RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g02 1/8 pp. 20-22
  • Kuchava Nezvokudya Zvisingakuvadzi Zvomunhu Wose

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuchava Nezvokudya Zvisingakuvadzi Zvomunhu Wose
  • Mukai!—2002
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvokudya Zvakakwana Kubva kuMusiki
  • Munhu Wose Achawana Kudya Kune Utano!
    Mukai!—2012
  • Unodya Zvakanaka Mumudzimu Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Zvokudya Zvakakwana Nokuda Kwavose!
    Mukai!—1995
  • Bhaibheri Rinoti Chii Nezvekushomeka Kwezvekudya?
    Dzimwe Nyaya
Ona Zvimwe
Mukai!—2002
g02 1/8 pp. 20-22

Kuchava Nezvokudya Zvisingakuvadzi Zvomunhu Wose

KUDYA zvokudya zvisingakuvadzi kunofadza. Asi sezvataona, kudya kwakadaro hakusi nyore kuwana nguva dzose. Pamusoro pazvo, kune mamiriyoni evanhu vasitorina zvokudya zvacho zvokuti vangambonetseka kuti zvokudya zvavo zvingakuvadza here kana kuti kwete. Vakatobatikana nokuda kuwana zvokudya zvakakwana kungoti vararame. Ndizvo here kuti Mwari aida kuti zvinhu zvive zvakadai?

Pafunge. Mwari paakaisa murume nomukadzi pasi pano, vaiva nechikonzero chipi nechipi chokunetseka pamusoro pezvokudya here? Aiwa, kana! Nhoroondo iri mubhuku reBhaibheri raGenesi inoti: “Jehovha Mwari akameresa pasi miti yose inofadza meso, neyakanaka kudya.” (Genesi 2:9) Saka Adhamu naEvha vaiva nezvokudya zvakasiyana-siyana uye zvaingova mafashafasha, zvisingamboperi. Mwari akavasika ainyatsoziva zvokudya zvavaida zvaivaka muviri; aizivawo zvaizovaita kuti vafare. Ichokwadi kuti hatisi mubindu reEdheni nhasi. Asi Mwari akachinja chinangwa chake chepakuvamba nokuda kwevanhu nepasi here?

Tine chikonzero chakanaka chokudavira kuti munguva pfupi iri kutevera munhu wose ari pasi pano achanakirwa nokudya kwakanaka uye kwakawanda! Izvi zvinogona kutibatsira zvikuru kuramba tiri pakati nepakati pamaonero atinoita nhau yokuti zvokudya hazvikuvadzi here nhasi. Tariro yakadaro, kana iri yechokwadi uye yakavimbika, inogona kutibatsira kurega kunyanya kuomesa musoro pamaonero edu.

Nei tingava nechokwadi kwazvo kuti upenyu huchange hwasiyana zvikuru munguva pfupi iri kutevera? Vadzidzi veShoko raMwari vanoda vanoziva kuti pari zvino tiri kurarama mu“mazuva okupedzisira” enyika ino. Nyika ino inotongwa nouchenjeri hwevanhu, uhwo muzvinhu zvakawanda zvoupenyu husina chokwadi uye hunotsamira pakuedza zvose zvose kuti vawane zvinoshanda. Kana pave panzira dzokugadzira zvokudya, pane kusava nechokwadi kukuru pakuti dzakanaka here kana kuti kwete. Kusava nechokwadi kwakadaro kunokonzera kutya, kuvhiringidzika, uye kusabatana.—2 Timoti 3:1-5.

Musiki wevanhu akapikira kutsiva nyika ino neitsva. Chinangwa chake chepakuvamba—chokuti pasi pose pave paradhiso yakafanana nebindu reEdheni, pakazara nevanhu vanofara vakagwinya—chichazadzika. Simba rinobatanidza rouchenjeri hwaMwari hwakakwana richazadza pasi panguva iyoyo. (Isaya 11:9) Uchenjeri hwevanhu husina chokwadi hunenge husisiko. Nyika itsva ichaitwa naMwari ichabvisa kusava nechokwadi kwose maererano nokuti zvokudya zvedu zvakanaka here kana kuti kwete. Hazvina musoro here kugumisa kuti Mwari akasika vanhu aizozivawo zvokudya zvatinoda?

Zvokudya Zvakakwana Kubva kuMusiki

Bhaibheri rine uprofita hwakajeka nezvemararamiro atichaita munyika itsva. Muprofita Isaya akanyora kuti: “[Mwari] uchakupa mvura yokumeresa mbeu yako, yauchadzvara muvhu; nezvokudya zvinoberekwa nevhu, zvichava zvakakora zvizhinji. Nezuva iro mombe dzenyu dzichafura pamafuro makuru; nzombe nevana vembongoro, zvinorima minda, zvichadya zvokudya zvakarungwa, zvakarudzwa nemitsvairo nemisero.”

Uprofita hwaIsaya hunotiwo: “Pagomo iri Jehovha wehondo uchagadzirira marudzi ose avanhu mutambo wezvakakora, mutambo wewaini yakagara pamasese, wezvakakora zvizere nomwongo, wewaini yakagara pamasese yakasvinwa zvakanaka.”—Isaya 25:6; 30:23, 24.

Izvozvo zvinokufadza here? Uprofita hwaIsaya hunotivimbisa kuti munhu wose achararama munyika itsva yaMwari achava nezvokudya zvakawanda kwazvo. Zvichange zvisingakuvadzi here? Hazvina mubvunzo. Humwe uprofita hunotivimbisa kuti vanhu vaMwari ‘vachagara mumwe nomumwe pasi pomuzambiringa wake nepasi pomuonde wake, hakuna ungazovatyisa.’ (Mika 4:4) Kuchengeteka kwakadaro kuchaitwa noUmambo hwaMwari hunotongwa naMesiya, uhwo huchatonga pasi pano munguva yemberi iri pedyo.—Isaya 9:6, 7.

Hakuzombofizve kwakava nokusava nechokwadi pamusoro pokuti zvokudya zvakanaka here kana kuti kwete. Kusiyana naizvozvo, tichafara kutaura kune mumwe nomumwe tichiti: “Zvibayei moga.”

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 22]

Munguva pfupi iri kutevera munhu wose ari pasi pano achanakirwa nokudya kwakanaka uye kwakawanda

[Mufananidzo uri papeji 20]

Mwari anopikira kudya kwakanaka, kusingakuvadzi kuvanhu vose

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe