RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g02 7/8 pp. 10-12
  • Mapurisa—Remangwana Rawo Rakadini?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mapurisa—Remangwana Rawo Rakadini?
  • Mukai!—2002
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Chii Chaizoitika Dai Pasina Mapurisa?
  • Kuchinja Zvinhu Munzanga
  • Kudzivirirwa Nemapurisa—Tariro uye Kutya
    Mukai!—2002
  • Mapurisa—Nei Tichiada?
    Mukai!—2002
  • Kurwisa Kugumisa Utsotsi
    Mukai!—1996
  • Hondo Isingahwinhwi Mukurwisana Neutsotsi
    Mukai!—1998
Ona Zvimwe
Mukai!—2002
g02 7/8 pp. 10-12

Mapurisa—Remangwana Rawo Rakadini?

PASINA mapurisa taizova nemvongamvonga isingabviri. Asi kunyange paine mapurisa, nyika yakachengeteka here? Mumaguta akawanda mazuva ano, kufanana nenzvimbo dzokumamisha dzakawanda, pane dambudziko kana toreva nezvokuchengeteka. Tingatarisa kumapurisa kuti atinunure kubva kuutsotsi hwakarongwa uye makororo agara nebasa here? Tingatarisira kuti mapurisa aite kuti migwagwa ifambike here? Achakunda hondo yokupedza utsotsi here?

David Bayley anotaura zvaanofunga mubhuku rake rinonzi Police for the Future achiti: “Mapurisa haadzivisi utsotsi.” “Zvechokwadi, mapurisa anongova nezvishoma zvaanokwanisa kuita padambudziko racho. . . . Hatikwanisi kuvimba nemapurisa, kunyange kana akazvipira kudzivisa utsotsi, kudzivirira vanhu kubva kuutsotsi.” Ongororo dzakaratidza kuti pane mabasa makuru matatu anoitwa nemapurisa—kutenderera-tenderera mumigwagwa, kuenda kunenge kwaitika tsaona, uye kufeyafeya mhosva—haadzivisi kuparwa kwemhosva. Nei izvi zvakadaro?

Kuedza kudzivisa kuparwa kwemhosva pachishandiswa mapurisa zvaizova zvinodhura zvisingatauriki. Matsotsi anenge asina basa nokuwanda kwemapurisa anotenderera-tenderera. Kukurumidza kuenda panenge pabiwa hakudzivisi kuba zvekare. Mapurisa akashuma kuti kunze kwokuti akakwanisa kusvika panenge pabiwa miniti imwe chete isati yapera, zvinozooma kuti abate nhubu yacho. Matsotsi anenge anoziva kuti kukurumidza kusvika uku kunenge kusingabviri. Uye kufeyafeya hakuna zvakunobatsira. Kunyange kana mapurisa akakwanisa kuwana mumwe munhu aine mhosva ndokumuisa muchitokisi, izvi hazvidzivisi kuparwa kwemhosva. United States inoisa mujeri matsotsi akawanda kukunda chero imwe nyika, asi ichiri nedambudziko routsotsi hwakanyanya; nepo Japan, iyo ine vashoma vari mumajeri, ine utsotsi hushoma. Kunyange zvirongwa zvakadai sokuva nemapurisa omunharaunda hazvina zvakawanda zvazvakakwanisa kuita, kunyanya kunzvimbo dzine utsotsi hwakanyanya. Kuedza kupedza dzimwe mhaka, dzakadai sokutengesa zvinodhaka uye kupaza vanhu vachiba, kunobatsira kwechinguva, asi zvekare, hazvirambi zvakadaro.

“Kuti mapurisa haakwanisi kudzivisa utsotsi hakufaniri kunyanya kushamisa kuvanhu vanofunga,” inodaro Police for the Future. “Vazhinji vanonzwisisa kuti magariro evanhu, ayo asingakwanisi kudzorwa nemapurisa, uye asingakwanisi kudzorwa nematare edzimhosva, ndiwo anosarudza kuti utsotsi huchava hwakanyanya sei munharaunda.”

Chii Chaizoitika Dai Pasina Mapurisa?

Unoita sei kana pasina mapurisa ari kukuona? Ungati dzawira mutswanda here kwava kutyora mutemo? Zvinoshamisa kuti vanhu vazhinji vepamusoro vanonzi vanoremekedzwa vanoisa mukurumbira wavo pangozi kuti vabe mari kumabasa kwavo. The New York Times munguva pfupi ichangobva kudarika yakashuma kuti ‘vanhu 112 vakapiwa mhosva dzokuba kubasa, avo vakanzi vaibatanidzwa mukuda kuba mari kumakambani einishuwarenzi dzemota. Pakati peavo vakapiwa mhosva pakanga paine magweta, vanachiremba vanoita zvakasiyana-siyana, uye mumwe anoshanda kuPolice Department.’

Imwe nhau ine chokuita nokuba mari yakawanda ichangobva kubuda yakavhundutsa mbozha dzeimwe kambani apo vaimbova vakuru vakuru veSotheby’s yomuNew York uye Christie’s yomuLondon vakawanikwa vaine mhosva yokuchinja mitengo. Ivo pamwe chete nekambani dzavo dzokutengesa zvinhu vakanzi vanofanira kubhadhara mari inosvika mazana emamiriyoni emadhora yefaindi uye kuripa vakakanganisirwa! Nokudaro kukara mari kusina muganhu kunowanika kwese kwese munzanga.

Zvakaitika muRecife, kuBrazil muna 1997 apo mapurisa akaramwa basa zvinoratidza kuti vanhu vanokwanisa kukurumidza kuva matsotsi kana pasina anovadzivisa. Zvipi nezvipi zvavanotenda mune zvechitendero hazvichinji unhu hwavo. Vanogona kusendeka tsika dzakanaka kunyange kutodzikanda kumarara. Ndosaka zvisingashamisi kuti mapurisa munyika dzakawanda ari kukundikana munyika isingateereri mutemo, pangave pazvinhu zviduku kana zvikuru.

Ukuwo, vamwe vanhu vanoteerera mitemo nokuti vanoremekedza chiremera. Muapostora Pauro akaudza vaKristu muRoma kuti vanofanira kuzviisa pasi pevane simba avo Mwari akabvumira sezvo vachiita kuti zvinhu zvinge zvinoti nakei munzanga. Nezvevane simba vakadaro, akanyora kuti: “Mushumiri waMwari, mutsivi wokuratidzira hasha kune anoita zvakaipa. Naizvozvo kune chikonzero chinogombedzera chokuti muzviise pasi, kwete bedzi nemhaka yehasha idzodzo asiwo nemhaka yehana yenyu.”—VaRoma 13:4, 5.

Kuchinja Zvinhu Munzanga

Zvechokwadi basa rechipurisa rine zvarinokwanisa kuita mukuvandudza zvinhu munzanga. Apo migwagwa inenge isina vanotengesa zvinodhaka uye chisimba, vanhu vanomboti garei zvakanaka. Asi kutaura chokwadi, hapana boka remapurisa rinokwanisa kuchinja vanhu.

Ungafungidzira nyika iyo vanhu vanenge vachiremekedza mutemo zvokuti vanenge vasingadi mapurisa here? Ungafungidzira nyika iyo vanhu vanenge vaine hanya nevamwe zvokuti vavakidzani vanenge vachida kubatsira uye hapana anenge achida kudaidza mapurisa kuti abatsirwe here? Zvichida izvi zvinonzwika sokurota. Asi mashoko aya aJesu, kunyange zvazvo akaataura pane imwe nyaya, anoshanda zvechokwadi. Akati: “Izvi hazvibviri kuvanhu, asi zvinhu zvose zvinobvira kuna Mwari.”—Mateu 19:26.

Bhaibheri rinotsanangura nguva yemberi apo vanhu vose vanenge vava kutongwa nehurumende yakagadzwa naJehovha Mwari. “Mwari wokudenga uchamutsa ushe . . . Huchaputsanya nokuparadza ushe uhwo hwose.” (Dhanieri 2:44) Kuburikidza nokudzidzisa vanhu vose vepachokwadi nzira yaMwari yorudo, hurumende itsva iyi ichachinja vanhu vanoita zvechitsotsi. “Nyika yose ichazara nokuziva Jehovha, sezvinofukidza mvura pasi pegungwa.” (Isaya 11:9) Mambo akagadzwa naJehovha, Jesu Kristu, achakwanisa kudzivisa utsotsi hwose. “Haazotongi nezvaanoona kana kusarudza nezvaanonzwa; achatonga varombo nokururamisira uye achadzivirira vanozvininipisa munyika ine ruramisiro.”—Isaya 11:3, 4, The New English Bible.

Hakuchazovipo matsotsi kana utsotsi. Mapurisa haazodiwi. Munhu wose “achagara pasi pomuzambiringa wake nepasi pomuonde wake, hakuna ungazovatyisa.” (Mika 4:4) Kana uchida kuzovawo mu“nyika itsva” inotsanangurwa muBhaibheri, zvino ndiyo nguva yokutsvaka zvakapikirwa naMwari muShoko rake.—2 Petro 3:13.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 12]

Ungafungidzira nyika iyo vanhu vanenge vachiremekedza mutemo zvokuti vanenge vasingadi mapurisa here?

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 12]

Hakuchazovipo matsotsi kana utsotsi

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 11]

Kurwisana Kwemapurisa Nemagandanga

Sezvakaratidzwa nezvakaitika musi waSeptember 11, 2001, muNew York City uye Washington, D.C., vanopamba vanhu mundege, vanoba vanhu, uye magandanga vava kuita kuti mapurisa aomerwe mukuedza kuchengetedza vanhu. Mamwe mapurisa munzvimbo dzakawanda pasi pano akasarudzwa kuti adzidzire kupinda mundege dzinenge dzakamira panhandare nokukurumidza. Akadzidzawo unyanzvi hwokupinda zvisingafungirwi muzvivako—kupinda nepamatenga ezvivako, kusvetuka nepamawindo, uye kukanda magirinedhi ane utsi hunokachidza. Mapurisa akadzidziswa zvakadaro akabudirira mukusvika pane magandanga uye kuakurira pasina kunyanya kuisa upenyu hwevanhu vanenge vapambwa pangozi.

[Kwazvakatorwa]

James R. Tourtellotte/U.S. Customs Service

[Mufananidzo uri papeji 12]

Zvinhu zvichange zvisisina basa munyika itsva yaMwari

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe