RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g94 8/8 pp. 3-4
  • Zvikoro Zviri Munjodzi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvikoro Zviri Munjodzi
  • Mukai!—1994
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Masimba Masimba Omuzvikoro
  • Vabereki—Ivai Mutsigiri Womwana Wenyu
    Mukai!—1994
  • Kutsvaka Dzidzo Yakanaka
    Mukai!—1996
  • Chii Chiri Kuitika Muzvikoro Nhasi?
    Mukai!—1996
  • Kudzidzisa—Kuedza Kwaunoita uye Ngozi Dziripo
    Mukai!—2002
Ona Zvimwe
Mukai!—1994
g94 8/8 pp. 3-4

Zvikoro Zviri Munjodzi

Vabereki vanoendesa vana vavo kuchikoro kundodzidza zvinopfuura kurava, kunyora, uye nhamba. Vanokarira zvikoro kugovera dzidzo yakakwana kwazvo, iyo inoshongedzera vechiduku kukura kuva vanhu vakura avo vabereki vanogona kudada navo. Asi kariro yavo inowanzosazadzikwa. Neiko? Nemhaka yokuti zvikoro munyika yose zviri munjodzi.

MUNYIKA dzakawanda kushayikwa kwezvose zviri zviviri mari navadzidzisi kunopinza dzidzo yavana mungozi. Somuenzaniso, muUnited States yose, derero mune zvemari yamakore achangobva kupfuura aya yakagombedzera zvikoro kuisazve mabutiro pa‘mabhuku anofundwa ekare, kurega purasita yesirin’i ichikoromoka, kubvisa makirasi ounyanzvi hwokugadzira zvinhu nepurogiramu dzemitambo, kana kuti kupfiga kwamazuva akati paimwe nguva,’ inodaro magazini yeTime.

MuAfrica, migove yedzidzo haina kukwana nenzira yakafanana. Mukuwirirana neDaily Times yeLagos, nyika yeNigeria inongova bedzi nomudzidzisi mumwe nokuda kwavadzidzi 70 vari vose, “nebviro yakasimba yokuti mudzidzisi mumwe muvatatu vari vose haakwaniriswi.” MuSouth Africa—kunze kwokuperevedza kwavadzidzisi—makamuri ekirasi akatsikinyidziranwa nokusaterama kwezvamatongerwe enyika zvinoparira kuicho South African Panorama inoidza kuti “nyongano muzvikoro zvavatema.”

Chokwadika, chikoro chine vadzidzisi vakakwana nechakasanoshongedzwa hachivimbisi budiriro yedzidzo. MuAustria, somuenzaniso, chinodokuva chikamu chimwe chezvitatu chavane makore 14 okukura sezvakashumwa hachigoni kuita svomhu dzakapfava kana kuti kurava zvakanaka. MuBritain, mwero yokupasa yavadzidzi munhamba, sayenzi, uye mutauro worudzi iri “mushure meiyo yemuGermany, France neJapan,” inodaro The Times yeLondon.

MuUnited States, vadzidzisi vanonyunyuta kuti kunyange zvazvo vadzidzi vachiwana mamakisi akanaka mubvunzo, vakawanda vanoramba vasingakwanisi kunyora nhauro yakanaka, kupedza zvinetso zvamasvomhu, kana kuti kugadzirira kupetwa kwamapfundo anokosha ezvidzidzo zvakasiyana-siyana kana kuti mabhuku. Naizvozvo, zviremera zvedzidzo kupota nyika yose zviri kurangarirazve zvose zviri zviviri zvifundo zvechikoro nemitoo zvinoshandiswa kuwana fambiro mberi yomudzidzi.

Masimba Masimba Omuzvikoro

Mishumo inozivisa mwero unotyisa nounowedzera wamasimba masimba muzvikoro. MuGermany, musangano wavadzidzisi wakaudzwa kuti 15 muzana yavana vechikoro va“kagadzirira kutendeukira kumasimba masimba—uye 5 muzana haizenguriri kuita kunyange mabasa outsinye hwakanyanyisa, mukuti vangabanha munhu asina dziviriro avete pahuriri.”—Frankfurter Allgemeine Zeitung.

Zvinoitika zvimwe nezvimwe zvoutsinye hwokunyanyisa zvinomutsa kuitira hanya kukuru. Kubatwa chibharo kwomusikana ane makore 15 okukura nepwere ina muchimbudzi chapachikoro chapamusoro cheParis kwakasunda vadzidzi kuenda kumigwagwa kundorayira chengeteko yorumano zvikuru pachikoro. Vabereki vanozvidya mwoyo pamusoro pewedzero mumhaka dzevatano, ugororo, uye masimba masimba omumurangariro. Zvinoitika zvakadaro hazvina kuganhurirwa kuEurope asi zviri kuva zvinozivikanwa navose zvikuru munyika yose.

Education Ministry yeJapan inoshuma wedzero yamasimba masimba anobatanidza vose vari vaviri vadzidzi vaduku navakuru vapachikoro chapamusoro. Pepanhau reSouth Africa The Star, pasi pomusoro unoti “Vana Vanofamba Nepfuti Vanodzora Zvikoro,” rakafananidza chinoitika muchiverengero chakati chomumakamuri amakirasi eSoweto neicho che“Madokero Anopenga” muUnited States mukati mezana ramakore rechi 19. Kunyange mukurumbira weNew York City wamasimba masimba wakasvika, mukuwirirana neThe Guardian yeLondon, “pakukwirira kutsva nechiziviso chakaitwa nefemu yechengeteko chechimbichimbi yamaodha ezvipfeko zvisingapindi mbumburu zvavana vechikoro.”

Britain inotamburawo dambudziko ramasimba masimba omuzvikoro. “Mumakore gumi apfuura,” anodaro mukuru mukuru mumwe womubatanidzwa wavadzidzisi, “takaona chimiro chendangariro chinokura chokutendeukira kuzvombo. Chakasvikawo kumazera ose uye chiri kupararira kubva muzvinoitika zvavanhurume kuenda kuvanhukadzi.”

Hakushamisi, ipapoka, kuti vabereki vashoma vanosarudza kubvisa vana vavo muchikoro ndokuvadzidzisira pamba. Avo vanowana ikoku kuva kusingashandi vanowanzozvidya mwoyo pamusoro petapuro yakashata iyo chikoro chinayo pavana vavo, uye vanoshamisika kuti vangadzivisa ikoku sei. Vabereki vanogona kuitei kuti vabetsere vana vavo kubata nezvinetso zvinosanganwa nazvo muchikoro? Uye vabereki vanogona sei kubatira pamwe navadzidzisi kuti vave nechokwadi chokuti vana vanowana zvakanakisisa muchikoro? Nyaya dzinotevera dzinogovera mhinduro dzeiyi mibvunzo.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe