Ngwarira! Matsotsi Ari Kuita Basa
FUNGIDZIRA chiono chacho. Dutu rapfuura. Mhepo dzinoparadza dzapedza kuparadza kwadzo kwakaipa zvikuru, uye mvura dzinofashamira hadzichatyisidzirizve. Vapukunyuki vakavhura maziso vanobuda mavanga vakavanda, nepo chinhambwe napavari, vanga vatiza vavhundutswa uye vane rutyo vanodzoka kuzoongorora zvaparadzwa nedutu. Matenga abva padzimba; miti yadzurwa uye yawira pamusoro pedzimba dzine matenga akashama nomukati matoteswa nemvura. Tambo dzamagetsi dzawa, zvichiita kuti kufona nokutumira mashoko kwechimbi-chimbi kusabvire. Mimwe misha, yaichimbova nzvimbo yemhuri dzinofara, yaparara—yaparadzwa zvokusambogadzirika. Yaimbova nzanga yakanyarara neine rugare zvino yava chiono chezvakaparadzwa nokupera mwoyo.
Nzanga yagadzirira kutarisana nedenho yacho—yakatsunga zvikuru kuvakazve. Muvakidzani anobatsira muvakidzani; vamwe vaisatombozivana namazita zvisati zvaitika. Varume vanogoverana maturusi nounyanzvi. Vakadzi vanobikira boka riri kushanda apo vana vakura vanorera vaduku. Dzichibva kunze kwenzanga, motokari dzinoshandiswa sedzimba dzamapoka avashandi vane chido chokubatsira dzinosvika—vanogadzira nokuturika matenga, vanotema miti, vavezi, vapendi. Pamwe chete naivava, zvisinei, kunouyawo matsotsi, akagadzirira kutsotsa vapukunyuki.
Mari yakawanda zvikuru inofanobviswa kugadzira kusati kwaitwa inorayirwa. Varidzi vemisha vasina chisarudzo vanobhadhara, vachizongowana bedzi kuti vashandi vanoenda nayo, zvokusazomboonekwazve. Vanogadzira nokuturika matenga avo “vanovimbisa” kuita basa rounyanzvi vanogadzira nokusarangarira vachisiya mikana, uye iyoyi inodzudza zvakakomba panotanga kunaya mvura. Vachinyepera kurendesa michina mikuru nokuda kwebasa ramangwana, vanotema miti vanofanotsotsa vanyajambwa zviuru zvamadhora. Mangwana haambosvika.
Wedzera kuzvaparadzwa nokurasikirwa nazvo kuora mwoyo kwavaridzi vemisha vakabhadhara mari yakawanda zvikuru kumakambani einishuwarenzi asisagoni kubhadhara zvikwereti zvawo kana kuti okunyepedzera ayo anoramba zvino kubhadhara zvaparadzwa kana kuti ane mahofisi asisina vanhu, varidzi vawo vatiza. Avo vakabudirira kuwana cheki yeinishuwarenzi yokufukidza zvakaparadzwa kazhinji kazhinji vanowana kuti vokunyorerana navo basa vanonyengera navasina unyanzvi varipo kuti vaite basa apo vashoma vane unyanzvi vasingakwanisi kuita basa rose. Somugumisiro, basa risina kunaka rinoitwa, zhinji raro richirwadzisa varidzi vemisha vakatoshungurudzwa kare.
Vanyajambwa vengwavaira vanotsotswa vatsotswazve. Inotanga iri nzanga yakaparadzwa yabatana nokuda kwokubatsira vose, kuna vamwe inova fungidziro inorwadza mwoyo.
Pashure pedutu rehurricane, mune imwe nzanga macandy bar akakwira mutengo kusvika kumadhora 40 asingadaviriki, uye gaba romukaka womwana rakaita madhora 60 kuna vanamai. Pane chimwe chitoro mabhatiri haaigona kuwanika pasina kutengwa TV kana kuti redhiyo. Vanogadzira zvokuvakisa vakazadza mabhokisi avo emari kuti shutu nokutengesa zvinhu pamitengo yakakwira zvikuru. Mune chimwe chinoitika varidzi vamaturera anoshandiswa sedzimba vakadhonzerwa dzimba dzavo kuti dziende pakakwirira mukati mamafashamo vakakwidzirwa mutengo kusvika ku600 muzana. Pashure pokudengenyeka kwapasi, mumwe mukadzi ane makore 84 okukura ane musha wakaparadzwa akagamuchira runhare rwaibva kune mumwe munhu ainyepera kuva mushandi wehurumende. Mukadzi wacho akafunga kuti mapepa aakasaina gare gare aiva okukumbira kubatsirwa nehurumende neematikiti ezvokudya. Kutaura idi, aiva okubhadhara $180 000 kana kutorerwa musha akakundikana nokuda kwokugadzirirwa uko kwakabvumikisa kuva basa re$50 000 bedzi.
Kutengesa Pafoni Kwokunyengera
‘Makorokoto, Mai S——! Iri izuva renyu remhanza yakanaka.’ Aya angava mashoko okuvamba mukuridzirwa foni kusingakarirwi. ‘Ndimi muhwini wedu mukurusa we . . .’ Vanhu vakawanda vakagamuchira mashoko akadaro achitaura kuti “vatohwina,” kuti mibayiro yavo “ine chokwadi.” “Mubayiro” wacho wokuhwina ungava motokari itsva, zvinhu zvomukamuri rokutandarira, kana kuti zvichida ringi yedhaimani.
Wakambogamuchira foni yakadaro ichizivisa kuti waiva muwani wechipo chapachena here? Hana yako yakarova here? Wakatadza kuzvidavira here? Kana wakapindura foni yakadaro, wakazombowana mubayiro wako here? Kana kuti waiva nyajambwa wokutengesa pafoni kwokunyengera here? Kana zvakaitika kwauri, hausi woga. Maererano nemagazini yeConsumers’ Research, muUnited States moga, vatengesi vapafoni vokunyepedzera vanonyengera vanhu vanenge gumi miniti imwe neimwe. Gore rimwe nerimwe maguruvha asingateereri mutemo anotsotsa madhora ane mabhiriyoni 100 kusvika ku400 kuvatengi, inenge $75 000 miniti iri yose.
“Gore riri rose muCanada yose,” inoshuma kudaro Reader’s Digest, “vanhu vanopfuura 150 000 vanodavira foni dzinobva kuvatengesi vapafoni vanonyengera vanovaudza kuti va‘hwina’ kana kuti ‘vasarudzwa’ nokuda kwomubayiro mukuru. Uye gore riri rose zviuru zvevemuCanada zvinoitwa mafuza nefoni idzi, vachipedza avhareji ye$20 000 munhu mumwe nomumwe kuti vawane mubayiro wavo.” Mupurisa weOntario Provincial Police akazivisa kuti: “Zvirongwa zvamanomano zvapafoni ndiko kumwe kwokunyengera kukurusa munhau yeCanada.” Anowedzera kuti: “Tinoziva kuti kunodyira vemuCanada mamiriyoni amadhora pagore.” Nhamba dzacho dzinomirira zvikurukuru izvo zvinoshumwa kumapurisa. Zvisinei, sezvo kunofungidzirwa kuti gumi muzana bedzi yavanyajambwa inoshuma zvavanorasikirwa nazvo, hazvibviri kuziva zvakarurama ukuru hwakazara hwechinetso chacho.
“Tinoudza vanhu kuti vahwina kuti vasafunge zvakajeka,” rakabvuma kudaro rimwe guruvha ramakoko. Rakawedzera kuti: “Ipapo tinovamanikidza kuti vatumire mari, uye hatigamuchiri mhinduro yokuti kwete.” Kana nyajambwa angowira mumusungo chete, zita rake ringatengeswa kumamwe mafemu anotengesa pafoni nokunyengera ndokuiswa pandaza ya“vanamudyiwa.” Mazita avo angatengeswa kuvamwe avowo, vachavafonera vavafonerazve. “Kana tichishanda kubva pandaza yavanamudyiwa,” akadaro mumwe aimbotengesa pafoni nokunyengera weToronto, “tinoita kuti inenge 75 muzana yavanhu vacho itenge pakufonerwa kekutanga. Ikoko kunoderera kusvika kuinenge 50 muzana panguva yechitatu patinoshandisa ndaza yacho. Asi vangopinda chete, vamwe vanhu vanoramba vachingopfuurira; vanotandanisa mari yavo.”
Avo vanobatwa naava vatengesi vapafoni vanonyengera vachasvika kupi vachitandanisa chiroto chavo chokuhwina mubayiro wakaisvonaka? “Taitofanira kushanda namabhangi kuti arege kuburitsa mari yavamwe vakura kuti varege kugumwa semizhanje,” akadaro mumwe mutikitivha. Mumwe mukadzi akanga achangobva kufirwa nomurume akawanika aita mibhadharo 36 kuvanotengesa pafoni nokunyengera 16 vakasiyana-siyana, ichiita hwerengedzo inopfuura $850 000. Uyewo, akanga awana “hafu yekamuri yakazara zvinhu zvenhando.”
Zvirongwa Zvounyanzvi Zvakarongerwa Vakachenjera
Avo vanoita izvi zvirongwa nguva dzose, zvisinei, havasarudzi. Vanyajambwa vavo vanobva mumwero yose yezvemari yenzanga. Kunyange dzinofungidzirwa kuva nyanzvi dzakachenjera dzakanyengerwa. Kunyengera kwakarongwa kunogona kuva kwamanomano kwazvo zvokuti kunyange mutengi akasvinurira zvikurusa angava nyajambwa. Zvirongwa zvamanomano zvemari zhinji zvakanangidzirwa pavatengi vakachenjera zvingashambadzirwa muTV kana kuti mumabhurocha ane mavara anotumirwa nepositi. Zvingabatanidza kushandisira mari zvinhu zvinovimbisa mhindu dzakakwira—kushandisira mari mumastudio emifananidzo inofamba, ndarama nemigodhi yendarama, matsime amafuta. Ndaza yacho inoratidzika seisingagumi. Migumisiro yacho, zvisinei, yakafanana—kurasikirwa kwakakwana.
“Ukuru hwokunyengera kwavo haudaviriki,” akadaro mumwe mukadzi akadzidza akaitwa nyajambwa. “Somudzidzisi wechikoro, ndaifunga kuti ndaiva munhu akachenjera. . . . Vimbiso dzacho dzakanga dzisingaperi.” Akarasikirwa ne$200 000 mukambani yamanomano inogadzira mifananidzo inofamba.
Kutengesa pafoni kwokunyengera chinetso chamarudzi akawanda. Vanzveri vanofanotaura kuti “kuchaipa zvikuru mumakore gumi ano.” Asi, ngwarira! Pane mamwe marudzi okutsotsa, uye dzimwe nyanzvi dzezvirongwa zvamanomano dzine chipfuro chadzinodisisa—vakwegura.
[Mufananidzo uri papeji 18]
Ngwarira matsotsi anouya pashure pedutu!
[Mufananidzo uri papeji 19]
“Mahwina mubayiro wapachena!”—kana kuti mahwina here?