Ndivanaani Vanogara Munzvimbo Yemidzimu?
NYIKA yazova “supamaketi” yezvitendero zvorudzidziso. MuAfrica moga mune zviuru zvemapoka orudzidziso, rimwe nerimwe rine mirangariro yaro rimene pamusoro pezvinoitika munzvimbo yemidzimu. Asi kuti tiwane mashoko akajeka neechokwadi, tinofanira kutarira kuBhaibheri. Rinozivisa midzimu—yose iri miviri yakanaka neyakaipa—iyo inogara munzvimbo yemidzimu. Rinoratidzawo kuti ndekunaani kwatingakumbira nenzira inobudirira betsero nedziviriro.
Jehovha, Mwari Wamasimba Ose
Rudzidziso rwemagamuchidzanwa muAfrica runodzidzisa kuti anotungamirira madzitateguru nevamwari ndiMwari wamasimba ose. Bhuku rinonzi African Mythology, rinoti: “Hapana mubvunzo kuti anenge marudzi ose omuAfrica, kana asiri ose anodavira, muMusikavanhu, musiki wezvinhu zvose.” Bhuku rinonzi African Religion in African Scholarship rinoti: “Sezvo Mwari ari mudzori akakwana wechisiko chose, vamwe vanhu vose nesimba rose zviripo nokuda Kwake. Ane chiremera chakakwana nesimba.”
Bhaibheri rinobvuma kuti kune Munhu anotonga sachangamire munzvimbo yemidzimu. Rinomurondedzera sa“Mwari wavamwari, naShe wamadzishe, Mwari mukuru, unotyisa, usingatsauri vanhu, kana kugamuchira [fufuro, NW].”—Dheuteronomio 10:17.
MuAfrica mose mune mazana emazita nemazita okuremekedza anopiwa kune anorangarirwa sachangamire. Bva, Shoko raMwari rinoti chii pamusoro pezita raMwari? Wezvemapisarema akanyora, kuti: “Vazive kuti imi moga, imi mune zita rinonzi Jehovha, ndimi wokumusorosoro kumusoro kwapasi pose.” (Pisarema 83:18) Iri zita rinoera rinowanika kanopfuura ka7 000 muchinyorwa cheBhaibheri, kunyange zvazvo vamwe vashanduri veBhaibheri vakaritsiva nemazita okuremekedza akadai sa“Mwari” kana kuti “Ishe.”
Nemhaka yokuti Jehovha ndewamasimba ose, anogona kutibetsera. Anozvirondedzera amene sa“Mwari uzere nyasha nengoni, unononoka kutsamwa, une tsitsi huru nezvokwadi, unochengetera vane zviuru zvamazana nyasha dzake, unovakanganwira zvakaipa zvavo nokudarika kwavo nezvivi zvavo, asi asingapembedzi munhu une mhosva.”—Eksodho 34:6, 7; 1 Samueri 2:6, 7.
Ngirozi, Vashumiri Vane Simba vaMwari
Kare kare Jehovha asati asika vanhu kana kuti kunyange pasi rimene, akasika vanhu vomudzimu mudenga. Bhaibheri rinotaura kuti panguva apo Mwari “akateya nheyo dzenyika . . . vanakomana [vengirozi] vose vaMwari vachipururudza nomufaro.” (Jobho 38:4-7) Kune mamiriyoni engirozi. Mubatiri waJehovha Dhanieri akanyora nezvechimwe chiono chezvinhu zvokudenga umo akaona “zviuru nezviuru zvakanga zvichimubatira [Mwari], uye pamberi pake pakanga pamire zviuru zvine gumi zvezviuru zvine gumi.”—Dhanieri 7:10.
Munhu womudzimu wokutanga uyo Jehovha akasika akanga ari uyo akazosvika pakuzivikanwa saJesu Kristu. (Johane 17:5; VaKorose 1:15) Asati ararama somunhu pasi pano, Jesu akararama mudenga sechisikwa chomudzimu chine simba. Pashure porufu rwake somunhu, Jesu akamutsirwa kudenga, uko akavambazve upenyu sechisikwa chomudzimu chine simba.—Mabasa 2:32, 33.
Jesu ane simba guru mudenga. Pana Judhasi 9, Jesu, anozivikanwawo saMikaeri, anonzi “ngirozi huru,” zvichireva kuti ndiye ngirozi huru, kana kuti hombe. (1 VaTesaronika 4:16) Anewo chiremera pamusoro pepasi. Jehovha akamupa “simba, nokubwinya, noushe, kuti vanhu vose namarudzi ose namarimi ose vamushumire.” (Dhanieri 7:13, 14) Pasinei zvapo nechiremera chake chikuru, Jesu anoramba ari pasi paBaba vake, Jehovha.—1 VaKorinte 11:3.
Nepo ngirozi dzakatendeka dzichishumira Jehovha, dzinoshumirawo vabatiri vaMwari vari pasi pano. Muapostora Pauro akanyora, kuti: “Ko havazi [ngirozi] vose mweya inoshumira, yakatumwa kubata nokuda kwavanodya nhaka yokuponeswa here?” (VaHebheru 1:14) Dzinoitira hanya zvikuru kuti vanhu vadzidze chokwadi pamusoro paJehovha. Muapostora Johane akaona mune chimwe chiono “mutumwa achibhururuka pakati pedenga, ane Evhangeri isingaperi, kuti aiparidzire vanogara panyika, namarudzi ose, nendudzi dzose, ndimi dzose, navanhu vose. Akati nenzwi guru: Ityai Mwari, mumurumbidzei.”—Zvakazarurwa 14:6, 7.
Satani Nemadhemoni, Vavengi vaMwari Nomunhu
Nenzira inosuruvarisa, hadzisi ngirozi dzose dzave dzakatendeka kuna Mwari. Dzimwe dzakamupandukira, dzichiva vavengi vavose vari vaviri Mwari norudzi rwomunhu. Mupanduki mukuru ndiSatani Dhiyabhorosi.
Nepo vazhinji nhasi vachiramba kuti Satani ariko, hapana munhu anoramba kuti uipi huriko. Kudavira uipi nepo usingadaviri kuti hune chinohuparira kunotungamirira ku“chinetso chisinganzvengeki,” rinodaro bhuku rinonzi The Death of Satan. “Tinonzwa chimwe chinhu icho tsika yedu isingachatipi mashoko okuchitaura.”
Mukupesana, Bhaibheri rinewo mashoko acho uye rinotsanangura zvakajeka chokwadi pamusoro pemanyuko ouipi. Rinotsanangura kuti zvisikwa zvengirozi zvakasikwa naJehovha zvose zvakanga zvakarurama uye zvakanaka; haana kusika ngirozi dzakaipa dzipi nedzipi. (Dheuteronomio 32:4; Pisarema 5:4) Bva, ngirozi, kufanana nevanhu, dzakapiwa simba rokusarudza chakarurama nechisakarurama. Mumwe wevanakomana vomudzimu vakakwana ava akavamba kuva nechishuvo choudyire chokuti azvitorere amene kunamatwa kuri kwaJehovha. Nokudaro akawana zita rokuti Satani, rinoreva kuti “Mudzivisi.” (Enzanisa naJakobho 1:14, 15.) Satani haasiriwo zvake munyengeri seizvo mamwe marudzidziso eAfrica anodzidzisa; uyewo haasi “murindi” anodzivirira avo vanogara vachiita zvibayiro kwaari. Bhaibheri rinomuratidza kuva akaipa chose chose neanotyisa.
Dzimwe ngirozi dzakakumbanira kumukira Mwari kwaSatani. Idzi ngirozi madhemoni vavengiwo vevanhu vari pasi pano. Idzowo dzine ruvengo uye dzakaipa. Munguva dzakapfuura, dzakaita kuti vamwe vanhu vave mbeveve nemapofu. (Mateo 9:32, 33; 12:22) Vamwe, kubatanidza vana, dzakatambudza nechirwere kana kuti kupenga. (Mateo 17:15, 18; Marko 5:2-5) Nenzira yakajeka, hapana munhu ane mufungo angada kuva nechinhu chipi nechipi chokuita naSatani kana kuti madhemoni iwayo.
Madzitateguru Aripi?
Mamiriyoni evanhu ari muAfrica nekune dzimwe nzvimbo anodavira kuti rufu harusi mugumo woupenyu asi kungochinjawo zvako, mukoto wokuenda nawo kunzvimbo yemidzimu, nzvimbo yevose vari vaviri vamwari nemadzitateguru. Nyanzvi John Mbiti, mazvikokota pamarudzidziso eAfrica, anonyora pamusoro pechitendero mumadzitateguru, avo anoti “vapenyu vakafa”: “Iyi ndiyo ‘midzimu’ iyo marudzi omuAfrica anoitira hanya zvikurusa . . . Inoziva uye inofarira zviri kuitika mumhuri [iri pasi pano]. . . . Ndivo vachengeti venhau dzemhuri, magamuchidzanwa, tsika uye mibato. Mhaka munhau idzi zvirokwazvo imhaka kumadzisekuru ayo, ari munzvimbo iyoyo, anoita semapurisa asingaoneki emhuri nenzanga. Nemhaka yokuti vachiri ‘vanhu’, vapenyu vakafa naizvozvo ndiro boka rakanakisisa revarevereri pakati pevanhu naMwari: vanoziva zvinodikanwa zvevanhu, vanga vari pano ‘nguva pfupi yapfuura’ nevanhu, uye panguva imwe cheteyo vanogona kuwana zvakazara mikoto yokukurukura naMwari.”
Chii, kunyange zvakadaro, chinotaura Bhaibheri pamusoro pemugariro wevakafa? Rinoratidza kuti hakuna chinhu chakadai se“vapenyu vakafa.” Vanhu vapenyu kana kuti zvimwe vakafa—havangatongovi zvose zviri zviviri. Shoko raMwari rinodzidzisa kuti vakafa havakwanisi kunzwa, kuona, kutaura, kana kuti kufunga. Vakafa havakwanisi kuchengeta vapenyu. Bhaibheri rinoti: “Vakafa havana chavanoziva . . . Rudo rwavo, nokuvenga kwavo, negodo ravo, zvose zvanguva zvapera hazvo . . . Hakune basa, kana zano, kana zivo, kana uchenjeri paSheori [guva], kwaunoenda.” (Muparidzi 9:5, 6, 10) “[Munhu] ndokudzokera pasi pake; nezuva iro mano ake anopera.”—Pisarema 146:4.
Kudzokera Kuguruva
Kana uchiwana ikoku kwakaoma kubvuma, rangarira chakaitika kumunhu wokutanga, Adhama. Jehovha akaumba Adhama “neguruva revhu.” (Genesi 2:7) Apo Adhama akarega kuteerera murayiro waJehovha, chirango chacho chakanga chiri rufu. Mwari akati kwaari: “Uchadzokera kuvhu; nokuti wakatorwa kwariri. Zvauri guruva, uchadzokerazve kuguruva.”—Genesi 3:19.
Jehovha asati asika Adhama neguruva, Adhama akanga asiko. Naizvozvo apo ‘akadzokera kuvhu,’ akava zvakare asina upenyu, seguruva. Haana kuyambukira kunzvimbo yemidzimu yemadzitateguru. Haana kuenda kudenga kana kuti kuhero. Apo akafa, ndowakava mugumo wake.
Ko chinhu chimwe chetecho chinoitika kune vamwe vanhu parufu here? Hungu, zvinoitika. Bhaibheri rinoti: “Zvose [zvose zviri zviviri vanhu nemhuka] zvinoenda kunzvimbo imwe; zvose zvinobva pavhu, zvose zvinodzokerazve kuvhu.” (Muparidzi 3:20) Bhaibheri rinopikira kuti Mwari achamutsira vanhu vakafa kuupenyu muparadhiso yepasi, asi nguva iyoyo ichiri mberi. (Johane 5:28, 29; Mabasa 24:15) Parizvino, hatifaniri kutya vakafa kana kuti kuita zvibayiro kwavari, sezvo vasingagoni kutibetsera kana kuti zvimwe kutikuvadza.
Satani nemadhemoni ake vanoda kutsausa vanhu pamusoro pomugariro wemadzitateguru avo akafa, naizvozvo vanotsigira nhema dzokuti vanhu vanopfuurira kurarama pashure porufu. Imwe nzira yavanoita nayo ikoku iri kupfurikidza nenhau dzenhema. (1 Timotio 4:1) Vanoshandisawo zviono, zviroto, uye masvikiro kunyengedza vanhu kuti vafunge kuti vakurukura nevakafa. Asi havasiri vakafa vanokurukurwa navo. Panzvimbo pezvo, madhemoni anonyepedzera kuva vanhu vakafa. Ndicho chikonzero nei Jehovha achishora zvakasimba avo vanobvunza vakafa, nenzira yakananga kana kuti zvimwe nenzira isina kunanga, kupfurikidza nemimwe mitoo, yakadai sekuuka.—Dheuteronomio 18:10-12.
[Mufananidzo uri papeji 6]
Madhemoni anonyengedza nokutyisidzira vanhu kupfurikidza nezviono, zviroto, uye masvikiro
[Mifananidzo iri papeji 7]
Kuti atsause vanhu, madhemoni anonyepedzera kuva avo vakafa