RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g94 7/8 pp. 22-24
  • Kurwadziwa Kusingazovipozve

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kurwadziwa Kusingazovipozve
  • Mukai!—1994
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Nhamburiko Dzokunzwisisa Kurwadziwa
  • Zvose Zviri Zviviri Ndangariro noMuviri Zvinobatanidzwa
  • Nzira Iyo Kunzwa Kwokurwadziwa Kunogona Kuvandudzwa Nayo
  • Fambiro Mberi Mukurapa Kurwadziwa
    Mukai!—1994
  • Kunopfuura Muvengi Ane Utsinye
    Mukai!—1994
  • Nokukurumidza—Nyika Isina Marwadzo!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Upenyu Husina Kurwadziwa Hwava Pedyo!
    Mukai!—1994
Ona Zvimwe
Mukai!—1994
g94 7/8 pp. 22-24

Kurwadziwa Kusingazovipozve

KURWADZIWA kuchabviswa mukuzadzika kwechipikirwa cheBhaibheri kuchava kurwadziwa kunonzwiwa somuuyo wokusakwana kwomunhu wokutanga. Uku kurwadziwa kunobatanidza chinogona kurondedzerwa sokurwadziwa kusingarapiki.

Panzvimbo pokuva gadziriro inonyevera yehosha kana kuti kuvadziko, kurwadziwa kusingarapiki kwakafananidzwa ne“bhero renhema” risingadzimi. Ndiko uku kurwadziwa kunoparira vatamburi kupedza mabhiriyoni amadhora gore negore mukutsvakwa kwenyaradzo, uye kunoparadza upenyu hwamamiriyoni.

Nyanzvi yokurwadziwa Dr. Richard A. Sternbach akanyora, kuti: “Mukusafanana nokurwadziwa kwakakomba, kurwadziwa kusingarapiki hakusi chiratidzo; kurwadziwa kusingarapiki hakusi chiratidzo chinonyevera.” Emergency Medicine inosimbisa, kuti: “Kurwadziwa kusingarapiki hakutongorina donzo.”

Nokudaro, vanachiremba vazhinji mumakore achangobva kupfuura vakasvika pakurangarira kurwadziwa kwakadaro sokutambura chaiko makuri kumene. “Mukurwadziwa kwakakomba kurwadziwa chiratidzo chehosha kana kuti kuvadziko,” anotsanangura kudaro Dr. John J. Bonica muThe Management of Pain, bhuku rinoshandiswa ranhasi rinogamuchirwa pamusoro pokurwadziwa. “Mukurwadziwa kusingarapiki kurwadziwa kumene ndiyo hosha.”

Nhamburiko Dzokunzwisisa Kurwadziwa

Kurwadziwa kuchiri kusinganzwisiswi zvizere. “Nyengedzo isingagumi yokuedza kunzwisisa icho chiri kurwadziwa,” inodaro magazini yeAmerican Health, “yakaita kuti masayendisiti ashande zvikuru.” Makumi amakore mashomanene apfuura, vaifungidzira kuti kurwadziwa kwakanga kuri chimiro chepfungwa, kufanana nokuona, kunzwa, uye kubata, izvo zvinonzwiwa nemigumo yetutsinga chaitwo twokunzwa twuri muganda uye kunoendeswa kuuropi kupfurikidza netsinga dzakati. Asi uyu murangariro wokunyanyopfaviswa kwokurwadziwa wakawanikwa usiri wechokwadi. Seiko?

Chimwe chinhu chakatungamirira kunzwisiso itsva chaiva fundo yomumwe musikana akanga asina pfungwa yokurwadziwa. Pashure porufu rwake muna 1955, nzvero youropi hwake uye gadziriro yotutsinga twokunzwa zvakatungamirira kumurangariro wose mutsva wechisakiso chokurwadziwa. Vanachiremba “vakatsvaka migumo yetutsinga twokunzwa,” inotsanangura kudaro The Star Weekly Magazine, ya July 30, 1960. “Kana [iye] akanga asina ipi neipi, ikoku kwaizoparira kusanzwa kurwadziwa kwouyu musikana. Asi misoro yetutsinga twokunzwa yakanga iripo uye yakakwana zviri pachena.

“Tevere, vanachiremba vakanzvera tutsinga twokunzwa tunofungidzirwa kubatanidza migumo yetutsinga twokunzwa nouropi. Pano, zvirokwazvo, urema hwaizowanwa. Asi hauna. Tutsinga twose twakanga twakakwana, sezvaigona kuonwa, kunze kwoutwo twakanga twashata nemhaka yekuvadziko.

“Pakupedzisira, nzvero dzakaitwa muuropi hwomusikana uye, zvakare, hapana rudzi rupi norupi rwourema rwaigona kusimbiswa. Mukuwirirana nezivo yose nerondedzero zviripo, musikana uyu anofanira kuve ainzwa kurwadziwa nomutoo womuzvarirwo, bva aisagona kunzwa kunyange kunyeredza.” Akanga, zvisinei, achigona kunzwa dzvinyiriro apo inoitwa paganda uye aigona kutsauranisa pakati pokugunzva kwomusoro wepini uye muromo wepini, kunyange zvazvo kubaya kwepini kwaisakuvadza.

