RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g98 5/8 pp. 12-15
  • Rwendo Rwangu Rurefu Kubva Kuupenyu Norufu muCambodia

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Rwendo Rwangu Rurefu Kubva Kuupenyu Norufu muCambodia
  • Mukai!—1998
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mamiriro Angu Ezvinhu Ekare echiBuddha
  • Hondo Nekuchinja muCambodia
  • Pol Pot Nekuurawa Kwevatengesi
  • Upenyu Hutsva muUnited States
  • Kushanyirwa Kunovhundutsa
  • Kudzidza chiNgezi neBhaibheri
  • Ndakatiza Nzvimbo Dzokuurayira Ndokuwana Upenyu
    Mukai!—2009
  • Zvandakasarudza Ndichiri Muduku
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Tinoda Kuti Matambudziko Apere!
    Mukai!—2012
  • “Rugwaro Rwuri Rwose Rwachakarava Rwakaorora Mwoyo Wangu”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
Ona Zvimwe
Mukai!—1998
g98 5/8 pp. 12-15

Rwendo Rwangu Rurefu Kubva Kuupenyu Norufu muCambodia

YAKATAURWA NAWATHANA MEAS

MAIVA muna 1974, uye ndakanga ndichirwa neKhmer Rouge muCambodia. Ndaiva mutungamiriri muuto reCambodia. Mune imwe hondo takabata murwi weKhmer Rouge. Zvaakandiudza pamusoro pezvirongwa zvaPol Pot zvenguva yemberi zvakachinja upenyu hwangu uye zvakandiita kuti nditange rwendo rurefu, mose muri muviri munzira chaiyoiyo uye mumudzimu.a

Asi ndibvumirei kuenda nemi kumavambo erwendo rwangu. Ndakaberekwa muna 1945, muPhnom Penh, muinozivikanwa mumutauro weKhmer seKampuchea (Cambodia). Mai vangu pakupedzisira vakava nebasa repamusoro muchipurisa chepachivande. Vaiva mumiririri anokosha waPrince Norodom Sihanouk, mutongi wenyika. Sezvo vaindirera vari voga uye rudungwe rwavo rwakanga rwakabatikana, vakanzwa vamanikidzwa kundisiya patemberi yechiBuddha kuti ndidzidze.

Mamiriro Angu Ezvinhu Ekare echiBuddha

Ndakanga ndine makore masere okukura apo ndakanogara nemumongi mukuru wechiBuddha. Kubva mugore iroro kusvikira muna 1969, ndakakamuranisa nguva yangu pakati petemberi nekumba. Mumongi wandakabatira aiva Chuon Nat, chiremera chikurusa chechiBuddha muCambodia panguvayo. Kwenguva yakati, ndakashanda semunyori wake ndokumubatsira mukushandura bhuku dzvene rechiBuddha “The Three Baskets” (Tipitaka, kana kuti Sanskrit Tripitaka) kubva mumutauro wekare weIndia kuisa muchiCambodia.

Ndakagadzwa semumongi muna 1964 uye ndakabatira kusvikira 1969. Mukati menguva iyi paiva nemibvunzo yakawanda yaindishungurudza, yakadai sokuti: Nei kune kutambura kwakanyanya kwazvo munyika, uye kwakatanga sei? Ndakaona vanhu vachiedza munzira dzakawanda dzokufadza nadzo vamwari vavo, asi vaisaziva kuti vamwari vavo vaigona sei kupedza zvinetso zvavo. Handina kugona kuwana mhinduro inogutsa mumanyoro echiBuddha, uye mamwe mamongi haana kugonawo kuiwana. Ndakavhiringidzika kwazvo zvokuti ndakasarudza kusiya temberi, uye ndakarega kuva mumongi.

Pakupedzisira, muna 1971, ndakakumbanira uto reCambodia. Ndakatumirwa kuVietnam munenge muna 1971, uye nemhaka yedzidzo yangu, ndakakwidziridzwa kunzvimbo yemutungamiriri uye ndakagoverwa kumauto echigandanga. Tairwa nemauto echiKomonisti eKhmer Rouge neBietcong.

Hondo Nekuchinja muCambodia

Ndakava murwi wenguva refu akaomeswa mwoyo nehondo. Ndakajaira kuona rufu rinenge zuva nezuva. Pachangu ndakabatanidzwa muhondo dzine 157. Imwe nguva, mukati-kati mesango, takakomberedzwa neKhmer Rouge kweunopfuura mwedzi. Varume vanopfuura 700 vakafa. Takasara nevapukunyuki vanenge 15—ndaiva mumwe wavo, uye ndakanga ndakakuvadzwa. Asi ndakabuda ndiri mupenyu.

Pane imwe nguva, muna 1974, takabata murwi weKhmer Rouge. Sezvo ndakamubvunzurudza, akandiudza kuti Pol Pot aironga kuparadza vaimbova vamiriri vose vehurumende, kubatanidza avo vaiva muuto. Akandiudza kurega zvose ndokutiza. Akataura kuti: “Ramba uchichinja zita rako. Usarega munhu upi noupi achiziva kuti ndiwe ani. Ita semunhu asina zvaanoziva uye asina kudzidza. Usaudza munhu upi noupi nezveupenyu hwako hwakapfuura.” Pashure pekunge ndamurega achidzokera kumba kwake, nyevero iyoyo yakaramba iri mundangariro yangu.

Isu varwi takanga taudzwa kuti tairwira nyika yedu, asi, takanga tichiuraya vanhu vekuCambodia. Khmer Rouge, bato rechiKomonisti rakanga richitsvaka simba, raibva muvanhu vedu pachedu. Kutaura idi, vazhinjisa vemamiriyoni mapfumbamwe evagari veCambodia vaKhmer, kunyange zvazvo vazhinjisa vavo vasiri veKhmer Rouge. Zvakanga zvisina musoro kwandiri. Takanga tichiuraya varimi vasina mhaka vakanga vasina pfuti uye vasinei nehondo.

Kubva kuhondo nguva dzose kwaiva chinoitika chinorwadza moyo. Vadzimai nevana vaivapo, vachimirira nefunganyo kuona kana murume kana kuti baba vakanga vadzoka. Ndaifanira kuudza vakawanda vavo kuti mutezo wemhuri yavo wakanga waurawa. Muzvose izvi, nzwisiso yangu yechiBuddha haina kundinyaradza.

Ndinorangarira shure zvino nezvemachinjire akaita zvinhu muCambodia. Kwaiva nerugare nechengeteko zvakati, 1970 asati asvika. Vanhu vazhinjisa vakanga vasina pfuti; zvakanga zvisingabvumirwi nemutemo kutoti une rezinesi. Kwaiva neumbavha, kana kuti utsotsi zvishomanene. Asi pashure pekutanga kwehondo yevagari vemo nekupandukira kwaPol Pot nemauto ake, zvinhu zvose zvakachinja. Pfuti dzaiva kwese kwese. Kunyange vechiduku vezera remakore 12 ne13 vairovedzwa basa rehondo, kudzidzira kupfura nekuuraya. Vanhu vaPol Pot vakatopwisa vamwe vana kuuraya vabereki vavo pachavo. Varwi vaiudza vana kuti, “Kana uchida nyika yako, unofanira kuvenga vavengi vako. Kana vabereki vako vachishandira hurumende, vavengi vedu uye unofanira kuvauraya—kana kuti urawa pachako.”

Pol Pot Nekuurawa Kwevatengesi

Muna 1975, Pol Pot akahwinha hondo uye Cambodia yakava rudzi rwechiKomonisti. Pol Pot akatanga kuurawa kwevatengesi vose vari vadzidzi, vadzidzisi, vakuru vakuru vehurumende, uye munhu upi noupi zvake akadzidza. Kana waipfeka magirazi, waigona kuurawa nokuti zvairangarirwa kuti wakadzidza! Hurumende yaPol Pot yakamanikidza vanhu vazhinjisa kubuda mumaguta nemadhorobha uye yakavatamisira kumaruwa kunoshanda sevarimi. Munhu wose aifanira kupfeka zvakafanana. Taifanira kushanda maawa 15 pazuva, nezvekudya zvisina kukwana, pasina mishonga, pasina zvipfeko, uye maawa maviri kana kuti matatu bedzi okurara, pasi. Ndakasarudza kusiya nyika yangu kusati kwava kunyanyononoka.

Ndakayeuka zano remurwi uya weKhmer Rouge. Ndakarasa mapikicha ose, mapepa, uye chinhu chipi nechipi chaigona kundibatisa. Ndakachera gomba ndokuviga mamwe emapepa angu. Ipapo ndakaita rwendo rwekumavirira ndakananga Thailand. Zvaiva nengozi. Ndaifanira kudzivisa kumiswa mumugwagwa uye kunyotsongwarira zvikuru nguva dzairambidzwa kufamba, sezvo varwi veKhmer Rouge bedzi vaigona kufamba, zvine mvumo yehurumende.

Ndakaenda kune imwe nzvimbo ndokugara neshamwari kwechinguvana. Ipapo Khmer Rouge yakatamisa munhu wese munzvimbo iyoyo kuenda kune imwe nzvimbo itsva. Vakatanga kuuraya vadzidzisi navanachiremba. Ndakapukunyuka neshamwari nhatu. Takahwanda musango ndokudya michero ipi neipi yataigona kuwana mumiti. Pakupedzisira, ndakasvika pamusha muduku muruwa rweBattambang, uko shamwari yangu yaigara. Ndakashamisika, kuwanawo ikoko aichimbova murwi wokundipa zano rekutiza! Sezvo ndakanga ndamusunungura, akandiviga mugomba kwemwedzi mitatu. Akarayira mwana kundidonhedzera zvokudya asi asingatarisi mugomba.

