RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ol chikamu 4 pp. 12-14
  • Madzitateguru Edu Ari Kupi?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Madzitateguru Edu Ari Kupi?
  • Mugwagwa Unoenda Kuupenyu Husingaperi—Wakauwana Here?
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mweya uye Mudzimu
  • Mamiriro Ezvinhu Evakafa
  • Unofanira Kutya Vakafa Here?
    Mukai!—2009
  • Midzimu Haina Kurarama Ndokufira Pasi Pano
    Midzimu Yavakafa—Inogona Kukubetsera Here Kana Kuti Kukukuvadza? Ko Iyo Iriko Chaizvoizvo Here?
  • Chii Chinoitika Kumweya Pakufa?
    Chii Chinoitika Kwatiri Patinofa?
  • Upenyu Pashure Porufu—Bhaibheri Rinotii?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
Ona Zvimwe
Mugwagwa Unoenda Kuupenyu Husingaperi—Wakauwana Here?
ol chikamu 4 pp. 12-14

CHIKAMU 4

Madzitateguru Edu Ari Kupi?

Murume ari kutarisa pikicha yemadzitateguru ake

1, 2. Vanhu vakawanda vanodavirei maererano nevakafa?

MAMIRIYONI evanhu vomuAfrica anodavira kuti rufu hausiriwo mugumo woupenyu, asi kungochinja chete, kutamira kuupenyu kune imwe nzvimbo. Vakawanda vanofunga kuti madzitateguru avo akafa akatama kubva munyika inoonekwa achienda kunyika isingaonekwi, kubva munyika yevanhu achienda kunyikadzimu.

2 Madzitateguru aya, kana kuti midzimu yemadzitateguru, inonzi inodzivirira nokuchengetedza mhuri dzayo dziri pasi pano. Maererano nemaonero aya, midzimu yemadzitateguru ishamwari dzine simba, dzinokwanisa kuunza goho rakanaka, kukonzera upenyu hwakanaka, uye kudzivirira pakukuvadzwa. Kana ikasateererwa kana kuti ikatsamwiswa, inonzi inounza njodzi—kurwara, urombo, uye nhamo.

3. Vamwe vanhu vanonamata sei madzitateguru?

3 Vapenyu vane tsika nemitambo zvavanoita kuti vakudze nokuchengetedza ukama hwakanaka nemidzimu yemadzitateguru. Izvi zvinonyanya kuoneka patsika dzepamariro nepakuviga, zvakadai sokupupudza, nokurova guva. Kunamata madzitateguru kunoratidzwa nedzimwe nzira zvakare. Somuenzaniso, vamwe vanhu vasati vanwa doro, vanodira rimwe pasi kumadzitateguru. Uyezve, kana pabikwa zvokudya, zvimwe zvinosiyiwa muhari kuitira kuti kana madzitateguru akauya, anowana chokudya.

4. Vanhu vakawanda vanodavirei maererano nomweya?

4 Vamwe vanhu vanodavira kuti vapenyu vane mweya usingafi unopukunyuka rufu rwomuviri. Kana munhu achirarama upenyu hwakanaka, mweya unonzi waenda kudenga, kana kuti kuparadhiso, asi kana munhu achirarama upenyu hwakashata, mweya unofungidzirwa kuti unoiswa kuhero. Kakawanda vanhu vanobatanidza pfungwa iyi nezvitendero zvetsika dzavo. Somuenzaniso, zviziviso zvorufu zvomumapepanhau zvinozivisa minamato yemariro dzimwe nguva zvinotaurawo kuti munhu wacho “aenda kunyikadzimu.” Zvose izvi zvinotorerwa papfungwa yokuti mweya, kana kuti mudzimu, unopukunyuka rufu rwomuviri. Bhaibheri rinotii nezveizvi?

Mweya uye Mudzimu

5, 6. Maererano neBhaibheri, mweya chii?

5 Bhaibheri rinoratidza kuti mweya hausi chimwe chinhu chiri mukati momunhu; mweya ndiye munhu pachake. Somuenzaniso, Mwari paakasika Adhamu, “munhu akava mweya mupenyu.” (Genesi 2:7) Adhamu haana kupiwa mweya; ndiye aiva mweya, munhu azere.

6 Saka, tinoverenga kuti mweya inozvarwa. (Genesi 46:18, NW) Inogona kudya kana kuzvinyima zvokudya. (Revhitiko 7:20, NW; Pisarema 35:13) Inochema uye inoziya. (Jeremia 13:17; Jona 2:7) Mweya inogona kubiwa, kuteverwa, uye kuiswa simbi. (Dheuteronomio 24:7, NW; Pisarema 7:5; 105:18, NW) Mamwe maBhaibheri anoshandura shoko romutauro wakatanga kushandiswa achiti “mweya” mundima idzodzo, nepo mamwe anoshandisa mashoko okuti “munhu” kana kuti “chisikwa.” Ose anoreva chinhu chimwe chete.

7. Indima dzipi dzeBhaibheri dzinoratidza kuti mweya unogona kufa?

7 Sezvo mweya uri munhu, munhu paanofa, mweya unofa. Ezekieri 18:4 inoti: “Mweya unotadza, uchafa.” Uyezve, Mabasa 3:23 inoti: “Mweya wose [kana kuti, munhu] usingateereri Muprofita iyeye uchaparadzwa zvachose pakati pevanhu.” Saka mweya hausi chimwe chinhu chinopukunyuka rufu rwomuviri.

8. Mudzimu uri muvanhu chii?

8 Mudzimu hauna kufanana nomweya. Muvanhu, mudzimu isimba rinopa upenyu rinovaita kuti vakwanise kuita mabasa oupenyu. Mudzimu wakafanana nemagetsi. Magetsi anogona kutenderedza feni kana kuita kuti firiji itonhore asi iwo pachawo haagoni kufuridza mhepo kana kutonhodza zvinhu. Saizvozvowo, mudzimu wedu unoita kuti tikwanise kuona, kunzwa, uye kufunga. Asi mudzimu pachawo haugoni kuita chimwe chezvinhu izvozvo pasina maziso, nzeve, kana uropi. Ndicho chikonzero nei Bhaibheri richiti nezvomunhu: “[“Mudzimu,” NW] wake unobuda, iye ndokudzokera pasi pake; nezuva iro mano ake anopera.”—Pisarema 146:4.

9. Mweya nomudzimu hazviiti chii?

9 Naizvozvo, maererano neBhaibheri, mweya kana mudzimu haubudi mumuviri parufu kuti urambe uchirarama munyikadzimu.

Mamiriro Ezvinhu Evakafa

10. Bhaibheri rinotii nezvemamiriro ezvinhu evakafa?

10 Saka, ndeapi ari mamiriro ezvinhu evakafa? Jehovha zvaariye akasika vanhu, anozivawo zvinoitika kwatiri patinofa. Shoko rake rinodzidzisa kuti vakafa havana upenyu, havakwanisi kunzwa, kuona, kutaura, kana kufunga chinhu. Bhaibheri rinoti:

  • “Vakafa havana chavanoziva.”—Muparidzi 9:5.

  • “Rudo rwavo, nokuvenga kwavo, negodo ravo, zvose zvanguva zvapera hazvo.”—Muparidzi 9:6.

  • “Hakuna basa, kana zano, kana zivo, kana uchenjeri [kuguva] kwaunoenda.”—Muparidzi 9:10.

11. Adhamu atadza, Jehovha akati chii kwaari?

11 Funga kuti Bhaibheri rinotii nezvatateguru vedu vokutanga, Adhamu. Jehovha akaumba Adhamu “neguruva revhu.” (Genesi 2:7) Kudai Adhamu akanga ateerera mutemo waJehovha, angadai akararama nokusingaperi achifara pasi pano. Zvisinei, Adhamu haana kuteerera mutemo waJehovha, uye chirango chacho chaiva rufu. Adhamu akaenda kupi paakafa? Mwari akati kwaari: ‘Uchadzokera kuvhu; nokuti wakatorwa kwariri. Zvauri guruva, uchadzokerazve kuguruva.’—Genesi 3:19.

12. Chii chakaitika kuna Adhamu paakafa?

12 Adhamu aivepi Jehovha asati amusika kubva muguruva? Hapana kwaaiva. Akanga asiko. Saka Jehovha paakati Adhamu aizo“dzokera kuvhu,” aireva kuti Adhamu aizovazve asiri mupenyu, kufanana neguruva. Adhamu haana kuramba achirarama munyikadzimu. Haana ‘kutamira’ kunyikadzimu. Haana kuenda kudenga kana kuhero. Akadzokera kumamiriro ezvinhu okusava noupenyu; akarega kuvapo.

13. Pakufa, chii chinoitika kuvanhu nemhuka?

13 Izvozvo ndizvo zvinoitika kuvanhu vose zvavo here? Hungu, ndizvo. Bhaibheri rinotsanangura kuti: “Zvose [vanhu nemhuka] zvinoenda kunzvimbo imwe; zvose zvinobva pavhu, zvose zvinodzokerazve kuvhu.”—Muparidzi 3:19, 20.

14. Vakafa vane tariro yei?

14 Bhaibheri rinovimbisa kuti Mwari achamutsira vakafa kuupenyu muparadhiso yepasi. (Johani 5:28, 29; Mabasa 24:15) Asi nguva iyoyo ichiri mberi. Panguva ino vakarara murufu. (Johani 11:11-14) Hatifaniri kuvatya kana kuvanamata, sezvo vasingagoni kutibatsira kana kutikuvadza.

15, 16. Satani anoedza sei kuita kuti vanhu vadavire kuti vakafa havana kufa chaizvoizvo?

15 Pfungwa yokuti hatifi chaizvoizvo inhema dzinoparadzirwa naSatani Dhiyabhorosi. Kuitira kuti vanhu vagutsikane nenhema idzi, iye nemadhimoni ake vanoedza kuita kuti vanhu vafunge kuti kurwara nezvimwe zvinetso zvinokonzerwa nemidzimu yevakafa. Ichokwadi kuti mamwe matambudziko anokonzerwa nemadhimoni pachawo. Uye ichokwadiwo kuti mamwe matambudziko haakonzerwi nemadhimoni. Asi hachisi chokwadi kuti tinogona kukuvadzwa nevakafa.

16 Pane imwezve nzira iyo madhimoni anoedza kuita nayo kuti vanhu vafunge kuti zvinotaura Bhaibheri maererano norufu hazvina kururama. Anonyengedza vanhu kufunga kuti vaona kana kuti vataura nevakafa. Madhimoni anoita izvi achishandisa zviono, zviroto, masvikiro, nedzimwewo nzira. Zvisinei, vanhu vanotaura, kwete nevakafa, asi nemadhimoni anonyepedzera kuva vanhu vakafa. Ndicho chikonzero nei Jehovha achishora zvakasimba masvikiro nevaya vanobvunza vakafa.—Dheuteronomio 18:10-12; Zekaria 10:2.

Vakafa Havagoni Kutibatsira

Mumwe mambo akanga akakurumbira wokuWest Africa akafa muna 1990. Aiva nemadzimai mashanu nevana vakawanda. Aiva nemabhizimisi maviri aiita mari.

Mambo uyu paakafa, mhuri yacho yakanyatsoita tsika dzayaidavira kuti dzaizoratidza kuremekedza mudzimu wake. Madzimai ake akapfeka mbatya nhema, akasiya bvudzi rawo rakati nyangarara, akadya zvokudya zvishoma, uye haana kugeza. Akachema nokuhwihwidza kwemazuva manomwe pashure pokunge avigwa. Maererano netsika yomunyika macho, mhuri yose yakazoungana nehama kuti vazorova guva—mutambo wokudya nokunwa pamwe chete nokutamba.

Zvechokwadi, mambo uyu aizodai akadzivirira nokukomborera mhuri yake yaimuda, kudai aigona kudaro! Asi hazvisizvo zvakaitika. Bhizimisi rake rakaparara. Nhengo dzemhuri dzakakakavadzirana nhaka dzikazoguma dzati aziva kwake aziva kwake. Zvino muzinda mukuru wamambo waimbova une vanhu vakawanda wangosara nevashomanana.

Vakafa Havagoni Kutikuvadza

Murume ari paguva

Mune mumwe musha muNigeria, mumwe murume akafa ndokuvigwa. Gare gare, mudzimai womurume uyu akarota achiudzwa kuti murume wake aida wachi yake. Saka akatora wachi yacho ndokuicherera padivi pomutumbi wake.

Mumwe mukomana anonzi Dunikan akanochera wachi iya zvisingazivikanwi akaishandisa kwemakore kusvikira yasakara. Haana kumbokuvadzwa. Kudai murume akafa uyu aiva nesimba rokukuvadza vapenyu, chokwadi aidai akaranga mbavha yakaba wachi yake muguva rake!

Bhokisi: Zviitiko zvipi zvinoratidza kuti vakafa havagoni kutibatsira kana kutikuvadza?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe