Mibvunzo Inobva Kuvaravi
Mutoroi una maKristu mukuderedza kushatiswa kwemhoteredzo yedu—nyika, gungwa, uye mhepo?
SeZvapupu zvaJehovha, tinoitira hanya zvikuru zvinetso zvakawanda zvezvinhu zvipenyu munharaunda yazvo zvino zvinotapura musha wedu wapasi. Kupfuura vanhu vazhinjisa, isu tinonzwisisa kuti pasi rakasikwa kuti rive musha wakachena, wakanaka nokuda kwemhuri yavanhu yakakwana. (Genesi 1:31; 2:15-17; Isaya 45:18) Tinewo chipikirwa chaMwari chokuti iye acha“paradza avo vanoparadza pasi.” (Zvakazarurwa 11:18, NW) Nokudaro kwakarurama kuita nhamburiko dzakadzikama, dzine mufungo kudzivisa kuwedzera nenzira isiri madikanwa kukushatisa kwomunhu kunopfuurira pasi redu. Cherechedza, kunyanguvezvo, shoko rokuti “kune mufungo.” Kwakakodzerawo paMagwaro kudzivisa kubvumira nhau dzezvinhu zvipenyu munharaunda yazvo nemiitiro kuva itiro hanya dzedu huru.
Kunyange kugara kwenguva dzose kwomunhu kunoparira tsvina. Somuenzaniso, kukura, kugadzirwa, uye kudyiwa kwezvokudya kazhinji kazhinji kunoparira tsvina, kunyange zvazvo zhinji yayo ingava inoparadzika. (Pisarema 1:4; Ruka 3:17) Zvokudya zvehove dzakagochwa izvo Jesu akamutswa akaitira vadzidzi vake sezvingabvira zvakaguma noutsi, marota, uye tsvina yamapfupa ehove. (Johane 21:9-13) Asi miitiro ine upenyu uye miitiro isina upenyu yapasi yakarongedzerwa kukodzera zvakadaro.
Vanhu vaMwari havafaniri kukanganwa zvinhu zvipenyu nemhoteredzo yazvo. Jehovha aida vanhu vake vakare kuita nhano dzokurasa tsvina, nhano idzo dzaiva nerevo yezvinhu zvipenyu nemhoteredzo yazvo pamwe chete noutsanana. (Dheuteronomio 23:9-14) Uye sezvo tichiziva murangariro wake waavo vanoparadza pasi, zvamazvirokwazvo hatifaniri kufuratira zvinhu zvatigona kuita kuchengeta mhoteredzo yakachena. Tinogona kuratidzira ikoku mukuraswa kwakafanira kwamarara kana kuti tsvina, zvikurukuru zvinhu zvine chepfu. Isu nenzira yokutungamirirwa nehana tinobatira pamwe nenhamburiko dzokuvandudza, tichiva nechikonzero chakawedzerwa chokuita saizvozvo kana izvozvo zvichirairwa naKesari. (VaRoma 13:1, 5) Uye vamwe vanhu vanowana gutsikano mukuita nhano dzokuwedzera, zvakadai sokusarudza kushandisa zvinhu zvinoparadzika panzvimbo peizvo zvingawedzera kumakomo etsvina panyika napasi pamakungwa.
Kutambanuko uko muKristu achasvika muna ikoku, zvisinei, inhau yomunhu oga kutoti kuchidikanwa nomutemo. Kwakajeka kubva muzvinobudisa nhau kuti vanhu vasina kukwana havatani kuwira mumusungo wokuva vanyanyisi. Zano raJesu rakakodzera zvamazvirokwazvo: “Musatonga, kuti murege kutongwa; . . . Unotarireiko rubanzu ruri muziso rehama yako, asi hauoni danda riri muziso rako?” (Mateo 7:1, 3) Kurangarira ikoku kungatibetsera kusarasikirwa nechiono chezvimwe zvinhu zvinokosha.
Muporofita Jeremia akanyora, kuti: “Haiwa, Jehovha, ndinoziva kuti nzira yomunhu haizi yake amene; munhu, unofamba, haagoni kururamisa nhano dzake.” (Jeremia 10:23) Kufuratira iyi nheyo kwakaita kuti rudzi rwomunhu runangane ne“nguva dzinotambudza dzakaoma kubata nadzo,” sezvinotaurwa pana 2 Timotio 3:1-5, (NW). Uye icho Mwari akanyora pana Zvakazarurwa 11:18 chinobvumikisa kuti nhamburiko dzomunhu dzokubvisira pasi zvinetso zvaro zvikuru zvezvinhu zvipenyu nomazvinogara, kubatanidza shatiso, hadzisati dzichizobudirira zvizere. Kungava nefambiro mberi pano napapo, asi mushonga bedzi unogarisa unoda kupindira kwaMwari.
Nokuda kweichi chikonzero tinonangidzira nhamburiko dzedu nepfuma pamhinduro youmwari, panzvimbo pokuedza kubvisa zviratidzo zvapamusoro. Muna ikoku tinotevera muenzaniso waJesu, uyo akapedza rutivi rukuru zvikuru rwoushumiri hwake ‘achipupurira zvokwadi.’ (Johane 18:37) Panzvimbo pokudyisa nyika kana kuti kupedza zvinetso zvenzanga zvomwero wakakura—kubatanidza shatiso—Jesu akanongedzera kumhinduro yakakwana kuzvinetso zvinotambudza rudzi rwomunhu.—Johane 6:10-15; 18:36.
Nepo rudo nokuda kwavanhu biyedu ruchitisunda kudzivisa kushatisa nyika, mhoteredzo, kana kuti migove yemvura zvisiri madikanwa, tinopfuurira kupupurira zvokwadi. Ikoku kunobatanidza kudzidzisa vanhu kushandisa zvokwadi yeBhaibheri naizvozvo ndokudzivisa kuparadza miviri yavo noutsi, zvinodhaka zvakanyanyisa, kana kuti mirimo inokuvadza. Sezvo mamirioni avatsva akava vadzidzi, akadzidza tsika dzorucheno nokurangarirwa kwavamwe. Naizvozvo basa rokuparidzira rakaita betsero chaiyoiyo kukuderedzwa kwezvinetsowo hazvo zvokushatisa nhasi. Asi zvinokosha zvikuru, vadzidzi vechiKristu vanovavarira kushandura hunhu hwavo netsika zvino kuti zvigokodzera mupasi rakachena reParadhiso iro Mwari achakurumidza kugovera nokuda kwavanamati vake vechokwadi.