Pashure penguva yakati, ndakakwanisa kutiza, uye ndakawana mai vangu, maiguru vangu, uye hanzvadzi yangu, avo vakanga vachitizirawo kumuganhu weThai. Yaiva nguva inosuruvarisa kwandiri. Mai vangu vakanga vachirwara, uye pakupedzisira vakafa nehosha nekushaya zvokudya, mumusasa wevapoteri. Zvisinei, ndakavamba kuva netariro muupenyu hwangu. Ndakaona Sopheap Um, mukadzi akazova mudzimai wangu. Takatiza, pamwe chete namaiguru nehanzvadzi yangu, tichiyambuka muganhu weThai uye takapinda mumusasa wevapoteri weMubatanidzwa Wenyika Dzepasi Pose. Mhuri yedu yakatambura zvikuru kwazvo muhondo yevagari vemo yeCambodia. Takarasikirwa nemitezo yemhuri 18, kubatanidza munin’ina wangu nemuramu wangu.

Upenyu Hutsva muUnited States

Kwaitaibva kwakanzverwa mumusasa wevapoteri, uye UN yakaedza kutitsvakira aizotitsigira nemari kuti tigogona kuenda kuUnited States. Pakupedzisira, zvakabudirira! Muna 1980, takasvika muSt. Paul, Minnesota. Ndaiziva kuti ndaifanira kudzidzira chiNgezi nokukurumidza zvikuru sezvakwaibvira kana ndaizobudirira munyika yangu itsva. Ainditsigira nemari akandiendesa kuchikoro kwemwedzi mishomanene bedzi, kunyange zvazvo ndaifanira kudzidza kwenguva yakati rebei. Panzvimbo pezvo, akandiwanira basa semuchengeti mune imwe hotera. Asi nechiNgezi changu chakaganhurirwa, yakava nguva inosetsa yezvikanganiso. Muridzi aindikumbira kutora manera, uye ini ndaidzoka nemarara!

Kushanyirwa Kunovhundutsa

Muna 1984, ndakanga ndichishanda usiku nokurara masikati. Taigara munzvimbo maiva nekusagadzikana kukuru pakati pevatema nevekuAsia. Utsotsi nemirimo zvaiva zvenguva dzose. Mamwe mangwanani, mudzimai wangu akandimutsa nenguva dzegumi kuti andiudze kuti paiva nemumwe murume mutema pasuo. Akanga achitya nokuti akafunga kuti akanga auya kuzotibira. Ndakadongorera nepaburi resuo, uye pakanga pakamira murume mutema akapfeka zvakanaka ane bhegi, uye aiva nemurungu. Zvairatidzika kwandiri kuti hapana chakanga chisina kururama.

Ndakamubvunza kuti aitengesei. Akandiratidza makopi emagazini yeNharireyomurindi neMukai! Hapana chandakanzwisisa. Ndakaedza kuaramba nokuti mwedzi miviri yakanga yapfuura, ndaive ndanyengedzwa kubhadhara $2 640 kumushambadziri wePurotesitendi nokuda kwemabhuku mashanu. Zvisinei, murume mutema akandiratidza mifananidzo yaiva mumagazini. Mifananidzo yacho yaifadza uye yakaisvonaka kwazvo! Uye murume wacho ainyemwerera neushamwari zvikuru. Naizvozvo ndakapa mupiro we$16 ndokuatora.

Anenge mavhiki maviri gare gare, akadzoka ndokundibvunza kana ndaiva neBhaibheri rechiCambodia. Zvakaitika kuti, ndaiva naro iro ndakanga ndawana kuchechi yeNazarene, kunyange zvazvo ndakanga ndisingarinzwisisi. Asi ndakaororwa kuti varume vaviri vemarudzi akasiyana vakanga vauya pasuo rangu. Ipapo akandibvunza kuti, “Munoda kudzidza chiNgezi here?” Chokwadika ndaida, asi ndakatsanangura kuti ndakanga ndisina mari yokubhadhara zvidzidzo. Akandiudza kuti aizondidzidzisa pasina muripo, achishandisa chinyorwa cheBhaibheri. Kunyange zvazvo ndakanga ndisingazivi rudzidziso rwaaimiririra, ndakafunga ndiri ndoga kuti, ‘Chero ndisingabhadhari, uye ndichadzidzira kurava nokunyora chiNgezi.’

Kudzidza chiNgezi neBhaibheri

Waiva mutoo unononoka. Aindiratidza bhuku rokutanga reBhaibheri, Genesi, uye ipapo ndairitaura nechiCambodia, “Lo ca bat.” Aiti, “Bhaibheri,” uye ndaiti “Compee.” Ndakatanga kufambira mberi, uye zvakandipa shungu. Ndaiwanzoenda kubasa neduramazwi rangu rechiNgezi nechiCambodia, magazini yeNharireyomurindi, Bhaibheri reNew World Translation, uye Bhaibheri rangu rechiCambodia. Mukati mekuzorora kwangu, ndaifunda nokudzidza chiNgezi, shoko neshoko, kupfurikidza nekuenzanisa zvinyorwa. Muitiro uyu unononoka, pamwe chete nezvidzidzo zvevhiki nevhiki, zvakatora makore matatu. Asi, pakupedzisira, ndakagona kurava chiNgezi!

Mudzimai wangu akanga achiri kupinda mutemberi yechiBuddha nokusiyira zvokudya madziteteguru akafa. Chokwadika, nhunzi bedzi ndidzo dzakabatsirwa! Ndaiva nemiitiro yakawanda yakadzika midzi yakaparirwa nekuva kwangu muhondo uye muchiBuddha. Apo ndaiva mumongi, vanhu vaiwanzounza zvipiriso, kubatanidza midzanga. Vaidavira kuti kana mumongi akasvuta midzanga yacho, zvaiita sekunge madziteteguru avo akafa akanga achisvuta. Naizvozvo, ndakava nyajambwa wekupindwa muropa nechikakananda. Ipapo, muuto ndainwa zvikurusa nekusvuta opium kuti zvindipe ushingi hwehondo. Naizvozvo, apo ndakatanga kufunda Bhaibheri, ndaifanira kuchinja zvakawanda zvikuru. Ndipo pandakaziva kuti munyengetero unobatsira zvikuru kwazvo. Mumwedzi mishomanene chete, ndakakurira miitiro yangu yakaipa. Izvozvo zvakafadza sei mhuri yose zvayo!

Ndakabhabhatidzwa seChapupu muna 1989, muMinnesota. Panenge panguva iyoyo ndakaziva kuti kwaiva neboka reZvapupu zvaitaura chiCambodia uyewo vaCambodia vakawanda zvikuru muLong Beach, California. Pashure pekunge mudzimai wangu neni takurukura nezvazvo, takasarudza kutamira kuLong Beach. Kwaiva kuchinja kukuru! Hanzvadzi yangu ndiyo yakatanga kubhabhatidzwa, tevere maiguru vangu (avo zvino vava nemakore 85 okukura) uye mudzimai wangu. Vana vangu vatatu vakatevera. Pakupedzisira, hanzvadzi yangu yakaroorwa neChapupu, icho chinobatira semukuru muungano.

Muno muUnited States, takapfuura nemumiedzo yakawanda. Takava nezvinetso zvakakomba zvokushaya mari uye zvinetso zveutano, asi kupfurikidza nokuomerera kunheyo dzeBhaibheri, takachengeta kuvimba kwedu naJehovha. Akakomborera nhamburiko dzangu mumunda wemudzimu. Muna 1992, ndakagadzwa kuti ndibatire somubatiri anoshumira muungano, uye muna 1995, ndakava mukuru muno muLong Beach.

Pari zvino, rwendo rurefu rwakatanga apo ndakanga ndiri mumongi wechiBuddha uye ipapo mutungamiriri munhandare dzehondo muCambodia yasakadzwa nehondo rwaguma nerugare nemufaro mumusha wedu nenyika zvitsva. Uye tine kutenda kwedu muna Jehovha Mwari naJesu Kristu kuchangobva kuwanwa. Zvinondirwadza kuziva kuti vanhu vachiri kuurayana muCambodia. Chikonzero chakasimba zvikuru chekuti mhuri yangu neni timirire nokuzivisa nyika itsva yakapikirwa, umo hondo dzose dzichamira uye vanhu vose vachada zvechokwadi vavakidzani vavo saivo pachavo!—Isaya 2:2-4; Mateo 22:37-39; Zvakazarurwa 21:1-4.

[Mashoko Omuzasi]

a Pol Pot akanga ari mutungamiriri wepanguvayo wechiKomonisti weuto reKhmer Rouge, rakahwinha hondo yacho ndokutora Cambodia.

[Mepu/Mufananidzo uri papeji 12]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

VIETNAM

LAOS

THAILAND

CAMBODIA

Battambang

Phnom Penh

Mumakore angu semumongi wechiBuddha

[Kwazvakatorwa]

Mountain High Maps® Copyright © 1997 Digital Wisdom, Inc.

[Mufananidzo uri papeji 14]

Nemhuri yangu, paHoro yoUmambo

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe