Kuziva Uye Kubata Nezviratidzo Zvacho
APO zviratidzo zvehosha yemwoyo zvinovapo, kunokosha kutsvaka betsero yezvokurapa nokukurumidza, sezvo ngozi yorufu iri hurusa mukati meawa yokutanga pashure pokubatwa nehosha yacho. Kukurumidza kurapwa kunogona kuponesa tsandanyama yemwoyo mukuvadziko isingagadzirisiki. Kana tsandanyama yemwoyo ikadzivirirwa kukuvara zvikuru, mwoyo uchapombawo nenzira inobudirira zvikuru pashure pedenho yacho.
Zvisinei, dzimwe hosha dzemwoyo ndedzechinyararire, dzisingaratidziri zviratidzo zvokunze. Muizvi zviitiko munhu wacho angasaziva kuti ane hosha yetsinga dzinoendesa ropa kumwoyo (CAD). Nenzira inosuruvarisa, nokuda kwavamwe denho huru ingava chiratidzo chokutanga chechinetso chemwoyo. Apo kumira kwemwoyo kunoitika (mwoyo unomira kupomba), pane mukana muduku wokupona kutoti boka rokununura rikadanwa nokukurumidza uye cardiopulmonary resuscitation (CPR) inomiririra ikashandiswa pakarepo.
Pane voruzhinji avo vane zviratidzo zveCAD, Harvard Health Letter inoshuma kuti, inenge hafu icharega kutsvaka betsero yezvokurapa yokukurumidza. Neiko? “Kazhinji kazhinji nemhaka yokuti havazivi kuti zviratidzo zvavo zvinomirirei kana kuti havazvirangariri nenzira yakakomba.”
John,a nyajambwa wehosha yemwoyo uye mumwe weZvapupu zvaJehovha, anoteterera, kuti: “Apo unonzwa kuti chimwe chinhu hachina kururama, usanonoka kuwana betsero yezvokurapa nemhaka yokutya kupa mufungo wokuti chinetso chacho chakakomba kupfuura zvachiri. Ndakada kufa nemhaka yokuti handina kuita chiito nokukurumidza zvakakwana.”
Chakaitika
John anotsanangura, kuti: “Gore nehafu hosha yangu yemwoyo isati yaitika, ndakanyeverwa nachiremba pamusoro pecholesterol yangu yakakwirira, chisakiso chikuru chengozi muCAD. Asi ndakanzvenga nhau yacho, sezvo ndakarangarira kuti ndakanga ndiri muduku—pasi pemakore 40—uye ndine utano hwakanaka. Ndinodemba zvikuru kuti handina kuita chiito panguva iyeyo. Ndakanga ndine zvimwe zviratidzo zvenyevero—kuzarirwa nokurwisa kwomuviri, marwadzo andakafunga kuti akanga ari kutadza kudzeya uye, kwemwedzi inoverengeka kubatwa nehosha yacho kusati kwaitika, kupera simba kwakanyanyisa. Zvizhinji zvaizvozvi ndaipa mhaka kurara kushoma nedzvinyiriro yebasa yakanyanyisa. Mazuva matatu hosha yangu yemwoyo isati yaitika, ndakava neuko kwandakafunga kuti kwakanga kuri kugonya kwetsandanyama muchipfuva mangu. Kwakanga kuri kubatwa nehosha kuduku kwakatangira kukuru kwacho mazuva matatu gare gare.”
Marwadzo echipfuva kana kuti dzvinyiriro, inonzi angina, inopa nyevero kuinenge hafu yaavo vanotambura nehosha yemwoyo. Vamwe vanozarirwa kana kuti kupera simba nokuneta sezviratidzo, zvinoratidza kuti mwoyo hausi kuwana oxygen yakakwana nemhaka yokuvharika kwetsinga inoendesa ropa kumwoyo. Izvi zviratidzo zvenyevero zvinofanira kuendesa munhu kuna chiremba nokuda kwokunzverwa kwemwoyo. Dr. Peter Cohn anoti: “Kana angina yangorapwa bedzi, hapana vimbiso yokuti hosha yemwoyo ichadziviswa, asi zvisinei mikana yedenho yapakarepo inoderedzwa.”
Kubatwa Nehosha Kwacho
John anopfuurira, kuti: “Zuva iroro takanga tichienda kunotamba softball. Sezvo ndakadya nokudisa hamubhega nembatatisi dzakafurayiwa zvezvokudya zvamasikati, ndakafuratira kusanzwa zvakanaka kwakati, kusemburwa, uye kusungika kworutivi rwomuviri rwokumusoro. Asi apo takasvika kupaki inotambirwa bhora ndokuvamba kutamba, ndaigona kuziva kuti chimwe chinhu chakanga chisina kururama. Mukati memasikati, ndakangoramba ndichirwadziwa zvikuru.
“Kanoverengeka, ndakarara pamabheji avatambi, ndakatarira mudenga, ndokuedza kutwasanudza tsandanyama dzangu dzechipfuva, asi dzakangoramba dzichingokaka zvikuru. Ndichitamba, ndakati kwandiri ndimene, ‘Zvimwe ndine furuu,’ sezvandakanzwa ndakaneta uye ndisina simba padzimwe nguva. Apo ndaimhanya, ndaizarirwa zvikuru. Ndakarara pabheji zvekare. Apo ndakasimuka, pakanga pasina mubvunzo kuti ndakanga ndiri muchinetso chakakomba. Ndakadanidzira kumwanakomana wangu James, kuti: ‘Ndinofanira kuenda kuchipatara IKO ZVINO!’ Chipfuva changu chakaita sokunge chakanga chawira mukati. Marwadzo acho akanga ari makuru zvikuru zvokuti ndaisagona kusimuka. ‘Ndakafunga kuti, ‘Iyi haigoni kuva hosha yemwoyo, inogona kuva here? Ndinongova nemakore 38 bedzi!’”
Mwanakomna waJohn, uyo akanga aine makore 15 okukura panguva yacho, anorondedzera, kuti: “Kwakangoda maminiti mashomanene bedzi kuti baba vangu vapere simba, zvokuti vaifanira kutakurwa kuenda kumotokari. Shamwari yangu yakatyaira motokari ichibvunza Baba mibvunzo kuti vagonane nemamiriro avo ezvinhu. Pakupedzisira, Baba havana kupindura. ‘John!’ shamwari yangu yakadanidzira. Asi baba vangu havanazve kupindura. Ipapo Baba vakabvunda muchigaro chavo, vachigwinha nokurutsa. Ndakashevedzera ndashevedzerazve: ‘Baba! ndinokudai! Ndapota musafa!’ Pashure pokudenhwa kwavo kamwe kamwe, muviri wavo wakarukutikira muchigaro. Ndakafunga kuti vakanga vafa.”
Pachipatara
“Takamhanyira muchipatara kuti tiwane betsero. Maminiti maviri kana kuti matatu akanga apfuura kubvira apo ndakafunga kuti Baba vakanga vafa, asi ndakakarira kuti vaigona kumutswazve. Kukushamiswa kwangu, Zvapupu zvaJehovha biyedu zvinenge 20 zvakanga zvave zviri mupaki yokutambira bhora zvakanga zviri muimba yokumirira. Zvakandiita kuti ndinzwe ndanyaradzwa nokudiwa, uko kwakanga kuri betsero huru panguva inosuruvarisa yakadaro. Anenge maminiti 15 gare gare, chiremba akauya ndokutsanangura, kuti: ‘Takwanisa kumutsazve baba vako, asi vabatwa nehosha yemwoyo huru zvikuru. Hatina chokwadi kuti vachararama.’
“Akandibvumira ipapo kuona Baba kwechinguvana. Kutaura kwaBaba kwokuda mhuri yedu kwakandikurira. Mumarwadzo makuru, vakati: ‘Mwanakomana, ndinokuda. Yeuka nguva dzose kuti Jehovha ndiye munhu anokosha zvikurusa muupenyu hwedu. Usatongorega kumubatira, uye betsera amai vako nevanin’ina kusatongorega kumubatira. Tine tariro yakasimba murumuko, uye kana ndikafa, ndinoda kukuonai mose apo ndinodzoka.’ Tose takanga tichichema misodzi yorudo, rutyo, uye tariro.”
Mudzimai waJohn, Mary, akasvika awa imwe gare gare. “Apo ndakapinda muimba yekurumidziro, chiremba wacho akati: ‘Murume wako abatwa nehosha yemwoyo huru zvikuru.’ Ndakakatyamadzwa. Akatsanangura kuti mwoyo waJohn wakanga watwasudzwa tsandanyama dzemwoyo kasere. Iri danho rokukurumidzira rinobatanidza kushandiswa kwevoltage yemagetsi kuti imise kurova kwemwoyo kwakanyongana ndokudzorera kurova kwenguva dzose. Pamwe chete neCPR, kusvitswa kweoxygen, uye mirimo inoiswa nomutsinga, kutwasanudza tsinga dzemwoyo mutoo wakakwirira zvikuru wokuponesa upenyu.
“Apo ndakaona John, mwoyo wangu wakarwadziwa. Akanga akachenuruka zvikuru, uye pakanga pane machubhu mazhinji newaya zvakanga zvakabatanidza muviri wake nemamonita. Chinyararire, ndakanyengetera kuna Jehovha kuti andipe simba rokutsungirira uyu muedzo nokuda kwevanakomana vedu vatatu, uye ndakanyengeterera nhungamiro yokuita zvisarudzo zvokuchenjera pamusoro peizvo zvaigona kuva mberi. Sezvandakaswedera pedyo nomubhedha waJohn, ndakafunga kuti, ‘Unotii kumudiwa wako panguva yakafanana neino? Takagadzirira chaizvoizvo nokuda kwemamiriro ezvinhu anotyisidzira upenyu akadaro here?’
“‘Mudiwa,’ akadaro John, ‘unoziva kuti ndingasapona. Asi kunokosha kuti iwe nevakomana murambe makatendeka kuna Jehovha nemhaka yokuti nokukurumidza tsika ino ichaguma uye kuchave kusisinazve kurwara norufu. Ndinoda kumuka mutsika itsva iyeyo ndokukuona iwe nevakomana vedu imomo.’ Misodzi yakayerera muzviso zvedu.”
Chiremba Wacho Anotsanangura
“Chiremba wacho akandishevedza parutivi gare gare ndokutsanangura kuti nzvero yakaratidza kuti hosha yemwoyo yaJohn yakanga iri nemhaka yokuvharika chose chose kwetsinga yokutanga yapamberi inodzika iri kuruboshwe. Akanga anewo imwe tsinga yakavharika. Chiremba wacho akandiudza kuti ndinofanira kuita chisarudzo pamusoro pokurapwa kwaJohn. Zviviri zvezvokusarudza zvaivapo zvakanga zviri mirimo uye kuchinja chimiro chetsinga. Akafunga kuti chokupedzisira chaizova chiri nani, naizvozvo takasarudza kuchinja chimiro chetsinga. Asi vanachiremba hapana zvavakavimbisa, sezvo vazhinjisa vasingaponi urwu rudzi rwehosha yomwoyo.”
Kuchinja chimiro chetsinga mutoo wokuvhiya umo pombi ine muromo wakaita sewebharumu inopinzwa mutsinga inoendesa ropa kumwoyo ndokufuridzwa kuti ivhure kuvhara kwacho. Muitiro wacho une mwero wakakwirira wokubudirira mukudzorera kuyerera kweropa. Apo tsinga dzinoverengeka dzinenge dzakavharwa zvakakomba, kuvhiya kwokusabatanidza pakavharwa kunowanzorumbidzwa.
Kariro Isingafadzi
Pashure pokuvhiya kwacho kwokuchinja chimiro chetsinga, upenyu hwaJohn hwakaramba huri mungozi kwemamwe maawa 72. Pakupedzisira, mwoyo wake wakavamba kunaya mukuvadziko yacho. Asi mwoyo waJohn wakanga uchipomba pahafu bedzi yeraimbova simba rawo, uye rutivi rwawo rwukuru rwakanga rwava nyama dzemavanga, naizvozvo kariro yokuva akaremara mwoyo yakanga ichidokuva isinganzvengeki.
Nezvakaitika, John anorayira, kuti: “Tine musengwa kuMusiki wedu, mhuri dzedu, uye hama nehanzvadzi dzedu dzomudzimu, uye kwatiri timene kuti titeerere nyevero uye kuti titarisire utano hwedu—zvikurukuru kana tiri mungozi. Kusvika kuukuru hukuru zvikuru, tinogona kuva chisakiso chomufaro kana kuti nhamo. Zviri kwatiri.”
Chiitiko chaJohn chakanga chakakomba uye chaida ngwariro yokukurumidzira. Asi havasi vose vane kusanzwa zvakanaka kworudzi rwechirungurira vanofanira kumhanyira kuna chiremba. Zvisinei, chakaitika chake inyevero, uye avo vanonzwa kuti vane zviratidzo vanofanira kunzverwa.
Chii chinogona kuitwa kuderedza ngozi yehosha yemwoyo? Nyaya inotevera ichakurukura ikoku.
[Mashoko Omuzasi]
a Mazita ari munyaya dzino akachinjwa.
[Bhokisi riri papeji 18]
Zviratidzo Zvehosha Yemwoyo
• Kunzwa kusingafadzi kwokudzvinyirirwa, kumanikidzirwa, kana kuti marwadzo muchipfuva izvo zvinopfuurira kweanopfuura maminiti mashomanene. Zvinogona kurangarirwa zvisina kururama sechirungurira chakakomba
• Marwadzo angapararira kuenda—kana kuti kuva bedzi—murushaya, mutsipa, mapfudzi, maoko, magokora, kana kuti ruoko rworuboshwe
• Marwadzo enguva refu mumatumburira
• Kuzarirwa, kunzwa dzungu, kufenda, kudikitira, kana kuti kusada kubatwa
• Kurukutika—kungawanwa vhiki dzakati kubatwa nehosha kwacho kusati kwaitika
• Kusemburwa kana kuti kurutsa
• Denho dzeangina dzenguva dzose dzisingaparirwi nokushandisa simba
Zviratidzo zvingasiyana kubva pane zvakaterama kusvika kune zvakasimba uye hazviitiki zvose muhosha yemwoyo iri yose. Asi kana mubatanidzwa upi noupi weizvi ukaitika, wana betsero nokukurumidza. Zvisinei, mune zvimwe zviitiko hapana zviratidzo; idzodzi dzinonongedzerwa kwadziri sehosha dzemwoyo dzechinyararire.
[Bhokisi riri papeji 19]
Zviito Zvokupona
Kana iwe kana kuti mumwe munhu waunoziva akaratidza zviratidzo zvehosha yemwoyo:
• Ziva zviratidzo zvacho.
• Rega chipi kana chipi chauri kuita ndokugara pasi kana kuti kurara.
• Kana zviratidzo zvikapfuurira kweanopfuura maminiti mashomanene, chayira runhare nhamba dzekurumidziro dzomunzvimbomo. Udza anotumira vabetseri kuti unofungira kuti ihosha yemwoyo, uye mupe mashoko anodikanwa kuti akuwane.
• Kana uchigona kuendesa nyajambwa wacho kukamuri rekurumidziro rechipatara nokukurumidza zvikuru kupfurikidza nokutyaira motokari kuendako iwe pachako, ita kudaro. Kana uchifunga kuti uri kuva nehosha yemwoyo, kumbira mumwe munhu kuti akuendese nemotokari ikoko.
Kana ukamirira boka rekurumidziro rezvokurapa:
• Sunungurai zvipfeko zvakabata, kubatanidza bhandi kana kuti tai. Betserai nyajambwa kuti anzwe zvakanaka, muchimutsigisa nemapiro kana achidikanwa.
• Ramba wakaterama, ungave uri nyajambwa wacho kana kuti mubetseri. Kusagadzikana kungawedzera kubvira kwokurova kwemwoyo kunotyisidzira upenyu. Munyengetero unogona kuva yamuro inopa simba mukuramba wakaterama.
Kana nyajambwa wacho achiratidzika kuva amira kufema:
• Nenzwi rinonzwika bvunza kuti, “Uri kundinzwa here?” Kana pasina mhinduro, kana pasina kurova kwemwoyo, uye kana nyajambwa wacho asiri kufema, vamba cardiopulmonary resuscitation (CPR).
• Yeuka nhano huru nhatu dzeCPR:
1. Simudza chirebvu chanyajambwa, kuti uvhure panopinda nemweya
2. Panopinda napo nemweya pavhurika, wakavhara mhino dzanyajambwa, furidza zvishoma nezvishoma kaviri mukanwa kusvikira chipfuva chafutunuka
3. Dzvinya ka10 kusvikira ku15 pakati pechipfuva pakati peminyatso kuti ubudise ropa mumwoyo nomuchipfuva. Masekondi 15 ari ose, chinjanisa kufuridza kuviri kuchiteverwa nokudzvinya 15 kusvikira kurova kwemwoyo nokufema zvawanwazve kana kuti boka rekurumidziro rasvika
CPR inofanira kuitwa nomumwe munhu akarovedzwa kuiita. Asi kana pasina munhu akarovedzwa aripo, “CPR ipi neipi iri nani pane kushaya,” anodaro Dr. R. Cummins, mutungamiriri wokutarisira mwoyo kwekurumidziro. Kutoti mumwe munhu akatanga idzi nhano, mikana yokupona mishoma zvikuru. CPR inomuchengeta ari mupenyu kusvikira betsero yasvika.
[Mufananidzo uri papeji 17]
Kurapwa nokukurumidza pashure pehosha yemwoyo kungaponesa upenyu ndokuderedza kuvadziko yemwoyo