Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .
Rock Yokutsiva Ndeyangu Here?
“Ndinogona kutsigira nziyo dziri pamusoro pezvinetso zvakasiyana-siyana uye zvinoitika izvo isu vaduku tinonangana nazvo.”—George ane makore 15 okukura.a
“Iri pakati pepop neheavy metal.”—Dan ane makore 19 okukura.
“Itsva. Yakasiyana. Hadzisi nziyo dzinozivikanwa navose, nziyo dzinogadzirwa dzakawanda.”—Maria ane makore 17 okukura.
ROCK yokutsiva. Vechiduku vazhinji vanofarikanya kuiteerera. Vamwe vakuru vanokangaidzwa nayo. Uye vabereki vazhinjisa zvimwe vanoziva zvishoma kana kuti havatongozivi zvairi.
Sezvinobvumwa, hakusiri nyore kutsanangura chaizvoizvo chiri rock yokutsiva. Pamavambo, yakanga iri nziyo dzepwere dzaida chimwe chinhu chakasiyana, chinotsiva nziyo dzakakurumbira chinozivikanwa navose muredhiyo. Vamwe vanoti yakatanga apo nhepfenyuro dzekoreji dzomunzvimbomo dzakapa nguva yokutepfenyura mabhendi anodokuva asingazivikanwi—mapoka ekuimba akadada amene nokusatengesera indasitiri yezvokutengesa nziyo. Rudzi rutsva rwevaimbi rwakadzivisa zviziviso zvokurekodha kukuru neunyanzvi hukuru hwokutengesa, hwakadai semavhidhiyo enziyo. Uyewo, vakanyora pamusoro penhau dzisingawanzodudzwa munziyo 40 Dzakakurumbira zvikurusa.
Kusafanana nenziyo dzeheavy metal kana kuti dzerap, rock yokutsiva nguva dzose haizivikanwi nyore nyore kana kuti kukamuraniswa. Kunyange nyanzvi muindasitiri yenziyo hadzibvumirani pamusoro peiri chaizvoizvo rock yokutsiva. Ikoko imhaka yokuti, seizvo zita racho rinokarakadza, rinofukidza marudzi akasiyana-siyana emitinhimhira, zvimiro zvendangariro, uye mirangariro. Mumwe murume muduku akati: “Yakaoma zvikuru kuronga. Inofukidza marudzi akasiyana-siyana enziyo dzanhasi.” Mumwe murume muduku akashinga kutsanangura izvi: “Haisiri nguva dzose yakaoma kana kuti yakapfava, inokurumidza kana kuti inononoka, bhiti yapamusoro kana kuti yakaderera.” Imwe pwere yakatobvuma, kuti: “Handina chokwadi kana ndichigona kuti ndinoda rock yokutsiva nemhaka yokuti handina chokwadi nezvairi.”
Zvisinei hazvo, mukurumbira werock yokutsiva wakura kusvikira kupfundo rokuti vazhinji vevagadziri vayo vakakurumbira zvikuru zvino vanorangarirwa serutivi rwenziyo dzinozivikanwa navose. Uyewo, vabereki vanoratidzika kuva vanoiramba zvishoma pane heavy metal kana kuti zvimwe zvimiro zvinoparura nzeve zverock. Zvirokwazvo, vabereki vashoma vanoratidzika kuva vanoziva kuti mapoka api kana kuti misoro yemaarubhamu inonzi yokutsiva, zvisinei. Kunyange zvakadaro, pane kudikanwa kwokuti ushandise mwero wakati wokungwarira apo kunouya kuidzi nziyo.
Chii Chinofadza?
Rangarira, somuenzaniso, chikonzero nei pwere zhinji kwazvo dzichikweverwa kuidzi nziyo. Nokuda kwavazhinji inongova nhau yokufambidzana neshamwari dzako. Kunogoverawo bvumirano yekurukurirano kana kuti yemibato, yakadai sokuchinjana matepi nemaCD.
Nokuda kwepwere zhinjisa, zvisinei, ndiwo mutinhimira uye shoko rechinotsiva rock rinokuita kuti kuve kunofadza kwazvo. Pwere dzakawanda dzinoziva, zvinoitika nemirangariro yevanyori venziyo. Nhevedzano yemisoro yebutiro remagazini yeTime panhau iyi yakatsanangura, kuti: “Nepo nziyo dzepop kazhinji kazhinji dziri pamusoro perudo, mashoko enziyo dzokutsiva kazhinji kazhinji ari pamusoro pemirangariro yakakasharara: kupera mwoyo, ruchiva rwevatano, vhiringidziko . . . Kana uri pwere kana kuti muma20, kunobvira kuti mhuri yako yakarambana. Nziyo dzokutsiva dzazova dzinobata mirangariro, dzichitaura zvakananga nhau dzisina kupedzwa dzokusiyiwa uye kusaruramisira.” Nokudaro, mumwe mushamarari ane makore 21 okukura wokukoreji anoti: “Kwakandifadza neshamwari dzangu nemhaka yokuti chizvarwa chedu hachikendengi kwazvo pamusoro penyika. Hapana chinhu chakatimirira apo tinopedza chikoro.”
Dzimwe pwere dzechiKristu nenzira yakafanana dzakava dzinodisa rock yokutsiva. Nenzira yomuzvarirwo, vazhinjisa vakadzivisa nziyo dzakaipa zvikuru, dzokupandukira kukuru, masimba masimba, kana kuti dzounzenza. Kunyange zvakadaro, vamwe veava vaKristu vaduku vakaramba nziyo dzinoratidzika kuva dzisingakuvadzi zvikuru. Dan muduku akatsinhira, kuti: “Vamwe vevaimbi vanozivikanwa sengochani uye ngochani dzechikadzi kana kuti vashandisi vemirimo, uye mashoko avo anoratidzira mararamire avo.” Imwe pwere, inonzi Jack, inoti: “Mamwe amapoka anofunga kuti hapana anovaitira hanya, zvinetso zvavo, kana kuti remangwana repwere dzanhasi, naizvozvo vanoratidzira ikoku munziyo dzavo. Vamwe havana kurudziro kana kuti tariro.”
Shoko Renyevero
Bhaibheri rinotiudza kuti “nyika yose igere muna iye wakaipa,” Satani Dhiyabhorosi. (1 Johane 5:19) Hakufaniri kukushamisa, ipapoka, kuti nziyo ndimumwe wemitoo iyo Satani anoshandisa kutsausa vechiduku. Nyaya dzakapfuura mumagazini ino nemagazini biyayo, Nharireyomurindi, dzakaratidzira dzaratidzirazve iri idi.b Nyevero dzakapiwa pamusoro peheavy metal nenziyo dzerap dzakafanirawo apo kunouya kurock yokutsiva. Semataurire anoita Bhaibheri, “Wakangwara unongwarira mafambiro ake.”—Zvirevo 14:15.
Kutanga, hakuna mufungo kutevera shure kweboka apo kunouya kunziyo dzaunofarira. Cherekedza iyi nheyo yeBhaibheri, iyo inogona kushanda kurega vamwe vachikuitira chisarudzo: “Hamuzivi here, kuti uyo wamunozvipa kwaari kuti muve varanda vake kumuteerera, kuti muri varanda vaiye wamunoteerera?” (VaRoma 6:16) Nokuda kwepwere yechiKristu, nhau yacho haisiri chinogamuchirika pakati pevaenzani vako asi “[ch]inofadza Ishe.” (VaEfeso 5:10) Kunze kwezvo, rudzii rwepwere rwunokweverwa kurock yokutsiva? Ipwere dzinoratidzika kuva dzinofara, dzakadzikama, uye dzinofarira zvinhu zvomudzimu here? Kana kuti kunoratidzika here sokunge kuti vatsigiri vayo zvikurukuru vari pakati pepwere dzakaora mwoyo, dzisingafari, kana kuti kunyange dzakatsamwa?
Chokwadi, dzimwe pwere dzine hunhu hwokufara hwetariro, dzingakweverwa kurock yokutsiva. Asi rangarira izvi: VaKristu, vaduku navakuru, vane nguva yemberi yakajeka yakavamirira. (2 Petro 3:13) Muapostora Pauro anotiyeuchidza nezveuchokwadi hwokuzadzikwa kwezvipikirwa zvaMwari, achiti: “Mwari haagoni kureva nhema.” (VaHebheru 6:18) Ibetseroi iripo, ipapoka, mukuzviratidzira umene kumurangariro usingafadzi, wakaipa weramangwana uyo dzimwe nziyo dzerock yokutsiva dzinotaura? Kuva akanyura munziyo dzinoratidzira rutyo, kupera mwoyo, uye kusava netariro kungagona kunetesa kutenda kwako here? Kupfuurirazve, itapuroi iyo zvokudya zvenguva dzose zvenziyo dzakadaro ingava nayo pamirangariro yako?
Iva Anosarudza
Ikoku hakusati kuri kutaura kuti nziyo dzose dzakanyorwa kuti “chinotsiva” dzinokuvadza hadzo kana kuti dzakaipa. Asi ngatitii wakaziva kuti mumwe munhu akanga achiedza kukuchetura. Kunyange zvazvo usingaregi kudya, waizoongorora zvapachokwadi zvokudya zvako nokungwarira, waisazodaro here? Kuziva kuti Satani ari kuedza kuchetura chitarisiko chako nechimiro chendangariro nenzira yakafanana kunofanira kukuita kuti ungwarire pamusoro penziyo dzaunosarudza. Sezvo Bhaibheri rinoti, “nokuti nzeve ndiyo inoidza mashoko, sezvinoravira mukanwa zvokudya.” (Jobho 34:3) Panzvimbo pokutevera boka noupofu, edza nziyo dzaunoda.
Unogona sei kuita ikoko? Bhokisi rine musoro unoti “Nhungamiro Yokusarudza Nziyo” rine zvikarakadzo zvinobetsera zvaungaedza. Uyewo, edza kubvunza vabereki vako vechiKristu izvo vanofunga pamusoro penziyo dzako. (Zvirevo 4:1) Ungashamiswa nemhinduro dzavo! Chokwadika, vabereki vako vakura kupfuura iwe. Nenzira inonzwisisika, vangasagoverana manzwire aunoita nziyo. Asi kana vasingadi nziyo dzako kusvikira kupfundo rokudziwana dzakaipa, dzichideredza, kana kuti dzichisemesa, unofanira kufuratira izvo vanofanira kutaura here? Bhaibheri rinoti: “Kuti wakachenjera anzwe, awedzere kudzidza.”—Zvirevo 1:5.
Rangarira kukutapura kunoita nziyo dzacho. Dzinokuita kuti unzwe hasha, kupandukira, kana kuti kuora mwoyo here? Kana zvakadaro, izvi zviratidzo zvinonyevera zvausingafaniri kufuratira! Huregererei kuwana nziyo dzinozorodza kana kuti dzinokunyevenutsa kana kuti dzinokufadza?
Zvimiro zvendangariro munziyo zvinochinja nguva dzose. Nokukurumidza, mamwe marudzi enziyo achava azvino uno. Asi rega kutsauswa pamwe neizvi zvinochinja. Iva anonzwisisa naanosarudza apo kunouya kunziyo dzako. Iva nechokwadi chokuti chaunoteerera chakanaka uye chinovaka. (VaFiripi 4:8) Nziyo dzinogona panguva iyeyo kuva rutivi runokosha uye runofadza rwoupenyu hwako!
[Mashoko Omuzasi]
a Mamwe amazita akachinjwa.
b Ona “Vechiduku Vanobvunza Kuti . . . ” nyaya dzinowanika muzvinyorwa zvaFebruary 8, March 8, uye April 8, 1993, zveMukai! onawo “Dzivisa Nziyo Dzisina Kunaka!,” muchinyorwa chaApril 15, 1993, cheNharireyomurindi.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 29]
“Nepo nziyo dzepop kazhinji kazhinji dziri pamusoro porudo, mashoko okutsiva kazhinji kazhinji ari pamusoro pemirangariro yakakasharara: kupera mwoyo, ruchiva rwevatano, vhiringidziko.” —Magazini yeTime
[Bhokisi riri papeji 30]
Nhungamiro Yokusarudza Nziyo
◆ Ongorora butiro rearubhamu. Kazhinji kazhinji irori rinokuudza zvizhinji pamusoro penziyo uye vaimbi vamene. Ngwarira mabutiro enziyo anoratidzira masimba masimba, zviratidzo zvoudhimoni, kupfeka kwechienzi uye kutsvinda, kana kuti ushutu.
◆ Rangarira shoko remashoko acho. Aya anozivisa mifungo uye mararamire evaimbi vacho. Ipfungwai dzavanoda kuti ugamuchire?
◆ Mutinhimira wose wenziyo unoratidzira chimiro chendangariro nemirangariro izvo vaimbi vangada kuti uvenazvo—kuora mwoyo, mufaro, ruzvidzo, kunyandura vatano, runyararo, kana kuti kupera mwoyo.
◆ Rangarira vateereri vanokweverwa kuboka revaimbi. Ungada kuzivikanwa neboka iroro ravanhu nezvimiro zvavo zvendangariro here?
[Mufananidzo uri papeji 30]
Pwere zhinji dzinonzwisisa mashoko enziyo dzanhasi