Mugumisiro Wengwavaira
KUVA mupoteri kwakaita sei? Edza kufungidzira kuti uri kugara murugare, asi kamwe kamwe upenyu hwako hwose hunochinja. Kamwe kamwe, vavakidzani vanova vavengi. Varwi vari kuuya avo vachabipitira nokupisa musha wako. Une maminiti gumi okurongedza ndokutiza kuti uponese upenyu hwako. Unongogona kutora bhegi duku rimwe bedzi, sezvo uchafanira kuritakura kwemakiromita mazhinji. Uchaiseimo?
Unobva mukati mokurira kwepfuti nemabara. Unokumbanira vamwe vari kutizawo. Mazuva anopfuura; unogwadaira une nzara, une nyota, uye waneta zvisingadaviriki. Kuti upone, unofanira kufambisa muviri wako kunyange zvazvo waneta. Unorara pasi. Unotsvaka chimwe chinhu chokudya mumunda.
Unosvika kunyika yakachengeteka, asi varindi vepamuganhu havasati vachizokubvumira kudarika. Vanovhundunura bhegi rako ndokutora chinhu chiri chose chinokosha. Unowana imwe nzvimbo inonzverwa vanhu ndokuyambuka muganhu. Unoiswa mumusasa wevapoteri une tsvina, wakakomberedzwa newaya yeminzwa. Kunyange zvazvo wakapoteredzwa nevamwe vane mamiriro ezvinhu akafanana neako, unonzwa uri woga uye wakangaidzwa.
Unorasikirwa noushamwari hwemhuri yako neshamwari. Unozviwana umene wava kutsamira chose chose parubatsiro rwokunze. Hapana basa uye hapana chokuita. Unorwisana nemirangariro yokusava netariro, kupera mwoyo, uye kutsamwa. Unoshushikana pamusoro peramangwana rako, uchiziva kuti kugara kwako mumusasa sezvingabvira kuchava kwechinguvana. Chaizvoizvo, musasa wacho hausi musha—wakaita seimba yokumirira kana kuti imba inochengeterwa vanhu vasina munhu anovada. Unoshamisika kana uchadzorerwa nokumanikidza kwawakabva.
Izvi ndizvo zviri kuitika kumamiriyoni nhasi. Maerereno neUnited Nations High Commissioner for Refugees (UNHCR), vanhu vane mamiriyoni 27 munyika yose vakatiza hondo kana kuti chitambudzo. Vanhu vane mamiriyoni 23 vokuwedzera vakatamiswa vari mukati menyika dzavo vamene. Mukurangarira zvose, munhu 1 pavanhu 115 vari vose vari pasi pano akamanikidzwa kutiza. Vazhinjisa vakadzi nevana. Mugumisiro wehondo nengwavaira, vapoteri vanosiyiwa vasina nzira yokuzvidzivirira nayo munyika isingavadi, nyika inovaramba, kwete nemhaka yokuti ndivanaani, asi nemhaka yezvavari.
Kuvapo kwavo chiratidzo chenyongano huru kupota nyika. UNHCR, inoti: “Vapoteri ndicho chiratidzo chikurusa chokuparara kwenzanga. Ndivo chikochekedzo chokupedzisira, chiri pachena zvikurusa, munhevedzano yezvinoparira nemigumisiro zvinozivisa ukuru hwokuparara kwenzanga yenyika nezvematongerwe enyika. Vachitariswa munyika yose, vapoteri chiyereso chemamiriro ezvinhu azvino epepuko yomunhu.”
Nyanzvi dzinotaura kuti mwero wechinetso chacho hausati wamboitika uye uri kukura pasina mugumo wava kuoneka. Chii chakatungamirira kumamiriro ezvinhu akadaro? Kune mhinduro ipi neipi here? Nyaya dzinotevera dzichanzvera mibvunzo iyi.
[Vakatipa Mifananidzo iri papeji 3]
Mukomana ari kuruboshwe: UN PHOTO 159243/J. Isaac
U.S. Navy photo