RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g98 2/8 pp. 25-28
  • Kugara Uchifara Mumusha Usina Vana

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kugara Uchifara Mumusha Usina Vana
  • Mukai!—1998
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Isa Ngwariro Pane Zvakanaka
  • Uchiri Mubereki!
  • Dzivisa Kupindira
  • Mutsidzira Zvisungo Zveroorano
  • Vabereki Vasina Vakwanyina Vanorega Vachienda
  • Kurega Vachienda Uchifara
  • Vabereki Vari Voga, Zvinetso Zvakawanda
    Mukai!—2002
  • Rovedzai Mwana Wenyu Kubvira Paucheche
    Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri
  • Kudzidzira Kurega Vachienda
    Mukai!—1998
  • Dzidzisai Vana Venyu Kuda Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
Ona Zvimwe
Mukai!—1998
g98 2/8 pp. 25-28

Kugara Uchifara Mumusha Usina Vana

“KUVAZHINJI vedu,” akabvuma kudaro mumwe mubereki, “kuparadzana kunotyisa pasinei zvapo kuti takagadzirira zvakanaka sei.” Hongu, kuenda kwomwana kungava kusingadzivisiki, asi apo kunoitika chaizvoizvo, kubata nako kungasava nyore. Mumwe baba anotaura nezvemanzwire ake pashure pokuonekana nomwanakomana wake: “Kekutanga muupenyu hwangu . . . , ndakachema, uye ndikachema ndikachema.”

Kuvabereki vakawanda kuenda kwevana vavo kunovasiyira muupenyu hwavo nzvimbo huru isina chinhu—chironda chakashama. Vashaya batano yezuva nezuva nevana vavo, vamwe vanonzwa mirangariro yakakomba yokusurukirwa, marwadzo, uye kurasikirwa. Uye vabereki vangasava voga vari kuva nenguva yakaoma yokuchinja. Vaviri vakaroorana vanonzi Edward naAvril vanotiyeuchidza kuti: “Kana pachine vamwe vana pamusha, vachanzwawo kurasikirwa kwacho.” Izanoi revaviri ava vakaroorana? “Vape nguva yako nenzwisiso. Izvi zvichavabatsira kuchinja.”

Hongu, upenyu hunopfuurira. Kana uchizotarisira vana vako vasara—tisingataure hedu basa rako kana kuti mabasa apamba—usazvibvumidze kuva agumirwa nemhaka yokutambura. Naizvozvo, ngationei dzimwe nzira dzokuwana nadzo mufaro sezvo vana vako vanosiya musha.

Isa Ngwariro Pane Zvakanaka

Chokwadika, kana uchinzwa wasuruvara kana kuti wasurukirwa uye uchida kuchema kana kuti kutaura mirangariro yako neshamwari inonzwira tsitsi, ita kudaro nepaunogona napo. Bhaibheri rinoti: “Kutambudzika pamwoyo womunhu kunouremedza; asi shoko nyoro rinoufadza.” (Zvirevo 12:25) Pane dzimwe nguva vamwe vanogona kupa maonere matsva ezvinhu. Somuenzaniso, vaviri vakaroorana vanonzi Waldemar uye Marianne vanorayira kuti: “Ona nhau yacho, kwete sokurasikirwa, asi sokuwanwa kwenharidzano kwabudirira.” Inzira yakanaka zvakadini yokuona nayo zvinhu! “Tinofara kuti takakwanisa kurera vakomana vedu kuti vave vakuru vakavimbika,” vanodaro vaviri vakaroorana vanonzi Rudolf naHilde.

Wakaedza kurera mwana wako “pakurayira nokuranga kwaShe” here? (VaEfeso 6:4) Kunyange kudai wakadaro, ungave uchiri kungofunganya pamusoro pokuenda kwake. Asi kune avo vanorovedza vana vavo saizvozvo, kuvimbisa kweBhaibheri ndekwokuti “kunyange akakwegura haangatsauki pairi.” (Zvirevo 22:6) Hazvigutsi zvikuru here kuona kuti mwana wako agamuchira rovedzo yako? Muapostora Johane akataura pamusoro pemhuri yake yomudzimu kuti: “Handina mufaro unopfuura uyu, wokuti ndinzwe kuti vana vangu vanofamba muzvokwadi.” (3 Johane 4) Zvichida unogona kuva nokunzwa kwakafanana pamusoro pomwana wako umene.

Chokwadi, havasi vana vose vanogamuchira rovedzo yechiKristu. Kana zvikabvumikisa kuva zvakadaro nokuda kwomwana wako akura, hazvirevi kuti wakundikana somubereki. Usazvituke zvisiri madikanwa kana wakaita zvakanakisisa zvawaigona kumurera munzira yaMwari. Ziva kuti somukuru mwana wako anotakura mutoro wake amene pamberi paMwari. (VaGaratia 6:5) Chengetedza tariro yokuti zvichida pashure penguva yakati acharangarirazve zvisarudzo zvake uye kuti “museve” wacho pakupedzisira uchaenda pawakanga wakanangwa.—Pisarema 127:4.

Uchiri Mubereki!

Nepo kuenda kwomwana wako kuchireva chinjo chaiyo, hakurevi kuti basa rako somubereki rapera. Nyanzvi yendangariro Howard Halpern anoti: “Uri mubereki kusvikira pazuva raunofa, asi kupa nokutarisira zvinofanira kuchinjwa.”

Bhaibheri kare kare rakabvuma kuti kuva mubereki hakumiri nemhaka bedzi yokuti mwana akura. Zvirevo 23:22 inoti: “Teerera baba vako vakakubereka; usazvidza mai vako kana vachembera.” Hongu, kunyange apo vabereki vanenge “vachembera” uye vana vavo vava vakuru, vabereki vanongogona kuva tapuro inokosha muupenyu hwevana vavo. Chokwadika, kuchinja kunofanira kuitwa. Asi ukama hwose hunoda kuramba huchichinjwa nguva nenguva kuti hurambe huri hutsva uye huchigutsa. Naizvozvo zvino nemhaka yokuti vana vako vakura, shandira pakuisa ukama hwako navo pamwero woukuru. Nenzira inofadza, nzvero dzinoratidza kuti ukama hwomubereki nomwana kazhinji kazhinji hunovandudzika vana pavanongobva bedzi pamusha! Sezvo vana vanotarisana nedzvinyiriro dzoupenyu hwenyika chaiyoiyo, kazhinji kazhinji vanovamba kuva nemaonere matsva evabereki vavo. Mumwe murume wekuGermany anonzi Hartmut anoti: “Zvino ndinonzwisisa vabereki vangu zviri nani uye ndinonzwisisa nei vakaita zvinhu munzira yavakaita nayo.”

Dzivisa Kupindira

Kukuvadza kukuru kunogona kuitika, zvisinei, kana ukapindira muupenyu hwomunhu oga hwomwana wako akura. (Enzanisa na1 Timotio 5:13.) Mumwe mudzimai akaroorwa uyo ari kuva nekakavadzano dzakakomba nevabereki vomurume wake akadandaura kuti: “Tinovada, asi tinongoda kurarama upenyu hwedu timene ndokuita zvisarudzo zvedu timene.” Chokwadika, hapana mubereki ane rudo anongotarisa nepo mwana akura achipinda mungwavaira. Asi kazhinji kazhinji kwakanakisisa kudzivisa kupa zano romubereki risina kukumbirwa, pasinei zvapo nokuti nderokuchenjera kana kuti rakanaka zvakadini. Izvi ndezvechokwadi zvikurukuru pashure pokunge mwana aroora kana kuti kuroorwa.

Mukai! yakapa zano iri shure muna 1983: “Bvuma basa rako rachinja. Unosiya basa rako somuchengeti wekasvava apo kacheche kanova ndumurwa. Nenzira yakafanana, unofanira kuchinja basa rinodikanwa romutarisiri nokuda kwebasa romupi wezano. Kuitira mwana wako zano pazera iri roupenyu kungava kusina kukodzera sokumudzvovesa kana kuti kumuyamwisa. Somupi wezano, une ganhuriro chaidzoidzo. Hauchagonizve kushandisa uchibudirira chiremera chako somubereki. (‘Zviite nokuti ndozvandataura.’) Panofanira kuva nokuremekedza chimiro chokukura kwomwana wako.”a

Ungasabvumirana nezvisarudzo zvose izvo mwana wako nemukwanyina wake vanoita. Asi kuremekedza utsvene hweroorano kunogona kukubatsira kudzikamisa kuitira hanya kwako ndokudzivisa kupindira zvisiri madikanwa. Chokwadi ndechokuti, kazhinji kazhinji zvakanakisisa kurega varoorani vaduku vachipedza zvinetso zvavo pakati pavo vamene. Zvikasadaro, unova mungozi yokunyandurana kusiri madikanwa apo unopa zano risingadikanwi kumwanakomana kana kuti muroora avo, panguva inonetsa muroorano, vangava vasingatani zvikuru kutapurwa nokutsoropodza. Nyaya yeMukai! yadudzwa pamusoro apa yakarayirazve kuti: “Dzivisa muedzo wokuita zvikarakadzo zvisina kukumbirwa, zvisingaperi, izvo zvinogona kuita mukuwasha kana kuti muroora muvengi.” Tsigira—kwete kudzora. Kupfurikidza nokuchengetedza ukama hwakanaka, unoita kuti zvive nyore kumwana wako kukusvika kana zano rako richidikanwa chaizvoizvo.

Mutsidzira Zvisungo Zveroorano

Nokuda kwevakaroorana vakawanda, musha usina vana ungavhurawo kubvira kwomufaro wakawedzerwa weroorano. Nguva nenhamburiko zvaibatanidzwa mukuva mubereki anobudirira zvinogona kuva zvinodya nguva yose zvokuti vakaroorana vanoregeredza ukama hwavo vamene. Mumwe mudzimai anoti: “Zvino nokuti vana vaenda, Konrad neni tiri kuedza kurovedzana zvakare.”

Tasunungurwa pamitoro yezuva nezuva youbereki, zvino tingava nenguva yakawanda nokuda kwomumwe nomumwe. Mumwe mubereki akati: “Iyi nguva itsva ichangowanika . . . inotibvumidza kuisa ngwariro huru pakuti tiri vanaani, kuisa ngwariro pakudzidza zvakawanda pamusoro poukama hwedu, uye kutanga kuita mibato inogutsa zvinodikanwa zvedu.” Anowedzera kuti: “Inguva yokudzidza kutsva uye kukura, kusingadaviriki, uye kunyange zvazvo nguva dzakadaro dzichigona kuparira kusagadzikana, dzinonakidzawo.”

Vamwe vakaroorana vanewo rusununguko rwakawedzerwa rwemari. Mabasa okuzvifadza nemabasa okunyika zvaiva zvakangomiswa zvino zvinogona kurondwa. Pakati peZvapupu zvaJehovha, vakaroorana vakawanda vanoshandisa rusununguko rwavo rwuchangowanika kuronda fariro dzomudzimu. Mumwe baba anonzi Hermann anotsanangura kuti pashure pokunge vana vake vabva pamba, iye nomudzimai wake nokukurumidza vakatendeudzira ngwariro yavo pakutangazve ushumiri hwenguva yakazara.

Vabereki Vasina Vakwanyina Vanorega Vachienda

Kurovedzana nomusha usina vana kunogona kuomera zvikurukuru vabereki vasina vakwanyina. Rebecca, mai asina mukwanyina ane vana vaviri, anotsanangura kuti: “Apo vana vedu vanoenda, hatina murume anotipa ushamwari norudo.” Mubereki asina mukwanyina angave akawana vana vake kuva vanotsigira mumirangariro. Uye kana vaipa mari inoshandiswa pamba, kuenda kwavo kungavawo chinetso mune zvemari.

Vamwe vanokwanisa kuvandudza mamiriro avo ezvinhu mune zvemari kupfurikidza nokunyoresa mumapurogiramu anorovedza basa kana kuti makosi echikoro enguva pfupi. Asi munhu anopedza sei kusurikirwa? Mumwe mubereki asina mukwanyina anoti: “Zvinoshanda kwandiri kuzvichengeta ndakabatikana. Kungagona kuva kurava Bhaibheri, kuchenesa imba yangu, kana kuti kufambisa kana kuti kumhanya. Asi nzira inotusa zvikuru yokukurira nayo kusurikirwa kutaura neshamwari yokumudzimu.” Hongu, u“kuriswe,” uye sakurira ushamwari hutsva hunogutsa. (2 VaKorinte 6:13) ‘Pfuurira kukumbira nokunyengetera’ apo unonzwa wakurirwa. (1 Timotio 5:5) Iva nechokwadi chokuti Jehovha achakusimbisa nokukutsigira mukati menguva iyi yakaoma yokuchinja.

Kurega Vachienda Uchifara

Angava mamiriro ako api kana api ezvinhu, ziva kuti upenyu haugumi apo vana vanobva pamusha. Uyewo zvisungo zvemhuri hazviperi. Rudo rwakanaka rwunorondedzerwa muBhaibheri rwakasimba zvakakwana zvokubatanidza vanhu pamwe chete, kunyange apo vanenge vari kure nekure. Muapostora Pauro anotiyeuchidza kuti rudo “runotsungirira zvose. Rudo Harutongokundikani.” (1 VaKorinte 13:7, 8, NW) Rudo rwusina udyire rwawakasakurira mumhuri yako harukundikani nemhaka bedzi yokuti vana vako vabva pamusha.

Nenzira inofadza, apo vana vanotanga kutarisana nemarwadzo okuparadzana uye vanosuwa kumba kana kuti apo vanotanga kunzwa nhamo yedzvinyiriro yemari, kazhinji kazhinji ndivo vanotanga kumutsidzirazve kuonana. Hans naIngrid vanorayira kuti: “Ita kuti vana vazive kuti suo romusha wenyu rakazaruka nguva dzose.” Kushanya nguva dzose, tsamba, kana kuti kuridza runhare kwepanhambo nenhambo kuchakubatsira kuramba uchiziva nezvavo. “Farira zvavari kuita pasina kupindira munhau dzavo” ndiko kutaura kwaJack naNora.

Apo vana vanobva pamusha, upenyu hwako hunochinja. Asi upenyu mumusha usina vana hunogona kuva hwokubatikana, hwokushingaira, uye hunogutsa. Uyewo, ukama hwako nevana vako hunochinja. Asi, hunogona kuramba huri ukama hunofadza uye hunogutsa. “Kutanga kuzvimiririra pavabereki,” anodaro Purofesa Geoffrey Leigh naGary Peterson, “hakurevi kurasikirwa norudo, kuvimbika, kana kuti kuremekedza vabereki. . . . Zvirokwazvo, zvisungo zvakasimba zvemhuri kazhinji kazhinji zvinoramba zviripo upenyu hwose.” Hongu, hauzomboregi kuda vana vako, uye hauzomboregi kuva mubereki wavo. Uye nemhaka yokuti wakada vana vako zvakakwana zvokuvarega vachienda, hauna chaizvoizvo kurasikirwa navo.

[Mashoko Omuzasi]

a Ona nyaya inoti “You Never Stop Being a Parent,” iri muchinyorwa chaFebruary 8, 1983, cheMukai! yechiNgezi

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 28]

“Kekutanga muupenyu hwangu . . . , Ndakachema, uye ndikachema ndikachema”

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 26]

Shoko Kuvana Vakura—Batsirai Vabereki Kurega Muchienda

Kuenda kazhinji kazhinji kuri nyore kubata nako kupfuura kusiiwa shure. Naizvozvo nepo uchifara mukuzvimiririra kwako noukuru, ratidza mutsa nokunzwisisa vabereki vako kana vari kuva nechinetso chokuchinja. Ita kuti vave nechokwadi chorudo rwako nechidakadaka zvinopfuurira. Tsamba pfupi, chipo chisingakarirwi, kana kuti runhare rwoushamwari zvinogona kuita zvakawanda kufadza mubereki akasuwa! Ita kuti varambe vachiziva nezvezviitiko zvinokosha muupenyu hwako. Izvi zvinovaita kuti vazive kuti zvisungo zvemhuri zvichakasimba.

Sezvaunotarisana nedzvinyiriro dzoupenyu hwomukuru, sezvingabvira uchanzwisisa kupfuura kare zvakasangana nevabereki vako mukukutarisira. Zvichida izvi zvichakusunda kuudza vabereki vako kuti: “Ndinokuongai nokuda kwezvose zvamakandiitira!”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe