagarwa nhaka kuna baba vedu vokutanga vohunhu. (VaRoma 5:12) Chivi hachina kungokuvadza bedzi ukama hwomunhu noMusiki wake asi chakatungamirirawo kukuderera kwake mundangariro, mumurangariro, uye mumuviri. Nokudaro, panzvimbo pokupfuurira mukukwana muparadhiso yapasi, vanhu vakava vasina kukwana ndokuderera kutozosvikira rufu rwavakurira.—Genesi 3:17-19.

Kunyange nemishonga yakanakisisa, munhu haangagoni kuchinja mugariro wake wokutadza kana kuti miuyo yawo. Ichi chinetso chinosiya dzinza romunhu ra“kaiswa kukusava namaturo [“rakaganhurirwa zvikuru,” Phillips].” (VaRoma 8:20, NW) Uye ikoku ndekwechokwadi pamusoro pokukurira hosha. Fambiro mberi inoponesa upenyu mune zvemishonga inowanzodziviswa nokuputsika kunotyisidzira upenyu kwenzanga.

“Tinozviwana timene tiri muchinetso,” anonyora kudaro Jerold M. Lowenstein mumagazini inonzi Discover. “Kana tikava nebudiriro huru pakurwisa hosha uye kurebesa upenyu hwomunhu, bviro yokukurumidzisa kuparadzwa kwedu timene inotyisidzira zvikuru” nemhaka yechiverengero chakanyanyowandisa nokushatiswa kwemhoteredzo.

Mushonga Chaiwoiwo

Mushonga chaiwoiwo wehosha hausati une munhu asi une Musiki. Ndicho chikonzero nei wezvamapisarema akazivisa, kuti: “Regai kuvimba namachinda, kana nomwanakomana womunhu, usingagoni kubatsira.” Bhaibheri rinopfuurira kuti: “Unomufaro munhu uyo . . . unotarira kuna Jehovha Mwari wake. Iye, wakaita kudenga napasi.” (Pisarema 146:3, 5, 6) Mwari bedzi ndiye ane simba rokuparadza chirwere pachisakiso chacho. Uye mukuwirirana neBhaibheri, anoronga kuita kudaro. Nguva iyeyo iri kuswedera pedyo.

Jesu Kristu akadeya kuzivisa kuti “nhenda” dzaizova chimwe chohufakazi hwakawanda hwokuti tiri kurarama mumhedziso yetsika yazvino yezvinhu uye chinguvana pamberi pokuuya kwenyika itsva. Akadeyawo kuzivisa kuwedzera kwemigariro imene inowedzera hosha, zvakadai sehondo, kurumwa nenzara, uye kusateerera mutemo.—Ruka 21:11; Mateo 24:3, 7, 12; 2 Timotio 3:1-5, 13.

Apo iye akanga ari pasi pano, Jesu nomutoo wenenji akaporesa vanhu vanorwara, nokudaro achivamba kuzadzikwa kwouporofita, hunoti: “Wakatakura matenda edu, nokusimudza kurwadziwa kwedu.” (Isaya 53:4; Mateo 8:17) Nokudarokwo iye akaratidzira pamwero muduku izvo Mwari akaronga kupedza nokukurumidza pamwero wenyika yose. Pamusoro paJesu Bhaibheri rinoti: “Vanhu vazhinji vakauya kwaari navanokamhina, nezvirema, namapofu, nembeveve, navamwe vazhinji, vakavaisa pamberi paJesu; akavaporesa. Naizvozvo vanhu vazhinji vakashamiswa vachiona mbeveve dzichitaura, nezvirema zvapora, navanokamhina vachifamba, namapofu achiona.”—Mateo 15:30, 31.

Vanhu vakaona manenji iwayo vakarumbidza Mwari nemhaka yokuti ivo vakanzwisisa kuti akanga ari iye akanga apa Jesu simba rokuita manenji iwayo. Simba iro Jesu akawana rakanga rakafanana nesimba rakashandiswa mukusika chisiko chedu chose chinoisvoshamisa. Wakanga uri mudzimu mutsvene waMwari, simba rake rinobata basa.—Genesi 1:1, 2; Zvakazarurwa 4:11.

Muporofita Isaya akanyora nezvenguva apo “kusina mugari wemo achati: ‘Ndinorwara.’” (Isaya 33:24, NW) Uye Zvakazarurwa 21:4, 5, (NW) inozivisa, kuti: “‘[Mwari] uchapukuta musodzi uri wose pameso avo, uye rufu haruchazovipozve, uyewo kuchema kana kuti kurira kana kuti kurwadziwa hazvichazovipozve. Zvinhu zvekare zvapfuura.’ Uye Uyo agere pachigaro choumambo akati: ‘Tarirai! Ndiri kuita kuti zvinhu zvose zvive zvitsva.’”

Bhaibheri rinoratidza kuti tiri kurarama munguva yechinjo. (1 Johane 2:15-17) Nokukurumidza nyika ino, nechirwere chayo, rusuruvaro, utsotsi, masimba masimba, uye rufu, ichava chinhu chomunguva yakapfuura. Mwari achaibvisa nengwavaira dzayo dzose, achigadzirira nzira nyika itsva pano pasi pano, umo “kururama kuchagara.” (2 Petro 3:11-13, NW) Jesu akanongedzera kunyika itsva inouya iyeyo se“Paradhiso,” sezvo ichava yakafanana neParadhiso yebindu rapakuvamba reEdheni, pamwero bedzi wapasi rose.—Ruka 23:43; Genesi 2:7, 8.

Nokudaro maKristu ane tariro, kwete bedzi bedzi nokuda kwokurapwa kwechinguvana, asi nokuda kwokusunungurwa kwechigarire mukusakwana, hosha, uye rufu. Anotarisa mberi kuzadziko yakakwana yechipikirwa chaMwari, chinoti: “Ndini Jehovha anokuporesa.” “Zvamazvirokwazvo ndichabvisa hosha pakati pako.”—Eksodho 15:26; 23:25, NW.

[Mifananidzo iri papeji 9]

Jesu akapiwa simba naMwari rokumutsa vakafa nokuporesa vanorwara

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe