NYAYA YEKUDZIDZA 45
RWIYO 111 Zvinoita Kuti Tifare
Ramba Uchifara Paunenge Uchichengeta Murwere Kana Kuti Munhu Akwegura
“ Vaya vanodyara mbeu nemisodzi vachakohwa vachishevedzera nemufaro.”—PIS. 126:5.
ZVATICHADZIDZA
Tichadzidza zvaungaita kuti urambe uchifara paunenge uchichengeta mumwe munhu ari kurwara kana kuti akwegura.
1-2. Jehovha anonzwa sei nezvevaya vanochengeta munhu ari kurwara kana kuti akwegura? (Zvirevo 19:17) (Onawo mifananidzo.)
IMWE hama yekuKorea inonzi Jin-yeol inoti: “Ini nemudzimai wangu tava nemakore anopfuura 32 takaroorana.” Inotiwo: “Asi ndava nemakore 5 ndichipepa mudzimai wangu. Ane chirwere chakaipisisa chinoita kuti asakwanise kuita zvinhu zvakawanda. Manheru ega ega anorara pamubhedha wekuchipatara uri mumba medu. Ndakaisawo mubhedha wangu padivi pake uye tinorara takabatana maoko. Ndinoda mudzimai wangu chaizvo uye handina dambudziko nekumuchengeta!”
2 Zvimwe uri kuchengeta mumwe munhu anorwara, angava mubereki, murume kana mudzimai wako, mwana kana kuti shamwari yako. Hauna dambudziko nekuchengeta munhu iyeye nemhaka yekuti unomuda. Uye kumuchengeta kwauri kuita kunoratidzawo kuti unoda Jehovha. (1 Tim. 5:4, 8; Jak. 1:27) Asi dzimwe nguva unosangana nematambudziko ekuti vamwe vanhu vanenge vasingatombozivi nezvawo. Pamwe unotombonzwa sekuti hapana ari kunzwisisa zvauri kusangana nazvo. Pane vanhu unogona kunge uchitoseka, asi kana wava wega, pamwe unotombochema. (Pis. 6:6) Kunyange zvazvo vamwe vese vangasaona zvauri kusangana nazvo, Jehovha anozviona uye anozvinzwisisa. (Enzanisa naEksodho 3:7.) Anoziva zvauri kutadza kuita nemhaka yekuti uri kuchengeta munhu iyeye. Anoona kushanda nesimba kwese kwauri kuita uye anokuona paunenge uchichema. Zvese izvi zvinoita kuti akude zvisingaiti. (Pis. 56:8; 126:5) Jehovha anototi paunochengeta mumwe munhu ari kurwara kana kuti akwegura unenge uchitomukweretesa uye anokuvimbisa kuti achakupa mubayiro nekuda kwezvese zvauri kuita.—Verenga Zvirevo 19:17.
Une munhu anorwara kana kuti akwegura wauri kuchengeta here? (Ona ndima 2)
3. Zvii zvaigona kuita kuti Abrahamu naSara vaomerwe nekuchengeta Tera?
3 Bhaibheri rine nyaya dzakawanda dzevarume nevakadzi vaichengeta mumwe munhu airwara kana kuti akwegura. Funga nezvaAbrahamu naSara. Pavakabva kuUri, Tera, baba vavo, vakanga vava nemakore 200. Kunyange zvazvo Tera akanga akura kudaro, akaendawo naAbrahamu naSara. Vakaita mavhiki vachifamba kuenda kuHarani. (Gen. 11:31, 32) Abrahamu naSara vaida Tera, asi fungidzira kuti zvakanga zvakaoma sei kuti vamuchengete, kunyanya pavaiva parwendo urwu. Vanofanira kunge vaifamba vachishandisa ngamera kana kuti madhongi. Asi zvinogona kunge zvakanga zvakaomera Tera kuti akwire pamhuka dzakadaro, otasva mhuka yacho kwenguva yakareba. Nemhaka yezvese zvavaiita vachibatsira Tera, pamwe dzimwe nguva Abrahamu naSara vainzwa vakarukutika. Hatinyatsozivi hedu zvese zvaiitika, asi tinoziva kuti Jehovha akavapa simba ravaida. Kana Jehovha akatsigira Abrahamu naSara, achakutsigirawo uye achakupawo simba.—Pis. 55:22.
4. Tichakurukurei munyaya ino?
4 Kana tikagara tichifara, zvichatibatsira kuti tikwanise kuramba tichichengeta munhu ari kurwara kana kuti akwegura. (Zvir. 15:13) Yeuka kuti unogona kuramba uchifara kunyange kana zvinhu zvakakuomera muupenyu. (Jak. 1:2, 3) Asi chii chinogona kukubatsira kuti ufare? Unofanira kuramba uchinyengetera kuna Jehovha kuti akubatsire kuisa pfungwa dzako pazvinhu zvakanaka zvinenge zvichiitika muupenyu. Munyaya ino tichakurukura zvimwewo zvinogona kukubatsira kuti urambe uchifara. Tichakurukurawo kuti vamwe vanogona kukubatsirawo sei. Asi kutanga regai tikurukure kuti nei vaya vanenge vaine vanhu vavari kuchengeta vachifanira kuramba vachifara uye kuti ndezvipi zvinogona kuvatadzisa kufara.
ZVII ZVINOGONA KUKUTADZISA KUFARA?
5. Nei vaya vane vanhu vavari kuchengeta vachifanira kugara vachifara?
5 Kana vaya vane vanhu vavari kuchengeta vakashaya mufaro, vanogona kupedzisira vasisina simba rekuramba vachichengeta munhu wacho. (Zvir. 24:10) Uye kana vasisina simba, zvinoita kuti vatadze kubata zvakanaka munhu wavanenge vachichengeta. Asi zvii zvinogona kuita kuti vaya vari kuchengeta munhu ari kurwara kana kuti akwegura vashaye mufaro?
6. Kana munhu aine munhu ari kurwara kana kuti akwegura waari kuchengeta, zvii zvinogona kuita kuti apedzisire arukutika?
6 Unogona kusara warukutika. Imwe hanzvadzi inonzi Leah inoti: “Kunyange zvinhu zvese zvafamba zvakanaka musi iwoyo, kuchengeta munhu ari kurwara kana kuti akwegura kunogona kuita kuti unge waparara panopera zuva racho. Dzimwe nguva ndinosara ndakaneta zvekuti ndinotadza kupindura meseji chaiyo.” Vamwe vanoshaya nguva yekurara kana kuti yekumbozororawo. Imwe hanzvadzi inonzi Inés inoti: “Ndinotadza kunyatsorara. Ndinowanzomuka kakawanda manheru ndichibatsira vamwene vangu. Uyewo, ini nemurume wangu tava nemakore akawanda tisina kumboendawo kunovhakacha kunzvimbo dzatinofarira.” Vamwe vanhu vanenge vaine vanhu vavari kuchengeta vanosarudza kusaenda kwavanenge vakokwa kunotandara kana kuti vanoramba kuita mamwe mabasa musangano raJehovha nekuti vanenge vachifanira kugara varipo kuti vabatsire hama yavo iri kurwara kana kuti yakwegura. Saka izvi zvinoita kuti vasuwe kuvawo nevamwe uye vanoshaya mufaro nekuti havakwanisi kuita zvinhu zvavanenge vachida kuitawo muupenyu.
7. Zvii zvimwe zvinogona kuita kuti vanhu vari kuchengeta varwere kana kuti vakwegura vashaye mufaro?
7 Unogona kunge uchiona sekuti uri kutadza kunyatsochengeta munhu wacho kana kuti uchiona utano hwake huchiramba huchidzikira. Imwe hanzvadzi inonzi Jessica yakati: “Ndinowanzonzwa sekuti ndiri kutadza kuita zvese zvandinofanira kunge ndichiita pakubatsira baba vangu. Uye pamwe pacho kana ndikambozorora, ndinotanga kuzvipa mhosva.” Vamwewo pavanoremerwa nekuchengeta munhu wacho kana kuti pavanogumbuka nemhaka yematambudziko avanenge vachisangana nawo, vanogona kutanga kuzvitongesa. Vamwewo vanonzwa sekuti havasi kunyatsoita zvese zvavanofanira kunge vachiita kuti vabatsire munhu wavari kuchengeta. Uyewo vamwe vanozvipa mhosva nekuti pavanenge vakaneta vanombotaura zvinhu zvinorwadzisa munhu wacho wavari kuchengeta. (Jak. 3:2) Vamwewo vanorwadziwa pavanoona utano hwemunhu wacho huchiramba huchidzikira zvishoma nezvishoma. Imwe hanzvadzi inonzi Barbara yakati: “Zvinondirwadza chaizvo kuona utano hweshamwari yangu huchiwedzera kudzikira zuva rega rega.”
8. Vamwe vanonzwa sei pavanotendwa nevamwe?
8 Unogona kunzwa sekuti vamwe vanhu havakoshesi zvaunoita. Chii chinogona kuita kuti unzwe saizvozvo? Dzimwe nguva unogona kunge usingatendwi nekushanda nesimba kwese kwaunenge uchiita. Asi kana ukatendwa, zvinogona kuita kuti ufare zvisingaiti. (1 VaT. 5:18) Imwe hanzvadzi inonzi Melissa yakati: “Dzimwe nguva ndinochema nekuti ndinenge ndaneta uye ndichinzwa ndakaora mwoyo. Asi vaya vandinochengeta pavanondiudza kuti, ‘Tinokutenda nezvese zvauri kutiitira,’ zvinoita kuti ndifare zvisingaiti! Mashoko iwayo anoita kuti ndimuke ndiine chido nesimba zvekuti ndirambe ndichivabatsira.” Imwe hama inonzi Ahmadu yakatsanangura kuti inonzwa sei painotendwa. Iye nemudzimai wake vari kuchengeta mwana wemunin’ina wemudzimai wake. Mwana uyu ane chirwere chepfari. Ahmadu anoti: “Mwana uyu anogona kunge asinganyatsonzwisisi zvese zvatiri kuita kuti timuchengete, asi tinofara zvisingaiti paanotitenda kana kuti paanotiudza kuti anotida.”
ZVAUNGAITA KUTI URAMBE UCHIFARA
9. Chii chinogona kukubatsira kuti uve nemwero?
9 Iva nemwero. (Zvir. 11:2) Hatikwanisi kuita zvese zvatinoda kuita muupenyu. Saka unofanira kuziva zvaunokwanisa kuita uye zvausingakwanisi. Uye pamwe pacho unenge uchitofanira kuramba zvimwe zvinhu. Kana izvozvo zvikaitika haufaniri kunetseka. Unenge uchitoratidza kuti une mwero. Kana vamwe vanhu vakati vanoda kukubatsira, usarambe. Imwe hama inonzi Jay inoti: “Tinofanira kungoita zvatinenge tichikwanisa kuita zuva iroro. Kana tikaita izvozvo zvichatibatsira kuti tirambe tichifara.”
10. Paunenge uchichengeta mumwe munhu ari kurwara, nei zvichikosha kuti uve munhu anonzwisisa? (Zvirevo 19:11)
10 Edza kunzwisisa zvinoita kuti munhu wauri kuchengeta aite zvaanoita. (Verenga Zvirevo 19:11.) Kana uri munhu anonzwisisa, zvichakubatsira kuti urambe wakadzikama munhu wacho paanoita zvinhu zvinokugumbura. Zvimwe zvirwere zvinoita kuti munhu aite zvimwe zvinhu zvaaisamboita kare. (Mup. 7:7) Pamwe pacho munhu aimbotaura zvakanaka nevamwe, achibata vamwe zvakanaka anogona kutanga kuita nharo dzisingaiti. Kana kuti anogona kutanga kunetsa, kungoshora-shora, kana kuti kungogumbuka. Kana uri kuchengeta mumwe munhu ane chirwere chakaipisisa, zvakanaka kuti udzidze zvakawanda nezvechirwere chacho. Paunowedzera kunzwisisa kuti chirwere chacho chinomukanganisa sei, zvichakubatsira kuti unzwisise kuti ari kuita zvaari kuita nemhaka yekuti ari kurwara kwete nekuti ari kuzviitisa.—Zvir. 14:29.
11. Ndezvipi zvinhu zvinonyanya kukosha kupfuura zvimwe zvaunofanira kuwanira nguva zuva rega rega? (Pisarema 132:4, 5)
11 Wana nguva yekusimbisa ushamwari hwako naJehovha. Dzimwe nguva unenge uchifanira kutorega zvimwe zvinhu kuitira kuti uwane nguva yekuita “zvinhu zvinokosha kupfuura zvimwe.” (VaF. 1:10) Kusimbisa ushamwari hwako naJehovha ndechimwe chezvinhu izvozvo. Dhavhidhi aiva mambo aiva nezvinhu zvakawanda zvekuita, asi kunamata Jehovha ndiko kwaiva pamberi muupenyu hwake. (Verenga Pisarema 132:4, 5.) Newewo, kunyange zvazvo uine zvinhu zvakawanda zvekuita, zuva rega rega unofanira kuwana nguva yekuverenga Bhaibheri uye yekunyengetera. Imwe hanzvadzi inonzi Elisha inoti: “Kugara ndichinyengetera uye kufungisisa mamwe mavhesi ari mumapisarema kuri kundibatsira kuti ndigare ndichifara. Munyengetero ndiwo unonyanya kundibatsira. Ndinoswera ndichinyengetera kuna Jehovha ndichimukumbira kuti andibatsire kuramba ndakadzikama.”
12. Nei zvichikosha kuti vaya vari kuchengeta varwere kana kuti vakwegura vawanewo nguva yekuita zvinhu zvinochengetedza utano hwavo?
12 Wana nguva yekuchengetedza utano hwako. Vanhu vane zvinhu zvakawanda zvekuita vanogona kushaya nguva yekuitawo zvinhu zvinoita kuti vagare vaine utano hwakanaka. Izvi zvinogona kuitika kune vaya vari kuchengeta munhu ari kurwara kana kuti akwegura. Kudya zvinhu zvine utano uye kuita maekisesaizi kunokubatsira kuti ugare uine utano hwakanaka. Saka kunyange zvazvo uine zvinhu zvakawanda zvekuita, wana nguva yekugara uchiita maekisesaizi uye kudya zvekudya zvine utano. (VaEf. 5:15, 16) Uyewo, unofanira kuwana nguva yakakwana yekurara. (Mup. 4:6) Ongororo dzakaitwa dzinoratidza kuti kuwana nguva yakakwana yekurara kunobatsira pfungwa dzedu. Imwe nyaya ine chekuita nezveutano yakataura kuti kana munhu achiwana nguva yakakwana yekurara zvinomubatsira kuti asanyanye kunetseka uye kuti arambe akadzikama kunyange zvinhu pazvinenge zvakaoma. Uyewo, unofanira kuwana nguva yekuitawo zvinhu zvaunofarira. (Mup. 8:15) Imwe hanzvadzi yakataura kuti zvii zvinoibatsira kuti igare ichifara. Yakati: “Pese pazvinenge zvichiita, ndinoedza kubuda panze ndichidziya mushana. Uyewo, mwedzi wega wega ndinotsvaga zuva ratinoita zvinhu zvandinofarira ndiine shamwari yangu.”
13. Kuseka kunobatsirei? (Zvirevo 17:22)
13 Gara uchiseka. (Verenga Zvirevo 17:22; Mup. 3:1, 4) Kuseka kunobatsira kuti usanyanye kunetseka. Kana uchichengeta munhu akwegura kana kuti ari kurwara, kashoma kuti zvinhu zvifambe sezvamunenge muchida. Asi zvinhu pazvinenge zvisina kufamba zvakanaka munogona kungoseka zvotopfuura. Uye kuseka pamwe chete nemunhu waunenge uri kuchengeta kunoita kuti mutowedzera kuwirirana.
14. Kutaura neshamwari yako yaunovimba nayo kuchakubatsira sei?
14 Taura neshamwari yako yaunovimba nayo. Dzimwe nguva pasinei nezvese zvaunenge uchiedza kuita kuti ugare uchifara unogona kumbonzwa uchiremerwa. Pakadaro, unogona kutaura neshamwari yako yaunoziva kuti haizokutongesi nemhaka yezvaunenge wataura. (Zvir. 17:17) Kukuteerera kwaachaita uye mashoko anokurudzira aachakuudza zvinogona kutokubatsira kuti utange kufara zvakare.—Zvir. 12:25.
15. Kuisa pfungwa dzedu patariro yatiinayo kunotibatsira sei kuti tifare?
15 Fungidzira kuti muchararama upenyu hwakaita sei muri mese muParadhiso. Yeuka kuti basa rekuchengeta munhu ari kurwara kana kuti akwegura nderenguva pfupi. Jehovha haana kumbotisikira kuti tiite basa iroro. (2 VaK. 4:16-18) “Upenyu chaihwo” huri mberi. (1 Tim. 6:19) Kana iwewe nemunhu waunochengeta mukagara muchitaura zvamunoda kuzoita pamwe chete muParadhiso, zvichaita kuti mugare muchifara. (Isa. 33:24; 65:21) Imwe hanzvadzi inonzi Heather yakati: “Ndinogara ndichiudza vanhu vandinochengeta kuti tichada kuzosona tese, kumhanya tese uye kuchovha mabhasikoro pamwe chete. Tichabikira hama neshamwari dzedu dzinenge dzamutswa chingwa nezvimwewo zvekudya. Zvese izvi zvinoita kuti titende Jehovha nemhaka yetariro yaakatipa.”
VAMWE VANGABATSIRAWO SEI?
16. Tinogona kubatsira sei vaya vanochengeta munhu ari kurwara kana kuti akwegura vari muungano medu? (Onawo mufananidzo.)
16 Batsira vaya vanochengeta varwere kana kuti vakwegura kuti vawane nguva yekumbozorora. Vaya vari muungano vanogona kusarudza kuenda kunobatsira munhu ari kurwara kana kuti akwegura. Izvi zvinoita kuti vaya vagara vachichengeta munhu iyeye vambowanawo nguva yekumbozorora kana kuti yekuita zvimwe zvinhu zvinokosha zvavanenge vachida kuita muupenyu. (VaG. 6:2) Dzimwe hama nehanzvadzi dzakatoronga purogiramu yekuti vaende vachinobatsira vhiki rega rega. Imwe hanzvadzi inonzi Natalya ine murume asingagoni kufamba. Hanzvadzi iyi yakati: “Pane hama iri muungano medu inouya kamwe chete kana kuti kaviri vhiki rega rega kuti izoswera nemurume wangu. Vanoparidzira vese, vanoswera vachitaura nyaya, uye pamwe pacho vanotoona mafirimu vese. Murume wangu anofarira chaizvo kuswera nehama iyi uye zvinondipawo nguva yekuti ndizorore kana kuti ndiite zvimwe zvinhu zvandinenge ndichida kuita zvakadai sekumbobudawo panze ndichifurwa nemhepo.” Pamwe pacho unogona kusarudza kutoenda kunorara kumba kwemunhu wacho kuitira kuti munhu anogara achimuchengeta akwanise kuwanawo nguva yekurara.
Ungabatsira sei vaya vari muungano yenyu vane vanhu vavari kuchengeta? (Ona ndima 16)a
17. Tingabatsira sei vaya vanochengeta vari kurwara kana kuti vakwegura panenge pachiitwa misangano?
17 Batsira vaya vanochengeta varwere kana kuti vakwegura panenge pachiitwa misangano. Vaya vanochengeta munhu ari kurwara kana kuti akwegura vanogona kutadza kunyatsobatsirwa nemisangano kana kuti magungano nekuti vanenge vachitoshanda zvakaoma kuti vachengete munhu wacho. Vaya vari muungano vanogona kubatsira nekunogara nemunhu wacho ari kurwara kana kuti akwegura pane chimwe chikamu chemusangano kana kutogara naye musangano wacho wese. Kana munhu wacho asingakwanisi kubva pamba, vanogona kusarudza kuenda kunopinda naye musangano vachishandisa foni kuitira kuti uya anogara achimuchengeta aende anopindawo nevamwe kuImba yeUmambo.
18. Ndezvipi zvimwe zvatinogona kuitira vaya vari kuchengeta vakwegura kana kuti vari kurwara?
18 Gara uchitenda vaya vari kuchengeta vari kurwara kana kuti vakwegura uye vanyengeterere. Vakuru vanofanira kugara vachivafudza. (Zvir. 27:23) Uye tese zvedu tinofanira kugara tichivaudza kuti tinovada uye tinokoshesa zvavanoita. Tinogonawo kukumbira Jehovha kuti arambe achivasimbisa uye achivabatsira kuti vagare vachifara.—2 VaK. 1:11.
19. Zvii zvatinotarisira mune ramangwana?
19 Kwangosara nguva pfupi kuti Jehovha abvise zvese zvinoita kuti tirwadziwe uye titambure. Urwere uye rufu zvichange zvisisipo. (Zvak. 21:3, 4) “Munhu akaremara achakwakuka senondo.” (Isa. 35:5, 6) Tinenge tisisachemberi uye panenge pasisina matambudziko anovapo patinenge tichichengeta munhu akwegura kana kuti ari kurwara. “Zvinhu zvekare hazvizouyi mupfungwa.” (Isa. 65:17) Asi iye zvino patakamirira nguva iyoyo, tine chivimbo chekuti Jehovha haazombotisiyi. Kana tikaramba tichivimba nesimba rinobva kwaari achatibatsira kuti tikwanise ‘kutsungirira zvinhu zvese tiine mwoyo murefu nemufaro.’—VaK. 1:11.
RWIYO 155 Ndimi Mufaro Wedu
a KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Hanzvadzi mbiri dzashanyira hanzvadzi yechikuru kuitira kuti munhu anowanzochengeta hanzvadzi iyi awanewo nguva yekumbobuda panze achifurwa nemhepo.