RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g96 8/8 pp. 30-31
  • Unofanira Kutya Vakafa Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Unofanira Kutya Vakafa Here?
  • Mukai!—1996
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kutya Vakafa Kwakapararira
  • Vakafa Vanogona Kukukuvadza Here?
  • Madzitateguru Edu Ari Kupi?
    Mugwagwa Unoenda Kuupenyu Husingaperi—Wakauwana Here?
  • Unofanira Kutya Vakafa Here?
    Mukai!—2009
  • Kuita Zvemidzimu
    Mukai!—2014
  • Vakafa Vanofanira Kukudzwa Here?
    Mukai!—1999
Ona Zvimwe
Mukai!—1996
g96 8/8 pp. 30-31

Murangariro weBhaibheri

Unofanira Kutya Vakafa Here?

DUDZA nhau yevakafa, uye vanhu vazhinji vanodzivisa kutaurazve chipi nechipi pamusoro payo. Vamwe, zvisinei, havafari chaizvoizvo nenhau yacho; vanorohwa nerutyo. Naizvozvo ndokwechienzi kuwana, tsika nemiitiro zvine chokuita nokutya vakafa mutsika kupote nyika yose. Somuenzaniso, ngatirangarirei tsika dzinowanwa murutivi rweAfrica rwokumaodzanyemba kweSahara.

Mumwe mukadzi murimwe guta reWest Africa anoyeuka zvakajeka chakaitika pashure pokunge mumwe mutezo wemhuri yake afa. Anorondedzera, kuti: “Hama yokunyama yaigadzirira nguva dzose zvokudya zvemushakabvu ndokuzviisa nokungwarira mukamuri rayo rokurara. Apo akanga asipo, ndaipinda ndokuzvibetsera ndimene nezvokudya zvacho. Apo hama yokunyama yaidzoka, yaifara kwazvo! Yaidavira kuti mufi akanga agamuchira zvakanaka. Ikoko kwakapfuurira kwenguva yakati kutozosvikira ndarwara. Ndakarasikirwa nechido changu chezvokudya uye ndakasagona kudya zvokudya zvipi nezvipi. Ikoku kwakaparira rutyo mandiri! Vazhinji vehama dzangu dzokunyama vakagumisa kuti kurwara kwangu kwakaparirwa nehama yedu yokunyama yakafa. Inofanira kuva yakashatirirwa mumwe munhu mumhuri, vakafunga kudaro.”

Muguta rimwe chetero, kana mhuri ine mapatya uye mumwe wacho akafa, hapana munhu angataura nezvemushakabvu mumusha macho. Kana mumwe munhu akabvunza nezvemupatya akafa, mhuri yacho ichapindura nenzira yetsika kuti: “Aenda kundotenga munyu.” Vanodavira zvakasimba kuti upenyu hwemupatya huchatorwa kana zvokwadi ikataurwa.

Tevere, isa izvi muchiono: Murume akanga ane vakadzi vatatu afa. Zuva rapashure pemariro, chipfeko chaicho chichena chinoitirwa vadzimai vacho. Panguva imwe cheteyo, nzvimbo chaiyo yakaitwa nemiti nehuswa inovakwa pedyo nomusha, apo ava vakadzi vachagezera ndokupfeka zvipfeko zvichena. Hapana munhu anobvumidzwa kupinda munzvimbo iyoyo kunze kwavo nomumwe mukadzi akasarudzwa kuvabatsira. Pakubuda mukamuri irori chairo rokugezera, zviso zvavakadzi vacho zvinofukidzwa. Vakadzi vacho vanopfekawo sebe, chuma nokuda kwe“dziviriro.” Uku kugeza kwomuitiro kunoitwa Chishanu chimwe nechimwe noMuvhuro kwamazuva 100. Mukati menguva iyoyo havagoni kutambira chinhu chipi nechipi zvakananga kumunhurume. Kana murume achida kuvapa chimwe chinhu, anofanira kutanga kuchiisa pasi kana kuti patafura. Mukadzi wacho ipapo achachinhonga. Hapana munhu anobvumirwa kugara kana kuti kurara pamubhedha weava vakadzi. Panguva ipi neipi yavanobva pamusha, ivo mumwe nomumwe anofanira kutakura muti chaiwo. Vanofunga kuti kuva nemuti iwoyo kuchadzivisa murume wavo akafa kuva denha. Kana mirayiridzo iri pamusoro apa ikasatevedzerwa, vanofunga kuti murume akafa angagona kushatiriswa ndokuvakuvadza.

Zvinoitika zvakadaro zvinozivikanwa navose murutivi irworwo rwenyika. Zvisinei, aya marudzi etsika haasi omuAfrica bedzi.

Kutya Vakafa Kwakapararira

Imwe encyclopedia, Encarta, inotaura zvinotevera pamusoro penzira iyo marudzi akawanda anorangarira nayo vakare vavo vakafa: “Hama dzokunyama dzakafa . . . dzinodavirwa kuva dzakava vanhu vomudzimu vane simba kana kuti, kazhinji kazhinji zvishoma, kuva dzakava nezivo yavamwari. [Uyu murangariro] wakavakirwa pachitendero chokuti vakare mitezo inoshingaira yenzanga, vachiri vanofarira zvinoitika zvehama dzavo dzokunyama mhenyu. Kwakatsigirwa zvikuru munzanga dzeWest Africa, muPolynesia uye Melanesia (vaDobu uye vaManus), pakati pamarudzi eveIndo-Europe (vaScandinavia nevaGerman vekare), uye zvikurukuru muChina uye Japan. Kazhinji kazhinji, vakare vanodavirwa kuti vanoshandisa chiremera chikuru, vachiva chaizvo nemasimba okupesvedzera kuitika kwezviitiko kana kuti kudzora garikano yehama dzokunyama dzavo dziri kurarama. Dzivirirwo yemhuri ndichimwe cheitiro hanya huru dzavo. Vanorangarirwa sevarevereri pakati pamwari mukurusa, kana kuti vamwari, uye vanhu, uye vanogona kukurukurirana nevapenyu kupfurikidza nezviroto uye nokusvikirwa. Chimiro chendangariro kwavari ndichimwe cherutyo rwakasangana neruremekedzo. Kana vakaregeredzwa, vakare vangaparira hosha nedzimwe nhamo. Kupfupa, mikumbiro, munyengetero, uye chibayiro inzira dzakasiyana-siyana umo vapenyu vanogona kukurukura namo navakare vavo.”

Zvirokwazvo, mari yemhuri inogona kupedzwa nemhaka yokutya vakafa. Kazhinji kazhinji, mitambo yakarongwa zvakanaka inoda zvokudya nezvokunwa, mhuka mhenyu nokuda kwokubayira, uye chipfeko chinodhura zvinorayirwa naavo vanodavira zvakasimba kuti vakafa vanofanira kutyiwa.

Asi hama dzokunyama dzakafa kana kuti vakare vari chaizvoizvo muchimiro chinorayira rutyo noruremekedzo here? Chii icho Shoko raMwari, Bhaibheri, rinotaura?

Vakafa Vanogona Kukukuvadza Here?

Ungafarira kuziva kuti Bhaibheri rinobvuma zvitendero zvakadaro. Mubhuku raDheuteronomio, miitiro ine chokuita nokutyiwa kwavakafa inodudzwa. Rinoti:“Pakati pako hapafaniri kuwanikwa munhu . . . [anoroya] kana anobvunza masvikiro kana muvuki, kana unobvunza vakafa. Nokuti vose vanoita izvozvi vanonyangadza Jehovha.”—Dheuteronomio 18:10-12.

Cherekedza kuti Jehovha Mwari akashurikidza miitiro yakadaro. Nemhaka yei? Nemhaka yokuti yakavakirwa panhema. Nhema hurusa ine chokuita nevakafa ndeyokuti mweya unopfuurira kurarama. Somuenzaniso, magazini inonzi The Straight Path yakataura izvi pamusoro pechinoitika kuvakafa: “Rufu hachisi chimwe chinhu kunze kwokuenda kwemweya. . . . Guva inzvimbo inochengeterwa muviri bedzi, kwete mweya.”

Bhaibheri haribvumi. Zviravire umene Ezekieri 18:4: “Tarirai, mweya yose ndeyangu; somweya waBaba ndowangu, naizvozvowo mweya wemwanakomana ndewangu: mweya unotadza, uchafa.” (King James Version) Uyewo, mugariro wavakafa wakataurwa zvakajeka neShoko raMwari pana Muparidzi 9:5: “Vapenyu vanoziva kuti vachazofa; asi vakafa havana chavanoziva.” Ikoku kunotsanangura chikonzero nei zvokudya zvinosiyirwa vakafa zvisingadyiwi kutoti zvikadyiwa nomumwe munhu mupenyu.

Bhaibheri, zvisinei, haritisiyi tisina tariro nokuda kweavo vari muguva. Vanogona kurarama zvakare! Bhaibheri rinotaura nezve“kumuka.” (Johane 5:28, 29; 11:25; Mabasa 24:15) Ikoko kuchaitika panguva yaMwari yakafanira. Munguva ino, vakafa havana chavanoziva vari muguva, ‘varere,’ kutozosvikira panguva yaMwari yokuti ava“mutse”—Johane 11:11-14; Pisarema 13:3.

Vanhu kazhinji kazhinji vanotya zvisingazivikanwi. Zivo yakarurama inogona kusunungura munhu kutenda mashura kusina zvikonzero. Bhaibheri rinotipa zvokwadi pamusoro pemugariro weavo vari muguva. Nenzira yakapfava, haufaniri kutya vakafa!—Johane 8:32.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe