RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g09 July pp. 18-19
  • Unofanira Kutya Vakafa Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Unofanira Kutya Vakafa Here?
  • Mukai!—2009
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Vakafa Vanoziva Here?
  • Nhema Dziripo—Dzinonyengedza Vanhu
  • Madzitateguru Edu Ari Kupi?
    Mugwagwa Unoenda Kuupenyu Husingaperi—Wakauwana Here?
  • Chii Chichaitika Kana Tikafa?
    Dzidza Kumudzidzisi Mukuru
  • Tariro Iri Nani Yomweya
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Upenyu Pashure Porufu—Bhaibheri Rinotii?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
Ona Zvimwe
Mukai!—2009
g09 July pp. 18-19

Zvinotaura Bhaibheri

Unofanira Kutya Vakafa Here?

Vanhu vedzinza reAnnang vokuNigeria vanodavira kuti kana vanhu vakafa, vakavigwa pasina kukudzwa kana kuremekedzwa zvakanaka, mweya yavo inounza matambudziko—kusanganisira rufu—kune vomumhuri yacho. Vamwe vokuChina vanodavirawo kuti kana tsika dzokuviga vakafa dzikasatevedzwa, mweya yevakafa inorwisa kana kuuraya vamwe.

DZIDZISO yokuti panofa munhu chimwe chinhu chinobuda mumuviri—mweya, mudzimu kana chipoko—inowanika mutsika dzakawanda munyika yose. Vakawanda vanofungawo kuti mweya kana mudzimu uyu unokwanisa kupindira mumararamiro ehama kana shamwari.

Kunyange vakawanda vachidavira izvi, zvechokwadi pane chimwe chinhu here chinoramba chichirarama kana munhu afa? Uye “chinhu” ichocho chingakuvadza vapenyu here? Bhaibheri rinotii?

Vakafa Vanoziva Here?

Bhaibheri rinozivisa kuti vakafa “havana kana chavanoziva.” Rinotaurawo kuti vakafa ‘vari murufu havana simba.’ (Muparidzi 9:5; Isaya 26:14) Nezvemunhu wokutanga, Adhamu, Shoko raMwari rinotsanangura kuti: “Jehovha Mwari akatanga kuumba munhu neguruva revhu akafuridzira mumhino dzake mhepo yokufema youpenyu, munhu akava mweya mupenyu.”—Genesisi 2:7.

Ona kuti Adhamu akasikwa ari mweya, kureva kuti, munhu mupenyu. Maererano neBhaibheri, Adhamu haana kupiwa mweya waigona kurarama usiri pamwe nemuviri wake. Saka Adhamu paakatadza, akafa. Akava ‘mweya wakafa.’ (Numeri 6:6) Bhaibheri rinotaurawo kuti “Mweya unotadza—ndiwo uchafa.” (Ezekieri 18:4) Tose zvedu takaberekwa tisina kukwana, tine chivi chakabva kumunhu wokutanga, Adhamu. Saka patinofa, mweya ndiwo unofa.—VaRoma 5:12.

Bhaibheri parinotsanangura nezvevakafa, harishandisi mashoko asinganzwisisiki, asi atinonzwisisa, akadai sokuti “kurara murufu.” (Pisarema 13:3) Pane imwe nguva Jesu akati nezvemusikana aiva nemakore 12: “Haana kufa asi akarara.” Vanhu “vakatanga kumuseka vachimuzvidza, nokuti vaiziva kuti akanga afa.” Asi, Bhaibheri rinotsanangura kuti Jesu akamumutsa kubva muhope dzorufu.—Ruka 8:51-54.

Ndizvo zvakaitikawo Razaro paakafa. Jesu akaudza vadzidzi vake kuti aishanyira Razaro “kunomumutsa muhope.” Vadzidzi havana kunzwisisa zvairehwa naJesu, saka “Jesu akavataurira asingambovanzi kuti: ‘Razaro afa.’” Muapostora Pauro akataurawo nezvevaya ‘vakanga varara murufu’ uye akati munguva yakakodzera yaMwari, vaizomutswa.—Johani 11:11-14; 1 VaTesaronika 4:13-15.

Zvinokosha kuona kuti Bhaibheri hapana parinodzidzisa kuti mweya unoramba uchirarama munhu paanofa. Naizvozvo hapana chikonzero chokutya vakafa. Saka nei vanhu vakawanda vachidavira kuti pane chinoramba chichirarama munhu paanofa? Uye nei vanhu vachitya kuti vakafa vangakuvadza vapenyu?

Nhema Dziripo—Dzinonyengedza Vanhu

Zvitendero zvenhema zvakatsigira pfungwa yokuti vanhu pavanofa havafi chaizvoizvo. Nguva pfupi vanhu vachangobva kusikwa, dzidziso yokuti mweya haufi yakatanga kugamuchirwa munyika yose. Somugumisiro, paifa vamwe vatongi, vakadai savanaFarao vokuIjipiti yekare, varanda vavo vaiurayiwawo kuitira kuti vanovashumira.

Vanhu vakawanda pavakatambudzwa vakaudzwa kuti vaitambudzwa nemweya kana kuti midzimu yevakafa. Vanodavira zvechokwadi kuti kutambudzwa ikoko kunokonzerwa nemweya yehama dzavo nevamwewo vakafa vasiri kufara. Asi idzodzo inhema, sezvinoratidzwa zvakajeka neMagwaro. Masimba emidzimu isingaoneki anonzi madhimoni ndiwo anokonzera kutambura ikoko, uye anonakidzwa nokutambudza uye kutyisidzira vanhu.—Ruka 9:37-43; VaEfeso 6:11, 12.

Magwaro anotaura nezvaSatani sa“baba venhema” uyo “anoramba achizvichinja kuva ngirozi yechiedza.” Iye nemadhimoni ake vari “kutsausa nyika yose inogarwa.” (Johani 8:44; 2 VaKorinde 11:14; Zvakazarurwa 12:9) Kutaura chokwadi, Satani ndiye muridzi wenhema dzokuti mweya haufi uye kuti unokwanisa kukuvadza vapenyu.

Vaya vanodavira zvinotaurwa neBhaibheri, vanodzivirirwa kuti vasanyengerwa nenhema dzakadaro. Vava kuziva chokwadi nezvokuedza kwaSatani kunyengedza vanhu kuti vafunge kuti vakafa vanokwanisa kutaura nevapenyu. Sezvinotaurwa neBhaibheri, chokwadi ndeichi: “Vapenyu vanoziva kuti vachazofa; asi vakafa havana kana chavanoziva.” (Muparidzi 9:5) Zvechokwadi, Shoko raMwari rine chokwadi chinotisunungura panhema dzine chokuita nevakafa!—Johani 8:32.

WAKAMBOFUNGA NEZVEIZVI HERE?

◼ Vakafa pane chavanoziva here?—Muparidzi 9:5; Isaya 26:14.

◼ Nei vanhu vakawanda vachidavira kuti pane chinoramba chichirarama munhu paanofa?—Johani 8:44.

◼ Tingawana kupi chokwadi chine chokuita nevakafa?—Johani 8:32; 17:17.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 19]

Zvisikwa zvomudzimu zvakaipa, kwete vanhu vakafa, ndizvo zvinonakidzwa nokutambudza vanhu

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe