RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w90 7/15 pp. 3-6
  • Nokukurumidza—Nyika Isina Marwadzo!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nokukurumidza—Nyika Isina Marwadzo!
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mwari Anofanira Kushorwa Here?
  • Kuguma Kuchaita Marwadzo
  • Mugumo Wamarwadzo Uchavapo Rini?
  • Kurwadziwa Kusingazovipozve
    Mukai!—1994
  • Kunopfuura Muvengi Ane Utsinye
    Mukai!—1994
  • Fambiro Mberi Mukurapa Kurwadziwa
    Mukai!—1994
  • Zvakazarurwa 21:4—“Achapukuta Misodzi Yese”
    Kutsanangurwa Kwemavhesi
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
w90 7/15 pp. 3-6

Nokukurumidza—Nyika Isina Marwadzo!

NYIKA isina marwadzo iri kuuya nokukurumidza here? Iwayo aizova mashoko anofadza zvakadini kuvatamburi venguva refu—kana marwadzo avo ari omuviri, endangariro, kana kuti emifungo! Somuenzaniso, mamirioni aizofadzwa zvikuru nokubviswa kwamarwadzo makuru omuviri anoparirwa namarudzi akati ekenza, kurwadza kukuru kwetsinga dzomuchiso, uye hosha yomwoyo inoparira marwadzo makuru. Avo vanorwadziwa nezvinetso zvakakomba zvendangariro vangafarira nyaradzo mukutambura kwavo kunowanzova kusingarondedzereki. Uye mamwe mamirioni aizofara kana bedzi marwadzo awo emirangariro anoparirwa nemirangariro yakadai sorutyo, nhamo, kuva nemhaka, kunetseka, uye kangaidziko akagumiswa. Asi tinoda chaizvoizvo here kuona mugumo wamarwadzo ose?

“Kusatongova namarwadzo ingwavaira,” inodaro nyanzvi yamativi omuviri Allan Basbaum weUniversity of California paSan Francisco. Iye akataura ikoku nechikonzero chakanaka. Sechinhu chinozivisa ngozi, marwadzo omuviri anoita kuti tizive kuti chimwe chinhu chinokuvadza chiri kuitika.

Kusakwanisa kunzwa marwadzo omuviri kunogona kuva chaizvoizvo kune ngwavaira. Ikoku kunoenzanisirwa muuyu mushumo wamagazini eTime: “Nyemwerero yakanaka yomukomana ane makore gumi namaviri okukura inoita musiano unorwadza nezvisizvo nechitarisiko chake chinosiririsa. Maoko ake namakumbo zvakaremara uye zvakagonyana, sokunge akanga atambura nehosha yokupfava kwamafupa avana. Minwe inoverengeka haipo. Ronda guru rakazaruka rinofukidza ibvi rimwe, uye miromo inonyemwerera inorumwa kusvikira isisina ganda. Iye anotsvaka nyika yose kufanana nomwana anorohwa . . . Iye akaberekwa ane perevedzo yechienzi zvikuru yamavara anogarwa nhaka iyo inomuita kuti asanzwe marwadzo. Minwe yake yakapwanywa kana kuti zvimwe yakapiswa nemhaka yokuti haana kudhonza ruoko rwake muzvinhu zvakanga zvichipisa kana kuti zvine ngozi. Mafupa ake namapfundo zvakashata nemhaka yokuti akazviponda zvakaoma zvikuru apo akafamba kana kuti kutiza. Ibvi rake rakanga raita mamota nokukambaira pazvinhu zvinopinza izvo aisagona kunzwa. Kana iye akavhuna fupa kana kuti kuminyuka chiuno, haanganzwi zvakakwana kudanidzira nokuda kwebetsero.”

Vamwe vanhu vanokurumidza kurangarira kuti Mwari ane mutoro wamarwadzo akadaro uye wenhamo inowanwa namamirioni. Zvisinei, tinogona here kushora Mwari nomazvo nokuda kwokutambura kunorwadza kworudzi rwomunhu?

Mwari Anofanira Kushorwa Here?

Kwamakore 6 000 zvino, rudzi rwomunhu rwave rwuri muusungwa kumarwadzo omuviri, endangariro, uye emirangariro. Kutaura idi, mazana amakore 19 apfuura, muapostora wechiKristu Pauro akati nomazvo: “Chisikwa chose chinoramba chichigomera pamwe chete nokuva mumarwadzo pamwe chete kusvikira zvino.” (VaRoma 8:22, NW) Pasinei zvapo nezvinoderedza marwadzo zvakawanda zvinowanika kuzvitoro zvemirimo nenhamburiko dzavanachiremba navanachiremba vendangariro, usungwa hwakapararira kumarwadzo amarudzi ose hunopfuurira. Chokwadi, vamwe vakatuka Mwari nemhaka yokutambura kwavo, kunyange sezvo mudzimai womurume Jobho akamukurudzira kuita mazana amakore akawanda apfuura! Seizvo iye amene akaziva, zvisinei, mudzimu wakadaro upenzi uye hauna kufanira.—Jobho 2:9, 10.

Usungwa hwazvino hwavanhu kumarwadzo haugoni nomazvo kushorwa pana Mwari. Panzvimbo pezvo, kushora kuri pamurevi wenhema asingaoneki uye pavabereki vedu vokutanga. Seiko?

Magwaro anoratidzira kuti kunyange zvazvo chakanga chakarurama pakuvamba, chisikwa chomudzimu chakava namakore esimba noutanhamari. Pamavambo oupenyu hwavanhu pasi pano, iye akaisa muchiono dzinza rorudzi rwomunhu paparadhiso yapasi, vose vachipa kuzvipira kwakazara kuna Mwari Wamasimba ose, Jehovha. Chasundwa nomwoyo wakanga wava wakaipa, ichi chisikwa chomudzimu chakapandukira Musiki, chichida kunamata kwavanhu nokuzvipira nokuda kwacho chimene. Vavariro dzacho dzakaipa dzakazviratidzira dzimene apo icho chakareva nhema nenzira yokunyengera. Ikokuwo kwakaunza chivi munyika.

Jehovha Mwari akaudza murume wokutanga, Adhama, kuti kudya muchero womumuti wezivo yechakanaka nechakashata kwaizoguma norufu. (Genesi 2:15-17) Asi mudzimai waAdhama, Evha, akanyengerwa kuti asateerera. Achishandisa nyoka somutauriri, Munyengeri womudzimu akamuudza, kuti: “Zvamazvirokwazvo hamusati muchizofa. Nokuti Mwari anoziva kuti muzuva rimene rokudya kwenyu mauri meso enyu [ayo aEvha nomurume wake] anosungirwa kusvinudzwa uye [mose muri vaviri] munosungirwa kuva vakafanana naMwari, muchiziva chakanaka nechakashata.” (Genesi 3:1-5, NW) Iyoyo yakanga iri nhema yokutanga, uye iyo yakaratidzira ichi chisikwa chomudzimu chakaipa sa‘baba venhema.’ (Johane 8:44) Kushandisa kwake nyoka panguva iyoyo mubindu reEdheni kunowana wirirano mukuziviswa kwake muMagwaro se“nyoka yapakuvamba, inonzi Dhiabhorosi naSatani.”—Zvakazarurwa 12:9.

Chivi chakaunza kugomera nousungwa kumarwadzo parudzi rwomunhu. Mukuwirirana neshoko raMwari, pazuva rimene rokutadza kwaAdhama, Mwari akataura tongero yorufu pavadariki. Mukutonga, mumurangariro waJehovha, Adhama naEvha vakafa zuva iroro. (Enzanisa naRuka 20:37, 38.) MuEdheni, Jehovha akaudza mukadzi wokutanga anotadza panguva iyoyo, kuti: “Ndichawanza zvikuru kurwadziwa kwako nokutora mimba kwako; uchabereka vana uchirwadziwa.” (Genesi 3:16) Adhama aizowedzera kuvapo kunorwadza kunze kwebindu reEdheni mupasi riri kure nokuva paradhiso mumugariro. Jehovha akati: “Uchadya zvokudya zvako neziya rechiso chako kusvikira uchidzokera kuvhu; nokuti wakatorwa kwariri. Zvauri guruva uchadzokerazve kuguruva.” (Genesi 3:17-19) Usungwa kumarwadzo nokudaro hwakava namavambo ahwo nokuda kwedzinza romunhu.

Naizvozvo, ipapoka, usungwa kumarwadzo hwakabatanidzwa nokusakwana, chivi, uye rufu zvakagarwa nhaka kuna Adhama. Muapostora Pauro akataura zvinhu, achiti: “Kupfurikidza nomunhu mumwe chivi chakapinda munyika uye rufu kupfurikidza nechivi, uye nokudaro rufu rwakapararira kuvanhu vose nemhaka yokuti vose vakanga vatadza.” (VaRoma 5:12, NW) Asi Shoko raMwari rinotibetsera kutsungirira marwadzo, nokuti iro rinotiudza chikonzero nei Jehovha akaabvumidza uye rinotipikira kuti achakurumidza kuguma. Mwari akabvumidza ‘baba venhema’ wenyoka, Satani Dhiabhorosi, kurwadza Jobho akarurama uye nokudaro kuedza perero yake. Kakavaro yaDhiabhorosi yakanga iri yokuti Jobho aibatira Mwari noudyire, kwete norudo. (Jobho 1:8-12) Asi Jobho akaramba akatendeka kuna Mwari, achibvumikisa kuti vanhu vasina kukwana vanogona kubatira Iye nokuda kworudo uye vanogona kutsigira noruvimbiko uchangamire Hwake pasinei zvapo nemiedzo yakakomba yokutenda kwavo. Tsungiriro yaJobho somuchengeti weperero yakagovera kukutsveneswa kwezita raJehovha, kwakabvumikisa kuti Satani murevi wenhema, uye kwakaunza tuso dzakapfuma kuna tateguru iyeyo womuenzaniso. (Jobho 42:12-17; Jakobho 5:11) Kubva muchinoitika chaJobho, isu tinogona kugumisa kuti apo donzo raMwari rinenge rabatirwa, usungwa hworudzi rwomunhu kumarwadzo huchaguma. Asi tinogona sei kuva nechokwadi pamusoro paikoko?

Kuguma Kuchaita Marwadzo

Zvomenemene, Jehovha akagovera mutoo unobudirira chose chose wokugumisa nawo usungwa hwavanhu kumarwadzo. Akaita ikoku pahwaro hwechibairo chorudzikinuro choMwanakomana wake, Jesu Kristu. Jesu ndiye “Gwaiana raMwari richabvisa chivi chenyika.” (Johane 1:29, NW) Iye akauya kupasi, “kwete kuzoshumirwa, asi kuzoshumira nokupa mweya wake [upenyu hwake hwohunhu hwakakwana] sorudzikinuro mutsinhano nokuda kwavazhinji.” (Mateo 20:28, NW) Kupfurikidza nokusateerera, Adhama akarasikirwa noupenyu hwohunhu hwakakwana, namaruramiro ahwo ose nekariro. Uye ichocho ndicho zvomenemene chinodzikinurwa kupfurikidza nechibairo chorudzikinuro chaJesu. (1 Timotio 2:5, 6; VaHebheru 7:26) Zvamazvirokwazvo, “Mwari akada nyika [yorudzi rwomunhu] zvikuru kwazvo zvokuti iye akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi, kuti munhu ari wose anoshandisa kutenda maari agorega kuparadzwa asi ave noupenyu husingaperi.”—Johane 3:16, NW.

Mwari akapikirawo zvakananga kuti usungwa kumarwadzo huchaguma. Achideya kutaura nguva apo marwadzo akabatanidzwa nechivi asati achizovapo, muapostora wechiKristu Johane akafuridzirwa nenzira youmwari kunyora, kuti:

“Ndakaona denga idzva nepasi idzva; nokuti denga rokutanga nepasi rokutanga zvakanga zvaparara, uye gungwa harisati richisipo. . . . Ndakanzwa inzwi guru richibva pachigaro choumambo richiti: ‘Tarira! Tendi yaMwari ine rudzi rwomunhu, uye iye achagara navo, uye ivo vachava marudzi ake. Uye Mwari amene achava navo. Uye iye achapukuta misodzi iri wose pameso avo, uye rufu haruchazotongovipozve, uyewo kuchema kana kuti kurira kana kuti kurwadziwa hazvichatongovipozve. Zvinhu zvokutanga zvaparara.’ Uye Uyo akagara pachigaro choumambo [Jehovha Mwari] akati: ‘Tarira! Ndiri kuita kuti zvinhu zvose zvive zvitsva.’ Uyewo, iye anoti: ‘Nyora, nemhaka yokuti mashoko awa akatendeka uye ndeechokwadi.’”—Zvakazarurwa 21:1-5, NW.

Vanhu vanoteerera vachakurumidza kugamuchira betsero yakazara yechibairo chorudzikinuro chaJesu. Ikoku kuchaitika mukutonga kwoUmambo uhwo vakarurama vanguve vachinyengeterera, vachiti: “Baba vedu vari mumatenga, zita renyu ngaritsveneswe. Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitike, somudenga, uyewo pasi pano.” (Mateo 6:9, 10, NW) MuUmambo hwokudenga, Jesu Kristu achatonga kutozosvikira aisa vavengi vose pasi petsoka dzake, kubatanidza usungwa kumarwadzo nomuvengi wokupedzisira, rufu.—1 VaKorinte 15:25, 26.

Hungu, kana toreva nezvavanhu vanoteerera, nokukurumidza Mwari ‘achapukuta musodzi uri wose, uyewo rufu, kuchema, kurira kana kuti marwadzo hazvisati zvichizotongovapozve.’ (Zvakazarurwa 21:4) Ipapo mashoko ouporofita anotevera ayo zvino anokushanda kwomudzimu achavawo nezadziko chaiyoiyo: “Rumbidza Jehovha, mweya wangu, . . . iye, unokanganwira zvakaipa zvako zvose, unoporesa kurwara kwako kwose.” “Hakuna mugari achati: ‘Ndinorwara.’”—Pisarema 103:1-3; Isaya 33:24.

Mugumo Wamarwadzo Uchavapo Rini?

Mugumo wousungwa kumarwadzo wava pedyo. Hungu, uchaitika muzuva redu, uye chizvarwa chino chimene chichauona. Zadziko youporofita hweBhaibheri inoratidza kuti tiri kurarama pamugumo petsika ino yakaipa yezvinhu. Hondo, nzara, uye kudengenyeka kwapasi zvisina muenzaniso, pamwe chete nokuparidzirwa mupasi rose kwamashoko akanaka kunoitwa neZvapupu zvaJehovha, rutivi rwe“chiratidzo” chakaumbwa nezvakawanda cho“kuvapo” kusingaoneki kwaJesu mumbiri yoUmambo hwokudenga.—Mateo 24:3-14, 21, 34.

Nokukurumidza, “denga rokutanga nepasi rokutanga,” tsika yaSatani Dhiabhorosi yakarongwa yezvinhu nokuumbwa kwayo kwehurumende, zvichapfuura. “Gungwa” rakabvongodzwa rorudzi rwomunhu rwakaipa richaguma kuvapo. Isu naizvozvo takamira pachikumbaridzo chimene che“denga idzva” pamusoro pe“pasi idzva” zvehurumende yakakomborerwa nenzira youmwari, chaunga chavanhu chakarurama. Muna izvozvo “kururama kuchagara.”—Zvakazarurwa 21:1; 2 Petro 3:13, NW.

Nezvikomborero zvakadaro muhurumende itsva—Umambo hwaMwari—hwava pedyo kwazvo, shinga. Tsvaka imwe zivo yenyika itsva isina marwadzo norufu. Zvamazvirokwazvo, tarira mberi kuzuva rakakomborerwa zvino rava pedyo kwazvo apo vose vanoda uye vanoteerera Jehovha Mwari vachararama munyika isina marwadzo.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe