Kuveza—Unyanzvi Hwakare hweAfrica
Yakanyorwa Nomunyori weMukai! MuNigeria
VAVEZI vave vakabatikana kwenguva refu muGuta reBenin, riri mava zvino mumaodzanyemba eNigeria. Makore 400 apfuura, Guta reBenin raiva dzimbahwe roumambo hune simba uye hwakarongwa zvikuru hwomusango. Vashanyi vaibva kuEurope vaishamiswa nemigwagwa yeguta yakafara, yakatwasuka, uye dzimba dzaro dzakarongwa zvakanaka, uye vanhu varo vane chiremera navanoteerera mutemo. Kwamazana amakore Guta reBenin rakabudirira seimwe yenzvimbo dzeAfrica yokumavirira inokosha zvikurusa yezvokutengeserana neyezvetsika.
Umambo hweBenin hwaitongwa nenhevedzano yamadzimambo ainzi maoba. Maoba nokushingaira aikurudzira unyanzvi. Yakashongedza muzinda wavo wakaisvonaka muGuta reBenin yaiva misoro yakavezwa, zvishongo zvakaisvonaka zvaiva pamadziro zvakaitwa nebronze, uye nyanga dzenzou dzakaisvonaka dzakavezwa nounyanzvi hukurusa. Kunyange zvazvo zvivezwa zvakare zvemiti zvisina kupukunyuka kuparadza kwenguva nomuchenje, kuri pachena kuti vavezi vaishingaira muumambo hwacho. Martins Akanbiemu, aichimbova mutarisiri weNational Museum muLagos, anonyora kuti: “Boka ravavezi . . . rinoratidzika kuva rekaresa kushandira Oba.”
Muna 1897, mauto eBritain akaparadza Guta reBenin ndokuendesa kuEurope pfuma yaro younyanzvi yakanga zvino isisina ukoshi—zvidimbu zvinopfuura 2 000. Nhasi, miunganidzwa mikurusa younyanzvi hweBenin rakare inoratidzwa, kwete muNigeria, asi mumamuziyemu muLondon neBerlin.
Kuveza Nhasi
Nhasi Guta reBenin itaundi rechimbichimbi noruzha rakafanana zvikuru namamwe akawanda muNigeria. Asi, zvisaririra zvembiri yaro yapakuvamba zviripo. Muzinda wakavakwazve, uye oba wazvino anogaramo. Unogona kuona ufakazi hwomugero wemvura wakadzama wakanga wakapoteredza guta rekare; uye kana ukateerera zvakanakisisa, unogona kunzwa ka ka ka munyoro wechizera pamuti.
Mumwe murume anonzi Johnson ave achiveza mifananidzo yemiti muGuta reBenin kwamakore 20. Mumazana amakore apfuura, misoro yemiti neyebrass yakachengetedza kuyeukwa kwavakafa; yakashongedza atari dzokunamatira madziteteguru. Asi misoro iyo Johnson anoveza haina kufanana neiya yaishandiswa pamavambo nokuda kwezvinangwa zvorudzidziso. Yake ndeyokushongedza bedzi.
Johnson anoshandisa mushenje, muti wakaoma, unopfupfunyuka wakanakira kuveza. Anoshandisa zvikurukuru mwoyo womuti, kana kuti pakati pomuti. Mwoyo womushenje weNigeria kazhinji kazhinji wakasviba kuti ndo-o, kunyange zvazvo mimwe miti ichiita mwoyo ine mitsetse-mitsetse kana kuti yakachenerukira kusvika kukusviba muruvara. Anobatanidza muti wakapoteredza mwoyo, kana kuti muti wokunze, mukuveza; ikoku kunowedzera ruvara rutsvuku runofadza, runopindirana norutema. Yose iri miviri mushenje mutsvuku nomutema inopenya zvakaisvonaka ikapukutwa.
Mishenje yakazara muNigeria. Apo mushenje unotemwa, kazhinji kazhinji unoregwa uri musango kwemwedzi mishomanene kuti uome. Kunyange pashure pokunge danda romushenje rasvika mushopu yake, Johnson anorega muti uchioma kwemimwe mwedzi inoverengeka asati aushandisa. Ikoku kunokosha, sezvo muti usina kuoma uchigona kuchinja chimiro ndokutsemuka.
Apo anenge agadzirira kuveza, Johnson anoshandisa saha kucheka chidimbu chakareba mainji 15. Pashure pokumira imwe vhiki kuti ave nechokwadi kuti chidimbu hachitsemuki, Johnson anotara muti nechoko musoro waanoda kuveza, uye ipapo anotanga kushanda.
Kutanga anoshandisa chizera ine muromo wakati sandara, ipapo chizera ine muromo wakakombama, uye ipapo chizera inotsetsa. Pashure paizvozvo, anofayira nerasp. Banga romuvezi rinoshandiswa ipapo kutemera udzame. Sezvo Johnson anoshanda, anoisa ngwariro yake yose pamuti. Kusangwarira kunogona kuguma nechivezwa chine kusekerera kwechienzi kana kuti ziso rakatarisa divi risina kururama.
Pashure pokunge kuveza kwapera, vadzidzi vaJohnson vanopfuurira kukwesha chivezwa nemasendipepa akatsetseka zvakasiyana-siyana. Pakupedzisira, vanoisa mushonga wefanicha kana kuti mushonga weshangu uye vanochipukuta nebhurasho reshangu kuti chipenye. Kuveza musoro wakafanana nouri pamufananidzo kunoda mazuva maviri. Kunoda mamwe mazuva matatu kukwesha nokuupenyesa.
Kana chivezwa chapera, Johnson anochiisa parutivi kwemwedzi miviri kuti ave nechokwadi kuti hapana mitswe inooneka. Kana muti wakanga wanyatsooma kuveza kusati kwatanga, hapana kutsemuka kuchaitika. Ndizvo zvinowanzoitika. Kana mutswe ukavapo, chivezwa chinodzokera kushopu kunonamwa, kukweshwa, uye kupenyeswazve.
Kudzidzira Unyanzvi Hwomuvezi
Johnson ane vadzidzi vatanhatu, vane makore anovamba pa10 kusvika ku18 ezera. Vanodzidzira unyanzvi hwomuvezi vachidzokera shure, kubva kubasa rokupedzisira kuenda kune rokutanga. Munhevedzano iyi chinhu chokutanga icho mudzidzi anodzidzira kupenyesa. Ipapo anodzidzira kukwesha. Gare-gare, anoratidzwa kushandisa rasp. Pakupedzisira, zuva rinosvika apo anobata chizera ine muromo wakati sandara kuti atange kucheka chidimbu chomuti chitsva.
“Haasi wose anogona kuva muvezi,” anodaro Johnson. “Kutanga, unofanira kuva nouchenjeri pamwe chete nokugona kuisa ngwariro pamwe chete. Unofanirawo kudzidzira kushivirira kufambira mberi kwako uye kugonana nokukundikana kwako. Unodawo kutsungirira, sezvo kuchida makore matatu kana kupfuura kuti ugone kuveza zvakanaka. Asi handiwo magumo azvo—kudzidza hakutongoperi. Nokurovedza, unovandudza nguva dzose.”
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 16]
Mujuru Nomuvezi
Vamwe vanotaura kuti unyanzvi hweAfrica hunotsigirwa nomuchenje, kana kuti mujuru. Muvezi anoita mufananidzo, uye mujuru (uchibatsirwa namamirire okunze omunzvimbo dzinopisa) unochiparadza, pane dzimwe nguva mumazuva mashomanene! Kwamazana amakore juru rakachengeta muvezi akabatikana. Kwave kuri kutenderera kusingaperi asi kunobatsira: Mujuru unoparadza, uye muvezi anotanga patsva, nemikana yokuvandudza unyanzvi hwake nokutanga zvitayira zvitsva zvokufungidzira.
Bhuku rinonzi African Kingdoms rinoti: “Chakuvhe nomujuru unoshingaira zvakabvisa zvikuru mukana upi noupi wokuti mabasa akare atevedzerwe nezvizvarwa zvinotevera. Somugumisiro, pamwe nokudikanwa kunoramba kuchivapo kwamabasa matsva, pakavawo nemikana mikuru zvikuru yokusiyanisa muchimiro; pakava nokutevedzera kushoma zvikuru, uye kutsamira kukuru zvikuru paunyanzvi nokufungidzira zvomunhu oga.”
Vamwe vanotaura kuti ukama uhu pakati pomujuru nomuvezi hunobatsira kutsanangura kuisvonaka kwounyanzvi kwakaita kuti unyanzvi hweAfrica hukurumbire kwazvo. Mubhuku rake rinonzi Nigerian Images, nyanzvi inonzi William Fagg inoti: “Ngatirumbidzei . . . mujuru uyo, kunyange zvazvo, mabasa awo mazhinjisa angava asingafarirwi nomunhu, kwamazana nezviuru zvamakore wakaita kurukurirano inopfuurira neinobatsira zvikuru nomuvezi womunzvimbo dzinopisa dzenyika.”
[Vakatipa Mufananidzo]
Courtesy of Dr. Richard Bagine
[Mifananidzo iri papeji 15]
Kugadzira chivezwa:
1. kusarudza chidimbu chomuti chakanakisisa,
2. kutara musoro uchada kuvezwa,
3. kushandisa chizera, 4. kushandisa sendipepa, 5. kupenyesa