Kutsotsa Muzita Rorudzidziso
KANA wavhundutswa nokusuruvariswa noutsotsi hwadudzwa kusvika pari zvino, hausi woga. Asi kune utsotsi hworudzi rusingabvumiki zvikuru—muzita rorudzidziso. Humwe hwakapararira zvikurusa hwakabatana nokudavira kuti mweya unopfuurira kurarama pashure porufu uye kuti vapenyu vanogona kubetsera vakafa. Mamiriyoni avanhu vakatendeseka munyika yose vakaitwa kuti vadavire kuti kupfurikidza nokubhadhara mari yakawanda, vanogona kubetsera kana kuti kunyaradza vadiwa vavo vakafa.
Nhasi, mune dzimwe nyika, kwava norutivi rutsva rwouku kunyengera kwamakore. Nguva pfupi yapfuura muJapan, somuenzaniso, vaprista navapristakadzi vechiBuddha vaiti vane masimba omudzimu vakasungwa vachifungidzirwa kuti vakanga vatsotsa vomuruwa rwechechi mazana amamiriyoni amadhora. Avo vakasungwa vakanga vashambadzira mabasa okuporesa nookubetsera kupfurikidza nekurukurirano. Vakadavidza vaibatanidza vadzimai vapamba avo vakaudzwa kuti vainetswa nemidzimu yavana vavo vakafa. “Vakadzi vacho ipapo vakabhadhariswa hwerengedzo ye$800 000 nokuda kwomunamato wokuyeuka vakafa,” rakashuma kudaro Mainichi Daily News. Mumwe mukadzi ane makore 64 okukura akapa inenge $530 000. Mukadzi wacho akanga abvunza vaprista nezvoutano hwomwana wake. “Kunonzi vakaudza mukadzi wacho kuti aizoita munyama kutoti akaita munamato chaiwo wokuyeuka mweya yamadziteteguru ake nokudzinga midzimu,” rakadaro The Daily Yomiuri.
Zivo yakarurama yeBhaibheri ingadai yakadzivirira vanhu ava vaisafungidzira kutsotswa. Rinojekesa kuti mweya unofa. (Ezekieri 18:4) Vakafa “havana chavanoziva,” inodaro Muparidzi 9:5. Nokudaro vakafa havagoni kukuvadza vapenyu. Uyewo vapenyu havagoni kubetsera vakafa.
Mativi Akawanda Okutsotsa Kworudzidziso
Nemhaka youdyire hwavo vamene, vamwe vanobatwa navaiti vezvirongwa zvamanomano vorudzidziso. MuAustralia vamwe varoorani vanoti vane masimba anopfuura omuzvarirwo vanokwanisa kukomborera mari nokuiita kuti iwande vakapiwa $1 000 000 nomumwe murume aida kuti mari yake iwande. Akaudzwa kuisa mari yacho mubhokisi ndokuvapa kuti “itsveneswe.” Varoorani vacho vakapinda nebhokisi mukamuri raitevera kuti varikomborere apo iye aimirira. Apo vakadzoka, vakamudzorera bhokisi racho, vachimunyevera kuti aisafanira mumamiriro api naapi zvawo kuvhura bhokisi racho kusvikira gore ra2000. Uye kana akadaro? Akaudzwa kuti “simba racho raizoparara, uye aizova bofu, bvudzi rake raizodonha, aizova negomarara, uye kufa nesitiroko.” Pashure pamavhiki maviri, zvisinei, murume akanyumwa ndokuvhura bhokisi racho. Chishamiso! Makanga makazara mapepa akachekwa-chekwa. Anozvipa mhaka, pepanhau richishuma nhau yacho rakati, uye nenzira yechienzi zvikuru, “atanga kuita mhanza.”
MuItaly kutsotsa kworudzidziso kunoitwa neimwe nzira: Vamwe vaprista vakatsotswa navaiti vezvirongwa zvamanomano vainyepera kuva vaKaturike vakazvipira. Matsotsi anoshandisa muitiro weKaturike wokubhadharira Misa dzinoitirwa vakafa. Vanozviita sei? Magazini yeKaturike inonzi Famiglia Cristiana inotsanangura kuti nyanzvi dzokunyengera dzinozvipira kufanobhadharira Misa dzinoitirwa vakafa gumi nembiri necheki yokunyepera ine mari yakawanda kupfuura inodiwa. Vanonyengera muprista asina kungwarira kuti avape chenji yemari chaiyo. Matsotsi anowana mari chaiyo, uye muprista anowana cheki inorambwa kubhangi!
MuUnited States, vakwegura kazhinji kazhinji vanokombwa kumativi ose nemasekete orudzidziso ari kutsvaka vatsva vokuzadza mabhokisi avo nezvipo. “Kupote nyika yacho yose, masekete ari kuteerera mutemo uri kutonga wemitambo yokutsotsa: “Tevera mari,” yakanyora kudaro magazini inonzi Modern Maturity. “Mukuchinjana, vanopa chinhu chiri chose kubva kuutano kusvika kuchinjo yezvamatongerwe enyika kusvika kuumambo hwokudenga.” Mumwe anochinjinura vaimbova mitezo yesekete akashumwa kuve anoti: “Vakwegura ndivo vari nyore zvikuru kwazvo kusekete.”
Matutu acho emari anogona kuva makuru zvikurusa. “Ndinoziva zvinoitika zvinoverengeka umo vanhu vakazviita varombo,” rakadaro rimwe gweta reNew York rakabata nhau dzakawanda dzesekete. “Dzakasiyana-siyana kubva kuvanhu vakakumbirwa kuti vape zvipo zvemari ine nhamba nhanhatu kuenda kuavo vasina chinhu kunze kwecheki dzavo dzeSocial Security dzokupa.” Rakawedzera kuti: “Zvinotyora mapfupa—kuvose vari vaviri vanhu vamwe navamwe uye mhuri dzavo.”
Naizvozvo ngwarira! Matsotsi ari kuita basa. Zvirongwa zvamanomano zvokugadzira misha, kutengesa pafoni kwokunyengera, uye kutsotsa kworudzidziso mienzaniso mishoma bedzi yokushanda kwavanoita. Hazvibviri kududza mitoo yavo yose, nokuti nguva dzose vanotanga zvirongwa zvamanomano zvitsva. Asi zvapiwa muno pasina mubvunzo zvichakusvinudza kukudikanwa kwokuva anongwarira, uye zvichida ndiyo dziviriro yako yakanakisisa. (Ona bhokisi riri papeji 22, “Kudzivisa Kutsotswa.”) Nyevero yechirevo chakare cheBhaibheri yakakodzera zvikurusa: “Usina mano unotenda mashoko ose; asi wakangwara unongwarira mafambiro ake.”—Zvirevo 14:15.
[Mifananidzo iri papeji 24]
Mamiriyoni avanhu anodavira kuti kupfurikidza nokubhadhara mari anogona kubatsira kana kuti kunyaradza vadiwa vao vakafa