Upenyu Husina Kurwadziwa Hwava Pedyo!
KUSHANDA kusinganzwisisiki kwomuviri kunotidzivirira pakuvadziko chaizvoizvo ndichinoshamisa. Nzvero yakwo inofanira kutisunda kurumbidza Musiki, sezvakaita wezvamapisarema weBhaibheri uyo akanyora, kuti: “Ndichakuongai; nokuti ndakaitwa nomutoo unotyisa unoshamisa.” (Pisarema 139:14) Zvirokwazvo, Mwari bedzi anogona kuita kuti upenyu husina kurwadziwa hubvire! Asi ikoku kuchaitwa sei?
Cherekedza kuti pamberi chaipo pechipikirwa pamusoro pokurwadziwa uye misodzi zvichibviswa, Bhaibheri rinotiudza nezve“denga idzva nenyika itsva, nokuti denga rokutanga nenyika yokutanga zvakanga zvapfuura.” (Zvakazarurwa 21:1, 4) Chokwadika, Bhaibheri harisi kutaura nezvedenga redu chairoiro nepasi zvichipfuura. Panzvimbo pezvo, riri kuti, mukupfupikisa, tsika yezvinhu itsva chose chose ichatsiva iyi yazvino. Hungu, hurumende itsva, ine simba rinopfuura rohunhu ichaita kuti kubvirire kufarikanya upenyu husina kurwadziwa pasi pano chaipo.
Mukutsanangura iyi hurumende, Bhaibheri rinoti “Mwari wokudenga uchamutsa ushe [kana kuti, hurumende] . . . huchaputsanya nokuparadza ushe uhwo hwose, ihwo huchamira nokusingaperi.” (Dhanieri 2:44) Apo Jesu Kristu akanga ari pasi pano, akatidzidzisa kunyengeterera iyi hurumende yoUmambo apo akati: “Nyengeterai kudai: Baba wedu vari kudenga, zita renyu ngarikudzwe noutsvene. Ushe hwenyu ngahuuye, kuda kwenyu ngakuitwe panyika, sezvakunoitwa kudenga.”—Mateo 6:9, 10.
Kunyange zvakadaro, kuzadzika kwomunyengetero iwoyo kunogona sei kureva upenyu husina kurwadziwa nokuda kwako?
Mutongi Ane Simba Rinopfuura Rohunhu
Mhinduro iri muuchenjeri uye simba zvouyo Mwari akasarudza kutungamirira hurumende Yake. Iyeyu ndiJesu Kristu amene. Nezvake, uporofita hweBhaibheri hunoti: “Umambo huchava pafudzi rake; . . . kukura kwoumambo hwake nokworugare hazvina mugumo.”—Isaya 9:6, 7.
Uchenjeri hwaJesu, zvino ari kudenga, hukuru zvikuru kupfuura uhwo hwavanachiremba vose vapasi. Anonzwisisa zvizere kushanda kwomuviri wedu wenyama, kubatanidza gadziriro dzawo dzokuzvidzivirira umene pakuvadziko. Apo akanga ari munhu pasi pano anopfuura makore 1 900 apfuura, pakanga pasina hosha kana kuti kurwadziwa zvaaisagona kuporesa. Nokudaro akaratidzira zvaachaita pamwero mukuru zvikuru soMutongi woUmambo hwaMwari. Nezvechinoitika chimwe, Bhaibheri rinoti:
“Zvino vanhu vazhinji vakauya kwaari navanokamhina, nezvirema, namapofu, nembeveve, navamwe vazhinji, vakavaisa pamberi paJesu; akavaporesa. Naizvozvo vanhu vazhinji vakashamiswa vachiona mbeveve dzichitaura, nezvirema zvapora, navanokamhina vachifamba, namapofu achiona.” (Mateo 15:30, 31) Pakati pokurwadziwa uko Jesu achaporesa mukati mokutonga kwoUmambo hwake pachava nouko kwakakomba, kurwadziwa kusingarapiki.
Zvamazvirokwazvo, ichecho chichava chikomborero chinoshamisa zvakadini! Uye hakuzoitirwi vashomanene chete. Chipikirwa choMusiki ndechokuti: “Hakuna ugeremo, uchati: Ndinorwara.” (Isaya 33:24) Ipapo, mukutonga kwoUmambo hwaMwari, chipikirwa chichazadzika, chokuti, “kana kuti . . . kurwadziwa hazvichazovipozve.”—Zvakazarurwa 21:4, NW.
Mukutonga kune mbiri kwoUmambo kwaKristu, kushanda kuzhinji kwomuviri wedu, kubatanidza uko kunotidzivirira pakuvadziko, kuchashanda zvakakwana nemhaka yokuti chivi chakagarwa nhaka chichave chabviswa. Gadziriro yedu yomuviri yokunzwa kurwadziwa haizotongochinji zvakare kuva mutambudzi. Nomufaro, mukuwirirana nouporofita hweBhaibheri zvino huri kuzadzika, tava pachikumbaridzo chaipo penyika itsva, umo kurwadziwa kusati kuchizotongoparira kutambura.—Mateo 24:3-14, 36-39; 2 Timotio 3:1-5; 2 Petro 3:11-13.
Unogona kufarikanya upenyu muUmambo hwaMwari apo rudzi rwokurwadziwa zvino ruri kutambudza mamiriyoni avanhu rusati ruchiripozve. Asi unofanira kuita chimwe chinhu. Jesu Kristu akanongedzera kuchinodikanwa chinokosha apo akati mumunyengetero kuna Mwari: “Ikoku kunoreva upenyu husingaperi, kupinza kwavo zivo yenyu, imi Mwari woga wechokwadi, uye youyo wamakatuma, Jesu Kristu.”—Johane 17:3, NW.
Zvapupu zvaJehovha zvichafara kukubatsira kuwana iyi zivo inokosha. Ingobvunza mumwe wazvo munharaunda yako, kana kuti nyorera vabudisi vamagazini ino, uchitaura chishuvo chako chokuva nefundo yeBhaibheri mumusha mako kana kuti pane imwe nzvimbo ipi neipi yakakodzera. Gadziriro ipapo dzichaitwa dzokuti udzidze zvakawanda zvikuru pamusoro pamadonzo aMwari nokuda kwavanhu kuti vafarikanye upenyu husina kurwadziwa.