Ronald Melzack, uyo muma 1960 akatanga rondedzero itsva yakakurumbira yokutsanangura kurwadziwa, anogovera mumwe muenzaniso wokusanzwisisika kwako. Akatsanangura, kuti: “Mai Hull vakaramba vakanongedzera kugumbo ravo rakanga risipo [rakanga ragurwa], uye achirondedzera marwadzo anopisa ayo ainzwika sefukuso yakatsvuka kuti piriviri nomwoto iri kupinzwa muzvigunwe zvake.” Melzack akaudza magazini yeMaclean’s muna 1989 “kuti achiri kutsvaka tsananguro dzeicho anoti kurwadziwa ‘kwegumbo rakagurwa.’” Mukuwedzera, kune kunonzi kurwadziwa kwenongedzero, umo munhu anganzwa kusashanda zvakanaka mumutezo mumwe womuviri asi anonzwa kurwadziwa kune mumwe.

Zvose Zviri Zviviri Ndangariro noMuviri Zvinobatanidzwa

Kurwadziwa zvino kunoziviswa se“kushandira pamwe kusinganzwisisiki zvikuru kwendangariro nomuviri.” Mubhuku rake ra 1992 rinonzi Pain in America, Mary S. Sheridan anoti “kutambura kurwadziwa kune chokuita zvikuru kwazvo nendangariro zvokuti ndangariro inogona padzimwe nguva kuramba kuvapo kwakwo uye padzimwe nguva inokuvamba ndokukuchengeta kwenguva refu pashure pokunge kuvadziko yakakomba yapera.”

Chimiro chendangariro chomunhu, kupa ngwariro, hunhu, kutapurwa nechikarakadzo, uye zvimwe zvinhu zvose zvinokosha mukuita kwomumwe kukurwadziwa. “Rutyo nokufunganya zvinoparira kuita kwokukatutsira,” yakacherekedza kudaro nyanzvi yokurwadziwa Dr. Bonica. Nokudaro, mumwe angadzidza kunzwa kurwadziwa. Dr. Wilbert Fordyce, purofesa woruzivo rwendangariro uye ane unyanzvi muzvinetso zvokurwadziwa, anotsanangura, kuti:

“Mubvunzo hausiri kana kurwadziwa kuri chaikoiko. Chokwadika kuri chaikoiko. Mubvunzo ndowokuti zvinhui zvinokosha zvinokukuchidzira. Kana ndikataura newe pamberi chaipo pokudya kwamasikati pamusoro pesamunjisi renyama, unorwera rute. Kuri chaikoiko zvikuru. Asi kunoitika nemhaka yerovedzo. Hapana samunjisi renyama ipapo. Vanhu vanotapurika zvikuru nerovedzo. Kunopesvedzera mufambiro womunzanga, kurwera rute, sundo yeropa, kumhanya kwokugaiwa kwezvokudya, marwadzo, marudzi ose ezvinhu.”

Sezvo mirangariro yako nechimiro chendangariro zvichigona kukudza kurwadziwa, zvinogona kukudzvinyirira kana kuti kukuderedza. Rangarira somuenzaniso: Mumwe muvhiyi wetsinga dzokunzwa akati sepwere akamboda zvikuru musikana apo anga akagara naye pamadziro eaizi zvokuti haana kunzwa kutonhora zvikuru kana kuti kurwadziwa kumagaro ake. “Ndakadokuwoma nechando,” akatsanangura kudaro. “Tinofanira kuve takanga tagarapo kwamaminiti 45, uye handina kutongonzwa kutonhora.”

Mienzaniso yakadaro mizhinji. Vatambi venhabvu vari kubatanidzwa zvikuru mumutambo kana kuti varwi vari mukurwa kukuru vangakuvadzwa zvakakomba uye bva vanganzwa kurwadziwa kushomanene kana kuti kusatongokunzwa panguva iyoyo. Mupanguri weAfrica akatanhamara David Livingstone anodudza nezvokudenhwa neshumba yakamuzunza “sezvinoita imbwa kugonzo. Kukaruka . . . kwakaparira kunenge kurota umo maisava nokurwadziwa.”

Kunoshamisa kuti vabatiri vaJehovha Mwari, avo vanotarira nokuterama kwaari nechivimbo chakazara uye rutsamiro, padzimwe nguva vakavawo nechinoitika chokurwadziwa kwavo kuchiva kunodzvinyirirwa. “Kunyange zvazvo kungaratidzika kuva kunoshamisa,” anoshuma kudaro mumwe muKristu uyo akarohwa, “pashure pezvibhakera zvishomanene zvokutanga, handina chaizvoizvo kuzvinzwazve. Panzvimbo pezvo, kwaiita sokunge ndaizvinzwa bedzi, kufanana nokurira kwengoma kuri kure.”—February 22, 1994, Mukai! yechiNgezi, peji 21.

Nzira Iyo Kunzwa Kwokurwadziwa Kunogona Kuvandudzwa Nayo

Mukuedza kutsanangura mamwe mativi akavanzika okurwadziwa, muna 1965 purofesa woruzivo rwendangariro, Ronald Melzack, uye purofesa wemitezo yomuviri, Patrick Wall, akatanga rondedzero yokurwadziwa yokudzorwa kwesuo inogamuchirwa kwakafara. Muchinyorwa cha 1990 chebhuku rinoshandiswa pamusoro pokurwadziwa raDr. Bonica rakati iyi rondedzero yakanga iri “pakati pefambiro mberi dzinokosha zvikurusa mune zvokunzverwa kwokurwadziwa nokurapwa.”

Mukuwirirana nerondedzero yacho, kuvhurika uye kuvharika kwesuo rokufungidzira mumuzongoza kunobvumira kana kuti kuvhara kupfuura kwezviratidzo zvokurwadziwa zvinoenda kuuropi. Kana kunzwa kusiri kurwadziwa kukavhara suo racho, ipapo zviratidzo zvokurwadziwa zvinosvika uropi zvingaderera. Nokudaro, somuenzaniso, kurwadziwa kunoderedzwa nokukwiza kana kuti kuzunguza zvishoma chigunwe chatsva, sezvo zviratidzo zvisiri izvo zvokurwadziwa nokudaro zvinotumirwa kumuzongoza kuti zvidzongonyedze kupfuura kwezviratidzo zvokurwadziwa.

Kuwana muna 1975 kwokuti miviri yedu inobudisa zvinhu zvakaita semorphine zvinonzi maendorphin kwakabetserazve munzvero yokunzwisisa mativi akavanzika okurwadziwa. Somuenzaniso, vamwe vanhu vangava nokunzwa kuduku kwokurwadziwa kana kuti kusatongova nako nemhaka yokuti vanobudisa maendorphin akawandisa. Maendorphin angatsanangurawo chakavanzika chechikonzero nei kurwadziwa kuchideredzwa kana kuti kunyange kubviswa neacupuncture, mutoo wokurapa umo tsono dzakanyanyotetepa zvikuru dzinopinzwa mumuviri. Mukuwirirana nemishumo yezvapupu zvakaona, kuvhiyiwa kwomwoyo kwave kuchiitwa apo murwere akamuka, akasvinura, uye akazorora kupfurikidza nokushandisa acupuncture sechinoderedza kurwadziwa bedzi! Neiko kwakanga kusina kurwadziwa kunonzwika?

Vamwe vanodavira kuti tsono dzinganyandura kubudiswa kwamaendorphin anobvisa kwechinguvana kurwadziwa. Imwe bviro ndeyokuti acupuncture inoderedza kurwadziwa nemhaka yokuti tsono dzinonyandura tutsinga utwo tunotumira zviratidzo zvisiri kurwadziwa. Izvi zviratidzo zvinovhara masuo mumuzongoza, zvichidzivisa zviratidzo zvokurwadziwa kutsvikinyidzira kusvika kuuropi, uko kurwadziwa kunonzwika.

Rondedzero yokudzorwa kwesuo, uye idi rokuti muviri unobudisa zvinoderedza kurwadziwa zvawo umene, zvinogonawo kutsanangura chikonzero nei chimiro chendangariro, mifungo, uye mirangariro zvomunhu zvichitapura mwero wokurwadziwa kunonzwiwa. Nokudaro, kukaruka kwokudenhwa kwakamwe kamwe neshumba kungava kwakanyandura kubudiswa kwamaendorphin kwaLivingstone, pamwe chete nokuzadza muzongoza wake nezviratidzo zvisiri zvokurwadziwa. Kunzwa kwake kwokurwadziwa, somuuyo, kwakaderedzwa.

Bva, sezvacherekedzwa pakuvamba, chimiro chendangariro chomunhu uye mirangariro zvinogona kuva nomuuyo wakasiyana. Nhamo huru zvikurusa yezuva riri rose youpenyu chaihwoihwo hwazvino uno ingawedzera kunzwa kurwadziwa kwomunhu nokubudisa funganyo, dzvinyiriro, uye kuomarara kwetsandanyama.

Nomufaro, zvisinei, vatamburi vokurwadziwa vane chikonzero chechivimbo. Ikoku kuri nemhaka yokuti varwere vazhinji zvino vari kubetserwa nemitoo yakavandudzwa yokurapa. Idzi vandudziko dzakabva mukunzwisiswa kuri nani kweichi chinetso chakakomba. Dr. Sridhar Vasudevan, purezidhendi weAmerican Academy of Pain Medicine, akatsanangura, kuti: “Pfungwa yokuti kurwadziwa kunogona pane dzimwe nguva kuva hosha mairi imene yakashandura kurapa muma 1980.”

Kurapwa kwokurwadziwa kwakashandurwa sei? Kurapai kuri kubvumikisa kuva kunobudirira?

[Mufananidzo uri papeji 24]

Ko acupuncture inoderedzakana kuti kubvisa kurwadziwa sei?

[Kwazvakatorwa]

H. Armstrong Roberts

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe