Betserai Mwana Wenyu Kugonana Nezvinetso Zvokuchikoro
MIGARIRO yenyika iri kushata inotitapura tose, kubatanidza vana vedu. Shoko raMwari, Bhaibheri, nomutoo wakarurama rakadeya kutaura kuti muzuva redu “nguva dzinotambudza dzakaoma kubata nadzo dzai[zo]va pano” uye kuti “vanhu vakaipa navanyengeri vai[zo]fambira mberi kubva pakushata kuenda kukuipisisa.” (2 Timotio 3:1-5, 13, NW) Nokudaro, kufunda nhasi kwakazara nechinetso sezvo vadzidzi vanorwisana nemigariro iyo vabereki vavo vasina kuwanzowana. Vabereki vanogona kuitei kuti vabetsere vana vavo kugonana nayo?
Dzvinyiriro Yavaenzani
Vana vazhinjisa vanotambura dzvinyiriro yavaenzani padzimwe nguva. Mumwe mudzidzi muduku weFrance anochema, kuti: “Vabereki nechaunga vanoita zvavanogona, asi hazvina kukwana. Sindimari duku dzinonyengetedza dzimwe pwere. . . . Vabereki vasingadzori vana vavo havaziri vabereki.”
Vabereki vane mutoro vanoedza kubetsera vana vavo kukudziridza mavara omudzimu anovagovera simba romukati ravanoda kuti vakurire dzvinyiriro yavaenzani inokuvadza. “Tinoshandisa nhamburiko yokudisa kubetsera vana vedu kuvaka kuzviremekedza,” anotsanangura kudaro mumwe baba, “kuti vagozorega kukuwana kuri madikanwa kuva netendero yavaenzani vavo. Kana kuva vakafanana navamwe vana kusati kuchikosha kwavari, vachakuwana kuri nyore zvikuru kutaura kuti kwete apo ivo vanofanira kutaura kuti kwete.” Kuti adzidzise vana vake mabatirwe emigariro yakaoma, uyu mubereki anowana nguva yokuti mhuri yake ipinde mukuedzesera, ichiita chaizvoizvo migariro yakaoma ingagona kumuka uye ichiratidzira nzira dzokugonana nayo. Iva mubereki anotsigira, uye betsera mwana wako kuvandudza kuzvivimba.
Mutauro Wakashata
Sezvo mipimo yetsika inoderera munyika yose, mutauro wakashata unova unozivikanwa navose zvikuru. Munyika dzakawanda unonzwika kakawanda kunyange painonzi TV yenhambo yenguva yamanheru. Nokudaro, nhandare dzokutambira dzechikoro, mikoto, uye makamuri ekirasi zvinoungira nemitauro inozvidzisa.
Vamwe vadzidzisi vanoruramisa kumhura kwavo vamene nokutuka, vachitaura kuti vadzidzi vavo vanogona ipapo kuumba zvimiro zvendangariro zvavo vamene kumutauro wakadaro. Asi muitiro wakadaro unongobvumira bedzi vadzidzi kugamuchira uku kutaura kwakashata sorutivi rwomutauro unogamuchirika wezuva riri rose.
Mumwe mubereki akachenjera anotsanangura nenzira yomutsa chikonzero nei kutaura mashoko akadaro kusingabvumirwi mumhuri. Anogonawo kudzivisa chinetso chomutauro wakashata mubasa rekirasi kupfurikidza nokunzvera sirabhasi yechikoro kuti azive kuti mabhukui achafundwa nomwana wake. Kana api naapi amabhuku anosarudzwa ane mutauro wakashata kana kuti achiratidza utere, zvichida anogona kukumbira mudzidzisi womwana kusarudza rimwe bhuku rine zviri mukati zvinogamuchirika. Kusvika kwakadzikama kunoratidzira kuva nomufungo.—VaFiripi 4:5.
Utere Nemirimo
Kunzvera kunozivisa kuti vabereki vakawanda vanobvuma kuva “vanonyanyonyara kana kuti vanokwenudzwa kutaura musoro [wedzidzo yevatano] pamba.” Panzvimbo pezvo, vanotsamira pachikoro kuti chigovere vana vavo mashoko akarurama. Asi The Sunday Times yeLondon inoshuma kuti, mukuwirirana nomumwe mudzidzisi ane ruzivo rwokuzviwanira, chiverengero chikuru zvikuru chanhasi chenhumbu dzavachiri kuyaruka chine “zvakawanda zvokuita netsika kupfuura miitiro yokudzivisa kunamba mimba.” Uye vabereki vanokwanisa zvikurusa kugadza mipimo yomufambiro yavanokarira vana vavo kuchengeta.
Ndozvakunoitawo nokushandiswa zvisina kufanira kwemirimo. Kushayikwa kwenhungamiro yavabereki kunoipisa chinetso. “Kana upenyu hwemhuri hukaratidzika kuva husingafadzi zvikuru kumwana,” inodaro Francoscopie 1993, “chimiro chendangariro chokuzviwanira amene chinotsiva chinokura zvikuru. [Kushandisa] mirimo kunowanzova chimwe chazvo.” “Kuva mubereki kwakaoma,” anobvuma kudaro Micheline Chaban-Delmas, purezidhendi wesangano reToxicomanie et Prévention Jeunesse (Kushandiswa Kwemirimo Nokudzivirirwa Kwepwere). “Unotofanira kuva anorinda nguva dzose; mirimo inowanzova nzira yokusvinudza vabereki kuti chimwe chinhu hachina kururama. Kana muyaruki achinzwa kuti amai vake kana kuti baba havasi kupa ngwariro kwaari, apo anopiwa mirimo, iyo ingagona kuratidzika sechigadzikiso chamashiripiti chezvinetso zvake.”
Mubereki mumwe weCanada anotsanangura kuti iye nomudzimai wake vanofarira sei chaizvoizvo kufunda kwomwanasikana wavo achiri kuyaruka: “Tinoendesa nokutora Nadine kuchikoro nemotokari. Kazhinji kazhinji, pashure pokumutora, kurukurirano inotanga iyo inozivisa kuti zuva rake ranga rakadini. Kana tikawana chimwe chinhu chomugariro wakati kombei, tinotaura naye pamusoro pacho ipapo kana kuti zvimwe kumutsazve nyaya yacho panguva yechirariro kana kuti mukati mekurukurirano yemhuri.” Nenzira yakafanana unogona kuratidzira kuitira hanya chaikoiko norudo nokuda kwomwana wako kupfurikidza nokuita kuti mikoto yekurukurirano irambe yakazaruka.
Kushusha Namasimba Masimba
Kushusha ndi“chimwe chezvinetso zvokuchikoro zvamanomano zvikurusa,” anodaro Maureen O’Connor muHow to Help Your Child Through School. Anotaurawo kuti “pasinei hapo norusuruvaro rukurusa rwakuri kuparira kuna vanyajambwa, ivo vanowanzokusadisa kutaurira munhu akura pamusoro pako nokuda kwokutyira kuva anonzi ‘mucheri.’”
Nomutoo unosuruvarisa, vamwe vadzidzisi vanorangarira kushusha somuitiro wenguva dzose. Asi vamwe vakawanda vanobvumirana nomudzidzisi Pete Stephenson, uyo anodavira kuti kushusha “chimiro chokubata zvisina kufanira” uye anotsigira kuti “hakuna kunakira vashushi kukubvumira kupfuurira.”
Chii, ipapoka, chamunogona kuita kana mwana wenyu akava nyajambwa womushushi? “Dziviriro inokosha zvikurusa,” anonyora kudaro O’Connor, “inofanira kuva nzanga yavanhu vakura umo [vanyajambwa] vanogara.” Taurai zvinhu nomudzidzisi anonzwira tsitsi. Ikoku kuchavimbisa mwana wenyu kuti imi mose muri vaviri munorangarira muitiro wakadaro wokudenha kuva usingagamuchiriki. Zvikoro zvakawanda zvakagamuchira muitiro wakajeka unorwisana nokushusha, uyo vadzidzisi vanokurukura pamhene mukirasi.
Natalie akava nyajambwa wavashushi nemhaka yorudzidziso rwake. “Nemhaka yokuti ndakanga ndiri mumwe weZvapupu zvaJehovha, ndakadenhwa, uye zvinhu zvangu pane dzimwe nguva zvaibvarurwa,” anorondedzera kudaro. Kupedza chinetso, akakurukura navabereki vake, avo vakakarakadza kuti iye ataure navadzidzisi vake. Iye akaita ikoku. “Ndakatangawo kuridzira runhare vabereki vavaviri vomukirasi biyangu avo vakanga vachindishusha,” anowedzera kudaro. “Nemhaka yokuti ndakakwanisa kutsanangura chinetso kwavari, zvinhu zviri nani zvikuru zvino. Nokudaro ndakawana chivimbo pose pari paviri chavadzidzisi vangu nechavazhinjisa vomukirasi biyangu.”
Padzimwe nguva, vabereki vanowana kuti mwana wavo ndiye mushushi, kwete mushushwi. Vanoita zvakanaka, ipapoka, kusanonzvera chinoitika pamba. “Vana vane muitiro wokudenha uri pamhene zvikuru kazhinji kazhinji vanobva mumhuri umo vabereki vasingapedzi rwisano nomutoo wakakwana zvikuru,” inoshuma kudaro The Times yeLondon, ichiwedzera, kuti: “Muitiro wamasimba masimba muitiro unodzidzwa.”
Masimba masimba mune dzimwe nzvimbo akapararira zvikuru. Apo kusaterama kwezvamatongerwe enyika kunoita kuti kufunda kuve kunodokuva kusingabviri, vana vanokoshesa kusatora rutivi, panhambo nenhambo, vakakuwana kuva kuchenjera kugara pamba. Asi kana chinetso chikatanga ivo vari kuchikoro, nomutoo wokuchenjera ivo vanosvova ndokudzokera kumba kutozosvikira kuterama kwadzorerwa.
Kudzidzisa Kusina Kunaka
Kurukurirano yakanaka pakati pomwana wenyu navadzidzisi vomwana wenyu inogona kubetsera apo kudzidzisa kusina kunaka kunoparira zvinetso. “Nguva dzose tinokurudzira mwanasikana wedu kuva nechimiro chendangariro chakanaka kuzvidzidzo zvake,” vanotsinhira kudaro vamwe varoorani. Asi apo vadzidzisi vanokundikana kuita kuti chidzidzo chive chinofadza, vana vanokurumidza kurasikirwa nefariro. Kana mwana wenyu akawana ikoku kuva kwakadaro, huregererei kumukurudzira kutaura nomudzidzisi vari voga?
Betserai pwere yenyu kugadzirira mibvunzo iyo, kana yapindurwa, ichakuita kuve kuri nyore zvose zviri zviviri kubata pfundo rechidzidzo uye kudzidza mashandisirwe ezvinodzidziswa. Ikoku koga bedzi hakusati kuchivimbisa fariro yechokwadi neinogarisa muchidzidzo, kunyanguvezvo. Zvakawanda zvinotsamira pamuenzaniso wenyu mumene woubereki. Ratidzirai kuti munoitira hanya kupfurikidza nokukurukura zvidzidzo nomwana wenyu, uye karakadzai kubetsera namabasa okunzvera anogoverwa nomudzidzisi.
Kuchikoro, kuna vana vanobva mumisha yakaputsika, kana kuti vanogara mumigariro yokubatwa zvisina kufanira neyokuregeredza, uye avo naizvozvo vanowanzoshayiwa kuzvivimba nokuzviremekedza. Vanovhengana navana vangave vane migariro iri nani. Vabereki vazhinjisa vanoziva kuti ivo vanofanira kupfuurira mukubetsera vana vavo kuti vagonane nezvinetso zvinomuka kuchikoro. Asi zvakadiniko nokubata kwavabereki navadzidzisi? Vanofanira kusakurira rudzii rwoukama, uye sei?
[Bhokisi riri papeji 7]
Mwana Wenyu Ndinyajambwa Wokushusha Here?
NYANZVI dzinopa zano vabereki kurinda zviratidzo zvokuchera mumwana wavo. Iye anoratidza kuzengurira kuenda kuchikoro, kunzvenga vokuchikoro biyake, kuuya kumba ane mavanga kana kuti nezvipfeko zvabvaruka here?
Kurudzirai mwana wenyu kukuudzai chaizvoizvo zvakaitika. Ikoku kuchakubetserai kuziva kana kushusha kuri chaizvoizvo chinetso. Kana kuri, ipapo taurai nomudzidzisi anonzwira tsitsi.
Betserai mwana wenyu kugonana nako kupfurikidza nokukarakadza kuti iye agare pedyo navomukirasi biyake vanovimbika uye kudzivisa nzvimbo nenhambo umo kushusha kunogona kutangazve. Mumwe mwana ane pfungwa yakanaka inosetsa uye anoziva mataurire okubuda nawo mumugariro wakaoma achawanzokwanisa zvakanaka.
Dzivisai kuva vanonyanyofunganya, uye musakurudzira kutsiva.