RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g94 8/8 pp. 8-10
  • Vabereki—Ivai Mutsigiri Womwana Wenyu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vabereki—Ivai Mutsigiri Womwana Wenyu
  • Mukai!—1994
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mabasa Avabereki Navadzidzisi
  • Ivai Mutsigiri Womwana Wenyu
  • Mutoo Wakakodzera
  • Zvinokosha Kudzidzo Yakanaka
    Mukai!—1996
  • Betserai Mwana Wenyu Kugonana Nezvinetso Zvokuchikoro
    Mukai!—1994
  • Kudzidzisa—Kuedza Kwaunoita uye Ngozi Dziripo
    Mukai!—2002
  • Rovedzai Mwana Wenyu Kubvira Paucheche
    Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri
Ona Zvimwe
Mukai!—1994
g94 8/8 pp. 8-10

Vabereki—Ivai Mutsigiri Womwana Wenyu

VABEREKI vanoda zvakanakisisa nokuda kwavanakomana navanasikana vavo. Zvamazvirokwazvo, muapostora wechiKristu Pauro akarayiridza vabereki kuti varere vana vavo muchirango chaMwari. (VaEfeso 6:4) Mambo Soromoni wekare akapa zano vanhu vaduku, kuti: “Ipa ngwariro kuizvo baba vako namai vanokuudza. Kudzidzisa kwavo kuchavandudza hunhu hwako.”—Zvirevo 1:8, 9, Today’s English Version.

Ipapoka, zvikoro zvinopinda papi mugadziriro dzavabereki dzedzidzo? Uye ndohupi hunofanira kuva ukama pakati pavabereki navadzidzisi vechikoro?

Mabasa Avabereki Navadzidzisi

“Vabereki . . . ndivo vadzidzisi vanokosha zvikurusa vavana vavo vamene,” anobvuma kudaro Doreen Grant, muvambi wefundo yepesvedzero yechikoro pamhoteredzo yapamba. Asi somubereki, ungawana pfungwa iyeyo kuva yakaoma kugamuchira.

Zvichida munocherekedza kuti mitoo yokudzidzisa yachinja zvikurukuru chifo chaapo makaenda kuchikoro. Mazuva ano, zvikoro zvinosimbisa zvidzidzo zvakanga zvisingazivikanwi kare, zvakadai sefundo dzezvinobudisa nhau, dzidzo youtano, uye mamicroelectronic. Ikoku kwakasakisa vamwe vabereki kuti vave neonano shoma nechikoro. “Kutaura navadzidzisi vomwana wavo kunogona kuita kuti munhu akura anozvivimba zvikurusa anzwe ane makore mashanu okukura uye akareba mafiti mana,” anonyora kudaro Dr. David Lewis muHelp Your Child Through School. “Panzvimbo pokukurukura zvinetso kana kuti zvinoodza mwoyo navadzidzisi savanhu vaviri vakura, vamwe vanotendeukira kumuitiro wouhwana.”

Zvamazvirokwazvo, vamwe vabereki vanoonana navadzidzisi vavana vavo apo bedzi zvinetso zvakakomba zvinoitika. Uye ipapo, kazhinji kazhinji zvikuru, kuri kundonyunyuta. Kunyanguvezvo, vabereki vanogona, uye vakawanda vanodaro, vanoita betsero inokosha kudzidzo yavana vavo kupfurikidza nokubatira pamwe navadzidzisi.

Mutoro woubereki unoda kuti munzvere ndokufarira izvo mwana wenyu anodzidza kuchikoro. Neiko ikoku kwakadaro? Nemhaka yokuti vadzidzisi, vari pabasa, vanobatira savapesvedzeri venyu vetsika. Mipimo yavanotsigira inotapura vadzidzi vavo, nokuti vadzidzi vanovimba navadzidzisi semienzaniso yokutevedzera. Nokuda kwavo, vadzidzisi vazhinjisa vanogamuchira batira pamwe yavabereki vavadzidzi vavo.

Hedhimasita mumwe mumaodzanyemba eGermany akanyorera vabereki, kuti: “Kwazova kuri kunooneka kwatiri vadzidzisi, kupfuura mugore ripi neripi rakapfuura, kuti boka rose ravadzidzi vedu, zvikurukuru avo vanotanga chikoro [muGermany, pamakore matanhatu ezera], vanotova zvino vasinganzwiri tsitsi zvikuru navane utsinye, vanovirima kwazvo. Vakawanda havadzoreki chose chose, vasingazivi pokuganhurira; havana pfungwa yokuva nemhaka; vane udyire zvikuru, vasina ushamwari; uye vanova vanodenha pasina chikonzero chiri pamhene, vachidzipa nokubanha [vamwe].”

Uyu mudzidzisi akapfuurira, kuti: “Kunyange zvazvo isu vadzidzisi tine chinetso chikuru zvikuru somuuyo, hatidi kunyunyuta. Asi tinotofanira kuziva kuti, pasinei hapo nenhamburiko yose, chikoro hachigoni kudzidzisa nokurera vana chiri choga. Tingada kukurudzira imi vabereki vanodiwa kuita chiito chakakomba chokuita zvakawanda imi mumene mukurerwa kwavana venyu uye kusapa kuterevhizheni kana kuti kumugwagwa icho chiri zvomenemene mugove wenyu mumene wo[mutoro nokuda kwo]kukura kwohunhu hwavo, muchivadzidzisa mipimo yomufambiro.”—Kutsveyamiswa kwamashoko ndokwedu.

Kunyange apo vadzidzisi vanoita mukumbiro wakadaro nokuda kwebatira pamwe, vabereki vakawanda vachiri kuzengurira kubetsera. “Kwete nemhaka yokuti ivo havaitiri hanya, vakanyanyobatikana kana kuti kushayiwa chivimbo,” anotaura kudaro David Lewis, “asi kubva muchitendero chavo chakasimba chokuti mwana anoita zvakanaka sei, kana kuti zvakashata, mukirasi hachina chokuita nokurerwa uye kuti chinhu chiri chose chine chokuita namano okuberekwa nawo.” Asi uyu mufungo nomutoo wakajeka hausi wechokwadi.

Sezvo zvinetso zvapamba zvichiwanzotapura basa rekirasi romwana, naizvozvo upenyu hwakanaka hwapamba hunogona kubetsera mwana kuwana zvakanakisisa muchikoro. “Mhoteredzo yemhuri inoparira budiriro yedzidzo nekundikano kupfuura zvikuru chikoro,” kunogumisa kudaro kumwe kunzvera kwedzidzo. Bhuku rinonzi How to Help Your Child Through School rinobvuma, kuti: “Kunyange mubereki akanyanyobatikana zvikuru anofanira kuziva kuti chimiro chavo chendangariro—fariro nekurudziro zvavanoratidza, uye tsigiro yavanopa, kunyange vari kure—zvinogona kuva zvinokosha kufambiro mberi yavana.”

Ipapo, munogona sei kuwana batira pamwe yakanaka navadzidzisi vavadzidzi venyu?

Ivai Mutsigiri Womwana Wenyu

(1) Farirai norushingairo izvo mwana wenyu anodzidza kuchikoro. Nguva yakanakisisa yokutanga ndeapo mwana wenyu anovamba kupinda chikoro. Vana vaduku vanowanzogamuchira betsero yavabereki zviri nani kupfuura zvinoita vayaruki.

Ravai nomwana wenyu. “Ine 75 muzana yokudzidza kwomuitiro,” mukuwirirana naDavid Lewis, “inoitika kupfurikidza nokurava.” Imi munogona kudarozvo kuita rutivi rwunotungamirira mukukudza dekudzo yomwana wenyu mukurava. Kunzvera kunokarakadza kuti fambiro mberi yavana vanobetserwa kurava pamba inowanzopfuura iyo yavechiduku vanogamuchira betsero kuvadzidzisi vari nyanzvi kuchikoro.

Nomutoo wakafanana, munogona kubetsera mwana wenyu nokunyora uye, hungu, nhamba. “Hamusati muchifanira kuva nyanzvi munhamba kuti mubetsere nenhamba dzehwaro,” anotsinhira kudaro mudzidzisi Ted Wragg. Chokwadika, kana muchida betsero imi mumene mune idzi nharaunda, musarege kushayikwa kupi nokupi kwounyanzvi kuchikudzivisai kufarira zvapachokwadi izvo mwana wenyu ari kudzidza.

(2) Bvunzai mudzidzisi womwana wenyu pamusoro pezvidzidzo. Kupfurikidza nokurava gwaro rechikoro rinorondedzera zvifundo, wanai izvo mwana wenyu achadzidziswa. Kuita kudaro temu yechikoro isati yavamba kuchakusvinudzirai kunharaunda dzezvinetso. Ipapo, kushanyira mudzidzisi kundokurukura kuti zvishuvo zvenyu zvoubereki zvinogona sei kuremekedzwa kuchakura nzira yebatira pamwe yakanaka. Shandisai misangano chikoro chinoronga kuti vadzidzisi varovedzane navabereki. Pamazuva anokokwa vabereki kuti vashanyire chikoro, shanyirai chikoro, uye taurai navadzidzisi vomwana wenyu. Kuonana kwakadaro kunobvumikisa kuva kunokosha, zvikurukuru apo zvinetso zvinomuka.

(3) Betserai mwana wenyu kusarudza zvishuvo zvake. Zivai zvinoda nezvisingadi mwana wenyu. Taurai pamusoro penharidzano dzinokosha. Bvunzai vadzidzisi kuti muwane zvisarudzo zvose zvinobvira. Ivo vachaziva pamusoro pezvinetso zvipi nezvipi zvokuronga rudungwe zvinoganhurira kusarudzwa kwezvidzidzo.

Kunzwa kwakashata kunogona kudziviswa kupfurikidza nekurukurirano yakajeka. Zvikoro zvakawanda zvinoshandisa dzvinyiriro pavadzidzi vanogona kuti varonde dzidzo yapamusoro. Asi vadzidzi vanosarudza ushumiri hwechiKristu sebasa ravo vanowanzodzivisa kuita dzidzo yakarebesa inopfuuridzirwa yeyunivhesiti. Panzvimbo pako, kana vakasarudza dzidzo yokuwedzera, vanosarudza kufunda zvidzidzo zvinovashongedzera kuzvitsigira vamene. Vadzidzisi vanotungamirirwa nehana pane dzimwe nguva nomutoo wokukanganisa vanorangarira ikoku sokurambwa kwezvose zvavakaedza kudzidzisa. Kutsanangura kwenyu kwokushivira kuvadzidzisi bviro dzedzidzo yomuraudzo dzakazarukira mwana wenyu mubasa rakasarudzwa romwana wenyu kuchavimbisa vadzidzisi kuti vabereki vechiKristu vanoda kuti vana vavo vapfuurire kudzidza.a

Mutoo Wakakodzera

Munogona kudzivisa kuzvidya mwoyo kukuru nokurwadziwa mwoyo pamusoro pedzidzo yomwana wenyu kupfurikidza nokuyeuka kuti hukutsirani hunobudirira hunovakirwa pakurukurirano yakanaka.—Tapota ona bhokisi rine musoro unoti “Nhano Dzekurukurirano Yakanaka Yomudzidzisi Nomubereki.”

Panzvimbo pokunyunyuta nokutsoropodza, ivai mutsigiri womwana wenyu kupfurikidza nokubvunza nokubatira pamwe navadzidzisi. Muchiita kudaro, muchabetsera mwana wenyu kuwana zvakanakisisa zvikuru muchikoro.

[Mashoko Omuzasi]

a Zvapupu zvaJehovha zvinosarudza ushumiri hwechiKristu sebasa razvo ndokubatira savashumiri venguva yakazara vane banza rokupinda kosi yamavhiki maviri paChikoro Chebasa Roupiyona. Vamwe vanokwanirisa gare gare nokuda kwokunyoresa mukosi yemwedzi mishanu yerovedzo youfundisi inoitwa neWatchtower Bible School of Gilead kuvashongedzera savafundisi.

[Bhokisi riri papeji 10]

Nhano Dzekurukurirano Yakanaka Yomudzidzisi Nomubereki

1. Rovedzanai navadzidzisi vomwana wenyu.

2. Nzverai zvakakwana maidi enyu musati maita nyunyuto dzipi nedzipi.

3. Kana mashatiriswa kana kuti kutsamwiswa, nguva dzose teramai musati mataura nomudzidzisi.

4. Musati masangana nomudzidzisi, nyorai mibvunzo yamunoda kubvunza, uye rongai nharidzano dzamunokarira kuwana.

5. Taurai chimiro chenyu zvakasimba uye zvakajeka, uye ipapo batirai pamwe nomudzidzisi kuona kuti inhanoi dzinoshanda dzinogona kuitwa kukurira zvinetso zvipi nezvipi.

6. Zviisei mumene munzvimbo yomudzidzisi. Zvibvunzei mumene zvamaizoita munzvimbo yake. Ikoku kuchakubetserai kukurukura muuyo unogutsa.

7. Teererai uye taurai. Musatya kubvunza mibvunzo kana musinganzwisisi chimwe chinhu. Kana musingabvumirani nezviri kutaurwa, ipapo taurai kudaro, uye noruremekedzo tsanangurai chikonzero nei.

—Dzakavakirwa paHelp Your Child Through School, rakanyorwa naDr. David Lewis.

[Mufananidzo uri papeji 9]

Ravai nomwana wenyu

[Mufananidzo uri papeji 9]

Shanyirai vadzidzisi kundokurukura zvidzidzo zvechikoro

[Mufananidzo uri papeji 9]

Betserai mwana wenyu kusarudza zvishuvo

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe