RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g96 12/8 pp. 15-16
  • Hosha Yemwoyo Tyisidziro Kuupenyu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Hosha Yemwoyo Tyisidziro Kuupenyu
  • Mukai!—1996
  • Mashoko Akafanana
  • Ngozi Yacho Inogona Sei Kuderedzwa?
    Mukai!—1996
  • Kuziva Uye Kubata Nezviratidzo Zvacho
    Mukai!—1996
  • Unogona Kudzivisa Kuerekana Warwara Nomwoyo Wokufananidzira
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Iva Nomwoyo Unofadza Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
Mukai!—1996
g96 12/8 pp. 15-16

Hosha Yemwoyo Tyisidziro Kuupenyu

GORE rimwe nerimwe mamiriyoni avarume nevakadzi munyika yose vanova nehosha dzemwoyo. Vazhinji vanopona netapuro dzapashure shomanene. Vamwe havapone. Nokuda kwavamwezve mwoyo wacho unokuvadzwa zvikuru zvokuti “kudzokera kumabasa anobetsera hakuna chokwadi,” anodaro Peter Cohn nyanzvi yezvemwoyo, achiwedzera, kuti: “Kuri madikanwa, naizvozvo, kurapa hosha dzemwoyo dzisati dzakura nokukurumidza napakunobvira napo.”

Mwoyo itsandanyama inopombera ropa mumuviri wose. Muhosha yemwoyo (myocardial infarction), rutivi rwetsandanyama yemwoyo rwunofa apo rwunoshayiwa ropa. Kuti urambe uine utano hwakanaka, mwoyo unoda oxygen nezvimwe zvinovaka muviri izvo zvinotakurwa neropa. Unowana izvozvi kupfurikidza netsinga dzinoendesa ropa kumwoyo, idzo dzakaputira kunze kwemwoyo.

Hosha dzinogona kutapura rutivi rwupi norwupi rwomwoyo. Zvisinei, inozivikanwa zvikurusa ihosha yakavanzika yetsinga dzinoendesa ropa kumwoyo inonzi atherosclerosis. Apo iyoyi inovapo, plaque, kana kuti mafuta akaungana, anovapo mumadziro etsinga. Mukati menhambo yenguva yakati, plaque inogona kuungana, kuoma ndokutetepesa tsinga, ndokuganhurira kuyerera kweropa richienda kumwoyo. Iyi hosha yetsinga dzinoendesa ropa kumwoyo (CAD [hosha yetsinga dzinoendesa ropa kumwoyo]) yakavanzika ndiyo inotungamirira kuhosha dzemwoyo zhinjisa.

Kuvharika mutsinga imwe kana kuti dzinopfuura kunoparira kamwe kamwe kubatwa nehosha apo kuda oxygen kwemwoyo kunopfuura mugove wacho. Kunyange mutsinga dzakatetepeswa zvakakomba zvishoma, kuungana kweplaque kunogona kupwanyika ndokutungamirira kukuumbika kwekudunduvira kweropa (kubumba kweropa mutsinga). Tsinga dzine hosha dzinowanzoda zvikuru kugonya. Kudunduvira kweropa kunogona kuumbika parutivi penzvimbo yakagonya, kuchibudisa kemikoro iyo inotetepesazve madziro etsinga, kuchimutsa kubatwa nehosha.

Apo tsandanyama yemwoyo inoshayiwa oxygen kwenguva refu zvakakwana, nyama iri pedyo ingagona kukuvadzwa. Mukusafanana neimwe nyama, tsandanyama yemwoyo haigoni kuumbikazve. Kana denho yacho yakareba zvikuru, kuvadziko yacho ichavawo huru kumwoyo uye bviro yorufu ichavawo huru zvikuru. Kana muitiro wemagetsi wemwoyo ukakuvadzwa, kurova kwemwoyo kwenguva dzose kunogona kuva kwakanyongana uye mwoyo wacho unogona kuvamba kudedera zvisingadzoreki (kugwinha-gwinha kwetsandanyama). Nouku kuchinja-chinja kwokurova kwemwoyo kwakadaro, kukwanisa kwemwoyo kupombera ropa nenzira inobudirira kuuropi kunokundikana. Mukati memaminiti gumi uropi hunofa uye rufu rwunoitika.

Nokudaro, kukurumidza kupindira kwevashandi vezvokurapa vakarovedzwa kuri madikanwa. Kunogona kununura mwoyo mukuvadziko inopfuurira, kudzivirira kana kuti kurapa kuchinja-chinja kwokurova kwemwoyo kwacho, uye kunyange kuponesa upenyu hwomunhu.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe