Kutarisira Mutarisiri—Nzira Iyo Vamwe Vanogona Kubetsera Nayo
“LAWRIE neni tave takaroorana kwemakore 55—nguva refu—uye makore anofadza zvakadini! Kudai ndaigona sezvinobvira kumuchengeta pamusha, ndingadai ndakadaro. Asi utano hwangu hwakavamba kushata. Pakupedzisira, ndaifanira kumurongera kuenda kumusha unotarisirwa vanorwara. Marwadzo emurangariro okurondedzera ikoku anodokuva akanyanyisa nokuda kwangu. Ndinomuda nokumuremekedza zvikuru uye ndinomushanyira kakawanda sekandinogona. Mumuviri, handigoni kuita zvizhinji.”—Anna, mukadzi ane makore 78 okukura uyo kweanopfuura makore 10 akatarisira murume wake ane hosha yeAlzheimer’s uye akatarisirawo kwemakore 40 akapfuura mwanasikana wake ane Down’s syndrome.a
Chiitiko chaAnna hachisati chichitongova chechienzi. Nzvero muBritish Isles yakaratidzira kuti “mumamwe mapoka ezera (ema40 nema50) vakawanda semumwe chete muvakadzi vaviri vari vose mutarisiri.” Sezvakurukurwa pakuvamba-vamba, kusagadzikana kwemirangariro nezvinetso izvo vatarisiri vanotarisana nazvo zvingaratidzika kuva zvisingatsungiririki padzimwe nguva.
“Ndinofunga kuti inenge 50% yevatarisiri inoodzwa mwoyo mugore rokutanga rokutarisira,” anodaro Dr. Fredrick Sherman, weAmerican Geriatrics Society. Nokuda kwevanhu vakwegura vakadai saAnna, simba ravo vamene riri kuderera noutano huri kushata zvinogona kuita kuti mamiriro acho ezvinhu ave akaoma zvikuru kutarisira.
Kuti tibetsere vatarisiri kuti vagonane nemabasa avo, tinofanira kuziva zvinodikanwa zvavo. Zvinodikanwa izvozvo ndezvipi, uye tinogona sei kudavidza kwazviri?
Vatarisiri Vanoda Kutaura
“Ndaida kuzvisunungura ndimene,” akadaro mumwe mukadzi uyo akabetsera kutarisira shamwari yake yakanga ichifa. Sezvaratidzwa munyaya yapfuura, zvinetso zvinowanzova zviri nyore zvikuru kutarisana nazvo uye kubata nazvo apo zvinogona kukurukurwa neshamwari inonzwisisa. Vatarisiri vazhinji avo vanonzwa vabatwa nemamiriro avo ezvinhu vanowana kuti kutaura pamusoro pemamiriro avo ezvinhu kunovabetsera kujekesa mirangariro yavo ndokubudisa dzvinyiriro yakaungana.
“Ndakakuonga apo shamwari dzakaziva kuti tose tiri vaviri taida kurudziro,” anoyeuka kudaro Jeanny nezvenguva apo akanga ari kutarisira murume wake. Anotsanangura kuti avo vari kutarisira vanoda kurudziro uye, padzimwe nguva, munhu anodisa kuteerera nokunzwira tsitsi. Hjalmar, uyo akabetsera kutarisira mukuwasha wake airwara, anobvuma kuti: “Ndaida mumwe munhu aizoteerera kutya kwangu nezvinetso ndokunzwisisa manzwire andaiita.” Pamusoro peshamwari yapedyo, Hjalmar anowedzera kuti: “Kwakanga kwakanaka zvikuru kumushanyira, kunyange kwehafu yeawa bedzi. Ainditeerera. Aiitira hanya chaizvoizvo. Ndainzwa ndazorodzwa pashure pacho.”
Vatarisiri vanogona kuwana kurudziro huru zvikuru kubva kumuteereri anonzwisisa. “Kurumidz[a] kunzwa, [u]nonoke kutaura,” Bhaibheri rinopa zano kudaro nokuchenjera. (Jakobho 1:19) Mumwe mushumo uri muThe Journals of Gerontology wakaratidza kuti “kungoziva bedzi kuti tsigiro iripo kunowanzova kwakakwana kugovera kusununguka chaiko.”
Kunze kwokuteerera uye kurudziro, zvisinei, chiizve icho vatarisiri vanoda?
Kugovera Betsero Inoshanda
“Murwere nemhuri vanobetserwa nenzira dzipi nedzipi idzo rudo nekurudziro zvinogona kuratidzirwa nayo,” anotsinhira kudaro Dr. Ernest Rosenbaum. Kutanga, “rudo nekurudziro” zvakadaro zvinogona kuratidzirwa mukati meshanyo inoitwa nomunhu pachake, mukati mokuridza runhare, kana kuti mutsamba pfupi (sezvinobvira inoenda pamwe nemaruva kana kuti chimwe chipo).
“Kwainyaradza apo shamwari dzedu dzaitishanyira kwenguva pfupi,” anoyeuka kudaro Sue nezvetsigiro iyo mhuri yavo yakawana apo baba vake vakanga vachifa nehosha yeHodgkin’s. “Imwe yeshamwari dzangu,” anopfuurira kudaro, “yaidavira runhare ndokubetsera kuwachira nokuayinira tose zvedu.”
Tsigiro nokuda kwevatarisiri inogona, uye inofanira, kubatanidza betsero yakananga, inooneka. Elsa anoyeuka kuti: “Ndakakuwana kuchibetsera apo shamwari dzaigovera ruyamuro runoshanda. Hadzina kungoti chete: ‘Kana ndichitongogona kuita chimwe chinhu, ndizivisei.’ Panzvimbo pezvo, dzakati: ‘Ndiri kuenda kunoshopa. Chii chandinogona kukuvigirai?’ ‘Ndingatarisira gadheni renyu here?’ ‘Ndiripo kuti ndigare nomurwere uye kumuravira.’ Chimwe chinhuzve chatakawana kuva chinoshanda kwakanga kuri kuronga kuti vashanyi vasiye mashoko akanyorwa mubhuku apo shamwari yangu yairwara yakanga yakaneta kana kuti yakarara. Ikoko kwakatiunzira tose zvedu mufarwa mukuru zvikuru.”
Zvikarakadzo zvakananga zvokubetsera zvinogona kubatanidza chipi nechipi chemabasa emumba anoverengeka. Rose anotsanangura kuti: “Ndakaonga betsero mukuwaridza mibhedha, kunyora tsamba nokuda kwomurwere, kutandadza vashanyi vomurwere, kuwana mishonga, kugeza bvudzi nokurigadzira, kusuka ndiro.” Mhuri neshamwari vanogona kubetserawo mutarisiri kupfurikidza nokuita madzoro okugovera zvokudya.
Pakwakakodzera, kungavawo kunoshanda kubetsera kugovera mativi anokosha okutarisira. Somuenzaniso, mutarisiri angada betsero yokudyisa kana kuti kugeza murwere wacho.
Mitezo yemhuri neshamwari dzinobatanidzwa vangapa betsero inoshanda pakutanga mukurwara kwacho, asi zvakadiniko kana kurwara kwacho kuri kwenguva refu? Tichibatikaniswa murudungwe rwedu timene rwakabatikana, tingasatana kufuratira dzvinyiriro iri kupfuurira—uye sezvinobvira iri kuwedzera—iyo vatarisiri vanotarisana nayo. Kwaizova kunosuruvarisa zvakadini kana tsigiro inodikanwa zvikuru ikavamba kuderera!
Kana izvozvo zvikaitika, kungava kwakanaka kuti mutarisiri wacho adanire musangano wemhuri kuti vakurukure kutarisirwa kwomurwere. Zvinowanzova zvinobvira kuwana betsero yeshamwari nehama dzokunyama avo vakaratidzira kudisa kubatsira. Izvozvi ndizvo zvakaita Sue nemhuri yake. “Apo zvinodikanwa zvaimuka,” anorondedzera kudaro, “taiyeuka avo vakanga vakarakadza kuyamura ndokuvaridzira runhare. Takarangarira kuti taigona kuvakumbira betsero.”
Vapei Zororo
“Rinokosha chose chose,” rinodaro bhuku rinonzi The 36-Hour Day, “nokuda kwemose muri vaviri iwe [mutarisiri wacho] uye nokuda [kwemurwere wako]—kuti muve nenguva dzenguva dzose ‘dzokusava’ patarisiro yemaawa makumi maviri nemana yemunhu ari kurwara kwenguva refu. . . . Kuwana nguva yezororo, usiri pakutarisirwa kwo[murwere], ndechimwe chezvinhu zvinokosha zvikurusa icho unogona kuita kuti zvibvire kuti upfuurire kutarisira mumwe munhu.” Vatarisiri vanobvumirana nazvo here?
“Zvirokwazvo hungu,” anopindura kudaro Maria, uyo akabetsera kutarisira shamwari yepedyo iyo yakanga ichifa nekenza. “Panhambo nenhambo, ndaida ‘nguva yokuzorora’ uye kuita kuti mumwe munhuwo zvake ambotarisira kwechinguvana.” Joan, uyo anotarisira murume wake ane hosha yeAlzheimer’s, ane mufungo wakafanana. “Chimwe chezvinodikanwa zvedu zvikurusa,” anotsinhira kudaro, “kuva nenguva yokuzorora pano nepapo.”
Vanogona sei, zvisinei, kuwana nguva yokuzorora padzvinyiriro yemabasa avo? Jennifer, uyo akabetsera kutarisira vabereki vake vakwegura, anoratidzira nzira yaakawana nayo zororo: “Shamwari yemhuri pane dzimwe nguva yaitora amai kwezuva rimwe kuti itizorodze.”
Ungakwanisa kupa mutarisiri nguva yokuzorora kupfurikidza nokukarakadza kumbobvakacha nemurwere wacho kwechinguvana, kana kuchishanda kuita kudaro. Joan anoti: “Ndinokuwana kuchizorodza apo mumwe munhu anobvakacha nomurume wangu kuitira kuti ndigogona kuva ndoga pano nepapo.” Kune rumwe rutivi, ungakwanisa kupedza nguva nomurwere wacho pamusha pake. Chipi kana chipi, kuite kunobvira kuti uyo ari kugovera tarisiro awane kufaranuka kunodikanwa zvikuru.
Yeuka, zvisinei, kuti hakusi nyore nguva dzose kuti vatarisiri vawane nguva yokuzorora. Vanganzwa vaine mhaka pamusoro pokusava kumudikani wavo. “Hazvisi nyore kumbonozorora mumamiriro ezvinhu acho ndokupinda munhandaro kana kuti zororo,” anobvuma kudaro Hjalmar. “Ndairangarira kuti ndaida kuvapo nguva dzose.” Asi akawana rugare rwendangariro rukuru zvikuru kupfurikidza nokuwana nguva yokuzorora apo mukuwasha wake aida ngwariro duku zvikuru. Vamwe vakaronga kuti mudikani wavo atarisirwe munzvimbo inotarisirwa vakura mukati mezuva kwemaawa mashomanene.
Kuguma Kwokurwara Kwose
Zvirokwazvo, kutarisira mudikani uyo ari kurwara zvakakomba ibasa guru zvikuru. Kunyange zvakadaro, kutarisira mudikani kunogona kuva kunogutsa zvikuru. Vanzveri pamwe chete nevatarisiri vanonongedzera kuukama hwakasimbiswa nemhuri neshamwari. Nguva dzose, vatarisiri vanodzidza mavara matsva nemano. Vazhinji vanowanawo betsero dzomudzimu.
Zvinokosha zvikurusa, Bhaibheri rinoratidzira kuti Jehovha noMwanakomana wake, Jesu Kristu, ndivo vatarisiri vanonzwira tsitsi zvikurusa. Uporofita hweBhaibheri hunotivimbisa kuti mugumo wokurwara kwose, kutambura, uye rufu wava pedyo. Nokukurumidza, Musiki womunhu anoitira hanya achatusa vagari vepasi vakarurama noupenyu husingaperi munyika itsva ine utano hwakanaka—iyo mairi “[musi]na ugeremo, uchati: Ndinorwara.”—Isaya 33:24; Zvakazarurwa 21:4.
[Mashoko Omuzasi]
a Mamwe amazita ari munyaya ino akachinjwa.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 11]
Garikano yomunhu wacho anorwara inotsamira zvakananga pagarikano yako
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 12]
Tsigiro yeshamwari dzakanaka ichaita zvizhinji kukuchengeta uchipfuurira munguva dzakaoma zvikuru
[Bhokisi riri papeji 12]
Kutarisira Kunogona Kuva Kunotusa
‘KUNOTUSA?’ vamwe vangashamisika kudaro. ‘Kunogona sei?’ Tapota cherekedza izvo vatarisiri vanotevera vakaudza Mukai!:
“Kurega zvinorondwa zvako umene nezvishuvo hazvirevi mufaro mushoma. ‘Kupa kune mufaro chaiwo kupfuura kugamuchira.’ (Mabasa 20:35) Kunogona kuva kunogutsa zvikuru kutarisira mumwe munhu waunoda.”—Joan.
“Ndakaonga kuti ndaigona kubetsera hanzvadzi yangu nomukuwasha munguva yokudikanwa chaikoiko—pasina kuva kwavo vanokwanisa kundiripira. Kwakatiswededza pedyo zvikuru. Ndinovimba kuti rimwe zuva ndinogona kushandisa ruzivo rwokuzviwanira rwandakawana kubetsera mumwe munhuwo zvake ari mumamiriro ezvinhu akafanana.”—Hjalmar.
“Seizvo ndakaudza shamwari yangu yairwara Betty kanopfuura kamwe, ndakagamuchira zvizhinji zvikuru kupfuura zvandakapa. Ndakadzidza kunzwira urombo neshiviriro. Ndakadzidza kuti kunobvira kuchengeta chimiro chendangariro chakanaka mumamiriro ezvinhu akaoma zvikurusa.”—Elsa.
“Ndakava munhu akasimba zvikuru. Ndakasvika pakuziva zvizere kwazvo kuti kwakaita sei kuvimba naJehovha Mwari zuva nezuva uye kumuita kuti agutse zvinodikanwa zvangu.”—Jeanny.
[Bhokisi riri papeji 13]
Pakushanyira Mutarisiri:
• Teerera nokunzwira urombo
• Ipa rumbidzo yomwoyo wose
• Ipa betsero yakananga
[Mifananidzo iri papeji 10]
Tsigirai vatarisiri kupfurikidza nokuvashopera uye kuvabikira, kana kuti kupfurikidza nokuvabetsera kutarisira murwere wacho