RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g03 3/8 pp. 10-12
  • “Nhamo Yakanyarara” Yava Kuzopera!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Nhamo Yakanyarara” Yava Kuzopera!
  • Mukai!—2003
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kururamisira uye Kufarira Vamwe Zvisina Udyire
  • Mushonga Wechokwadi Chete
  • Honzeri Dzakadzika Midzi, Migumisiro Yakapararira
    Mukai!—2003
  • Zvokudya Zvakakwana Nokuda Kwavose!
    Mukai!—1995
  • Nhamo Huru Zvikuru
    Mukai!—2003
  • Bhaibheri Rinoti Chii Nezvekushomeka Kwezvekudya?
    Dzimwe Nyaya
Ona Zvimwe
Mukai!—2003
g03 3/8 pp. 10-12

“Nhamo Yakanyarara” Yava Kuzopera!

“TICHIENZANISA nenguva pfupi ichangobva kudarika, nhasi tiri kurarama munyika ine zvakawanda. . . . Kune zvokudya zvakawandisa nokuda kwevose . . . zviripo.” Ndizvo zvinotaurwa nokumwe kuongororwa kwakaitwa neWorld Health Organization (WHO). Kana zvirizvo, chii chinokonzera kushayika kwezvokudya zvinovaka muviri?

“Chinetso ndechokuti zvokudya hazvigadzirwi kana kupiwa vanhu zvakaenzana,” inodaro WHO. “Kazhinji kacho, varombo vari kunyika dzichiri kusimukira dzinevhu rakaorera vanongotarisa vakabata maoko—uku mudumbu musina chinhu—apo zvokudya zvakawanda zvinotengeswa kune dzimwe nyika kuti vanhu vawane mari. Vashoma ndivo vanowana mari kwenguva pfupi, vazhinji ndivo vanorasikirwa kwenguva refu.” Kumwe kuongororwa kuchangobva kuitwa neFood and Agriculture Organization yeUnited Nations (FAO) kunoratidza kuti ‘chikamu chimwe kubva muzvishanu chevanhu vakapfuma zvikuru’ pasi pano ndicho ‘chinodya 45 kubva muzana yenyama yose nehove; vanhu chikamu chimwe kubva muzvishanu varombo pane vose vanowana 5 kubva muzana chete.’

Kune rimwe divi, “kushaya dzidzo yakanaka uye mashoko akarurama kunokonzerawo kushayika kwezvokudya zvinovaka muviri,” inodaro United Nations Children’s Fund, ichiwedzera kuti: “Pasina nzira kwadzo dzokuparadzira nadzo mashoko uye nzira dzokudzidzisa nadzo, kupa ruzivo, unyanzvi uye maitiro zvinodiwa pakurwisa kushayika kwezvokudya zvinovaka muviri hakukwanisi kuitika.” Asi kushomeka kwezvokudyawo kunoderedza utano hwomunhu uye kukwanisa kwake kuwana dzidzo yakanaka—zvinokonzerawo mamwe matambudziko.

Kururamisira uye Kufarira Vamwe Zvisina Udyire

Pasinei nezvipingamupinyi zvinopedza simba zvakadaro, vamwe vanamazvikokota munyaya idzi vachine tariro. Somuenzaniso, mukuru mukuru weFAO, Jacques Diouf, akaratidza tariro iyi: “Ndinoona imwe nyika umo murume wose, mukadzi nomwana vanenge vaine zvokudya zvakanaka zvinovaka muviri zvakakwana, zuva rimwe nerimwe. Ndinoona musiyano mukuru uripo pakati pevarombo nevapfumi waderera. Ndinoona kushivirira kwete rusaruro; rugare kwete kurwisana munzanga; pokugara pakanaka kwete kuparadza nharaunda; kubudirira kwomunhu wose kwete kushaya tariro kunopedza simba.”

Zvisinei, sezvataona, pane zvakawanda zvinodiwa kunze kwokuva nezvokudya zvakawanda kuti tariro iyoyo izadzike. Kururamisira kwakapararira uye kufarira vamwe kusina udyire ndizvo zvinodiwa. Asi zvinhu zvakanaka izvi hazvisiri izvo zviri kuwanika munyika yezvokutengeserana mazuva ano.

Zvinoita here kubvisa zvipingamupinyi zvakakura kudai semakaro, urombo, kurwisana, uye udyire kuitira kuti tibvise kushomeka kwezvokudya zvinovaka muviri pasi pano? Kana kuti idzi ifungidziro dzisingafi dzakaitika here?

Mushonga Wechokwadi Chete

Maererano neBhaibheri, hatifaniri kushamiswa nezvinetso zvinokonzera kushayika kwezvokudya zvinovaka muviri. Shoko raMwari rinoti: “Pamazuva okupedzisira nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo dzichasvika. Nokuti vanhu vachava vanozvida, vanoda mari, . . . vasina rudo kwazvo rwokuzvarwa narwo, vasingambodi kubvumirana, . . . vasingadi zvakanaka, . . . vane mufananidzo wokuzvipira kuna Mwari asi vachiva venhema kusimba rakwo.”—2 Timoti 3:1-5.

Vanhu vangagona kubvisa pfungwa dzakaipa zvakadaro dzakadzika midzi pasina kubatsirwa naMwari here? Hazviiti sezvinobvira, zvinodaro here? Zvichida wakaona kuti dzimwe nguva vanhu vane simba vane vavariro dzakanaka maererano nokugara zvakanaka kwevanhu, asi udyire, kuda mari, uye kusakwana kwevamwe kunovhiringidza kwava kuparadza vavariro dzakanaka.—Jeremia 10:23.

Asi, mushonga wacho hakusi kungofungidzirawo zvakwo. Bhaibheri rinopikira kuti Umambo hwaMwari huchapedza zvinetso zvinokonzerwa nokusaruramisira uyewo zvimwe zvinetso zvinorwadza vanhu nhasi.

Isaya 9:6-7 inopa tariro inofadza zvikuru iyi: “Takazvarirwa Mwana, takapiwa Mwanakomana; umambo huchava papfudzi rake; zita rake richanzi: Unoshamisa, Gota, Mwari une simba, Baba vokusingaperi, Muchinda worugare. Kukura kwoumambo hwake nokworugare rwake hazvina mugumo, agare pachigaro choushe chaDhavhidhi napaushe hwake, ahusimbise ahutsigise nokururamisira nokururama kubva zvino kusvikira panguva isingaperi. Kushingaira kwaJehovha wehondo kuchazviita.”

Uhwu ndihwo Umambo humwe chete uhwo vanhu vanonyengeterera pavanodzokorora Munamato waShe vachiti kuna Mwari, “Umambo hwenyu ngahuuye.” (Mateu 6:9, 10) Ona kuti Isaya anotaura kuti “kushingaira kwaJehovha wehondo kuchazviita.” Hungu, nguva dzose Jehovha Mwari ave achida kupa vanhu zvinhu zvavanoda. Akagadzira pasi rino kuti ribereke zvokudya zvinokwanira munhu wose.

Nezvake, Pisarema 65:9-13 rinoti: “Munoshanyira pasi, munopadiridza, munopapfumisa kwazvo; rwizi rwaMwari ruzere mvura; munovagadzirira zviyo, kana magadzira pasi saizvozvo. Munozadza mihoronga yapo kwazvo; munoenzanisa mipanje yapo; munopanyorovesa nemvura inopfunha; munoropafadza zvinomera zvapo. . . . Mafuro akafukidzwa namapoka ezvipfuwo; uye mipatawo yakafukidzwa nezviyo.”

Hungu, Musiki, Jehovha, ndiye mugoveri akanakisisa wevanhu. “Ndiye unopa zvinhu zvose zvokudya zvazvo; nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.”—Pisarema 136:25.

Tinogona kuva nechivimbo chokuti Umambo hwaMwari hunotongwa naKristu huchatarisira vanhu vose. “Kuchava nezviyo zvizhinji pasi pamusoro pemakomo,” sezvinotaurwa neBhaibheri. Asi kuchavawo nokugoverwa kwezvokudya zvakaenzana, nokuti “[Jesu Kristu] ucharwira mushaiwi kana achidanidzira, nomurombo usina mubatsiri. Uchaponesa mweya yavashayiwi.” (Pisarema 72:12, 13, 16) Saka shinga! “Nhamo yakanyarara” iyi yava kuzopedzwa zvachose.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 11]

“Kubvisa nzara uye kushayika kwezvokudya zvinovaka muviri kunoitika mumashoko chete. Zvokushandisa zviripo. Dambudziko riri . . . pakuita mushandirapamwe munyika uye pasi pose.”—World Health Organization

[Mufananidzo unozadza paji yose uri papeji 10]

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe